BHUKU RECHINA
(Mapisarema 90-106)
Munyengetero waMozisi, munhu waMwari wechokwadi.+
90 Haiwa Jehovha, magara muri nzvimbo yedu yekugara+ kwezvizvarwa nezvizvarwa.
2 Makomo asati aberekwa,
Kana kuti musati masika pasi pano nenyika yese,+
Muri Mwari kubvira nariini kusvikira nariini.+
3 Munoita kuti munhu adzokere kuguruva;
Munoti: “Dzokerai, imi vanakomana vevanhu.”+
4 Nekuti kwamuri makore ane chiuru akaita sezuva razuro parinenge rapfuura,+
Senguva yekurinda yeusiku.
5 Munovatsvaira voenda;+ vanoita sehopewo zvadzo;
Mangwanani vakaita seuswa hunotungira.+
6 Mangwanani hunotumbuka, hwochinja,
Asi manheru hunosvava hwooma.+
7 Nekuti tinopera nekushatirwa kwenyu+
Uye tinotyiswa nehasha dzenyu.
8 Munoisa kukanganisa kwedu pamberi penyu;+
Zvatakavanza zvinobudiswa pachena nechiedza chechiso chenyu.+
9 Mazuva edu anopera nekuda kwekushatirwa kwenyu;
Uye makore edu anopera sezevezeve.
10 Tinorarama makore 70,
Kana kuti 80,+ kana munhu akati simbei.
Asi akazara nematambudziko nekusuwa;
Anokurumidza kupfuura, tobhururuka, toenda.+
11 Ndiani anogona kunzwisisa simba rekushatirwa kwenyu?
Kukura kwehasha dzenyu kunoenderana nekutyiwa kwamakakodzera.+
12 Tidzidzisei kuverenga mazuva edu+
Kuti tive nemwoyo wakachenjera.
13 Dzokai, haiwa Jehovha!+ Izvi zvicharamba zvakadai kusvikira riini?+
Nzwirai tsitsi vashumiri venyu.+
14 Tigutsei mangwanani nerudo rwenyu rusingachinji,+
Kuti tipembere nemufaro uye tifare+ mazuva edu ese.
15 Itai kuti tifare zvinoenderana nemazuva amakatitambudza,+
Zvinoenderana nemakore atakaona nhamo.+
16 Vashumiri venyu ngavaone basa renyu,
Uye vanakomana vavo ngavaone kubwinya kwenyu.+
17 Nyasha dzaJehovha Mwari wedu ngadzive patiri;
Itai kuti basa remaoko edu ribudirire.
Chokwadi, itai kuti basa remaoko edu ribudirire.+