Vakaita Kuda kwaJehovha
Chiito Chokukanganwira Chinozarura Nzira Yokuponeswa
VANAKOMANA gumi vaJakobho vakanga vakamira pamberi pomutungamiriri wehurumende yeEgipita vose vaiva nezvavaiziva zvinotyisa zvavaivanza. Makore akawanda akanga apfuura vakanga vatengesa Josefa munun’una wavo mwana wababa vavo muuranda, vachironga kutaurira baba vavo kuti akanga aurayiwa nechikara.—Genesi 37:18-35.
Zvino, kwapera makore 20, nzara huru yakanga yamanikidza varume gumi ava kuti vauye kuEgipita kuzotenga zviyo. Asi zvinhu hazvina kufamba zvakanaka. Mutungamiriri wehurumende, uyo aivawo mutarisiri wezvokudya, akavapomera mhaka yokuva vasori. Akaisa mumwe wavo mujeri ndokurayira kuti vamwe vacho vadzokere kumusha vondouya nemunun’una wavo mudukusa, Bhenjamini. Pavakaita kudaro, mutungamiriri wehurumende akaronga kuti Bhenjamini asungwe.—Genesi 42:1–44:12.
Judha, mumwe wevanakomana vaJakobho, akapokana nazvo. ‘Kana tikadzokera kumusha tisina Bhenjamini,’ akadaro, ‘baba vedu vachafa.’ Ipapo chimwe chinhu chisina kumbokarirwa naJudha kana chero upi zvake waakanga anaye chakaitika. Arayira kuti vose vabude mukamuri macho kunze kwevanakomana vaJakobho, mutungamiriri wehurumende wacho akachema zvinonzwika. Ipapo, adzikamazve, akazivisa kuti: “Ndini Josefa.”—Genesi 44:18–45:3.
Ngoni Nokununurwa
“Baba vangu vachiri vapenyu here?” Josefa akabvunza madzikoma ake vana vababa vake. Hapana akapindura. Chokwadi, madzikoma aJosefa vana vababa vake vakaoma mate mukanwa. Vaifanira kufara, kana kuti vaifanira kutya here? Pashure pezvose, makore 20 akanga apfuura, vakanga vatengesa murume uyu muuranda. Josefa akanga ava nesimba rokuvaisa mujeri, kuvadzosera kumusha vasina zvokudya, kana kuti—zvakatoipisisa—kuvauraya! Nechikonzero chakanaka, madzikoma aJosefa vana vababa vake havana ku“gona kumupindura, nokuti vakanga vachitya pamberi pake.”—Genesi 45:3.
Josefa akakurumidza kurerutsira varume ava. Akati, “Doswederai henyu kwandiri.” Vakaswedera. Ipapo akati: “Ndini Josefa, mwanakomana wababa venyu wamakatengesa ndikaiswa Egipita. Zvino musazvidya mwoyo, kana kuzvitsamwira, zvamakanditengesera kuno; nokuti Mwari wakandituma pamberi penyu, kuti ndichengete upenyu.”—Genesi 45:4, 5.
Ngoni dzaJosefa hadzina kuratidzwa dzisina padzakavakirwa. Akanga atocherekedza uchapupu hwokupfidza kwavo. Somuenzaniso, Josefa paakapomera madzikoma ake vana vababa vake mhosva yokuva vasori, akaita manzwira vachitaurirana kuti: “Zvirokwazvo tine mhosva nokuda kwemunin’ina wedu . . . naizvozvo tawirwa nokutambudzika uku.” (Genesi 42:21) Uyezve, Judha akanga azvipira kuva muranda panzvimbo yaBhenjamini kuitira kuti jaya racho ridzoserwe kuna baba varo.—Genesi 44:33, 34.
Saka, Josefa akanga akarurama pakuratidza ngoni. Chokwadi, akaziva kuti kuita kudaro kwaigona kuguma nokuponeswa kwemhuri yake yose. Naizvozvo, Josefa akaudza madzikoma ake vana vababa vake kuti vadzokere kuna baba vavo, Jakobho, ndokuvataurira kuti: “Zvanzi naJosefa, mwanakomana wenyu: Mwari wakandiita ishe weEgipita rose; burukirai kwandiri, musanonoka; mugare panyika yeGosheni, mugova pedyo neni, imi, navanakomana venyu, navana vavana venyu, namakwai enyu, nemombe dzenyu, nezvose zvamunazvo; ndichakuchengetaipo.”—Genesi 45:9-11.
Josefa Mukuru
Jesu Kristu anogona kunzi Josefa Mukuru, nokuti pane zvakafanana zvikuru pakati pevarume vaviri ava. SaJosefa, Jesu akabatwa zvisina kufanira nemadzikoma ake, vaivawo vazukuru vaAbrahama saiye. (Enzanisa naMabasa 2:14, 29, 37.) Asi, varume vacho vose vakaona kuchinjwa kwezvinhu kusingawanzoitiki. Pashure penguva yakati, chinzvimbo chaJosefa chomuranda chakachinjwa kuva chomutungamiriri wehurumende, mutevedzeri waFarao chete. Nenzira yakafanana, Jehovha akamutsa Jesu kuvakafa ndokumusimudzira kunzvimbo yapamusoro “kurudyi rwaMwari.”—Mabasa 2:33; VaFiripi 2:9-11.
Somutungamiriri wehurumende, Josefa aigona kupa zvokudya kune vose vaiuya kuEgipita kuzotenga zviyo. Nhasi, Josefa Mukuru ane boka romuranda akatendeka neakachenjera pasi pano raanoshandisa kugovera zvokudya zvomudzimu “nenguva yakafanira.” (Mateo 24:45-47; Ruka 12:42-44) Chokwadi, vanouya kuna Jesu “havachazoziyi nenzara, havachazofi nenyota; . . . nokuti Gwayana riri pakati pechigaro richavafudza, richavatungamirira kumatsime emvura youpenyu.”—Zvakazarurwa 7:16, 17.
Zvatinodzidza
Josefa akagovera muenzaniso wakasiyana neimwe wengoni. Ruramisiro yakaoma yaizodai yakarayira kurangwa kweavo vakamutengesa muuranda. Mukupesana, pfungwa dzaigona kudai dzakamuita kuti afuratire kudarika kwavo. Josefa haana chimwe chezviviri izvi chaakaita. Panzvimbo pezvo, akaedza kupfidza kwemadzikoma ake vana vababa vake. Ipapo, paakaona kuti kutambura kwavo kwakanga kuri kwechokwadi, akavakanganwira.
Tinogona kutevedzera Josefa. Apo mumwe munhu akatitadzira anoratidza kuchinja mwoyo kwechokwadi, tinofanira kumukanganwira. Ichokwadi kuti hatifaniri kurega pfungwawo zvadzo dzichitiita kuti tisaone kutadza kwakakomba. Asiwo, hatifaniri kuita kuti kunzwa kwepfundepfunde kuite kuti tisaone zviito zvokupfidza kwechokwadi. Saka ngati“itirane mwoyo murefu, [ti]chikanganwirana.” (VaKorose 3:13) Patinoita kudaro, tichange tichitevedzera Mwari wedu, Jehovha, a“nofarira kukanganwira.”—Pisarema 86:5; Mika 7:18, 19.