-
Boka Guru Ravazhinji-zhinjiZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
-
-
14. (a) Ndivanaani vanorondedzerwa savari “vakapoteredza chigaro choumambo” na“paGomo reZioni” [rokudenga]? (b) Kunyange zvazvo boka guru richibatira Mwari “mutembere yake,” neiko ikoku kusati kuchiriita boka ravaprista?
14 Vakuru vane 24 neboka rakazodzwa ravane 144 000 vanorondedzerwa savari vaka“komba chigaro choumambo” chaJehovha uye vari “paGomo reZioni” rokudenga. (Zvakazarurwa 4:4; 14:1) Boka guru harizati riri boka rouprista uye harizati richisvika kunzvimbo iyeyo yakakwirira. Chokwadi, gare gare iro rinorondedzerwa pana Zvakazarurwa 7:15 serinobatira Mwari “mutembere yake.” Asika tembere iyi haizati ichireva nzvimbo tsvene yomukatikati, Nzvimbo Tsvene Tsvene. Panzvimbo pakwo, ndirwo ruvazhe rwapasi rwetembere yomudzimu yaMwari. Shoko rechiGiriki rokuti na·osʹ, rinoshandurwa pano kuti “tembere,” rinowanzoreva pfungwa yakafara yechivako chose chakavakirwa namatwo yaJehovha. Nhasi, ichi chivako chomudzimu chinobatanidza zvose zviri zviviri denga napasi.—Enzanisa naMateo 26:61; 27:5, 39, 40; Marko 15:29, 30; Johane 2:19-21, New World Translation Reference Bible, mashoko omunyasi.
-
-
Boka Guru Ravazhinji-zhinjiZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
-
-
22. Ko Johane anogamuchira mamwe mashokoi pamusoro peboka guru?
22 Kupfurikidza nomukoto woumwari, Johane anogamuchira mamwezve mashoko pamusoro peiri boka guru, anoti: “Ipapo iye [mukuru] akati kwandiri: ‘Ava ndivo vanobuda mudambudziko guru, uye ivo vakasuka nguvo dzavo ndokudzichenesa muropa reGwayana. Ndicho chikonzero nei ivo vari pamberi pechigaro choumambo chaMwari; uye ivo vanomuitira basa dzvene zuva nousiku mutembere yake; uye Uyo agere pachigaro choumambo achawadza tendi rake pamusoro pavo.’”—Zvakazarurwa 7:14b, 15.
-
-
Boka Guru Ravazhinji-zhinjiZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
-
-
25. (a) Ko boka guru rinoitira sei Jehovha “basa dzvene masikati nousiku mutembere yake”? (b) Ko Jehovha “anowadza tendi rake” sei paboka guru?
25 Kupfuurirazve, ivo vakava Zvapupu zvinoshingaira zvaJehovha—zvi“nomuitira basa dzvene zuva nousiku mutembere yake.” Ko iwe uri mumwe weiri boka guru rakazvitsaurira here? Kana zvakadaro, iropafadzo yako kubatira Jehovha usingaregi muruvazhe rwapasi rwetembere yake huru yomudzimu. Nhasi, mukutungamirira kwavakazodzwa, boka guru riri kuita rutivi rukurukuru kwazvo rwebasa rokuparidza. Pasinei hapo nemitoro yebasa rokunyika, mazana ezviuru azvo akawanira nzvimbo ushumiri hwenguva yakazara samapiona. Asi kunyange uri muboka irero kana kuti kwete, somutezo wakazvitsaurira weboka guru, unogona kufara kuti nokuda kwokutenda kwako namabasa ako unonzi wakarurama seshamwari yaMwari uye unogamuchirwa somueni mutendi rake. (Pisarema 15:1-5; Jakobho 2:21-26) Nokudaro Jehovha ano‘wadza tendi rake’ pana avo vanomuda uye, somuchinguri akanaka, anovataviridzira.—Zvirevo 18:10.
-