Mapisarema
3 Zvirumbidzei pamusoro pezita rake dzvene.+
Mwoyo yevaya vari kutsvaga Jehovha ngaifare.+
4 Tsvagai Jehovha+ uye simba rake.
Tsvagai chiso chake* nguva dzese.
5 Yeukai mabasa anoshamisa aakaita,
Zvishamiso zvake nemitongo yaakazivisa,+
6 Imi vana* vemushumiri wake Abrahamu,+
Imi vanakomana vaJakobho, vakasarudzwa.+
Mitongo yake iri munyika yese.+
8 Anoyeuka sungano yake nekusingaperi,+
Vimbiso yaakaita* kuzvizvarwa zvine chiuru,+
9 Sungano yaakaita naAbrahamu,+
Nemhiko yaakapika kuna Isaka,+
10 Yaakadzika semurau kuna Jakobho
Uye sesungano inogara nekusingaperi kuna Israeri,
11 Achiti, “Ndichakupa nyika yeKenani+
Kuti ive nhaka yako yawakapiwa.”+
13 Vaifamba vachibva kune rumwe rudzi vachienda kune rumwe,
Vachibva kune humwe umambo vachienda kune vamwe vanhu.+
14 Haana kurega mumwe munhu achivadzvinyirira,+
Asi akatsiura madzimambo nekuda kwavo,+
15 Achiti, “Musabata vazodziwa vangu,
Uye musaitira vaprofita vangu zvakaipa.”+
18 Vakasunga* tsoka dzake nezvisungo,+
Mutsipa wake wakasungwa nesimbi;
19 Kusvikira shoko rake raratidza kuti nderechokwadi,+
Zvakataurwa naJehovha ndizvo zvakamunatsa.
21 Akamugadza kuti ave tenzi weimba yake,
Mutongi wezvinhu zvake zvese,+
22 Kuti ave nesimba pamusoro pemachinda* ake sezvaaida*
Uye kuti adzidzise vakuru vake uchenjeri.+
24 Mwari akaita kuti vanhu vake vabereke kwazvo;+
Akaita kuti vave nesimba kupfuura mhandu dzavo,+
25 Dzaakarega dzichichinja mwoyo kuti dzivenge vanhu vake,
Kuti dzirongere vashumiri vake zvakaipa.+
33 Akarova mizambiringa yavo nemionde yavo
Uye akaparadza miti yemunharaunda yavo.
35 Dzakadya zvinomera zvese zvemunyika yacho,
Uye dzakadya zvibereko zvenyika.
37 Akabudisa vanhu vake vaine sirivha negoridhe;+
Uye pamadzinza ake hapana munhu akagumburwa achifamba.
42 Nekuti akayeuka vimbiso tsvene yaakaita kumushumiri wake Abrahamu.+
43 Saka akabudisa vanhu vake vachipembera nemufaro,+
Vanhu vake vaakasarudza vachishevedzera nemufaro.
44 Akavapa nyika dzemamwe marudzi;+
Vakagara nhaka zvinhu zvakanga zvashandirwa zvakaoma nemamwe marudzi,+
45 Kuti vachengete mirau yake+
Nekuchengeta mitemo yake.
Rumbidzai Jah!*