Jona
1 Shoko raJehovha rakauya kuna Jona*+ mwanakomana waAmitai, richiti: 2 “Simuka uende kuNinivhi+ guta guru, urizivise mutongo waro, nekuti ndaona zvakaipa zviri kuitwa nevanhu vacho.”
3 Asi Jona akasimuka kuti aende kuTashishi achitiza Jehovha; akaenda kuJopa akawana ngarava yaienda kuTashishi. Saka akabhadhara mari yengarava, akakwira ngarava yacho kuti aende navo kuTashishi, kure naJehovha.
4 Jehovha akabva aunza mhepo huru mugungwa, zvekuti mugungwa makava nedutu rinotyisa uye ngarava yacho yakanga yava kuda kuparara. 5 Vafambisi vengarava vakatya chaizvo zvekuti mumwe nemumwe akatanga kushevedzera kuna mwari wake kuti avabatsire. Vakatanga kukanda zvinhu zvaiva mungarava mugungwa kuti irerukirwe.+ Asi Jona ainge apinda mukatikati mengarava yacho achibva arara, ndokufa zvake nehope. 6 Mukuru wengarava akaenda paari akati kwaari: “Uri kutorara zvako! Muka ushevedzere kuna mwari wako! Zvichida Mwari wechokwadi achatinzwira tsitsi, torega kuparara.”+
7 Vakabva vatanga kutaurirana vachiti: “Uyai tikande mijenya+ tizive munhu aita kuti tiwirwe nedambudziko iri.” Saka vakakanda mijenya, uye mujenya wakabata Jona.+ 8 Vakati kwaari: “Tiudze chokwadi, ndiani aita kuti tiwirwe nedambudziko iri? Unoita basa rei, uye unobva kupi? Unobva kunyika ipi, uye uri werudzi rupi?”
9 Akabva ati: “Ndiri muHebheru, uye ndinotya* Jehovha Mwari wekudenga, uyo akasika gungwa nenyika.”
10 Varume vacho vakabva vatowedzera kutya, uye vakamubvunza kuti: “Wakaitei?” (Varume vacho vakaziva kuti akanga achitiza Jehovha, nekuti akanga avaudza.) 11 Dutu rakaramba richiwedzera mugungwa, saka vakati kwaari: “Tokuita sei kuti gungwa ridzikame?” 12 Akati kwavari: “Ndisimudzei mundikande henyu mugungwa kuti gungwa ridzikame; nekuti ndinoziva kuti ndini ndakonzera kuti dutu guru iri riuye pamuri.” 13 Zvisinei, varume vacho vakakwasva nesimba kuti vadzose ngarava kumahombekombe, asi vakatadza nekuti dutu rakaramba richiwedzera mugungwa.
14 Vakabva vashevedzera kuna Jehovha vakati: “Tapota Jehovha, musaita kuti tiparare nemhaka yemurume uyu! Musatipa mhosva yekuuraya munhu asina mhaka Jehovha, nekuti maita zvamunoda.” 15 Vakabva vasimudza Jona vakamukanda mugungwa, gungwa richibva ragadzikana. 16 Varume vacho vakatya Jehovha kwazvo,+ uye vakapa chibayiro kuna Jehovha, vakaita mhiko.
17 Jehovha akabva atuma hove huru ikamedza Jona, zvekuti Jona akagara mudumbu rehove kwemazuva matatu neusiku hutatu.+