Bhuku reBhaibheri Nhamba 1—Genesi
Munyori: Mosesi
Nzvimbo Yakanyorerwa: Renje
Kunyora Kwakapedzwa: 1513 B.C.E.
Nguva Yakafukidzwa: “Mukuvamba” kusvikira kuna 1657 B.C.E.
1. Ndeipi iri mimwe yemisoro inokosha inofukidzwa mubhuku raGenesi?
FUNGIDZIRA bhuku ramaganhuro mapfupi 50 bedzi uye uchiwana mupeji yokutanga kana kuti yechipiri nhoroondo yakarurama bedzi yenhau yapakuvamba zvikurusa yomunhu nechinyorwa chinoratidza ukama hwomunhu naMwari, Musiki wake, pamwe chete nepasi nezviuru zvaro zvezvisikwa! Mumapeji mashomanene iwawo, unowanawo nzwisiso huru muchinangwa chaMwari chokuisa munhu pasi pano. Uchiti pfuurirei kurava, unowana chikonzero nei munhu achifa uye chomugariro wake unotambudza wazvino, uye unovhenekerwa pamusoro pehwaro chaihwoihwo hwokutenda uye hwetariro, kunyange pamusoro pokuziva chishandiso chaMwari chokununurwa—Mbeu yechipikirwa. Bhuku rinoshamisa rine zvinhu izvozvi zvose ndiGenesi, rokutanga ramabhuku 66 eBhaibheri.
2. Ndeipi iri revo yezita rokuti Genesi, uye iye rutivi rwokutanga rwechii?
2 Bhuku ra“Genesi” rinoreva “Mavambo; Kuberekwa,” zita racho richiva rinotorwa mushanduro yeSeptuagint yechiGiriki yebhuku racho. Mumanyoro echiHebheru, zita racho ishoko rinotanga, Bereʼ·shithʹ, “mukuvamba” (chiGiriki, en ar·kheiʹ). Genesi ibhuku rokutanga rePentateuch (shoko rechiGiriki rakaitwa kuti rive rechiNgezi rinoreva “mipumburu yamanyoro mishanu” kana kuti “mavhoriyamu mashanu”). Sezviri pamhene iri pakuvamba rakanga riri bhuku rimwe rinonzi Torah (Mutemo) kana kuti “bhuku romutemo waMosesi” asi gare gare rakakamuraniswa kuva mipimburu yamanyoro mishanu nokuda kwokubata kuri nyore zvikuru.—Josh. 23:6, NW; Ezra 6:18.
3. (a) Ndianiko ari Munyori webhuku raGenesi, asi ndiani akarinyora? (b) Mosesi angave akawana sei mashoko aakabatanidza mubhuku raGenesi?
3 Jehovha Mwari ndiye Munyori weBhaibheri, asi iye akafuridzira Mosesi kunyora bhuku raGenesi. Mosesi akawanepiko mashoko aakanyora muna Genesi? Mamwe angagona kuva akagamuchirwa nomutoo wakananga kupfurikidza nokuzivisa kwoumwari uye mamwe, mukutungamirira kwomudzimu mutsvene, kupfurikidza nokutaurirwa. Kunobvirawo kuti Mosesi aiva namagwaro akanyorwa akachengetwa namadzibaba ake sezvinyorwa zvinokosha, zvinodikanwa zvamavambo orudzi rwomunhu.a
4. (a) Mosesi akapedza kunyora kwake kupi uye rini? (b) Mosesi angagona kuva akawana sei mashoko aakabatanidza murutivi rwokupedzisira rwebhuku raGenesi?
4 Sezvinobvira makanga muri murenje reSinai muna 1513 B.C.E. Mosesi, mukufuridzirwa, akapedza kunyora kwake. (2 Tim. 3:16; Joh. 5:39, 46, 47) Mosesi akawanepiko mashoko orutivi rwokupedzisira rwaGenesi? Sezvo tateguru vake Revhi vakanga vari mukoma kuna mai vaJosefa, udzame ihwohwu nomutoo wakarurama hwaizozivikanwa mukati memhuri yake amene. Upenyu hwaRevhi hungatove hwakapfuura uhwo hwababa vaMosesi, Amrami. Uyezve, mudzimu waJehovha waizovazve nechokwadi chokunyorwa zvakarurama kweichi chikamu chaMagwaro.—Eks. 6:16, 18, 20; Num. 26:59.
5. Hufakazii hweBhaibheri hwomukati hunobvumikisa kuva munyori kwaMosesi?
5 Hapana panikiro pamusoro pokuti ndiani akanyora bhuku raGenesi. “Bhuku romutemo waMosesi” nenongedzero dzakafanana kumabhuku mashanu okutanga eBhaibheri, awo bhuku raGenesi riri rimwe rawo, anofanira kuwanwa kazhinji kazhinji kubva munguva yomutevedzeri waMosesi, Joshua, zvichienda mberi. Kutaura idi, kune nongedzero dzine 200 kuna Mosesi mu27 amabhuku apashure eBhaibheri. Kuva munyori kwaMosesi hakuna kutongopanikirwa navaJudha. Magwaro echiGiriki echiKristu anodudza kazhinji kazhinji nezvaMosesi somunyori wo“mutemo,” chipupuriro chokupedzisira chichiva chiya chaJesu Kristu. Mosesi akanyora pakurayira kwakananga kwaJehovha uye mukufuridzira Kwake.—Eks. 17:14; 34:27; Josh. 8:31; Dhan. 9:13; Ruka 24:27, 44.
6. Chii chinokarakadza kuti kunyora kwakava namavambo ako pakuvamba munhau yomunhu?
6 Vamwe vatsoropodzi vakabvunza kuti, Asika Mosesi namadzitateguru ake vaikwanisa sei kunyora? Ko kunyora hakuna kutangwa nomunhu gare gare here? Sezviri pamhene kunyora kwakava nokutanga kwako pakuvamba munhau yomunhu, zvichida pamberi peBoporodzi rezuva raNoa, iro rakaitika muna 2370 B.C.E. Pano ufakazi hupi nohupi here hwamano apakuvamba omunhu okuti anyore? Nepo kuri kwechokwadi kuti nyanzvi dzokuchera matongo dzakapa misi yapamberi pa2370 B.C.E. kuna mahwendefa akati omunyakwe adzakachera, misi yakadaro inongovawo zvayo yokufungidzira. Zvisinei, kunofanira kucherekedzwa kuti Bhaibheri rinoratidza zvakajeka kuti kuvakwa kwamaguta, kutangwa kwamarimba, uye kupfurwa kwezvishandiswa zvesimbi kwakava nokutanga kwako kare kare pamberi peBoporodzi. (Gen. 4:17, 21, 22) Nomutoo une mufungo, ipapo, vanhu vaizova nechinetso chiduku mukutanga mutoo wokunyora.
7. Hufakazii hwenyika huripo hweboporodzi renyika yose nohwamapazu matatu edzinza romunhu, sezvinorondedzerwa munhoroondo yeBhaibheri?
7 Muna mamwe mativi mazhinji, bhuku raGenesi rakabvumikisa kuva rinobvumirana nomutoo unoshamisa namaidi akabvumikiswa. Rinongova bhuku raGenesi bedzi rinopa nhoroondo yechokwadi nechaiyoiyo yeBoporodzi navapukunyuki vawo, kunyange zvazvo nhoroondo dzeboporodzi nokupukunyuka dzakanyorwa navanhu (muzviitiko zvizhinji somugumisiro wokuva vakachengetwa mungarava) dzinowanwa mungano dzamapazu mazhinji emhuri yomunhu. Nhoroondo yebhuku raGenesi inoratidzirawo mavambo ohugaro hwamapazu akasiyana-siyana orudzi rwomunhu, anobva muvanakomana vatatu vaNoa—Shemi, Hami, uye Jafeti.b Dr. Melvin G. Kyle, weXenia Theological Seminary, Missouri, U.S.A. anoti: “Kuti kubva panzvimbo yapakati, paimwe nzvimbo muMesopotamia, bazu raHami rorudzi rakatamira kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero, bazu raJafeti kuchamhembe kwakadziva kumadokero, uye bazu raShemi ‘nechokumabvazuva’ rakananga ku‘nyika yeShinari’ hakupokanidziki.”c
8. Ndimamwe marudzii oufakazi anopupurira uchokwadi hwebhuku raGenesi?
8 Huchokwadi hwebhuku raGenesi sorutivi rwechinyorwa choumwari hunoratidzwawo kupfurikidza netsinhirano yaro yomukati, pamwe chete nebvumirano yaro yakakwana naasara aMagwaro akafuridzirwa. Kutendeseka kwaro kunoratidzira munyori aitya Jehovha uye aida zvokwadi uye uyo nomutoo wokusazengurira akanyora nezvezvivi zvavose vari vaviri rudzi naavo vakatanhamara muna Israeri. Kupfuura zvose, kururama kusingazununguki uko uporofita hwako hwakazadzika nako, sezvicharatidzwa kumugumo weganhuro rino, kunoratidzira bhuku raGenesi somuenzaniso wakatanhamara wokunyora kwakafuridzirwa naJehovha Mwari.—Gen. 9:20-23; 37:18-35; VaG. 3:8, 16.
ZVIRI MUBHUKU RAGENESI
9. (a) Chii chinorondedzerwa muganhuro rokutanga rebhuku raGenesi pamusoro pechisiko chakaitwa naMwari? (b) Hudzamei hwakawedzerwa hunopiwa neganhuro rechipiri pamusoro pomunhu?
9 Kusikwa kwamatenga napasi, uye kugadzirirwa kwapasi kuti rigarwe nomunhu (1:1–2:25). Richidzokera shure sezviri pamhene mumabhiriyoni amakore enguva, bhuku raGenesi rinotanga nokuva rakapfava kunoorora: “Pakutanga Mwari wakasika denga nenyika.” Nomutoo unokosha, uyu mutsetse wamashoko wokutanga unozivisa Mwari soMusiki nechisiko chake chinooneka samatenga napasi. Mumashoko ane chiremera, akasanosarudzwa, ganhuro rokutanga rinopfuurira kupa nhoroondowo zvayo yebasa rokusika rine chokuita napasi. Irori rinopedzwa munhambo nhanhatu dzenguva dzinonzi mazuva, imwe neimwe ichivamba namadekwana, apo basa rokusika renhambo iyeyo risingarondedzerwi, uye richiguma mukujeka kwamangwanani, sezvo mbiri yebasa rokusika inova inooneka zvakajeka. Pa“mazuva” anotevedzana panooneka chiedza; nzvimbo yemhepo yakapoteredza pasi; nyika yakaoma nezvinomera; zviedza zvokukamuranisa masikati nousiku; hove neshiri; uye mhuka dzapanyika uye pakupedzisira munhu. Pano Mwari anozivisa mutemo wake unodzora marudzi, mupingo usingapfuuriki unokuita kusingabviriri rudzi rumwe kushanduka kuva chimwe. Aita munhu nomufananidzo Wake amene, Mwari anozivisa zvinangwa zvake zvitatu nokuda kwomunhu pasi pano: kurizadza navana vakarurama, kuritonga, uye kudzora mhuka. “Zuva” rechinomwe rinokomborerwa uye rinonzi rinoyera naJehovha, uyo zvino anopfuurira ‘kuzorora pabasa rake rose raakaita.’ Nhoroondo inotevera kupa chiono chapedyo, kana kuti chakakudzwa, chebasa rokusika raMwari pamusoro pomunhu. Inorondedzera bindu reEdheni nenzvimbo yaro, inotaura mutemo waMwari womuti wakarambidzwa, inorondedzera kutumidza mazita emhuka kwaAdhama, dzokonokei yopa nhoroondo yokugadzirira kwaJehovha roorano yokutanga kupfurikidza nokuumba mudzimai kubva pamuviri waAdhama nokumuunza kuna Adhama.
10. Bhuku raGenesi rinotsanangura sei mavambo echivi norufu, uye chinangwai chinokosha chinoziviswa pano?
10 Chivi norufu zvinopinda munyika; “mbeu” inodeya kutaurwa somununuri (3:1–5:5). Mukadzi anodya muchero wakarambidzwa uye anonyengetedza murume wake kumukumbanira mukupanduka, uye naizvozvo Edheni inova inoshatiswa kupfurikidza nokusateerera. Pakarepo Mwari anonongedzera kumutoo uyo chinangwa chake chichaitwa nawo: “Uye Jehovha Mwari akapfuurira kutaura kunyoka [Satani, muvambi asingaoneki wokupanduka]: ‘ . . . Uye ini ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi uye pakati pembeu yako nembeu yake. Iyo ichakupwanya mumusoro uye iwe uchaipwanya muchitsitsinho.’” (3:14, 15, NW) Munhu anodzingwa mubindu, kuti ararame mumarwadzo uye nebasa rokubuda ziya pakati peminzwa noutumbambeva. Pakupedzisira, anofanira kufa ndokudzokera kuvhu iro akatorwa kwariri. Vana vake bedzi vangakarira Mbeu yakapikirwa.
11. Kuparadza kwechivi kunopfuurira sei kunze kweEdheni?
11 Kushatsa kwechivi kunopfuurira kunze kweEdheni. Kaini, mwanarume wokutanga akaberekwa, anova mhondi yomunun’una wake Abheri, mubatiri akatendeka waJehovha. Jehovha anodzingira Kaini kunyika yoUtiziro, uko iye anobereka vana vakaparadzwa gare gare neBoporodzi. Adhama zvino anova nomumwe mwanakomana, Seti, uyo anova baba kuna Enoshi; panguva ino vanhu vanovamba kudana pazita raJehovha munyengedzo. Adhama anofa pazera ramakore 930.
12. Pasi rinosvika sei pakuparadzwa mumazuva aNoa?
12 Vanhu vakaipa nengirozi vanoparadza pasi; Mwari anounza Boporodzi (5:6–11:9). Dzinza nokuna Seti rinopiwa pano. Akatanhamara pakati paava vana vaSeti ndiEnoki, uyo anotsvenesa zita raJehovha kupfurikidza no“kufamba naMwari wechokwadi.” (5:22, NW) Munhu anotevera wokutenda kwakatanhamara ndiNoa muzukuru chibvi waEnoki, akaberekwa makore 1 056 pashure pokusikwa kwaAdhama. Mukati meiyi nguva chimwe chinhu chinoitika kuwedzera masimba masimba mupasi. Ngirozi dzaMwari dzakasiya nzvimbo yadzo yokudenga kuti dziroore vanasikana vakanaka vavanhu. Uku kugara pamwe chete kusingatenderwi kunobereka dzinza romuvhenganiswa rehofori dzinozivikanwa savaNefirimi (kureva “Vapunzi”), vanoita zita, kwete nokuda kwaMwari, asi nokuda kwavo vamene. Naizvozvo Jehovha anozivisa kuna Noa kuti Iye achaparadza munhu nemhuka nemhaka youshati hunopfuurira hworudzi rwomunhu. Noa bedzi anowana nyasha dzaJehovha.
13. Jehovha zvino anotsvenesa sei zita rake?
13 Noa anova baba kuna Shemi, Hami, uye Jafeti. Masimba masimba nokushatisa zvazvinopfuurira mupasi, Jehovha anozivisa kuna Noa kuti Iye odokutsvenesa zita Rake kupfurikidza namafashamo makuru, uye Iye anorayira Noa kuvaka areka yokuchengeterwa, achimupa rongedzero dzokuvaka dzine udzame. Noa anokurumidza kuteerera anounganidza mhuri yake yavanhu vasere, pamwe chete nemhuka neshiri; ipapo, mugore rechi 600 roupenyu hwake (2370 B.C.E.), Mafashamo anovamba. Dzvotsvotsvo rinopfuurira kwamazuva 40, kutozosvikira kunyange makomo marefu afukidzwa namakubhiti anenge 15 (mamita 6,7) emvura. Apo, pashure pegore rimwe, Noa pakupedzisira anokwanisa kubudisa mhuri yake muareka, chiito chake chokutanga ndechokupa chibayiro chikuru chokuonga kuna Jehovha.
14. Zvino Jehovha anorayirei uye anoita sunganoi, uye zviitikoi zvinozadza upenyu hwaNoa?
14 Jehovha zvino anokomborera Noa nemhuri yake uye anovarayira kuzadza pasi navana vavo. Murayiro waMwari unopa mvumo yokudya nyama asi anorayira kurega ropa, iro riri mweya, kana kuti upenyu, hwenyama, uye unoda kuurawa kwemhondi. Sungano yaMwari yokusatongounzazve boporodzi papasi inosimbiswa nokuoneka kwomuraraungu mumatenga. Gare gare, Hami anoratidza kusaremekedza muporofita waJehovha Noa. Achiziva nezvaikoku, Noa anotuka mwanakomana waHami Kanani, asi anowedzera chikomborero chinoratidza kuti Shemi achaitirwa nyasha zvikuru uye kuti Jafetiwo achakomborerwa. Noa anofa pazera ramakore 950.
15. Vanhu vanoedza sei kuzviitira vamene zita rakakurumbira, uye Jehovha anodzivisa sei vavariro yavo?
15 Vanakomana vatatu vaNoa vanoita murayiro waMwari wokuwanziridza, vachibereka mhuri 70, madzisekuru edzinza romunhu razvino uno. Nimirodhi, muzukuru waHami, haangabatanidzwi, sezviri pamhene nemhaka yokuti anova “mudzimba mukuru mukushora Jehovha.” (10:9, NW) Anotanga umambo uye anovamba kuvaka maguta. Panguva ino pasi rose rine mutauro mumwe. Panzvimbo pokupararira papasi kuti varigare ndokuririma, vanhu vanosarudza havo kuvaka guta neshongwe ine musoro wayo uri mumatenga kuti vagone kuzviitira vamene zita rakakurumbira. Zvisinei, Jehovha anodzivisa vavariro yavo kupfurikidza nokunyonganisa mutauro wavo, naizvozvo anovaparadzira. Guta racho rinonzi Bhabheri (kureva “Nyongano”).
16. (a) Neiko dzinza raShemi richikosha? (b) Abrama anosvika sei pakunzi “shamwari yaJehovha,” uye zvikomboreroi zvaanogamuchira?
16 Kubata kwaMwari naAbrahama (11:10–25:26). Mutsara unokosha wedzinza kubva kuna Shemi kusvikira kumwanakomana waTera Abrama unorondwa, uchigoverawo batano dzokuverengwa kwenguva. Panzvimbo pokuzvitsvakira amene zita, Abrama anotenda Mwari. Anosiya guta reKardhea reUri pakurayira kwaMwari uye, pazera ramakore 75, anoyambuka Yufratesi achienda kunyika yeKanani, achidana pazita raJehovha. Nemhaka yokutenda kwake netsungiriro, anonzi “shamwari [mudi] yaJehovha,” uye Mwari anotanga sungano yake naye. (Jak. 2:23; 2 Mako. 20:7; Isa. 41:8) Mwari anodzivirira Abrama nomudzimai wake mukati mokugara kupfupi muEgipita. Shure muKanani, Abrama anoratidza rupo rwake nokuva norugare kupfurikidza nokubvumira mwanakomana womukoma wake uye munamati biyake, Roti, kusarudza rutivi rwakanakisisa rwenyika. Gare gare, anonunura Roti pamadzimambo mana akanga amutapa. Ipapo, achidzoka kubva kundorwa, Abrama anosangana naMerkizedheki, mambo weSaremi, uyo somuprista waMwari anokomborera Abrama, uye uyo Abrama anopa zvegumi.
17. Mwari anokudza sei sungano yake, uye chii chinoziviswa pamusoro pembeu yaAbrama?
17 Gare gare Mwari anooneka kuna Abrama, achizivisa kuti Iye chidzitiro chaAbrama uye achikudziridza pachipikirwa chesungano kupfurikidza nokuzivisa kuti mbeu yaAbrama ichava senyeredzi dzedenga nokuda kwechiverengero. Abrama anoudzwa kuti mbeu yake ichatambura nhamo kwamakore 400 asi ichanunurwa naMwari, norutongeso parudzi runoonesa nhamo. Apo Abrama anova nezera ramakore 85, Sarai mudzimai wake, achiri asina mwana, anomupa mubatirisikana wake wechiEgipita Hagari kuti agova nomwana naye. Ishmaeri anoberekwa uye anorangarirwa somudyi wenhaka anobvira. Zvisinei, Jehovha anoronga nomutoo wakasiyana. Apo Abrama anova nezera ramakore 99, Jehovha anochinja zita rake kuva Abrahama, anochinja zita raSarai kuva Sara, uye anopikira kuti Sara achabereka mwanakomana. Sungano yokudzingiswa inopiwa kuna Abrahama, uye iye pakarepo anoita kuti imba yake idzingiswe.
18. Zviitikoi zvinokosha zvinogumisa upenyu hwaRoti?
18 Mwari zvino anozivisa kushamwari Yake Abrahama chisarudzo Chake chokuparadza Sodhoma neGomora nokuda kwechivi chawo chikuru. Ngirozi dzaJehovha dzinonyevera Roti ndokumubetsera kutiza muSodhoma nomudzimai wake navanasikana vaviri. Zvisinei, mudzimai wake, achinonozeka kuti atarire zvinhu zviri shure, anova shongwe yomunyu. Kuti vawane vana, vanasikana vaRoti vanoita kuti baba vavo vararadze newaini, uye kupfurikidza nevatano navo, vanobereka vanakomana vaviri, avo vanova madzibaba orudzi rwaMoabhi naAmoni.
19. Abrahama anosangana nomuedzoi nomutoo unobudirira pamusoro peMbeu, uye Jehovha anoziviseizve mukusimbisa chipikirwa Chake?
19 Mwari anodzivirira Sarai pakushatiswa naAbhimereki wavaFiristia. Mudyi wenhaka akapikirwa, Isaka, anoberekwa apo Abrahama ava namakore 100 okukura uye Sarai anenge 90. Makore mashanu pashure paikoku, Ishmaeri ava namakore 19 okukura anoitira musere Isaka, mudyi wenhaka, kuchiparira kudzingwa kwaHagari uye Ishmaeri, netendero yaMwari. Makore akati gare gare, Mwari anoedza Abrahama kupfurikidza nokumurayira kubayira mwanakomana wake Isaka parimwe ramakomo eMoria. Kutenda kukuru kwaAbrahama Jehovha hakuzununguki. Anoedza kupa mwanakomana wake nomudyi wenhaka asi anomiswa naJehovha, uyo anogovera gondohwe sechibayiro chinotsiva. Jehovha anosimbisazve chipikirwa Chake kuna Abrahama, achitaura kuti Iye achawanziridza mbeu yaAbrahama senyeredzi dzedenga nejecha riri pamahombekombe egungwa. Anoratidza kuti iyi mbeu ichatova muridzi wesuo ravavengi vayo uye kuti marudzi ose apasi achazvikomborera amene zvamazvirokwazvo kupfurikidza neMbeu yacho.
20. Abrahama anoshandisa kungwarirai mukugovera Isaka mudzimai, uye Isaka anoitwa sei mudyi wenhaka bedzi?
20 Sara anofa pazera ramakore 127 uye anovigwa mumunda uyo Abrahama anotenga kuvanakomana vaHeti. Abrahama zvino anotumira mubatiri mukuru weimba yake kundowana mudzimai waIsaka kubva munyika yehama dzake dzokunyama. Jehovha anotungamirira mubatiri kumhuri yaBhetueri mwanakomana waNahori, uye gadziriro dzinoitirwa Rebheka kuti adzoke naye. Rebheka anoenda nokudisa, nechikomborero chemhuri yake, uye anova mwenga waIsaka. Abrahama, iye amene, anotora mumwe mudzimai, Ketura, uyo anomuberekera vanakomana vatanhatu. Zvisinei, anopa ivava zvipo ndokuvaendesa uye anoita Isaka mudyi wenhaka bedzi wake. Ipapo, pazera ramakore 175, Abrahama anofa.
21. Isaka naRebheka vanosvika sei pakuva navanakomana manyambiri?
21 Sokufanotaura kwakanga kwaita Jehovha, mukoma kuna baba waIsaka Ishmaeri anova musoro worudzi rukuru, rwakavambwa pavanakomana vake vari machinda 12. Rebheka anoramba asingabereki kwamakore 20, asi Isaka anoramba achiteterera Jehovha, uye iye anobereka manyambiri, Esau naJakobho, avo Jehovha akanga amuudza nezvawo kuti mukuru aizobatira muduku. Isaka zvino ava namakore 60 okukura.
22. Esau naJakobho vanorangarira sei sungano naAbrahama, uye nemigumisiroi?
22 Jakobho navanakomana vake 12 (25:27–37:1). Esau anova mudi wokuvhima. Achikundikana kukoshesa sungano naAbrahama, anodzoka kukuvhima rimwe zuva uye anotengesa udangwe hwake kuna Jakobho nokuda kwezvokudyawo hazvo zvenyemba. Iye anoroorawo vakadzi vaviri vechiHiti (uye gare gare muIshmaeri), uyo anova manyuko echinetso kuvabereki vake. Norubatsiro rwaamai vake, Jakobho anozviita amene aratidzike saEsau kuti awane chikomborero chedangwe. Esau, uyo akanga asina kuzivisa kuna Isaka kuti akanga atengesa udangwe, zvino anorongedzera kuuraya Jakobho apo iye anoziva nezveicho Jakobho aita, naizvozvo Rebheka anopa zano kuti Jakobho atizire Harani kuhanzvadzi yake Rabhani. Jakobho asati aenda, Isaka anomukomborerazve uye anomurayiridza kutora somudzimai, kwete muhedheni, asi mumwe munhu anobva mumhuri yaamai vake. PaBheteri, achienda Harani, muchiroto anoona Jehovha, uyo anomunyaradza ndokusimbisa chipikirwa chesungano kwaari.
23. (a) Jakobho anosvika sei pakuva navanakomana 12? (b) Rubheni anorasikirwa sei noudangwe?
23 PaHarani, Jakobho anoshandira Rabhani, achiroora vanasikana vake vaviri, Rea naRakeri. Kunyange zvazvo iri barika richiunzwa paari kupfurikidza nenyengedzo yaRabhani, Mwari anorikomborera kupfurikidza nokupa Jakobho vanakomana 12 nomwanasikana kupfurikidza navadzimai navabatirisikana vavo vaviri, Zirpa naBhirha. Mwari anova nechokwadi chokuti makwai aJakobho anowedzera zvikuru uye ipapo anomurayiridza kudzokera kunyika yamadzibaba ake. Iye anorondwa naRabhani, asi vanoita sungano panzvimbo inonzi Garidhi neNharireyomurindi (chiHebheru, ham·Mits·pahʹ). Achitangazve rwendo, Jakobho anovimbiswa nengirozi uye anobatana mutsimba nengirozi usiku, iyo pakupedzisira inomukomborera uye inochinja zita rake rokuti Jakobho kuti rive Israeri. Jakobho norugare anoronga musangano naEsau uye anopfuurira kuenda Shekemi. Muno mwanasikana wake, Dhina, anochinywa nomwanakomana womuchinda wechiHivhi. Hanzvadzi dzake Simeoni naRevhi vanotsiva kupfurikidza nokuuraya varume veShekemi. Ikoku kunotsamwisa Jakobho nemhaka yokuti kunomupa, somumiriri waJehovha, zita rakashata munyika. Mwari anomuudza kuenda Bheteri kundoita atari ikoko. Parwendo rwokubuda muBheteri, Rakeri anofa achingunosunungukira Jakobho mwanakomana wake wechi 12, Bhenjamini. Rubheni anochinya mubatirisikana waRakeri, Birha, amai vavaviri vavanakomana vaJakobho, uye nokuda kwaikoku anorasikirwa noudangwe. Nokukurumidza pashure pacho Isaka anofa, pazera ramakore 180, uye Esau naJakobho vanomuviga.
24. Neiko Esau nemhuri yake vachitamira kunharaunda yamakomo yeSeiri?
24 Esau nemhuri yake vanotamira kunharaunda yamakomo yeSeiri, pfuma yakaunganidzwa yaEsau naJakobho ichiva yakanyanyokurisa zvokusagona kubvumidza kugarisanazve pamwe chete kwavo. Ndaza dzavana vaEsau pamwe chete namadzishe namadzimambo eEdhomi dzinopiwa. Jakobho anopfuurira kugara muKanani.
25. Zviitikoi zvinotungamirira kukuva kwaJosefa muranda muEgipita?
25 Anoenda Egipita nokuda kwokuchengetwa kwoupenyu (37:2–50:26). Nemhaka yenyasha dzaJehovha nezviroto zvakati izvo iye anosakisa Josefa kuva nazvo, vakoma vanosvika pakuvenga Josefa. Vanoruka mazano okumuuraya asi panzvimbo pako vanomutengesa kuvashambadzi vechiIshmaeri vanopfuura. Vachinyika nguvo ine matsaratsadzi yaJosefa muropa rembudzi, vanoipa kuna Jakobho soufakazi hwokuti mukomana muduku wamakore 17 aurawa nechikara. Josefa anoendeswa Egipita ndokutengeswa kuna Potifari, mukuru wavarindi vaFarao.
26. Neiko nhoroondo yokuberekwa kwaPerezi iri inokosha?
26 Ganhuro 38 rinosiya kwechinguvana kupa nhoroondo yokubereka kwaTamari Perezi, uyo, kupfurikidza namazano, anoparira Judha vatezvara vake kuita chakafanira cheroorano kwaari chaifanira kudai chakaitwa nomwanakomana wake. Iyi nhoroondo inosimbisazve ngwariro yakanyanyisa iyo Magwaro anoshuma nayo chinoitika chimwe nechimwe chinotungamirira kukuberekwa kweMbeu yechipikirwa. Mwanakomana waJudha Perezi anova mumwe wamadzisekuru aJesu.—Ruka 3:23, 33.
27. Josefa anova sei gurukota guru reEgipita?
27 Munguva ino, Jehovha anokomborera Josefa muEgipita, uye Josefa anova mukuru mumhuri yaPotifari. Zvisinei, nhamo inomutevera apo anoramba kuzvidza zita raMwari kupfurikidza noufeve nomudzimai waPotifari, naizvozvo anopomerwa zvenhema nhema ndokupinzwa mutorongo. Imomo anoshandiswa naJehovha mukududzira zviroto zvavasungwa biyake vaviri, mudiri wewaini waFarao nomubiki wake wechingwa. Gare gare, apo Farao anova nechiroto chinomunetsa zvikuru, mano aJosefa anomuziviswa, zvokuti iye anokurumidza kuunzwa kuna Farao kubva kumwena wetorongo yake. Achipa mbiri kuna Mwari, Josefa anodudzira chiroto sechinodeya kuzivisa makore manomwe ezvakawanda, anoteverwa namakore manomwe enzara. Farao anoziva kuti “mudzimu waMwari” uri pana Josefa uye anomugadza kuva gurukota guru kuti atarisire mugariro wacho. (Gen. 41:38, NW) Zvino ava nezera ramakore 30, Josefa anotarisira nomutoo wokuchenjera kupfurikidza nokuunganidza zvokudya mukati mamakore manomwe ezvakawanda. Ipapo mukati menzara yenyika yose inotevera, anotengesa zviyo kuvanhu veEgipita navamamwe marudzi vanouya kuEgipita nokuda kwezvokudya.
28. Zviitikoi zvinopoteredza kutamira kweimba yaJakobho Egipita?
28 Pakupedzisira Jakobho anotuma vanakomana vake vakuru gumi Egipita nokuda kwezviyo. Josefa anovaziva, asi ivo havamuzivi. Achibata Simeoni somusungwa, anorayira kuti vadzoke negotwe ravo parwendo rwunotevera nokuda kwezviyo. Apo vanakomana vapfumbamwe vanodzoka naBhenjamini, Josefa anozvizivisa amene, anoratidzira kanganwiro kuna vane gumi vane mhaka, uye anovarayiridza kuti vatore Jakobho ndokutamira Egipita nokuda kwegarikano yavo mukati menzara. Mukuwirirana naikoko, Jakobho, navane 66 vavana vake, anotamira Egipita. Farao anovapa nyika yakanakisisa, nyika yeGosheni, yokugara mairi.
29. Inhevedzanoi inokosha youporofita inoita Jakobho pauvato hwake hworufu?
29 Jakobho zvaanoswedera pedyo norufu, anokomborera Efraimi naManase, vanakomana vaJosefa, dzokonokei odanira pamwe chete vanakomana vake amene 12 kuti avaudze zvichaitika kwavari “murutivi rwokupedzisira rwamazuva.” (49:1, NW) Zvino anopa muudzame nhevedzano youporofita, hwose chifo chenguva iyeyo hwakazadzika zvakatanhamara.d Pano anodeya kutaura kuti tsvimbo youbati ushe icharamba iri mundudzi yaJudha kutozosvikira pakuuya kwaShiro (kureva “Uhwo Huri Hwake; Iye Ari Mwene Wahwo”), Mbeu yakapikirwa. Pashure pokudarozvo kukomborera misoro yendudzi 12 uye kupa mirayiro inoreva nezvokuvigwa kwake amene kwomunguva yemberi muNyika Yakapikirwa, Jakobho anofa pazera ramakore 147. Josefa anopfuurira kutarisira vakoma vake nemhuri dzavo kutozosvikira parufu rwake amene pazera ramakore 110, pari panguva yaanoratidzira kutenda kwake kwokuti Mwari achapinzazve Israeri munyika yavo uye anokumbira kuti mapfupa akewo aendeswe kuNyika iyeyo Yechipikirwa.
CHIKONZERO NEI RICHIBETSERA
30. (a) Bhuku raGenesi rinogovera hwaroi hwokunzwisisa mabhuku eBhaibheri apashure? (b) Bhuku raGenesi rinonongedzera kuchinangwai chakafanira?
30 Samavambo eShoko rakafuridzirwa raMwari, bhuku raGenesi nderebetsero inokosha mukusuma zvinangwa zvine mbiri zvaJehovha Mwari. Hwaro hwakadini hwarinogovera hwokunzwisisa mabhuku eBhaibheri apashure! Mukati moukuru hwaro hwakafara, rinorondedzera mavambo nomugumo zvenyika yakarurama muEdheni, kutanga nokuparadzwa kune ngwavaira kwenyika yokutanga yavanhu vasina umwari, uye kutanga kwenyika yazvino yakashata. Nomutoo wakatanhamara, rinotanga musoro weBhaibheri rose, ndiko kuti, kurevererwa kwaJehovha kupfurikidza noUmambo hunobatwa ushe ne“mbeu” yakapikirwa. Rinoratidza chikonzero nei munhu achifa. Kubvira pana Genesi 3:15 zvichienda mberi—uye zvikurukuru muchinyorwa chokubata kwaMwari naAbrahama, Isaka, uye Jakobho—rinopa tariro youpenyu munyika itsva muUmambo hweMbeu. Rinobetsera mukuonesa vavariro yakafanira yorudzi rwose rwomunhu—kuva vachengeti veperero navatsvenesi vezita raJehovha.—VaR. 5:12, 18; VaH. 11:3-22, 39, 40; 12:1; Mat. 22:31, 32.
31. Kupfurikidza nenongedzero kuchati iri pane iyi peji, ratidza kuti bhuku raGenesi rine (a) uporofita hune revo uye (b) nheyo dzinokosha.
31 Magwaro echiGiriki echiKristu anoita nongedzero kuchinoitika chakatanhamara chiri chose nomunhu zvakanyorwa mubhuku raGenesi. Kupfuurirazve, sezvinoratidzwa muMagwaro ose, uporofita hwakanyorwa mubhuku raGenesi hwakazadzikwa nomutoo usingakanganisi. Humwe hwaihwohwu, “makore ana mazana mana” enhamo pambeu yaAbrahama, hwakatanga apo Ishmaeri akanyomba Isaka muna 1913 B.C.E. uye hwakaguma nokununurwa muEgipita muna 1513 B.C.E.e (Gen. 15:13) Mienzaniso yohumwe uporofita hune revo nezadziko yahwo inoratidzwa muchati ine iyi peji. Uyewo dzebetsero huru mukuvaka kutenda nenzwisiso ndidzo nheyo dzoumwari dzakatanga kutaurwa mubhuku raGenesi. Vaporofita vekare, pamwe chete naJesu navadzidzi vake, kazhinji kazhinji vainongedzera uye vaishandisa zvikamu zvamashoko zvinobva mubhuku raGenesi. Tichaita zvakanaka kutevera muenzaniso wavo, uye kufundwa kwechati ine iri peji kunofanira kubatsira muna ikoku.
32. Bhuku raGenesi rine mashokoi anokosha pamusoro peroorano, dzinza, uye kuverengwa kwenguva?
32 Bhuku raGenesi rinozivisa zvakajeka zvikuru kuda kwaMwari nechinangwa pamusoro peroorano, ukama hwakafanira hwomurume nomudzimai, uye nheyo dzoumusoro kurovedza mhuri. Jesu amene akashandisa aya mashoko, achinokora mashoko ose ari maviri ganhuro rokutanga nerechipiri rebhuku raGenesi muno kutaura kwake kumwe: “Hamuna kurava here, kuti uyo wakavasika pakutanga, wakavaita murume nomukadzi? Akati: Nokuda kwaizvozvi murume uchasiya baba vake namai vake, akanamatira mukadzi wake, ava vaviri vachava nyama imwe?” (Mat. 19:4, 5; Gen. 1:27; 2:24) Chinyorwa chiri mubhuku raGenesi chinokosha mukugovera dzinza remhuri yomunhu uyewo mukuverenga nguva iyo munhu ave ari papasi rino.—Gen., maganh. 5, 7, 10, 11.
33. Dudza dzimwe nheyo nemiitiro zvechaunga chamadzitateguru zviri zvinokosha kukunzwisisa Bhaibheri.
33 Uyewo yebetsero chaiyoiyo kumudzidzi waMagwaro ndiyo fundo yechaunga chamadzitateguru iyo bhuku raGenesi rinopa. Chaunga chamadzitateguru chakanga chiri chimiro chenzanga chehurumende yemhuri chaishanda pakati pavanhu vaMwari kubvira kuzuva raNoa kutozosvikira Mutemo wapiwa paGomo reSinai. Huzhinji hwoudzame hwakabatanidzwa musungano yoMutemo hwakanga huchitoshandiswa muchaunga chamadzitateguru. Nheyo dzakadai sekodzero yenzanga (18:32), mutoro wenzanga (19:15), chirango chokuuraya pamwe chete noutsvene hweropa nohwoupenyu (9:4-6), uye kuvenga kwaMwari kukudzwa kwavanhu (11:4-8) zvakatapura rudzi rwomunhu munhau yose. Miitiro yapamutemo mizhinji uye mashoko zvinojekesa zviitiko zvapashure, kunyange kuburukira kumazuva aJesu. Mutemo wamadzitateguru unodzora kuchengetwa kwavanhu nepfuma (Gen. 31:38, 39; 37:29-33; Johane 10:11, 15; 17:12; 18:9) uye mutoo wokupa nawo pfuma (Gen. 23:3-18), pamwe chete nomutemo unodzora nhaka yomumwe akagamuchira maruramiro eudangwe (48:22), inofanira kuzivikanwa kana tichizova noruzivo runodikanwa kuti tiwane kunzwisiswa kwakajeka kweBhaibheri. Mimwe miitiro yechaunga chamadzitateguru yakabatanidzwa muMutemo yaiva zvibayiro, kudzingiswa (kwakatanga kupiwa kuna Abrahama), kuitwa kwesungano, roorano yomuramu (38:8, 11, 26), uye kushandiswa kusimbisa nhau.—22:16; 24:3.f
34. Zvifundoi, zvinokosha kuvaKristu, zvingadzidzwa kupfurikidza nokufunda bhuku raGenesi?
34 Genesi, bhuku rokutanga reBhaibheri, rinogovera zvifundo zvizhinji muperero, kutenda, kutendeka, teerero, ruremekedzo, tsika dzakanaka, uye ushingi. Heino mienzaniso mishomanene: Kutenda kwaEnoki noushingi mukufamba naMwari mukutarisana navavengi vane masimba masimba; kururama kwaNoa, kusava nemhaka, uye teerero yakakwana; kutenda kwaAbrahama, kutsunga kwake, uye tsungiriro yake, kufunga kwake mutoro somusoro wemhuri nomudzidzisi wemirayiro yaMwari kuvana vake, rupo rwake, uye rudo rwake; kuzviisa pasi kwaSara pomusoro uri murume wake uye kushingaira kwake; unyoro hwaJakobho nokuitira hanya kwake nokuda kwechipikirwa chaMwari; kuteerera kwaJosefa baba vake, kururama kwetsika dzake, ushingi hwake, mufambiro wake wakanaka mutorongo, kuremekedza kwake zviremera zvikuru, kuzvininipisa kwake mukupa mbiri kuna Mwari, uye kukanganwira kwake kwengoni vakoma vake; chishuvo chikuru chavanhu vose ivava chokutsvenesa zita raJehovha. Mavara iwaya omuenzaniso anotanhamara muupenyu hwaavo vakafamba naMwari mukati menhambo refu yamakore 2 369 kubvira pakusikwa kwaAdhama kusvikira kurufu rwaJosefa, saanofukidzwa mubhuku raGenesi.
35. Mukuvaka kutenda, bhuku raGenesi rinonongedzera mberi kuchii?
35 Zvirokwazvo, nhoroondo iri mubhuku raGenesi inobetsera mukuvaka kutenda, sezvainopa mienzaniso yakaisvonaka yakadaro yokutenda, vara irero rakaedzwa rokutenda rinosvasvavirira guta rechivako chaMwari nechisiko, hurumende yake yoUmambo iyo iye kare kare akavamba kugadzirira kupfurikidza neMbeu yake yechipikirwa, mutsvenesi mukuru wezita guru raJehovha.—VaH. 11:8, 10, 16.
[Mashoko Omuzasi]
a Insight on the Scriptures, Vhor. 1, mapeji 919-20; Vhor. 2, peji 1212.
b Insight on the Scriptures, Vhor. 1, mapeji 328-9.
c Biblical History in the Light of Archaeological Discovery, 1934, D. E. Hart-Davies, peji 5.
d Nharireyomurindi yechiNgezi, 1962, mapeji 360-74, 392-408.
e Insight on the Scriptures, Vhor. 1, mapeji 460-1, 776.
f Nharireyomurindi yechiNgezi, 1952, mapeji 432-45.
[Chati iri papeji 18]
GENESI—AKAFURIDZIRWA UYE ANOBETSERA
Magwaro Nheyo Nongedzero Dzinobva
ebhuku Kuvamwe Vanyori
raGenesi
hwechisungo cheroorano Mat. 19:4, 5
2:7 Munhu mweya 1 VaK. 15:45
2:22, 23 Umusoro 1 Tim. 2:13; 1 VaK. 11:8
9:4 Utsvene hweropa Mabasa 15:20, 29
20:3 Upombwe hwakaipa 1 VaK. 6:9
24:3; 28:1-8 Roora mutendi bedzi 1 VaK. 7:39
28:7 Kuteerera vabereki VaEf. 6:1
Uporofita Hwakazadzikwa uye Wirirano Dzouporofita
12:1-3; Kuzivikanwa kweMbeu
22:15-18 yaAbrahama VaG. 3:16, 29
14:18 Merkizedheki VaH. 7:13-15
anofananidzira Kristu
49:1-28 Chikomborero chaJakobho
pandudzi 12 Josh. 14:1–21:45
Mamwe Magwaro Akashandiswa naVaporofita, Jesu, uye Vadzidzi—Mumuenzanisiro, Mukushandiswa, kana kuti soMuenzaniso—Anobvumikisazve Uchokwadi hwebhuku raGenesi
1:1 Mwari akasika denga napasi Isa. 45:18; Zvak. 10:6
1:26 Munhu akaitwa
mumufananidzo waMwari 1 VaK. 11:7
1:27 Munhu akaitwa, munhurume
nomunhukadzi Mat. 19:4; Marko 10:6
3:1-6 Nyoka yakanyengedza Evha 2 VaK. 11:3
3:20 Rudzi rwose rwomunhu rwakabva
kuvaviri vokutanga Mabasa 17:26
4:8 Kaini akauraya Abheri Jud. 11; 1 Joh. 3:12
4:9, 10 Ropa raAbheri Mat. 23:35
Maganh. 5, Dzinza Ruka, ganh. 3
10,11
5:29 Noa Ezek. 14:14; Mat. 24:37
6:13, 17-20 Mafashamo Isa. 54:9; 2 Pet. 2:5
12:1-3, 7 Sungano yaAbrahama VaG. 3:15-17
15:6 Kutenda kwaAbrahama VaR. 4:3; Jak. 2:23
15:13, 14 Kugara muEgipita Mabasa 7:1-7
19:24, 25 Sodhoma neGomora
anoparadzwa 2 Pet. 2:6; Jud. 7
19:26 Mudzimai waRoti Ruka 17:32
20:7 Abrahama muporofita Pis. 105:9, 15
21:9 Ishmaeri anoshora Isaka VaG. 4:29
22:10 Abrahama anoedza kupa
Isaka VaH. 11:17
25:23 Jakobho naEsau VaR. 9:10-13;
25:32-34 Esau anotengesa udangwe VaH. 12:16, 17
37:28 Josefa anotengeswa muEgipita Pis. 105:17
41:40 Josefa anoitwa gurukota guru Pis. 105:20, 21