Mwari Aizviziva Here Kuti Adhamu naEvha Vaizotadza?
VANHU vakawanda vanobvunza mubvunzo uyu vachida kunyatsoziva. Panotangwa nyaya yokubvumira kwakaita Mwari uipi kuti huvepo, nyaya yechivi chevanhu vaviri vokutanga vaiva mumunda weEdheni ndiyo inobva yangouya mumusoro. Pfungwa yokuti ‘Mwari anoziva zvinhu zvose’ inoita kuti vamwe vapedzisire vati Mwari anofanira kunge aiziva kuti Adhamu naEvha vaizorega kumuteerera.
Kudai kuri kuti Mwari ainyatsoziva kuti vaviri ava vaizotadza, taizoti chii? Zvaizoita kuti vanhu vafunge kuti Mwari ane unhu hwakashata. Zvaizoita sokuti haana rudo, haaruramisiri, uye ane unyengeri. Vamwe vanofunga kuti hwakanga huri utsinye kuita kuti vanhu vokutanga vararame upenyu hwaitozivikanwa kuti hwaizoguma hwavaipira. Kana zvakadaro, zvaizoita sokuti Mwari ndiye akakonzeresa kana kuti ane zvaakaitawo kuti pave nouipi uye kutambura kwatiri kuona. Dai zvaive zvakadaro vamwe vaizoona Mwari sebenzi.
Semataurirwo azvinoitwa muMagwaro, ndizvo here zvatingati zvakaita Jehovha Mwari? Kuti tipindure mubvunzo uyu ngationgororei zvinotaurwa neBhaibheri nezvemabasa aJehovha okusika uye unhu hwake.
“Zvakanga Zvakanaka Kwazvo”
Nhoroondo iri muna Genesisi inotaura nezvekusikwa kwezvinhu naMwari, kusanganisira vanhu vokutanga panyika, inoti: “Mwari akaona zvinhu zvose zvaakanga aita uye, tarira! zvakanga zvakanaka kwazvo.” (Genesisi 1:31) Adhamu naEvha vakasikwa vasina chivi, uye vakanga vakakodzera kurarama munyika yavakagadzirirwa. Vaiva vasina kana pakaremara. Vaigona kuita zvakarurama zvavaitarisirwa kuti vaite nokuti vakanga vasikwa “zvakanaka kwazvo.” Vakasikwa “nomufananidzo waMwari.” (Genesisi 1:27) Saka vaikwanisa kutevedzera zvakaita Mwari zvakadai seuchenjeri, rudo rwakavimbika, ruramisiro uye kunaka. Kuratidza unhu hwakadaro kwaizovabatsira kuita zvisarudzo zvakavanakira uye zvaifadza Baba vavo vokudenga.
Jehovha akapa vanhu ava vakachenjera uye vakakwana rusununguko rwokusarudza. Saka havana kusikwa vakaita semarobhoti, vakagadzirirwa kungoita zvinofadza Mwari. Pafunge! Ndechipi chipo chaunokoshesa, chinopiwa nemunhu asingadi kana kuti chaanokupa zvichibva pamwoyo? Zviri pachena. Saizvozvowo, kudai Adhamu naEvha vakasarudza kuteerera Mwari, zvingadai zvakaratidza kuti vaimuda nomwoyo wose. Kukwanisa kwavo kusarudza kwaivapa mukana wokuti vateerere Jehovha zvichibva pakumuda kwavaiita.—Dheuteronomio 30:19, 20.
Akarurama, Anoruramisira uye Akanaka
Bhaibheri rinotiudza unhu hwatinoratidzwa naJehovha. Nokuda kweunhu uhwu, hazvingaiti kuti aite chero chivi chipi zvacho. Pisarema 33:5 rinoti, Jehovha “anoda kururama nokururamisira.” Ndokusaka Jakobho 1:13 ichiti: “Hapana munhu angaedza Mwari nezvinhu zvakaipa uyewo iye haaedzi munhu.” Nemhaka yokuti Mwari munhu akanaka uye ane hanya, akanyevera Adhamu kuti: “Ungadya miti yose yomunda kusvikira waguta. Asi usadya muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa, nokuti nezuva raunoudya chokwadi uchafa.” (Genesisi 2:16, 17) Murume nomudzimai wokutanga vakanzi vasarudze upenyu husingaperi kana kuti rufu. Hwaisazova unyengeri here kuti Mwari avanyevere nezvechivi chaainyatsoziva kuti vachaita? Semunhu “anoda kururama nokururamisira,” Jehovha aisazoita kuti vasarudze iye achiziva hake kuti vachapedzisira vadya muchero wacho.
Chimwezve ndechokuti kunaka kwaJehovha kwakakura. (Pisarema 31:19) Jesu akarondedzera kunaka kwaJehovha achiti: “Ndiani pakati penyu angakumbirwa chingwa nomwanakomana wake—iye omutambidza dombo? Kana kuti, zvichida, angakumbirwa hove—iye omutambidza nyoka? Naizvozvo, kana imi, kunyange makaipa, muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba venyu vari kumatenga vachapa zvikuru sei zvinhu zvakanaka kune vaya vanovakumbira!” (Mateu 7:9-11) Mwari anopa zvisikwa zvake “zvinhu zvakanaka.” Chinoratidza kuti Mwari akanaka masikirwo akaitwa vanhu uye musha weParadhiso wavakanga vagadzirirwa. Changamire akanaka zvakadaro aizoita utsinye hwokuvapa musha wakanaka achiziva hake kuti aizovatorera here? Hatifaniri kupomera Muiti wedu akarurama uye akanaka kuti ndiye akaita kuti vanhu vapanduke.
Ndiye “Akachenjera Oga”
Magwaro anoratidzawo kuti Jehovha ndiye “akachenjera oga.” (VaRoma 16:27) Ngirozi dzaMwari dzokudenga dzakapupurira kuratidzwa kwouchenjeri hwake hwakakura. Jehovha paakasika zvinhu panyika, ngirozi dzakatanga ‘kushevedzera dzichirumbidza.’ (Jobho 38:4-7) Hapana mubvunzo kuti zvisikwa izvi zvakachenjera zvisingaoneki zvakanga zvakatarisa zvinhu zvaiitika mumunda weEdheni zvichida kuona kuti zvaizofamba sei. Zvaizova nemusoro here kuti pashure pokunge Mwari asika zvinhu zvinokanga mate mukanwa zviri kudenga uyewo zvinhu zvinonwisa mvura zviri pano pasi obva asika vanhu vaviri ngirozi dzake dzakatarira iye achingoziva zvake kuti vachatadza? Kutaura chokwadi kuronga kuita zvakaipa kudaro hakuna musoro.
Kunyange zvakadaro mumwe angati, ‘Asi Mwari akachenjera kupfuura vanhu vose aizotadza sei kufanoziva zvaizoitika?’ Ichokwadi kuti chimwe chinoratidza uchenjeri hukuru hwaMwari kukwanisa kwake kuziva “zvokuguma kubvira pakutanga.” (Isaya 46:9, 10) Asi, haana kuhushandisa kuti afanoziva zvaizoitika kuna Adhamu naEvha, sezvaanongoitawo kuti haashandisi zvizere simba rake guru nguva dzose. Jehovha anoita zvokusarudza kuti ndirini paanganyatsoshandisa uchenjeri hwake kuti azive zvichazoitika. Anongosarudza kufanoziva paanenge achifanira kudaro uye kana zvakakodzera.
Kurega kufanoziva chimwe chinhu kunogona kufananidzwa nekushandisa kwatinoita zvigadzirwa zvemazuva ano. Mumwe munhu paanenge achiona mutambo wakaita zvokurekodhwa anokwanisa kusarudza kuona kwokupedzisira kwomutambo wacho kuti agare aziva kuti uchazopera sei. Asi haafaniri hake kutanga nokuona kwaunoperera. Pane angamushora here kana akasarudza kuona mutambo wacho wose kubvira paunotangira? Ndozvakaitwawo noMusiki, akasarudza kusaziva kuti zvaizopera sei. Asi, akasarudza kumbomira kuti aone kuti vana vake vepanyika vaizorarama sei.
Sezvambotaurwa, Jehovha haana kushandisa uchenjeri hwake kuti asike vanhu vokutanga vakaita semarobhoti, vakagadzirirwa kungoita zvavakasikirwa chete. Pane kudaro, akavapa rusununguko rwokusarudza achiratidza kuvada kwaaiita. Kudai vakasarudza kuita zvakanaka zvingadai zvakaratidza kuda kwavaiita Jehovha, kuonga kwavaiita uye kuteerera kwavo, izvo zvaizoita kuti vawedzere mufaro wavo uye waBaba vavo vokudenga.—Zvirevo 27:11; Isaya 48:18.
Magwaro anoratidza kuti pane zvakawanda, Mwari haana kusarudza kufanoziva. Somuenzaniso, murume akanga akatendeka Abrahamu paakanga ava kuda kupa mwanakomana wake sechibayiro, Jehovha akabva amuudza kuti: “Zvino ndava kuziva kuti unotya Mwari nokuti hauna kundinyima mwanakomana wako, iye mumwe chete.” (Genesisi 22:12) Uyezve, pane zvimwe zvinotaurwa nezvevamwe vanhu vakaita zvakashata ‘vakarwadzisa’ Mwari. Angadai akarwadziwa here kudai akanga agara achitoziva hake kuti ndozvavaizoita?—Pisarema 78:40, 41; 1 Madzimambo 11:9, 10.
Saka, zvine musoro kugumisa tichiti Mwari akachenjera kupfuura vanhu vose haana kusarudza kufanoziva kuti vabereki vedu vokutanga vaizotadza. Akanga asiri fuza zvokuti angaite chinhu chaanoziva kuti hachibatsiri, chakadai sokushandisa simba rake rokuziva zvichaitika ozongodzokorora chiitiko chacho iye atoziva kuti chichaenda nepapi.
“Mwari Rudo”
Muvengi waMwari, Satani, ndiye akatanga kupandukira kwakaitika muEdheni kwakazoguma nezvinhu zvakaipa zvinosanganisira chivi norufu. Ndokusaka Satani achinzi “muurayi.” Akaratidzawo kuti “murevi wenhema nababa venhema.” (Johani 8:44) Pamusana pokuti iye Satani ane vavariro dzakashata, anoedza nepaanogona napo kuita kuti Musiki wedu ane rudo aonekwe seane vavariro dzakaipa. Anoda chaizvo kupomera Jehovha mhosva yokukonzera kutadza kwakaita vanhu.
Rudo ndirwo chinhu chikuru chakaita kuti Jehovha asarudze kusaziva kuti Adhamu naEvha vaizotadza. Rudo ndirwo rwaanonyanya kuratidza. 1 Johani 4:8 inoti: “Mwari rudo.” Rudo unhu hwakanaka. Runotsvaka zvakanaka zvinoitwa nevamwe. Kutaura zvazviri, Jehovha aida kuti vanhu vaviri vokutanga vafambirwe zvakanaka nezvinhu nokuti aivada.
Kunyange zvazvo vana vaMwari vepanyika vaikwanisa kusarudza kusateerera, Mwari wedu ane rudo haana kumbobvira anyumwira zvisikwa zvake zvakakwana kana kufunga kuti zvaizotadza. Akanga avapa zvose zvavaida uye avaudza zvavaifanira kuziva. Saka Mwari aitarisira kuti vamuteerere kuratidza kuti vaimuda kwete kuti vamupandukire. Aiziva kuti Adhamu naEvha vaikwanisa kuramba vakatendeka, sezvakazoitwa nevarume vaitova nechivi vakadai saAbrahamu, Jobho, Dhanieri nevamwe vakawanda.
Jesu akati: “Zvinhu zvose zvinobvira kuna Mwari.” (Mateu 19:26) Mashoko aya anonyaradza. Rudo runa Jehovha uye umwe unhu hukuru hwaainahwo hwakadai sekutonga zvakarurama, uchenjeri uye simba zvinoita kuti tive nechokwadi chokuti munguva pfupi achabvisa nhamo dzose dzinokonzerwa nechivi kusanganisira rufu.—Zvakazarurwa 21:3-5.
Zviri pachena kuti Jehovha haana kusarudza kuziva kuti murume nomukadzi vokutanga vaizotadza. Kunyange zvazvo Mwari akarwadziwa nokusateerera kwakaita vanhu uye nhamo dzakazovapo, aiziva kuti izvi ndezvenguva pfupi nokuti zvakanga zvisingazotadzisi kuzadzisa chinangwa chake nokuda kwenyika uye vanhu. Wadii kudzidza zvakawanda nezvechinangwa ichi uye kubatsirwa kwaungaitwa nokuzadzika kwacho kunoshamisa?a
[Mashoko Omuzasi]
a Kuti uwane zvakawanda maererano nechinangwa chaMwari nokuda kwenyika ona chitsauko 3 chebhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 14]
Jehovha haana kusika vanhu vokutanga vakaita semarobhoti, vakagadzirirwa kungoita zvavakasikirwa chete
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 15]
Mwari aizviziva kuti Adhamu naEvha vaikwanisa kuramba vakatendeka