Chakaita Kuti Mwari Anzwire Noa Nyasha—Chinoita Kuti Tide Kuziva
VAKAWANDA vedu tinoyeuka patakanzwa mashoko anokosha. Tinoyeuka zvakanyatsoitika, kwete kungoti taiva kupi uye taiitei asiwo zvatakaita patakanzwa mashoko acho. Hapana mubvunzo kuti Noa haana kumbokanganwa zuva raakawana mashoko kubva kuna Jehovha Mwari, Changamire wezvose zvakasikwa. Pane mashoko angave aikosha kupfuura iwayo here? Jehovha akati akanga asarudza kuparadza “vanhu vose.” Noa aifanira kuvaka areka yakakura kwazvo, maaizoponera iye nemhuri yake, pamwe nemhuka dzemarudzi ose.—Genesisi 6:9-21.
Noa akaitei? Akafara here paakanzwa mashoko acho, kana kuti akanyunyuta? Akasvitsa sei mashoko aya kumudzimai wake nemhuri yake? Bhaibheri haritauri kuti akazviita sei. Asi zvarinotiudza ndezvokuti: “Noa akaita maererano nezvose zvaakanga arayirwa naMwari. Akaita izvozvo chaizvo.”—Genesisi 6:22.
Chokwadi iyoyo ipfungwa inokosha, nokuti mashoko iwayo anotsanangura zvimwe zvakaita kuti Noa anzwirwe nyasha naMwari; Noa aida kuita zvaakanga anzi naMwari aite. (Genesisi 6:8) Chiizve chimwe chakaita kuti Mwari anzwire Noa nyasha? Mhinduro yacho inokosha nokuti tinofanira kuita saNoa kuti tipukunyuke Mwari paachabvisazve zvakaipa pasi pano. Zvisinei, ngatitangei takurukura kuti Mafashamo asati aitika, upenyu hwaiva hwakaita sei panguva yairarama Noa.
Madhimoni Anouya Pasi Pano
Noa akararama vanhu vasina nguva refu vasikwa. Akaberekwa makore anenge chiuru pashure pokusikwa kwomunhu wokutanga. Panguva iyoyo vanhu vakanga vasingagari mumapako, vakanga vasina makushe, vasina kupusa, uye vasingafambi vakakotamira vakabata zvimiti, sezvinofungwa nevakawanda. Kwaiva nematurusi esimbi neemhangura, uye Noa angangodaro akaashandisa paaivaka areka. Kwaivawo nezviridzwa. Vanhu vairoorana, vaiita vana, vairima, uye vaiva nezvipfuwo. Vaitenga nokutengesa zvinhu. Pane izvi, upenyu hwepanguva iyoyo hwakanga hwakangofanana nohwemazuva ano.—Genesisi 4:20-22; Ruka 17:26-28.
Asi pane zvimwewo zvakasiyana chaizvo. Chimwe chakasiyana ndechokuti vanhu vairarama kwenguva yakareba chaizvo. Zvaiva zvakajairika kuti munhu ararame makore anopfuura 800. Noa akararama makore 950; Adhamu 930; uye Metusera, sekuru vaNoa, 969.a—Genesisi 5:5, 27; 9:29.
Chimwe chakanga chakasiyana chinorondedzerwa pana Genesisi 6:1, 2, inoti: “Zvino vanhu pavakatanga kuva vazhinji panyika uye pavakaberekerwa vanasikana, vanakomana vaMwari wechokwadi vakaona vanasikana vevanhu, kuti vakanga vakanaka; vakatora madzimai, kureva ose avakasarudza.” Ava “vanakomana vaMwari wechokwadi” ingirozi dzakabva kudenga dzikachinja kuva vanhu uye dzaifamba-famba panyika sevanhu. Hadzina kutumwa naMwari, uyewo hadzina kuuyira kuzobatsira vanhu. Asi “dzakasiya nzvimbo yadzo yokugara yakakodzera” kudenga kuitira kuti dzizorara nevakadzi vakanaka vaiva pasi pano. Dzakava madhimoni.—Judha 6.
Madhimoni aya akakanganisa vanhu zvikuru sezvo akanga apanduka, atsauka, aine simba uye akachenjera kupfuura vanhu. Zvimwe ndiwo aidzora uye aidzvinyirira vanhu pazvinhu zvose zvavaiita. Akanga asingaiti mabasa awo kabisira setsotsi rinovanza zvariri uye zvakaipa zvarinoita. Pane kudaro akapandukira urongwa hwaMwari asingambonyari.
Ngirozi dzaMwari idzi dzakarara nevakadzi uye vakadzi ava vakabereka vana vakakura vakava hamburamakaka. Vakapiwa zita rechiHebheru rokuti “vaNefirimu.” Tinoudzwa kuti: “Mumazuva iwayo kwaiva nevaNefirimu panyika, uyewo pashure, vanakomana vaMwari wechokwadi pavakaramba vachirara nevanasikana vevanhu vakavaberekera vanakomana, ivo ndivo vaiva vanhu vaiva nesimba, vekare, vaiva nomukurumbira.” (Genesisi 6:4) VaNefirimu ava vaityiwa zvikuru. Shoko rokuti “vaNefirimu” rinoreva kuti “Vawisi,” vaya vanowisira vamwe pasi. Ndivo vaiva vaurayi vane mabasa angangodaro aitaurwa mungano dzekare.
Kuchema Kwevakarurama
Bhaibheri rinorondedzera kuti vanhu vakawanda vepanguva iyoyo vakanga vakapindwa muropa nouori. Rinoti: “Kuipa kwomunhu kwakanga kuri kuzhinji panyika uye zvose zvaidiwa nepfungwa dzomwoyo wake zvakanga zvakangoipa nguva dzose. . . . Nyika yakazara nechisimba. . . . Vanhu vose vakanga vashatisa nzira yavo panyika.”—Genesisi 6:5, 11, 12.
Ndizvo zvaiva zvakaita nyika yairarama Noa. Kusiyana nevaairarama navo, “Noa akanga ari munhu akarurama” uyo “akafamba naMwari wechokwadi.” (Genesisi 6:9) Hazvisi nyore kuti munhu akarurama agare nevanhu vasina kururama. Chokwadi Noa airwadziwa nezvaitaurwa uye zvaiitwa nevanhu! Zvimwe akanzwa sezvakaita Roti, mumwe murume akanaka akararama pashure peMafashamo. Roti uyo aigara nevagari vokuSodhoma vaiva nzenza dzemakoko, “akanga achitambudzika kwazvo nokusazvibata kwakanyanyisa kwevanhu vaizvidza mutemo,” uye “paakanga achigara pakati pavo, zuva nezuva akanga achirwadzisa mweya wake wakarurama nokuda kwemabasa avo okusateerera mutemo aakaona nokunzwa.” (2 Petro 2:7, 8) Ndiwo manzwiro aiitawo Noa.
Unonetseka here nezvezvinhu zvinovhundutsa zvinobuda munhau kana kuti nevanhu vakakupoteredza vasinei nezvinodiwa naMwari? Kana zvakadaro, unogona kunzwisisa manzwiro aiita Noa. Chimbofungidzira kuti zvakanga zvakaoma sei kuti atsungirire munyika isina kururama kwemakore 600, nokuti ndiro raiva zera rake pakauya Mafashamo. Zviri pachena kuti akanga ava kushuva kuguma kwezvakaipa!—Genesisi 7:6.
Noa Aiva Noushingi Hwokuita Zvake Oga
Noa “akanga asina mhosva pakati pevanhu venguva yake.” (Genesisi 6:9) Cherechedza kuti Bhaibheri rinoti akanga asina mhosva pakati, kwete mukuona kwevanhu venguva yake. Nemamwe mashoko akanga asina mhosva mukuona kwaMwari, asi kuvanhu vaivapo Mafashamo asati aitika, Noa aiva zanondoga. Tine chokwadi chokuti akanga asingaiti gundamusaira, kana kubatanidzwa muvaraidzo uye zvimwe zvaiitwa nevanhu vepanguva yacho zvaisawirirana nomutemo waMwari. Funga kuti vanhu vakamuona sei paakatanga kuvaka areka! Vangangodaro vakamuseka, kana kumutsvinyira. Vaifunga kuti aiteya nzou neriva.
Uyezve Noa munhu aikoshesa zvaaitenda, uye aiudzawo vamwe nezvazvo; Bhaibheri rinoti aiva “muparidzi wokururama.” (2 Petro 2:5) Zviri pachena kuti Noa aiziva kuti aizoshorwa. Tateguru vake Inoki vaiva munhu akarurama akafanotaura kuti Mwari aizotonga vakaipa. Zviri pachena kuti izvi zvakaita kuti Inoki atambudzwe, kunyange zvazvo Mwari asina kubvumira kuti vaimushora vamuuraye. (Genesisi 5:18, 21-24; VaHebheru 11:5; 12:1; Judha 14, 15) Noa aifanira kushinga uye kutenda kuti Jehovha aikwanisa kumuchengetedza, nokuti paiva naSatani, madhimoni, vaNefirimu, uye vanhu vakawanda vaimupira makotsi kana kumushora.
Vaya vanoshumira Mwari vagara vachishorwa nevasingamushumiri. Kunyange Jesu Kristu aivengwa, uye vateveri vake vaivengwawo. (Mateu 10:22; Johani 15:18) Noa aiva noushingi hwokushumira Mwari, kunyange vakawanda vakanga vasingamushumiri. Ainzwisisa kuti kufarirwa naMwari kunokosha kupfuura kufarirwa nevaya vaimushora. Uye Noa aifarirwa naMwari.
Noa Akacherechedza
Sezvataona, Noa akaparidzira vamwe noushingi. Vakaitei pavakanzwa mashoko aaiva nawo? Bhaibheri rinoti Mafashamo asati aitika, vanhu “vakanga vachidya vachinwa, varume vachiroora nevakadzi vachiroorwa, kusvikira zuva rakapinda Noa muareka; uye havana kucherechedza kusvikira mafashamo auya akavakukura vose.” Vakatadza kuteerera nyevero.—Mateu 24:38, 39.
Jesu akati izvozvo zvakafanana nezvaizoitika munguva yedu. Kwemakore anopfuura zana, Zvapupu zvaJehovha zvave zvichinyevera kuti Jehovha achangoerekana atora matanho okuzadzika zvaakavimbisa zvokuti achaita kuti pave nenyika itsva ine kururamisira. Kunyange zvazvo mamiriyoni evanhu ari kugamuchira mashoko aya achifara, mabhiriyoni evanhu anogara panyika haasi kucherechedza. “Maererano nezvavanoda,” vanoramba chokwadi uye zvinorehwa neMafashamo.—2 Petro 3:5, 13.
Zvisinei, Noa akacherechedza. Akanzwisisa zvaakaudzwa naJehovha Mwari. Kuteerera ikoko ndiko kwakazomuponesa. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Nokutenda Noa, pashure pokunge anyeverwa naMwari nezvezvinhu zvakanga zvisati zvaonekwa, akaratidza kutya Mwari, akavaka areka kuti aponese imba yake.”—VaHebheru 11:7.
Muenzaniso Wokutevedzera
Areka yakavakwa naNoa yakanga yakakura zvikuru, yakareba kupfuura nhandare yenhabvu uye yakakwirira seimba yenhurikidzwa nhatu. Yakanga yakareba nemamita 30 kupfuura ngarava inonzi ndiyo hombe pane dzose dzakagadzirwa nematanda. Areka iyi yakanga isiri ngarava; yaingofanira kuyangarara pamusoro pemvura. Kunyange zvakadaro, zvaida unyanzvi chaihwo hwokuvaka. Yaifanira kunamwa netara mukati nokunze. Inogona kunge yakatora makore 50 kuti ivakwe.—Genesisi 6:14-16.
Basa rakanga richiripo. Noa aifanira kuunganidza zvokudya zvaizokwana mhuri yake nemhuka kwegore rose. Mafashamo asati auya, mhuka dzacho dzaifanira kuunganidzwa dzopinzwa mukati. “Noa akaita maererano nezvose zvaakanga arayirwa naJehovha.” Chokwadi anofanira kunge akatura befu paakapedza kuita zvose uye Jehovha paakavhara suo reareka!—Genesisi 6:19-21; 7:5, 16.
Mafashamo akabva atanga. Kwakanaya kwemazuva 40 nousiku 40. Vanhu nemhuka vaifanira kuramba vari muareka gore rose kusvikira mvura yapwa. (Genesisi 7:11, 12; 8:13-16) Vanhu vose vakaipa vakaparara. Noa nemhuri yake chete ndivo vakapukunyuka vachipinda munyika yakanga isisina zvakaipa.
Bhaibheri rinoti Mafashamo akaitika pasi rose muzuva raNoa “muenzaniso wezvinhu zvichauya.” Pakudini? Pakuti: “Matenga nenyika zviripo iye zvino zvakachengeterwa moto uye zviri kuchengeterwa zuva rokutongwa nerokuparadzwa kwevanhu vasingadi Mwari.” Zvisinei, pane vachapukunyukawo somunguva yaNoa. Iva nechokwadi chokuti “Jehovha anoziva nzira yokununura nayo mumuedzo, vanhu vakazvipira kuna Mwari.”—2 Petro 2:5, 6, 9; 3:7.
Noa aiva munhu akazvipira kuna Mwari, munhu akarurama pakati pevanhu vakaipa. Aiteerera Mwari pane zvose. Aiva noushingi hwokuita zvakanaka kunyange zvazvo aiziva kuti aizoshorwa uye aizovengwa nevaya vakanga vasingadi kushumira Mwari. Kana tikatevedzera Noa munzira idzi, tinogonawo kufarirwa naMwari totarisira kununurwa tichipinda munyika itsva yava pedyo.—Pisarema 37:9, 10.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona nyaya inoti “Did They Really Live That Long?” iri muAwake! yaJuly 2007, papeji 30.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]
Mabasa evaNefirimu angadaro aitaurwa mungano dzekare
[Mufananidzo uri papeji 7]
Kana tikatevedzera kutenda kwaNoa, tinogona kufarirwa naMwari
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 5]
Alinari/Art Resource, NY