CHIDZIDZO 26
Seiko Panyika Pachiitika Zvakaipa Uye Vanhu Vachitambura?
Mubvunzo wekuti “Seiko?” wagara uchibvunzwa nevanhu kana paitika zvakaipa. Zvinofadza kuti Bhaibheri rinopindura mubvunzo iwoyo zvinotisiya tagutsikana.
1. Uipi hwakatanga sei panyika?
Satani Dhiyabhorosi akapandukira Mwari. Satani aida kutonga vamwe saka akafurira vanhu vaviri vekutanga, Adhamu naEvha, kuti vabatane naye pakupandukira Mwari. Kuti aite izvi, Satani akaudza Evha mashoko enhema. (Genesisi 3:1-5) Akaita kuti Evha afunge kuti Jehovha aimunyima chimwe chinhu chakanaka. Mashoko ake aipa pfungwa yekuti vanhu vanofara kana vakasateerera Mwari. Satani akataura nhema dzekutanga paakaudza Evha kuti akanga asingazofi. Ndosaka Bhaibheri richiti Satani “murevi wenhema nababa venhema.”—Johani 8:44.
2. Adhamu naEvha vakasarudza zvipi?
Jehovha akanga apa Adhamu naEvha zvese zvavaida. Akavaudza kuti vaigona kudya chero muti wavada muEdheni, kunze kwemuti mumwe chete. (Genesisi 2:15-17) Asi vakasarudza zvavo kudya muchero wemuti iwoyo wavakarambidzwa. Evha “akatemha muchero wawo akatanga kuudya.” Pava paya, Adhamuwo “akatanga kuudya.” (Genesisi 3:6) Vese havana kuteerera Mwari. Kuita zvakanaka kwakanga kusina kuomera Adhamu naEvha nekuti vakanga vakasiyana nesu tinozvarwa tiine chivi. Saka pavakatadza vachiziva zvavo, vaitoramba kutongwa naJehovha. Zvavakasarudza kuita izvozvo zvakavaunzira nhamo nematambudziko.—Genesisi 3:16-19.
3. Zvakaitwa naAdhamu naEvha zvakatikanganisa sei?
Kutadza kwakaita Adhamu naEvha kwakaita kuti vave nechivi, saka vana vavakazobereka vaivawo nechivi. Bhaibheri rinotaura nezvaAdhamu richiti: “Chivi chakapinda munyika nemunhu mumwe chete uye rufu rwakapinda nechivi, rufu rukabva rwapararira kuvanhu vese.”—VaRoma 5:12.
Pane zvinhu zvakawanda zvinoita kuti titambure. Dzimwe nguva tinozviunzira tega matambudziko nezvatinenge taita. Dzimwe nguva tinotambura pamusana pezvinoitwa nevamwe vanhu. Dzimwe nguvawo, tinotambura nekuti zvinhu zvakaipa zvinogona kungoitika tiri panzvimbo yazvaitikira.—Verengai Muparidzi 9:11.
WEDZERA KUONGORORA
Ongorora kuti nei tichiti Mwari haasi iye anokonzera zvinhu zvakaipa nematambudziko ari munyika uye kuti anonzwa sei kana tichitambura.
4. Ndiani anokonzera kutambura?
Vanhu vakawanda vanofunga kuti Mwari ndiye ari kutonga nyika yese. Ichokwadi here ichocho? Ngationei VHIDHIYO.
Verengai Jakobho 1:13 uye 1 Johani 5:19, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:
Mwari ndiye anokonzera zvakaipa zviri kuitika uye kutambura kwevanhu here?
5. Ongorora zvakakonzerwa neutongi hwaSatani
Verengai Genesisi 3:1-6, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:
Satani akataura nhema dzekuti chii?—Ona vhesi 4 ne5.
Satani akapomera sei Jehovha kuti ane zvakanaka zvaainyima vanhu?
Satani anoti ndezvipi zvinoita kuti tifare, kutungamirirwa naMwari kana kuti kuzvitungamirira tega?
Verengai Muparidzi 8:9, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:
Vanhu vari kutongana sei pavasiri kutungamirirwa naJehovha?
Adhamu naEvha vakanga vasina chivi uye vaigara muParadhiso. Asi vakateerera Satani ndokupandukira Jehovha
Pavakapanduka, nyika yakabva yava nechivi, kutambura, uye rufu
Jehovha achabvisa chivi, kutambura, uye rufu. Vanhu vachavazve sezvavaiva pakutanga uye vachararama muParadhiso
6. Jehovha anorwadziwa patinotambura
Mwari anonzwa sei kana tichitambura? Inzwa zvakataurwa naMambo Dhavhidhi nemuapostora Petro. Verengai Pisarema 31: 7 uye 1 Petro 5:7, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:
Unonzwa sei nezvaJehovha iye zvino pawava kuziva kuti, paunotambura, Jehovha anozviona uye zvinotomurwadza?
7. Mwari achapedza kutambura kwese kwevanhu
Verengai Isaya 65:17 uye Zvakazarurwa 21:3, 4, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:
Zvinonyaradza zvakadini kuziva kuti Jehovha achagadzirisa zvese zvakaipa zviri kuitika kuvanhu?
Waizviziva here?
Satani paakataura nhema dzekutanga, aisvibisa zita raJehovha. Izvi zvinoreva kuti aiita kuti Jehovha aonekwe semutongi akaipa, asina rudo. Jehovha paachabvisa kutambura kwevanhu achange achenesa zita rake. Acharatidza kuti ndiye chete anotonga zvakanyatsonakira vanhu. Kurevererwa kana kuti kucheneswa kwezita raJehovha inyaya inokosha zvikuru pasi nekudenga.—Mateu 6:9, 10.
VAMWE VANOTI: “Mwari akagara aronga kuti tizotambura.”
Ukanzwa munhu achidaro ungamupindura sei?
PFUPISO
Satani Dhiyabhorosi nevanhu vaviri vekutanga ndivo honzeri huru dzezvinhu zvakaipa zviri panyika. Jehovha anorwadziwa nekutambura kwedu uye ava pedyo kukupedza.
Kudzokorora
Satani akaudza Evha nhema dzekuti chii?
Kupanduka kwaAdhamu naEvha kwakatikanganisa sei?
Tinoziva sei kuti Jehovha anorwadziwa kana tichitambura?
WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA
Dzidza kuti Bhaibheri rinoti chii chinonzi chivi.
Verenga zvimwe zvinotaurwa nezvenyaya yakamutswa naSatani Dhiyabhorosi muEdheni.
“Nei Mwari Achibvumira Kutambura?” (Nharireyomurindi, January 1, 2014)
Ongorora mhinduro dzinonyaradza dzemubvunzo wakaoma.
“Sei vaJudha Vakaurayiwa nevaNazi? Sei Mwari Asina Kupindira?” (Nyaya iri paIndaneti)
Ona zvakadzidzwa nemumwe murume nezvekutambura kwaakakura achiona.