Enoki—Aisatya Pasinei Zvapo Nezvinetso Zvose
NOKUDA kwomunhu akanaka, yakanga iri nguva yakaipisisa yedzose. Kusava noumwari kwakanga kwazadza pasi. Kwakanga kune kuderera kwakatsiga mutsika dzorudzi rwomunhu. Kutaura idi, nokukurumidza kwaizotaurwa kuti: “Zvino Jehovha akaona kuti kuipa kwavanhu kwakanga kuri kukuru panyika, nendangariro dzokufunga kwemwoyo yavo dzakanga dzakaipa bedzi nguva dzose.”—Genesi 6:5.
Enoki, munhu wechinomwe mumutsara wedzinza kubva kuna Adhama, akanga ane ushingi hwokuva akasiyana. Akamira akasimba nokuda kwokururama pasinei zvapo nemigumisiro. Shoko raEnoki rakanga richishatirisa kwazvo kuvatadzi vasingadi Mwari zvokuti akasvika kuratidzirwa kupondwa, uye Jehovha bedzi ndiye aigona kumubetsera.—Judhasi 14, 15.
Enoki Nenhau Yechisiko Chose
Kare kare Enoki asati aberekwa, nhau youchangamire hwomuchisiko chose yakamutswa. Mwari akanga ane kodzero yekutonga here? Chaizvoizvo, Satani Dhiyabhorosi akati aiwa. Akataura kuti zvisikwa zvakachenjera zvaizoita zviri nani kana zvaizova zvakazvimirira panhungamiro yaMwari. Satani akaedza kuwana ufakazi mukurwisana naJehovha Mwari kupfurikidza nokuendesa vanhu nemanomano kurutivi rwake. Adhama, mudzimai wake Evha, uye mwanakomana wavo wokutanga, Kaini, vane mukurumbira wakaipa wokutsigira Satani kupfurikidza nokusarudza kuzvitonga panzvimbo pekutonga kwaMwari. Vanhu vaviri vokutanga vakaita ikoku kupfurikidza nokudya muchero wakanga warambidzwa naMwari, uye Kaini akaita saizvozvo kupfurikidza nokuponda nemaune munun’una wake akarurama, Abheri.—Genesi 3:4-6; 4:8.
Abheri akanga amira noushingi kurutivi rwaJehovha. Sezvo perero yaAbheri yakanga yatsigira kunamata kwakachena, pasina mubvunzo Satani akafadzwa kuona Kaini achiratidzira zvine simba hasha dzekuponda paari. Kubva panguva iyoyo, Satani akashandisa “kutya rufu” sechombo chokutyisidzira nacho. Anoda kuparira rutyo mumwoyo wemunhu upi noupi anoda kunamata Mwari wechokwadi.—VaHebheru 2:14, 15; Johane 8:44; 1 Johane 3:12.
Pakasvika nguva yokuberekwa kwaEnoki, murangariro waSatani wokuti vanhu havasati vachizotsigira uchangamire hwaJehovha sezvingabvira wakaratidzika sewakanga uchisanotsigirwa. Abheri akanga afa, uye muenzaniso wake wokutendeka wakanga usingateverwi. Bva, Enoki akazvibvumikisa amene kuva akasiyana. Akanga ane hwaro hwakasimba hwokutenda, nokuti akanga akasanorovedzana nezviitiko zvakaitika mubindu reEdheni.a Anofanira kuve akakoshesa sei uporofita hwaJehovha hwairatidzira kuti Mbeu yakapikirwa yaizogumisa Satani nemazano ake!—Genesi 3:15.
Neiyi tariro yaiva pamberi pake nguva dzose, Enoki akanga asingatyiswi nenhau yokupondwa kwakakurudzirwa naSatani kwaAbheri. Panzvimbo pezvo, akaramba achifamba naJehovha, achironda nzira youpenyu hwose yokururama. Enoki akazvichengeta amene akaparadzana nenyika, achidzivisa mudzimu wayo wokuzvimirira.—Genesi 5:23, 24.
Kupfuurirazve, Enoki akataura noushingi ndokujekesa kuti mabasa akaipa aDhiyabhorosi aizokundikana. Mupesvedzero yomudzimu mutsvene waMwari, kana kuti simba rinobata basa, Enoki akaporofita pamusoro pevakaipa: “Tarira, Ishe wakauya navatsvene vake vane zviuru zvamazana, kuti atonge vose, nokurova vose vasingadi Mwari pamusoro pamabasa avo ose okusada Mwari, avakaita nokusada kwavo Mwari, napamusoro pamashoko ose makukutu akataurwa navatadzi vasingadi Mwari.”—Judhasi 14, 15.
Nemhaka yokuzivisa kwekusatya kwaEnoki, muapostora Pauro, mukunyora kuvaKristu veHebheru, akamubatanidza pakati pe“gore rezvapupu” rakakura rakagadza muenzaniso wakaisvonaka zvikuru wokutenda kunoshanda.b (VaHebheru 11:5; 12:1) Semurume wokutenda, Enoki akatsungirira mukuperera kwemakore anopfuura 300. (Genesi 5:22) Kutendeka kwaEnoki kunofanira kuva kwakashatirisa sei vavengi vaMwari mudenga nepasi pano! Uporofita hunorwadza hwaEnoki hwakanyandura ruvengo rwaSatani, asi hwakaunza dziviriro yaJehovha.
Mwari Akatora Enoki—Sei?
Jehovha haana kubvumidza Satani kana kuti vabatiri vake vapasi kuuraya Enoki. Panzvimbo pako, chinyorwa chakafuridzirwa chinoti: “Mwari wakamutora.” (Genesi 5:24) Muapostora Pauro anorondedzera zvinhu neiyi nzira: “Nokutenda Enoki wakatorwa, kuti arege kuona rufu; akasaonekwa, nokuti Mwari wakanga amutora; nokuti asati atorwa akapupurirwa kuti akanga achifadza Mwari.”—VaHebheru 11:5.
Enoki “akatorwa, [sei] kuti arege kuona rufu”? Kana kuti sezvinoshandurwa mushanduro yaR. A. Knox, Enoki “akatorwa [sei] pasina kufa”? Mwari norugare akagumisa upenyu hwaEnoki, achimudzivirira pamarwadzo erufu anobva mukurwara kana kuti masimba masimba evavengi vake. Hungu, Jehovha akapfupikisa upenyu hwaEnoki pazera remakore 365—munhu muduku zvikuru mukuenzaniswa nevanhu venguva yake.
Enoki “akapupurirwa [sei] kuti akanga achifadza Mwari”? Ufakazii hwaakanga anahwo? Sezvingabvira, Mwari akaisa Enoki muchimiro chakaita sokurara, kunyange sezvo muapostora Pauro “akakwidzwa,” kana kuti akaendeswa, sezviri pachena achigamuchira chiono cheparadhiso yemudzimu yenguva yemberi yeungano yechiKristu. (2 VaKorinte 12:3, 4) Uchapupu, kana kuti ufakazi, hwokuti Enoki akanga afadza Mwari hwaigona kuve hwakabatanidza chiono chipfupi cheParadhiso yepasi yemunguva yemberi umo vose vanorarama vachatsigira uchangamire hwaMwari. Zvichida pakanga pari apo Enoki akanga achiva nechiono chemufaro apo Mwari akamutora murufu rwusina marwadzo kuti arare kutozosvikira pazuva rerumuko rwake. Kunoratidzika kuti, somuchiitiko chaMosesi, Jehovha akabvisa muviri waEnoki, “akasaonekwa.”—VaHebheru 11:5; Dheutoronomio 34:5, 6; Judhasi 9.
Uporofita Hunozadzikwa
Nhasi, Zvapupu zvaJehovha zvinozivisa zvinokosha zveuporofita hwaEnoki. Kubva muMagwaro, zvinoratidza kuti huchazadzikwa sei apo Mwari anoparadza vasina umwari munguva yemberi iri pedyo. (2 VaTesaronika 1:6-10) Shoko razvo rinozviita vasingadikanwi, nokuti rakasiyana zvikuru kwazvo nemirangariro yenyika ino nezvinangwa. Chishoro chazvinosangana nacho hachizvishamisi, nokuti Jesu akanyevera vateveri vake kuti: “Muchavengwa navose nokuda kwezita rangu.”—Mateo 10:22; Johane 17:14.
SaEnoki, zvisinei, vaKristu vazvino vanovimbiswa nezvokununurwa pakupedzisira pavavengi vavo. Muapostora Petro akanyora kuti: “Ishe unoziva kusunungura pamiidzo vanonamata Mwari, nokuchengeta vasakarurama vave pakurohwa kusvikira pazuva rokutongwa.” (2 Petro 2:9) Mwari angaona kwakakodzera kubvisa chinetso kana kuti mamiriro ezvinhu anoedza. Chitambudzo chingaguma. Kana chisina, kunyange zvakadaro, anoziva “[kupa]wo nzira yokubuda nayo” kuitira kuti vanhu vake vagone kutsungirira miedzo yavo nokubudirira. Jehovha anotogovera “simba rinopfuura renguva dzose” apo kunenge kuri madikanwa.—1 VaKorinte 10:13; 2 VaKorinte 4:7.
Seuyo “unopa vanomutsvaka mubayiro wavo,” Jehovha achakomborerawo vabatiri vake vakatendeka neupenyu husingaperi. (VaHebheru 11:6) Nokuda kwavazhinjisa vavo, ikoku kuchava upenyu husingagumi muparadhiso yepasi. SaEnoki, naizvozvo ngatizivisei nokusatya shoko raMwari. Mukutenda, ngatiitei ikoku pasinei zvapo nezvinetso zvose.
[Mashoko Omuzasi]
a Adhama akanga ane makore 622 okukura apo Enoki akaberekwa. Enoki akapfuurira kurarama makore anosvika 57 pashure perufu rwaAdhama. Nokudaro, nduramo dzavo dzakanga dzakabatana kwenguva yakati.
b Kushandura kwokuti “zvapupu” pana VaHebheru 12:1 kunobva mushoko rechiGiriki rokuti marʹtys. Maererano neWuest’s Word Studies From the Greek New Testament, iri shoko rinoratidzira “uyo anopupurira, kana kuti anogona kupupurira, izvo akaona kana kuti akanzwa kana kuti zvaanoziva kupfurikidza nemimwe mitoo ipi neipi.” Christian Words, rakanyorwa naNigel Turner, rinotaura kuti shoko racho rinoreva uyo anotaura “kubva muruzivo rwokuzviwanira . . . , uye kubva mukupwiswa pamusoro pezvokwadi nemirangariro.”
[Bhokisi riri papeji 30]
Zita raMwari Rakazvidzwa
Anenge makore ane mazana mana Enoki asati aberekwa, muzukuru waAdhama Enoshi akaberekwa. “Nenguva iyo vanhu vakatanga kudana zita raJehovha,” inodaro Genesi 4:26. Dzimwe nyanzvi dzemutauro wechiHebheru dzinodavira kuti iyi ndima inofanira kurava kuti “vakavamba [kudana] nokuzvidza” pazita raMwari kana kuti, “ipapo kuzvidza kwakavamba.” Pamusoro penhambo iyoyo munhau, Jerusalem Targum inoti: “Ichocho chakanga chiri chizvarwa chine mazuva umo vakavamba kukanganisa, uye kuzviitira vamene zvidhori, uye kutumidza zvidhori zvavo nezita reShoko raShe.”
Nguva yaEnoshi yakava nekushandiswa zvisina kufanira kwakapararira kwezita raJehovha. Kunobvira kuti vanhu vakashandisa zita raMwari kwavari vamene kana kuti kuvanhu vakati avo kupfurikidza navo vakanyepedzera kusvika Jehovha Mwari mukunamata. Kana kuti vangava vakashandisa zita raMwari kuzvidhori. Muchiitiko chipi nechipi, Satani Dhiyabhorosi akaita kuti rudzi rwomunhu rubatwe zvakanaka mumusungo wokunamata zvidhori. Pakasvika nguva yokuberekwa kwaEnoki, kunamata kwechokwadi kwakanga kusingawanzoshandiswi. Munhu upi noupi akaita saEnoki, akararama maererano nechokwadi uye akachiparidza, akanga asingadikanwi uye naizvozvo mutambudzwi.—Enzanisa naMateo 5:11, 12.
[Bhokisi riri papeji 31]
Enoki Akaenda Kudenga Here?
“Nokutenda Enoki wakatorwa, kuti arege kuona rufu.” Mukushandura kwadzo ichi chikamu chaVaHebheru 11:5, dzimwe shanduro dzinoratidzira kuti Enoki haana kufa chaizvoizvo. Somuenzaniso, A New Translation of the Bible, yakaitwa naJames Moffatt, inoti: “Enoki akaendeswa kudenga kupfurikidza nokutenda zvokuti haana kutongofa.”
Makore 3 000 pashure pezuva raEnoki, zvisinei, Jesu Kristu akati: “Hakuna munhu wakakwira kudenga, asi iye wakaburuka kudenga, iye Mwanakomana womunhu.” (Johane 3:13) The New English Bible rinorava kuti: “Hakuna munhu akatongopinda mudenga kunze kweuyo akaburuka achibva kudenga, Mwanakomana woMunhu.” Apo Jesu akataura izvozvo, kunyange iye akanga asati akwira kudenga.—Enzanisa naRuka 7:28.
Muapostora Pauro anotaura kuti Enoki nevamwe vanoumba gore guru rezvapupu zvakatangira chiKristu ‘vose vakafa’ uye “havana kupiwa zvipikirwa.” (VaHebheru 11:13, 39) Nei? Nemhaka yokuti vanhu vose, kubatanidza Enoki, vakagara nhaka yechivi chakabva kuna Adhama. (Pisarema 51:5; VaRoma 5:12) Mutoo bedzi woruponeso uri kupfurikidza nechibayiro chorudzikinuro chaKristu Jesu. (Mabasa 4:12; 1 Johane 2:1, 2) Muzuva raEnoki rudzikinuro irworwo rwakanga rwuchigere kubhadharwa. Naizvozvo, Enoki haana kuenda kudenga, asi akarara murufu achimirira rumuko pasi pano.—Johane 5:28, 29.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 29]
Wakabudiswazve kubva muIllustrirte Pracht - Bibel/Heilige Schrift des Alten und Neuen Testaments, nach der deutschen Uebersetzung D. Martin Luther’s