“Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
1. Bhaibheri rinozivisa sei Munyori waro, uye Magwaro anogovera rudzii rwezivo?
“RUGWARO rwose rwakafuridzirwa naMwari.” Aya mashoko ari pana 2 Timotio 3:16 anozivisa Mwari, uyo ane zita rinonzi Jehovha, soMunyori noMufuridziri waMagwaro Matsvene. Magwaro akafuridzirwa anofadza nomutoo unogutsa sei! Anogovera dura rinoshamisa zvakadini rezivo yechokwadi! Zvamazvirokwazvo iwo i“zivo yechokwadi yaMwari” uye yakakosheswa navadi vokururama mumazera ose.—Zvir. 2:5, NW.
2. Mosesi, Dhavhidhi, uye Soromoni vakakoshesa sei uchenjeri hwoumwari?
2 Mumwe waava vatsvaki vezivo akanga ari Mosesi, mutungamiriri anooneka nomurongi worudzi rwaMwari rwaIsraeri, akataura kuti murayiridzo woumwari wakanga uchizorodza “sedova, seguti pabumhudza nyoro, sokupfunha kwemvura pauswa.” Tevere kwakanga kuna Dhavhidhi, murwi ane ushingi nomutsigiri wezita raJehovha, uyo akanyengetera, kuti: “Ndidzidzisei nzira yenyu, Jehovha, ndichafamba muzvokwadi yenyu.” Kwakanga kuna Soromoni ane rugare, muvaki wechimwe chezvivako zvine mbiri zvikurusa zvati zvambomira papasi rino, imba yaJehovha muJerusarema, uyo akakoshesa uchenjeri hwoumwari muna aya mashoko: “Kuhuwana ihwo kunopfuura kuwana sirivheri; nokuhufuma ihwo kunopfuura kufuma ndarama. Hunokosha kupfuura korari; hakuna fuma yako ingaenzaniswa nahwo.”—Dheut. 32:2; Pis. 86:11; Zvir. 3:14, 15.
3. Jesu naMwari amene vanoisa ukoshii pashoko roumwari?
3 Jesu, Mwanakomana waMwari, akakoshesa zvikurusa shoko raMwari, achizivisa kuti, “Shoko renyu izvokwadi.” Kuna vateveri vake akati: “Kana imi muchigara mushoko rangu, muri vadzidzi vangu zvirokwazvo. Muchaziva zvokwadi, nezvokwadi ichakusunungurai.” (Joh. 17:17; 8:31, 32) Iri shoko iro Jesu akagamuchira kuna Baba vake rine simba zvamazvirokwazvo. Iro ishoko raMwari. Pashure porufu rwake norumuko nokukwira kwake kuruoko rworudyi rwaJehovha amene mumatenga, Jesu akazivisazve shoko raBaba vake, kubatanidza kurondedzerwa kunofadza kwezvikomborero zvaMwari nokuda kworudzi rwomunhu muParadhiso yapasi. Pashure paikoko, Mwari akarayiridza muapostora Johane, kuti: “Nyora, nokuti mashoko awa angatendwa, ndaazvokwadi.” Mashoko ose aMagwaro akafuridzirwa “angatendwa, ndaazvokwadi,” achiunza betsero dzisingayereki kuna avo vanoatetekera.—Zvak. 21:5.
4. Magwaro akafuridzirwa anobetsera nokuda kwei?
4 Idzi betsero dzinoparirwa nei? Kutaura kwakakwana kwomuapostora Pauro pana 2 Timotio 3:16, 17 (NW), kunogovera mhinduro, inoti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobetsera nokuda kwokudzidzisa, nokuda kwokutsiura, nokuda kwokururamisa zvinhu, nokuda kwokuranga mukururama, kuti munhu waMwari agokwanisa zvizere, ashongedzerwe zvakakwana basa rakanaka riri rose.” Magwaro akafuridzirwa, ipapoka, anobetsera nokuda kwokudzidzisa dzidziso yakarurama nomufambiro wakarurama, kururamisa zvinhu mundangariro medu nomuupenyu, uye kutitsiura nokutiranga kuti tigofamba nokuzvininipisa muzvokwadi nomukururama. Kupfurikidza nokuzviisa timene pasi pedzidziso yeShoko raMwari, tingava “vabati pamwe chete naMwari.” (1 VaK. 3:9) Hakuna ropafadzo huru zvikuru pasi pano nhasi inopfuura kuti munhu ave akabatikana mubasa raMwari so‘munhu anokwanisa zvizere uye akashongedzerwa zvakakwana waMwari.’
NHEYO YAKASIMBA YOKUTENDA
5. Kutenda chii, uye kungawanwa bedzi sei?
5 Kuti munhu ave mushandi biyake waMwari, kutenda kunodikanwa. Kutenda hakuzati kuchifanira kuvhiringidzwa nenhendedzero isina kusimba yakatekeshera kwazvo nhasi. Vanhu vazhinji vanofunga kuti rudzi rupi norupi rwechitendero—rwesekete, rwemhindumupindu, kana kuti rwouzivi—rwakakwana. Zvisinei, munhu waMwari anofanira ku“batisisa zva[a]karatidzwa zvamashoko akarurama . . . mukutenda norudo ruri muna Kristu Jesu.” (2 Tim. 1:13) Kutenda kwake kunofanira kuva chaiko uye kupenyu, nokuti “kutenda ndirwo rusimbiso rwezvinhu zvatinotarira, nechiratidzo chezvinhu zvatisingaoni.” Kunofanira kuvakirwa muchitendero chakasimba muna Mwari uye tuso dzake nokuda kwaavo vanomufadza. (VaH. 11:1, 6) Uku kutenda kunofanira kuwanwa bedzi kupfurikidza nefundo yokushingaira yeShoko raMwari, Bhaibheri. Kwakavakirwa murudo rukuru nokuda kweBhaibheri uye nokuda kwaMwari weBhaibheri, Jehovha, uye nokuda kwoMwanakomana wake, Jesu Kristu. Kunongova nokutenda kumwe bedzi kwakadaro kupenyu, kunyange sezvo kuchingova naShe mumwe bedzi, Jesu Kristu, uye Mwari mumwe naBaba wavose, Jehovha.—VaEf. 4:5, 6.
6. Kutenda kwechokwadi ndokwevarai?
6 Tinofanira kuziva icho Shoko raMwari riri uye kwarakabva pamwe chete nechiremera charo nechinangwa uye simba raro nokuda kwokururama. Tikawana kunzwisiswa kweshoko raro rine mbiri, tichava nokutenda. Kupfuurirazve, tichasvika pakuda Bhaibheri noMunyori waro zvikuru kwazvo zvokuti hapana chinhu chichambova chinokwanisa kudzivisa kutenda ikoko norudo. Ndiwo Magwaro, ayo anobatanidza kutaura kwaJesu Kristu, anovaka nheyo yakasimba yokutenda. Kutenda kwechokwadi kuchava kworudzi ruchatsungirira muedzo nomuidzo wakakomba, zvitambudzo, uye enderero mberi dzokudisa zvenyika nouzivi hwechaunga chisina umwari. Kuchakunda nomutoo une mbiri ndokupinda mukati chaizvo munyika itsva yaMwari yokururama. “Urwu ndirwo rukundo rwakakunda nyika, kutenda kwedu.”—1 Joh. 5:4, NW.
7. Itusoi dzinouya pamwe chete nokuwanwa kwouchenjeri hweBhaibheri?
7 Kuti tiwane ndokubatirira kukutenda, tinofanira kuzvishandisa timene kukuvaka rudo nokunzwisisa Shoko raMwari, Magwaro akafuridzirwa. Magwaro chipo chisingaenzaniswi chaMwari chakapiwa rudzi rwomunhu, dura repfuma dzomudzimu dzine udzame hwouchenjeri husingayereki uye dzine simba rokuvhenekera nokukuchidzira kukururama rinopfuura riya ramamwe mabhuku ose ati ambonyorwa. Sezvatinochera kuti tiwane zivo yeShoko raMwari, kuti tikuwe pamwe chete nomuapostora Pauro: “Haiwa kufuma kwokuchenjera nokuziva kwaMwari kwakadzika sei!” Kuziva Magwaro akafuridzirwa uye Munyori wawo ndiko kupinda munzira yomufaro usingagumi uye mufarwa.—VaR. 11:33; Pis. 16:11.
JEHOVHA—NDIMWARI ANOKURUKURA
8. (a) Neiko tichifanira kuva vanoonga kuti Jehovha ndiMwari anokurukura? (b) Iye anosiyana navamwari vamadhemoni munzirai?
8 Mukutaura nezvembiri yezita raJehovha, Dhavhidhi akakuwa, achiti: “Nokuti imi muri mukuru, munoita zvinhu zvinoshamisa; ndimi Mwari woga.” (Pis. 86:10) Jehovha akaitira rudzi rwomunhu pasi pano “zvinhu zvinoshamisa” zvakawanda, uye pakati paizvozvi pane kupiwa kweShoko rake kwavari. Hungu, Jehovha ndiMwari anokurukura, Mwari anotaura amene norudo nokuda kwebetserwo yezvisikwa zvake. Tinofanira kuva vanoonga kuti Musiki wedu haazati ari mubati ushe asina ushamwari, akavanzwa muzvakavanzika uye asingaitiri hanya zvinodikanwa zvavadi vokururama pasi pano! Sezvaachaitawo munyika itsva inouya, Jehovha anogara kunyange zvino naavo vanoshandisa kutenda uye rudo kwaari, muukama hwaBaba vane mutsa vanopa zvinhu zvakanaka kuvana vavo vanobvunza. (Zvak. 21:3) Baba vedu vokudenga havana kufanana navamwari voudhemoni, vanofanira kumirirwa nezvidhori zvisingatauri zvinotyisa. Vamwari vedare neibwe havana ukama hwoubaba navanamati vavo vasingazivi. Ivo havagoni kupa chinhu chebetsero kwavari. Zvirokwazvo, “vanozviita vachafanana nazvo.”—Pis. 135:15-19; 1 VaK. 8:4-6.
9. Rudzii rwekurukurirano rwakabva kuna Mwari munzvimbo dziri kumusoro?
9 Jehovha ndi“Mwari uzere nyasha nengoni, unononoka kutsamwa, une tsitsi huru nezvokwadi.” (Eks. 34:6) Muuwandu hwomutsa wake worudo, iye anopa kurudzi rwomunhu zvokwadi dzakawanda. Irori rose izano rakanaka rokutungamirirwa kworudzi rwomunhu uye rinobatanidza uporofita hwokuvheneka nzira yomunhu inoenda kuzvikomborero zvomunguva yemberi. “Nokuti zvose zvakanyorwa kare, zvakanyorwa kuti isu tidzidze kuti tive netariro inobva pakutsungirira napakunyaradza kwaMagwaro.” (VaR. 15:4) Munzvimbo dziri kumusoro, mudenga mumene, makabva kurukurirano yakavimbika kuti irayiridze rudzi rwomunhu, rwuri munzvimbo dziri pasi.—Joh. 8:23.
10. Jehovha akaita kurukurirano mundimi dzipi, uye nei?
10 Jehovha haana kutongokurukura norurimi rusingazivikanwi asi nguva dzose mumutauro worudzi rwomunhu, rurimi rupenyu rwezvapupu zvake zvakatendeka. (Mabasa 2:5-11) Kuna Adhama, Noa, Abrahama, Mosesi, uye vaporofita vechiHebheru, Jehovha akataura nomutauro wokutanga worudzi rwomunhu, zvino wozivikanwa sechiHebheru. ChiHebheru chakapfuurira kushandiswa kwenguva refu yachaigona kunzwisiswa, kunyange pashure sapanguva yaSauro weTarso, uyo Jesu akamutswa akataura kwaari nomutauro iwowo. (Mabasa 26:14) Apo mutauro wechiAramaic wavaKardhea wakasimba pavaIsraeri vaiva muutapwa, dzimwe kurukurirano ipapo dzakabva kuna Mwari muchiAramaic, nokuti vanhu vainzwisisa mutauro iwowo. (Ezra 4:8–6:18; 7:12-16; Dhan. 2:4b–7:28) Gare gare, apo chiGiriki chaiva mutauro wamarudzi ose uye mutauro mukuru wezvapupu zvake, kurukurirano dzaJehovha dzakaitwa ndokuchengetwa mururimi irworwo. Mashoko akachengetwa muBhaibheri ikurukurirano yaJehovha, aigarotaurwa norurimi rupenyu nokuda kwebetserwo yavanhu vanozvininipisa, vanoda zvokwadi pasi pano.
11. Neiko kungataurwa kuti Jehovha ndiye Muvambi womutauro wose?
11 Jehovha ndiye Musiki wendangariro nowemitezo yokutaura nayo, kubatanidza rurimi, muromo, uye pahuro, zvinoumba zvakaoma kunzwisiswa zvose zvokunzwika kwokutaura nokuda kweimwe neimwe yegadziriro dzakawanda dzomutauro. Nokudaro, kungataurwa kuti Jehovha ndiye Muvambi womutauro wose. Chiremera chake pamutauro worudzi rwomunhu chakaratidzirwa kupfurikidza nenenji rake rakaitwa paShongwe yeBhabheri. (Eks. 4:11; Gen. 11:6-9; 10:5; 1 VaK. 13:1) Hakuna mutauro uri wechienzi kuna Jehovha. Iye haana kungopa bedzi munhu mutauro wechiHebheru wapakuvamba asi, kupfurikidza nokusika kwake ndangariro nemitezo yokutaura, akagoverawo hwaro nokuda kwechiAramaic nechiGiriki uye nokuda kwemitauro yose ine 3 000 zvino iri kutaurwa norudzi rwomunhu.
MUTAURO WEZVOKWADI
12, 13. (a) Jehovha akaita sei kuti kurukurirano dzake dzive nyore kunzwisisa? (b) Ipa mienzaniso.
12 Pasinei hapo negadziriro yomutauro wavanhu unoshandiswa naJehovha, muzviitiko zvose iye akakurukura mumutauro wezvokwadi, kwete namashoko akavanzika orudzidziso. Mutauro wakapfava nouri nyore kunzwisisa. (Zef. 3:9) Munhu wapasi anogona kunzwisisa nyore nyore zvinhu zvine mativi matatu, ndiko kuti, zvinhu zvine ukwiriri, upamhi, uye urefu uye zvinoiswa mukufamba kwenguva. Naizvozvo, Jehovha akaratidza zvinhu zvisingaoneki kupfurikidza nokushandisa mifananidzo yokufananidzira iyo ndangariro yomunhu inogona kunzwisisa. Somuenzaniso, kwakanga kune tabhenakeri yakarongwa naMwari uye yakavakwa naMosesi murenje. Mukufuridzirwa Pauro akashandisa zviratidzo zvayo zvamativi matatu kuti atsanangure zvinhu chaizvo zviri zvedenga rimene.—VaH. 8:5; 9:9.
13 Mumwe muenzaniso: Jehovha, uyo ari mudzimu, haazati achigara chaizvoizvo pachigaro chakafanana nechoumambo mudenga. Zvisinei, kunesu vanhuwo zvavo, takasungwa nezvinhu chaizvo zvinooneka, Mwari anozviratidzira amene kupfurikidza nokushandisa zvinhu zvakadai sechiratidzo chinooneka kupa nzwisiso. Apo iye anovamba nhau dzedare dzokudenga, kwakangofanana chaizvo neapo mambo pasi pano anovamba nhau kupfurikidza nokugara kwake pachigaro choumambo.—Dhan. 7:9-14.
RAKASHANDURWA NYORE NYORE
14, 15. Neiko Bhaibheri, mukupesana namanyoro ouzivi omunhu, richishandurika nyore nyore mune dzimwe ndimi? Enzanisira.
14 Bhaibheri zvarakanyorwa naaya mashoko akapfava zvikuru, anonzwisisika nyore nyore, kunobvira kushandurira zviratidzo zvaro nezviito nomutoo wakajeka uye nomutoo wakarurama mumitauro yomuzuva razvino uno zvikurusa. Simba rapakuvamba noumhare zvezvokwadi zvakachengetwa mushanduro dzose. Mashoko ezuva riri rose akapfava, akadai se“bhiza,” “hondo,” “korona,” “chigaro choumambo,” “murume,” “mudzimai,” uye “vana,” anopa mufungo wakarurama nomutoo wakajeka mumutauro uri wose. Ikoku kunopesana namanyoro ouzivi avanhu, awo asingawanzobviriri shanduro yakarurama. Mashoko awo akaoma kunzwisiswa uye mashoko akaoma anowanzosagona kupiwa zvakarurama mune rumwe rurimi.
15 Simba reBhaibheri rokutaura rakakura zvikuru. Kunyange apo Mwari akapa mashoko orutongeso kuna vasingatendi, haana kushandisa mutauro wouzivi asi, panzvimbo pezvo, zviratidzo zvezuva riri rose. Ikoku kunoratidzwa pana Dhanieri 4:10-12. Pano umambo hwamambo wechihedheni anozvirumbidza hwakarondedzerwa muudzame hwakati muchiratidzo chomuti, uye ipapo, kupfurikidza nezviito zvinobatanidza uyu muti, zviitiko zvomunguva yemberi zvakadeya kutaurwa nomutoo wakarurama. Zvose izvozvi zvinopiwa zvakajeka mushanduro mune mimwe mitauro. Jehovha akaita norudo kurukurirano neiyi nzira kuti “zivo ichawanda.” Haiwa ikoku kwakabetsera nomutoo unoshamisa sei mukunzwisiswa kwouporofita mune ino “nguva yokupedzisira”!—Dhan. 12:4.
MUTOO WEKURUKURIRANO
16. Mukoto wekurukurirano waJehovha ungaratidzirwa sei?
16 Mumwe munhu angabvunza kuti, Chii chave chiri mutoo wekurukurirano? Ikoku kungasanoenzanisirwa nomuenzaniso womuzuva razvino uno. Mitoo yekurukurirano ine (1) mutauri, kana kuti muvambi, weshoko; (2) chinoendesa; (3) mukoto uyo mashoko anopfuura nawo; (4) chinogamuchira; uye (5) munzwi. Mukurukurirano dzorunhare tine (1) mushandisi worunhare anovamba kurukurirano; (2) chinoendesa chorunhare, chinoshandura shoko kuva masimba amagetsi; (3) tambo dzorunhare dzinoendesa masimba amagetsi kwadzinogumira; (4) chinogamuchira chinoshandurirazve shoko kubva mumasimba kumanzwi; uye (5) munzwi. Nenzira yakafanana mudenga (1) Jehovha Mwari anovamba kutaura kwake; (2) ipapo Shoko rake rine chiremera, kana kuti Mutauriri—zvino wozivikanwa saJesu Kristu—anowanzoendesa shoko; (3) mudzimu mutsvene waMwari, simba rinobate basa rinoshandiswa somukoto wekurukurirano, unoriendesa kupasi; (4) muporofita waMwari pasi pano anogamuchira shoko; uye (5) iye ipapo anoriparidzira nokuda kwebetserwo yavanhu vaMwari. Sezvo panhambo nenhambo nhasi nhume ingatumwa kuendesa shoko rinokosha, naizvozvo Jehovha padzimwe nguva akasarudza kushandisa vatumwa vomudzimu, kana kuti ngirozi, kuendesa kurukurirano dzinobva kumatenga kuvabatiri vake pasi pano.—VaG. 3:19; VaH. 2:2.
MUITIRO WOKUFURIDZIRA
17. Ishokoi rechiGiriki rinoshandurwa kuti “rwakafuridzirwa naMwari,” uye revo yaro inotibetsera sei kunzwisisa muitiro wokufuridzira?
17 Kutaura kwokuti “rakafuridzirwa naMwari” kunoshandurwa kubva muna the·oʹpneu·stos, wechiGiriki anoreva kuti “rakafemerwa naMwari.” (Ona 2 Timotio 3:16, NW, mashoko omuzasi okutanga.) Ndiwo mudzimu waMwari amene, simba rake rinobate basa, uyo iye a‘kafemera’ pavarume vakatendeka, uchivaparira kuunganidza ndokunyora Magwaro Anoyera. Uyu muitiro unozivikanwa sokufuridzira. Vaporofita navamwe vabatiri vakatendeka vaJehovha vakava vanofuridzirwa vakatsigirwa ndangariro dzavo neiri simba rinobate basa. Ikoku kunoreva kuti vakagamuchira mashoko, kubatanidza mifananidzo yechinangwa, zvinobva kuna Mwari uye kuti izvozvi zvakasimbiswa zvakasimba munzvimbo dzendangariro dzavo. “Nokuti hakuna uporofita hwakatongouya nokuda kwomunhu, asi vanhu vaMwari vakataura, vachimutswa noMweya Mutsvene.”—2 Pet. 1:21; Joh. 20:21, 22.
18. Mashoko akafuridzirwa akarovererwa pavagamuchiri vawo zvikuru zvakadini?
18 Apo ava vanhu vaMwari vakanga vakamuka uye vachiziva zvizere kana kuti apo vakanga vavete muchiroto, mudzimu wake wakaisa zvakasimba shoko rinobva kumavambo oumwari omutoo wekurukurirano. Pakugamuchira shoko racho, muporofita aiva nomutoro wokuripfuudza muchimiro cheshoko kuna vamwe. Apo Mosesi navamwe vaporofita vakatendeka vanodzoka murumuko, pasina panikiro vachava vanokwanisa kusimbisa ururami hwezvinyorwa zvakachengetwa zvamanyoro avo, nokuti ndangariro dzavo dzinonzwisisa dzinosikwa patsva sezvingabvira dzichave dzichine kurukurirano dzapakuvamba dzakajeka muyeuko. Nomutoo wakafanana, muapostora Petro akaororwa zvikuru kwazvo nechiono chokushanduka chitarisiko zvokuti iye aigona kunyora nomutoo wakajeka pamusoro porubwinyo rwako anopfuura makore 30 gare gare.—Mat. 17:1-9; 2 Pet. 1:16-21.
MUNYORI NOMUNWE WAKE
19. Chii chiri “munwe” waMwari, sezvinobvumikiswa namagwaroi?
19 Vanyori vounhu vakashandisa minwe kuti vanyore, munguva dzekare kupfurikidza nepeni kana kuti chinyoreso uye munguva dzazvino uno kupfurikidza nepeni, tapureta, kana kuti komupiyuta. Chakaitwa kupfurikidza neiyi minwe chinotaurwa kuve chakanyorwa nendangariro yomwene wayo. Waiziva here kuti Mwari ane munwe? Ikoku kwakadaro, nokuti Jesu akataura nezvomudzimu waMwari so“munwe” Wake. Apo Jesu akaporesa munhu ane dhemoni zvokuti akawanazve simba rake rokutaura nokuona kwake, vavengi vorudzidziso vakazvidza mutoo uyo Jesu akanga aporesa nawo munhu wacho. Mukuwirirana naMateo, Jesu akati kwavari: “Asi kana ndichibudisa mweya yakaipa noMweya waMwari, ipapo ushe hwaMwari hwasvika kwamuri.” (Mat. 12:22, 28) Ruka anowedzera kukunzwisisa kwedu kupfurikidza nokunokora mashoko Jesu saanotaura panhambo yakafanana: “Kana ndichibudisa mweya yakaipa nomunwe waMwari, ipapo ushe hwaMwari hwasvika kwamuri.” (Ruka 11:20) Panhambo yapamberi pezvi, vaprista vanoshandisa mashiripiti veEgipita vakagombedzerwa kubvuma kuti matambudziko paEgipita akanga ari kuratidzirwa kwesimba guru raJehovha, vachibvuma, kuti: “Munwe waMwari!”—Eks. 8:18, 19, NW.
20. “Munwe” waMwari wakashanda sei, uye nomugumisiroi?
20 Mutsinhirano nouku kushandiswa kweshoko rokuti “munwe,” kunogona kunzwisiswa kuti “munwe waMwari” une simba guru uye kuti iri zita rinosanoshanda kumudzimu wake sezvaakaushandisa mukunyorwa kweBhaibheri. Naizvozvo Magwaro anotizivisa kuti kupfurikidza no“munwe waMwari,” akanyora Mirayiro Gumi pamahwendefa maviri eibwe. (Eks. 31:18; Dheut. 9:10) Apo Mwari akashandisa varume kunyora mabhuku akasiyana-siyana eBhaibheri Dzvene, munwe wake wokufananidzira, kana kuti mudzimu, nenzira yakafanana wakanga uri simba rinotungamirira rinotsigira kunyora kwavarume ivavo. Mudzimu mutsvene waMwari hauoneki, wave uchibata basa nenzira inoshamisa, nomugumisiro unooneka, chaiwoiwo wokuti rudzi rwomunhu rwakagamuchira chipo chinokosha cheShoko rezvokwadi raMwari, Bhaibheri Rake. Hapana panikiro yokuti Munyori weBhaibheri ndiJehovha Mwari, Mukurukuri wokudenga.
MUUNGANIDZWA WAKAFURIDZIRWA UNOVAMBA
21. (a) Kunyorwa kwaMagwaro kwakavamba sei? (b) Jehovha akagovera kuchengetwa kwawo munzirai?
21 Sezvaonwa, Jehovha “akamupa mahwendefa maviri echipupuriro, mahwendefa amabwe akanga akanyorwa nomunwe waMwari.” (Eks. 31:18) Uku kunyora kwakabatanidza Mirayiro Gumi, uye kunofadza kuti urwu rugwaro runopa nechiremera zita roumwari, Jehovha, kasere. Mugore rimwe chetero, muna 1513 B.C.E., Jehovha akarayira Mosesi kutanga kuita zvinyorwa zvechigarire. Naizvozvo kunyorwa kwaMagwaro Anoyera kwakavamba. (Eks. 17:14; 34:27) Mwari akarayirawo Mosesi kuvaka “areka yechipupuriro,” kana kuti “areka yesungano,” chikwembe chounyanzvi chakaisvonaka umo vaIsraeri vaizochengetera iyi kurukurirano inokosha zvikurusa. (Eks. 25:10-22; 1 Madz. 8:6, 9) Mugadzirirwe weAreka, uye tabhenakeri iyo yaigara mairi, wakagoverwa naJehovha; uye mhizha huru nomuvaki, Bhezareri, akazadzwa “noMweya waMwari ave nokuchenjera, mukunzwisisa, nokuziva kwose, nokugona marudzi ose amabasa” kuti apedze basa rake mukuwirirana nomutoo woumwari.—Eks. 35:30-35.
22. (a) Ndiani ari Munyori waMagwaro akafuridzirwa, uye kunyora kwacho kwakatora nguva refu yakadini? (b) Ndivanaani vaiva vanyori biyamwe veBhaibheri, uye chii chinozivikanwa pamusoro pavo?
22 Mukuzivisa zvinangwa zvake, Mwari “akataura panhambo dzakawanda uye munzira dzakawanda” kwenhambo refu yenguva. (VaH. 1:1, NW) Vanyori vakanyora Shoko rake vakaita kudaro kubvira muna 1513 B.C.E. kusvikira munenge muna 98 C.E., kana kuti mukati meanenge makore 1 610. Munyori mumwe, Jehovha Mwari, akashandisa vanenge 40 vaava vanyori, kana kuti vanyori vohunhu. Ava vanyori biyamwe vaiva vaHebheru uye nokudaro mitezo yorudzi “rwakaronzeswa mashoko matsvene aMwari.” (VaR. 3:2, NW) Vasere vavo vakanga vari vaJudha vechiKristu vaiziva Jesu pachake kana kuti zvimwe kupfurikidza navaapostora vake. Magwaro akafuridzirwa akanyorwa pamberi penguva yavo akanga apupurira pamusoro pokuuya kwaMesia, kana kuti Kristu. (1 Pet. 1:10, 11) Kunyange zvazvo vakadanwa mumifambiro yakawanda youpenyu, ava vanyori veBhaibheri vapasi, kubvira kuna Mosesi kusvikira kuno muapostora Johane, vose vakagoverana mukutsigira uchangamire hwaJehovha Mwari uye nokuzivisa zvinangwa zvake mupasi. Vakanyora muzita raJehovha uye kupfurikidza nesimba romudzimu wake.—Jer. 2:2, 4; Ezek. 6:3; 2 Sam. 23:2; Mabasa 1:16; Zvak. 1:10.
23. Vamwe vanyori veBhaibheri vakashandisa zvinyorwai zvapakuvamba zvikuru, uye izvozvi zvakava sei Rugwaro rwakafuridzirwa?
23 Vanoverengeka vaava vanyori vanobatanidza muzvinyorwa zvavo miunganidzwa yakabva mumagwaro ezvapupu zvakaona yakaitwa navanyori vapakuvamba, havazi vose vavo vakafuridzirwa. Somuenzaniso, Mosesi angave akaunganidza mativi aGenesi kubva munhauro dzezvapupu zvakaona zvakadaro, sezvo Samueri angave akaita mukunyora bhuku raVatongi. Jeremia akaunganidza Madzimambo Wokutanga noWechipiri, uye Ezra akanyora Makoronike Wokutanga noWechipiri, zvikurukuru neiyi nzira. Mudzimu mutsvene wakatungamirira ava vaunganidzi mukusarudza kuti mativi api amagwaro ohunhu ekare anofanira kubatanidzwa, nokudaro uchibvumikisa miunganidzwa iyoyi seinovimbika. Kubvira panguva yokuunganidzwa kwawo zvichienda mberi, izvi zvikamu zvamashoko zvakatorwa mumagwaro ekare zvikuru zvakava rutivi rwaMagwaro akafuridzirwa.—Gen. 2:4; 5:1; 2 Madz. 1:18; 2 Mako. 16:11.
24, 25. (a) Inhamboi yenhau inofukidzwa muBhaibheri? (b) Onesa maidi anofadza anowanwa muchati iri papeji 12.
24 Mabhuku eBhaibheri ane 66 akasvika kwatiri munhevedzanoi? Anofukidza rutivii rwokufamba kusingagumi kwenguva? Pashure pokurondedzera kusikwa kwamatenga napasi nokugadzirwa kwapasi somusha womunhu, nhauro yaGenesi inotanga mavambo enhau yomunhu kubvira pakusikwa kwomunhu wokutanga muna 4026 B.C.E. Manyoro Anoyera ipapo anorondedzera zvinoitika zvinokosha kuburukira kutozosvikira chinguvana pashure pa443 B.C.E. Ipapo, pashure pomukana waanopfuura makore ane 400, inotangazve nhauro muna 3 B.C.E., ichipfuuridzira kunenge kuna 98 C.E. Nokudaro, mumurangariro wenhau, Magwaro anofukidza nhambo yamakore 4 123.
25 Chati iri papeji 12 ichabatsira mukunzwisiswa kwomugariro wakapoteredza wavanyori veBhaibheri nenhevedzano iyo manyoro eBhaibheri akasvika nayo kwatiri.
“BHUKU” RAKAKWANA REZVOKWADI YOUMWARI
26. Magwaro ibhuku rimwe rakakwana munzirai?
26 Magwaro Anoyera, somuunganidzwa unobvira kuna Genesi kusvikira kuna Zvakazarurwa, anoumba bhuku rimwe rakakwana, mupakwa mumwe wakakwana, ose akafuridzirwa noMunyori mumwe Mukurusa. Iwo haafaniri kukamuraniswa kuva mativi maviri, zvokuti rutivi rumwe runopiwa ukoshi huduku. Magwaro echiHebheru naMagwaro echiGiriki echiKristu anokosha kune rimwe nerimwe. Rwapashure rwunowedzera rwekare kuita bhuku rimwe rakakwana rezvokwadi youmwari. Mabhuku 66 eBhaibheri, ose pamwe chete, anoumba mupakwa mumwe waMagwaro Matsvene.—VaR. 15:4.
27. Neiko kutaura kwokuti “Testamente Yekare” ne“Testamente Itsva” kuri mazita asina kufanira?
27 Imhosho yegamuchidzanwa kukamuranisa Shoko rakanyorwa raMwari kuva zvikamu zviviri, vachiidza chikamu chokutanga, chinobvira pana Genesi kusvikira kuna Maraki, kuti “Testamente Yekare,” uye chikamu chechipiri, chinobvira pana Mateo kusvikira kuna Zvakazarurwa, kuti “Testamente Itsva.” Pana 2 VaKorinte 3:14 King James Version yakakurumbira inotaura nezvo“kuraviwa kwetestamente yekare,” asi pano muapostora haazati ari kunongedzera kuMagwaro ekare echiHebheru ose zvawo. Uyewo iye haarevi kuti manyoro echiKristu akafuridzirwa anoumba “[sungano] yetestamente itsva.” Muapostora ari kutaura nezvesungano yoMutemo, iyo yakanyorwa naMosesi muPentateuch uye iyo inoumba bedzi rutivi rwaMagwaro apamberi pechiKristu. Nokuda kweichi chikonzero iye anoti mundima inotevera, “apo Mosesi anoraviwa.” Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “testamente” muKing James Version rakashandurwa nomutoo wakafanana kuti “sungano” mushanduro dzakawanda dzazvino uno.—Mat. 26:28; 2 VaK. 3:6, 14, New World Translation of the Holy Scriptures, Revised Standard Version, American Standard Version.
28. Chipikirwai chinopiwa pamusoro pouporofita hweBhaibheri?
28 Icho chakanyorwa ndokuchengetwa saMagwaro Matsvene hachizati chichifanira kushatiswa. (Dheut. 4:1, 2; Zvak. 22:18, 19) Muapostora Pauro anonyora pamusoro peiri pfundo: “Zvisinei, kunyange kana isu kana kuti ngirozi inobva kudenga yaizokuzivisai samashoko akanaka chimwe chinhu chinopfuura chatakakuzivisai samashoko akanaka, ngaive inotukwa.” (VaG. 1:8, NW; onawo Johane 10:35.) Shoko rose raJehovha rouporofita rinofanira kuzadzikwa munguva yakafanira. “Ndizvo zvichaita shoko rangu rinobuda mumuromo mangu; haringadzokeri kwandiri risina, asi richaita zvandinoda, richiendika pane zvandakaritumira.”—Isa. 55:11.
KUNZVERA MAGWARO
29. Mubhuku rino, sezvo bhuku reBhaibheri rimwe nerimwe rinonzverwa munhevedzano, mashokoi esumo anogoverwa?
29 Mumapeji anotevera, mabhuku ane 66 aMagwaro Anoyera anonzverwawo. Kurongwa kwebhuku rimwe nerimwe kunorondedzerwa, uye mashoko anopiwa pamusoro pomunyori, nguva yokunyora, uye mune zvimwe zvinoitika nhambo yakafukidzwa. Chibvumikiso chinopiwawo chokuratidza kuti bhuku racho rakatendeseka uye kuti nomutoo wakarurama iro nderorutivi rwaMagwaro akafuridzirwa. Ichi chibvumikiso chingawanwa mumashoko aJesu Kristu kana kuti mumanyoro akafuridzirwa avamwe vabatiri vaMwari. Kazhinji kazhinji zvikuru kutendeseka kwebhuku kunoratidzwa nezadziko dzisingarambiki dzouporofita hweBhaibheri kana kuti kupfurikidza noufakazi hwomukati hunobva mubhuku rimene, zvakadai setsinhirano yaro, kutendeseka, uye uchokwadi. Ufakazi hunotsigira hungatorwa muzviwanwa zvokuchera matongo kana kuti nhau yenyika yakavimbika.
30. Zviri mukati mebhuku rimwe nerimwe reBhaibheri zvinopiwa munzirai?
30 Zviri mukati mebhuku rimwe nerimwe sezvazvinorondedzerwa, kuedza ndekwokuita kuti shoko rine simba romunyori weBhaibheri ritanhamare munzira yokuti riroverere mumwoyo womuravi rudo rukuru nokuda kwaMagwaro akafuridzirwa uye Munyori wawo, Jehovha Mwari, nokudaro ndokuwedzera kunzwisisa shoko benyu reShoko raMwari nokushanda kwaro kwose, tsinhirano, uye runako. Zviri mukati mebhuku zvakarongwa pasi pemisoro miduku yendima. Ikoku kuri nokuda kwebetsero mufundo uye hakuzati kuchireva kuti izvozvi zvikamu zvisina mufungo zvamabhuku eBhaibheri. Bhuku rimwe nerimwe mariri rimene rakakwana, richiita betsero inokosha kukunzwisiswa kwezvinangwa zvoumwari.
31. (a) Mashokoi anopiwa kuratidza chikonzero nei bhuku rimwe nerimwe richibetsera? (b) Musoroi une mbiri unotanhamariswa mukurukurirano dzose dzamabhuku eBhaibheri?
31 Mukugumisa bhuku rimwe nerimwe, kurukurirano inoratidzira chikonzero nei ichi chikamu chaMagwaro akafuridzirwa chiri “chinobetsera nokuda kwokudzidzisa, nokuda kwokutsiura, nokuda kwokururamisa zvinhu, nokuda kwokuranga mukururama.” (2 Tim. 3:16, NW) Zadziko dzouporofita, umo idzodzi dzinoratidzirwa nechipupuriro chakafuridzirwa chavanyori vapashure veBhaibheri, dzinorangarirwa. Mune chiitiko chimwe nechimwe, betsero yebhuku kukusimudzira musoro wose weBhaibheri inoratidzwa. Bhaibheri hariziri ngano. Rine shoko bedzi benyu rorudzi rwomunhu. Kubvira pabhuku rokutanga, Genesi, kusvikira kubhuku rokupedzisira, Zvakazarurwa, Magwaro akafuridzirwa anopupurira chinangwa choMusiki wenyika yose, Jehovha Mwari, chokutsvenesa zita rake kupfurikidza noUmambo hunotongwa neMbeu yake. Maari mune tariro ine mbiri yavadi vose vokururama.—Mat. 12:18, 21.
32. Mashokoi anogoverwa kuti awedzere kunzwisisa Bhaibheri?
32 Pashure pokurangarira mabhuku 66 eBhaibheri amene, tinopa nzvimbo yakati yokupa mashoko omugariro wakapoteredza pamusoro peBhaibheri. Iyoyi inobatanidza fundo pamusoro pomugariro wapasi weNyika Yakapikirwa, nguva yezviitiko zveBhaibheri, shanduro dzeBhaibheri, ufakazi hwokuchera matongo nohumwe hunotsigira kutendeseka kweBhaibheri, uye chibvumikiso chorudungwe rweBhaibheri. Mamwe mashoko anokosha uye ndaza zvinoonekawo mune ichi chikamu. Zvose izvozvi zvinorongedzerwa kuwedzera kunzwisisa Bhaibheri sebhuku rinoshanda zvikurusa nerinobetsera pasi pano nhasi.
33. Bhaibheri ringarondedzerwa sei, uye kufundwa kwaro ndokwebetseroi?
33 Munyori woumwari akataura kurudzi rwomunhu kwenguva refu zvikuru. Akaratidza ukuru zvikuru hworudo nefariro youbaba mune zvaakaitira vana vake pasi pano. Muunganidzwa unoshamisa zvakadini wamagwaro akafuridzirwa waakagovera nokuda kwedu muMagwaro Matsvene! Zvirokwazvo, iwawa anoumba pfuma isingaenzaniswi, mupakwa mukuru wamashoko aka‘femerwa nomutoo woumwari,’ unopfuura zvikuru pfuma uye muukuru manyoro avanhuwo zvavo. Kuzvipira kufundo yeShoko raMwari hakuzati kuchizova “kunonetsa nyama,” asi, panzvimbo pezvo, kuchaunza betsero dzisingagumi kuna avo vanoziva “shoko raJehovha [iro] rinogara nokusingaperi.”—Mup. 12:12, NW; 1 Pet. 1:24, 25, NW.
[Chati iri papeji 12]
VANYORI VAKAFURIDZIRWA VEBHAIBHERI NAMANYORO AVO
(Munhevedzano Yemisi)
Nheve Vanyori Mabasa Kunyora Manyora
dzano Kwakapedzwa
1. Mosesi Muzivi, mufudzi, 1473 B.C.E. Genesi; Eksodho;
muporofita, Revhitiko; Jobho; Numeri;
Dheuteronomio;
(sezvinobvirawo 91)
mutungamiriri
2. Joshua Mutungamiriri c. 1450 B.C.E. Joshua
3. Samueri Murevhi, pamberi pa Vatongi; Rute;
muporofita c. 1080 B.C.E. rutivi rwaSamueri
Wokutanga
4. Gadhi Muporofita c. 1040 B.C.E. Rutivi rwaSamueri
Wokutanga; Samueri
Wechipiri (ose ari
maviri naNatani)
5. Natani Muporofita c. 1040 B.C.E. Ona pamusoro apa
(naGadhi)
6. Dhavhidhi Mambo, mufudzi, 1037 B.C.E. Mazhinji
mutariri wamarimba aMapisarema
7. Vanakomana Mamwe aMapisarema
vaKora
8. Asafi Muimbi Mamwe aMapisarema
9. Hemani Muchenjeri Pisarema 88
10. Etani Muchenjeri Pisarema 89
11. Soromoni Mambo, muvaki, c. 1000 B.C.E. Huzhinjisa
muchenjeri hweZvirevo; Rwiyo
rwaSoromoni;
Muparidzi;
12. Aguri Zvirevo ganhuro 30
13. Remueri Mambo Zvirevo ganhuro 31
14. Jona Muporofita c. 844 B.C.E. Jona
15. Joere Muporofita c. 820 B.C.E.(?) Joere
16. Amosi Mufudzi, c. 804 B.C.E. Amosi
muporofita
17. Hosea Muporofita pashure Hosea
pa 745 B.C.E.
18. Isaya Muporofita pash. pa Isaya
732 B.C.E.
19. Mika Muporofita pamb. pa Mika
717 B.C.E.
20. Zefania Muchinda, pamb. pa Zefania
muporofita 648 B.C.E.
21. Nahumi Muporofita pamb. pa Nahumi
632 B.C.E.
22. Habhakuki Muporofita c. 628 B.C.E.(?) Habhakuki
23. Obhadhia Muporofita c. 607 B.C.E. Obhadhia
24. Ezekieri Muprista, c. 591 B.C.E. Ezekieri
muporofita
25. Jeremia Muprista, 580 B.C.E. Madzimambo
muporofita Wokutanga
noWechipiri;
Jeremia; Mariro
26. Dhanieri Muchinda, c. 536 B.C.E. Dhanieri
mubati ushe,
muporofita
27. Hagai Muporofita 520 B.C.E. Hagai
28. Zekaria Muporofita 518 B.C.E. Zekaria
29. Modhekai Gurukota guru c. 475 B.C.E. Estere
30. Ezra Muprista, c. 460 B.C.E. Makoronike
munyori, mudzori Wokutanga
noWechipiri; Ezra
31. Nehemia Mukuru wedare, pash. pa Nehemia
gavhuna 443 B.C.E.
32. Maraki Muporofita pash. pa Maraki
443 B.C.E.
33. Mateo Muteresi, c. 41 C.E. Mateo
muapostora
34. Ruka Chiremba, c. 61 C.E. Ruka; Mabasa
mufundisi
35. Jakobho Mutariri pamb. pa
(munun’una 62 C.E. Jakobho
waJesu)
36. Marko Mufundisi c. 60-65 C.E. Marko
37. Petro Muredzi, c. 64 C.E. Petro Wokutanga
muapostora noWechipiri
38. Pauro Mufundisi, c. 65 C.E. VaTesaronika
muapostora, Wokutanga
mugadziri Wechipiri;
wetendeno VaGaratia;
VaKorinte
Wokutanga
noWechipiri;
VaRoma; VaEfeso;
VaFiripi;
VaKorose;
Firemoni;
VaHebheru;
Timotio Wokutanga
noWechipiri; Tito
39. Judhasi Mudzidzi c. 65 C.E. Judhasi
(munun’una
waJesu)
40. Johane Muredzi, c. 98 C.E. Zvakazarurwa;
muapostora Johane;
Johane Wokutanga,
Wechipiri, uye
Wechitatu