Nei Mwari Akarwisa VaKenani?
“Asi unofanira kuvaparadza chose, ivo vaHeti, nevaAmori, nevaKenani, nevaPerezi, nevaHivhi, nevaJebhusi, nezvawakarayirwa naTENZI.”—DHEUTERONOMIO 20:17, BHAIBHERI RINOYERA.
“Ivai norugare nevanhu vose.”—VAROMA 12:18.
NDIMA idzodzo dzeBhaibheri dzinoita sedzinopesana here? Vakawanda vanotadza kunzwananisa murayiro waMwari wokuparadza vaKenani nomurayiro weBhaibheri wokuti tive norugare nevanhu.a (Isaya 2:4; 2 VaKorinde 13:11) Kwavari, mirayiro iyoyo inopesana.
Kudai waizokwanisa kutaura naMwari nezvenyaya iyi, waizomubvunza kutii? Chimbofunga nezvemibvunzo mishanu inowanzobvunzwa nevanhu uye zvinotaurwa neBhaibheri.
1. Nei vaKenani vakabviswa nechisimba munyika yavo? Kutaura zvazviri, vaKenani vaigara munyika yakanga isiri yavo. Sei? Makore 400 akanga apfuura, Mwari akanga avimbisa murume akanga akatendeka Abrahamu kuti vana vake vaizogara munyika yeKenani. (Genesisi 15:18) Mwari akachengeta vimbiso iyoyo paakaita kuti rudzi rwevaIsraeri, rwakabva kuna Abrahamu rwugare munyika yacho. Zvechokwadi, vamwe vangati zvaisafanira kudaro nokuti vaKenani vaitogara ikoko saka vaiva nekodzero yokugara munyika yacho. Asi kutaura chokwadi, Changamire wezvinhu zvose, Mwari, ane kodzero yokusarudza kuti ndiani achagara kupi.—Mabasa 17:26; 1 VaKorinde 10:26.
2. Nei Mwari asina kubvumira vaKenani kuti vagare nevaIsraeri? NezvevaKenani Mwari akayambira kuti, “Havafaniri kugara munyika yako, kuti varege kukuita kuti unditadzire. Kana ukashumira vanamwari vavo, zvichava musungo kwauri.” (Eksodho 23:33) Muprofita Mosesi akazoudza vaIsraeri kuti: “Jehovha Mwari wako ari kudzinga marudzi aya pamberi pako nokuda kwokuipa kwawo.” (Dheuteronomio 9:5) Marudzi iwayo akanga akaipa zvakadii?
Unzenza, kunamata vanamwari vechihedheni, uye kupira vana sezvibayiro ndizvo zvaigara zvichiitwa muKenani. Mumwe munyori wezvinhu zvakaitika kare anonzi Henry H. Halley anoti vanochera matongo vakachera munzvimbo yacho “vakawana zvirongo zvakawanda zvaiva nemapfupa evana vakabayirwa kuna Bhaari [mwari aiva akakurumbira wevaKenani].” Anotizve: “Nzvimbo yacho yose yaiita seyemakuva evacheche vakanga vachangobva kuzvarwa. . . . VaKenani vainamata, vachiita unzenza hwakanyanyisa, setsika yavo yechitendero, pamberi pavanamwari vavo; uye vadaro voponda matangwe avo vachiapira sezvibayiro kuna vanamwari ivava. Zvinoita sokuti, pamwero mukuru, nyika yose yeKenani yakanga yaita seSodhoma neGomora. . . . Vanochera matongo mumaguta evaKenani vanotoshamisika kuti nei Mwari asina kukurumidza kuvaparadza.”
3. Panyika pakanga pasina vamwe vanhu vakaipa here panguva iyoyo? Nei akangosarudza vaKenani? Mwari akasarudza kakawanda kuparadza vakaipa. Mumazuva aNoa ‘nyika payakanga yazara nechisimba,’ Mwari akaita kuti mafashamo atsvaire vanhu vose kusara kwemhuri imwe chete yaNoa. (Genesisi 6:11; 2 Petro 2:5) Mwari akaparadza maguta eSodhoma neGomora zvivi zvevanhu ivavo pazvakanga zvava ‘zvikuru kwazvo.’ (Genesisi 18:20; 2 Petro 2:6) Uye akazivisa kuti aizotonga guta guru revaAsiriya reNinivhi, “guta rokuteura ropa,” kunyange zvazvo asina kuzoparadza guta racho vagari vemo pavakapfidza vachisiya mararamiro avo akaipa. (Nahumi 3:1; Jona 1:1, 2; 3:2, 5-10) Kana vari vaKenani, Mwari akavaparadza kuitira kuti adzivirire vaIsraeri, rudzi rwaizobereka Mesiya.—Pisarema 132:11, 12.
4. Kuparadzwa kwakaitwa vaKenani hakupesani norudo rwaMwari here? Tikasafungisisa, kuparadza kwakaita Mwari vaKenani kungaita sokunopesana norudo rwake. (1 Johani 4:8) Zvisinei, rudo irworwo runooneka kana tikanyatsoongorora.
Kubvira kare Mwari aiziva kuti vaKenani vairarama nenzira isiri iyo. Asi, pane kukurumidza kuvaparadza, nokushivirira akabvumira kuti papfuure makore 400 kutozosvikira kukanganisa kwavo “kwakwana.”—Genesisi 15:16.
Zvivi zvevaKenani pazvakanga zvasvika pokuti pakanga pasina tariro yokuti vachapfidza, Jehovha akabva avaparadza. Kunyange zvakadaro, haana kuparadza vaKenani vose. Nei? Nokuti havasi vose vasina kutendeuka. Vaya vaida kuchinja, vakadai saRakabhi nevaGibhiyoni, vakanzwirwa tsitsi.—Joshua 9:3-11, 16-27; VaHebheru 11:31.
5. Mwari angaparadza sei munhu upi noupi zvakadaro? Mubvunzo iwoyo unonzwisisika, nokuti hazvifadzi kufunga nezvokuparadzwa kwevanhu. Kunyange zvakadaro, rudo rwaMwari ndirwo rwakaita kuti atore matanho iwayo okubvisa uipi. Kuenzanisira: Murwere paanova neronda rinonyenga, vanachiremba havana zvavangaita asi kutocheka pane ronda racho. Vashoma vangafara kuzviita, asi chiremba akanaka anoziva kuti zvinotova nani kucheka ronda racho pane kuti chirwere chacho chipararire. Nokuti ane hanya, anoita basa racho risinganakidzi achiitira kuti zvinakire murwere wake.
Saizvozvowo, Jehovha haana kunakidzwa nokuparadza vaKenani. Iye pachake akati: “Handifariri kuona mutadzi achifa.” (Ezekieri 33:11, Bhaibheri Rinoyera) Panguva imwe chete iyi, akanga aine chinangwa chokuti vaIsraeri vabereke Mesiya, aizoita kuti vose vaya vanotenda maari vaponeswe. (Johani 3:16) Saka, Mwari aisazobvumira kuti vaIsraeri vavhiringidzwe nemiitiro yaisemesa yaiitwa nevaKenani. Nokudaro akarayira kuti vaKenani vaparadzwe, kana kuti vadzingwe munyika yacho. Paakaita izvozvo, Mwari akaratidza rudo rwake rukuru—rudo rwakaita kuti aite basa rakanga risinganakidzi kuitira kuti zvinakire vanamati vake vakatendeka.
Zvatinodzidza
Nhoroondo yokuparadzwa kwevaKenani inotidzidzisa chimwe chinhu here mazuva ano? Hungu, pana VaRoma 15:4 panoti: “Zvinhu zvose zvakanyorwa kare zvakanyorerwa kuti tirayiridzwe, kuti nokutsungirira kwedu uye nokunyaradza kunobva muMagwaro, tive netariro.” Zvakaitika kune vaKenani zvinotidzidzisa sei nokutipa tariro?
Tinodzidza zvakawanda munhoroondo idzi. Somuenzaniso, Mwari netsitsi dzake akaponesa Rakabhi nevaGibhiyoni pavakaenda kwaari mukutenda. Izvi zvinotiyeuchidza kuti munhu wose anoda kufadza Mwari zvechokwadi anogona kuzviita pasinei nemamiriro ake ezvinhu kana zvivi zvake zvekare.—Mabasa 17:30.
Nhoroondo dzokuparadzwa kwevaKenani dzinotipawo tariro inoita kuti timbofanoona zvichaitwa naMwari mune remangwana rava pedyo. Dzinotivimbisa kuti haasi kuzobvumira kuti uipi hutsakatise zvachose zvinhu zvakanaka. Asi, Bhaibheri rinosimbisa kuti nokukurumidza achaparadza vanhu vose vakaipa, panguva imwe chete iyoyo achinunura vose vanomuda vobva vapinda munyika itsva yakarurama. (2 Petro 2:9; Zvakazarurwa 21:3, 4) Panguva iyoyo, mashoko aya anonyaradza achazadzika anoti: “Tarisira kuna Jehovha uchengete nzira yake, iye achakukwidziridza kuti ugare nhaka yenyika. Vakaipa pavanoparadzwa, iwe uchazviona.”—Pisarema 37:34.
[Mashoko Omuzasi]
a Munyaya ino, shoko rokuti “vaKenani” rinoreva marudzi ose ayo Mwari akarayira vaIsraeri kubvisa munyika yavo.
[Bhokisi riri papeji 14]
Bhaibheri Rinoti Hondo Dzinoitwa Nevanhu Dzakarurama Here?
Kurayira kwakaita Mwari vaIsraeri kuparadza vaKenani kunoreva here kuti hondo dzinoitwa nevanhu mazuva ano dzakarurama? Kwete, nokuti pane zvikonzero zvinenge zvitatu:
▪ Mazuva ano hakuna rudzi runonzi naMwari ndirwo runokosha kupfuura rumwe. VaIsraeri pavakaramba Jesu kuti ndiye aiva Mesiya, havana kuzomiririra Mwari—kunyange kushandiswa kuuraya vamwe. (Mateu 21:42, 43) Saka Jehovha akabva angotanga kubata vaIsraeri semamwe marudzi. (Revhitiko 18:24-28) Kubvira panguva iyoyo, hapana rudzi rwaizogona kutaura kuti rwuri kutsigirwa naMwari muhondo.
▪ Jehovha haachapi vanamati vake nzvimbo ipi neipi yokugara kana nyika. Pane kudaro, vashumiri vanogona kuwanika “kumarudzi ose nemadzinza” ari panyika.—Zvakazarurwa 7:9; Mabasa 10:34, 35.
▪ Jesu akaratidza pachena kuti vateveri vake vaisazorwa. Paainyevera nezvokurwiswa kwakanga kwoda kuitwa Jerusarema, akarayira vadzidzi vake kusagara imomo uye kusarwa asi kutiza, zviri izvo zvavakaita. (Mateu 24:15, 16) Pane kushandisa zvombo, vaKristu vechokwadi vanovimba zvakazara noUmambo hwaMwari, huchakurumidza kubvisa uipi hwose huri pasi pano.—Dhanieri 2:44; Johani 18:36.
[Mufananidzo uri papeji 15]
Zvakaitika kuna Rakabhi zvinoratidza kuti munhu wose anoda kufadza Mwari anogona kuzviita