18 Munhu anozviparadzanisa nevamwe anotsvaga zvakangomunakira chete;
Anoramba uchenjeri hwese hunobatsira.
2 Benzi harifariri kunzwisisa;
Ringasva haro rabudisa zviri mumwoyo maro.+
3 Panosvika munhu akaipa, kuzvidzwa kunosvikawo,
Uye kusakudzwa kunouya pamwe nekunyadziswa.+
4 Mashoko emuromo wemunhu imvura yakadzika.+
Chitubu cheuchenjeri rukova runotutuma.
5 Hazvina kunaka kuitira munhu akaipa tsvete,+
Kana kurega kutonga zvakarurama munhu akarurama.+
6 Zvinotaurwa nebenzi zvinokonzera bopoto,+
Uye muromo waro unorirovesa.+
7 Muromo webenzi ndiwo unoriparadza,+
Uye miromo yaro musungo waro.
8 Mashoko emunhu anoreva vamwe akaita sezvekudya zvinonaka;+
Zvinomedzwa zvakadaro zvichipinda mudumbu.+
9 Munhu wese ane unyope pabasa rake
Ihama yemunhu anoparadza.+
10 Zita raJehovha inhare yakasimba.+
Munhu akarurama anomhanyira mariri odzivirirwa.+
11 Pfuma yemupfumi yakaita seguta rakakomberedzwa nemasvingo;
Mupfungwa dzake anoiona yakaita semadziro anomudzivirira.+
12 Mwoyo wemunhu ane manyawi unoita kuti awe,+
Uye kuzvininipisa kunotanga, kukudzwa kwozotevera.+
13 Kana munhu achipindura nyaya asati anzwa mashoko ese,
Upenzi uye kuzvinyadzisa.+
14 Munhu akashinga mwoyo anogona kutsungirira achirwara,+
Asi ndiani angatsungirira kana akaora mwoyo?+
15 Mwoyo wemunhu anonzwisisa unowana ruzivo,+
Uye nzeve yemunhu akachenjera inotsvaga kuwana ruzivo.
16 Chipo chemunhu chinomuvhurira nzira;+
Chinoita kuti apinde mune vanhu vakakurumbira.
17 Munhu anotanga kupira nyaya yake anoita seakarurama,+
Kusvikira mumwe wacho auya, omubvunzisisa.+
18 Kukanda mijenya kunopedza gakava+
Uye kunogadzirisa nyaya pakati pevavengi vane simba.
19 Hama inenge yatadzirwa yakaoma kutaura nayo kupfuura kurwisa guta rakakomberedzwa nemasvingo,+
Uye kukakavadzana kunogona kuparadzanisa vanhu semazariro erusvingo.+
20 Zvibereko zvemuromo wemunhu ndizvo zvichazadza dumbu rake;+
Achaguta nezvinobva mumiromo yake.
21 Rufu neupenyu zviri musimba rerurimi;+
Vaya vanoda kurushandisa vachadya zvibereko zvarwo.+
22 Anowana mudzimai akanaka anenge awana chinhu chakanaka,+
Uye achafarirwa naJehovha.+
23 Murombo anotaura achiteterera,
Asi mupfumi anopindura nehasha.
24 Kune shamwari dzinongogara dzichiitirana zvakaipa,+
Asi kune shamwari iri pedyo kupfuura mukoma.+