Mapisarema
Munyengetero waDhavhidhi.
2 Chengetedzai upenyu hwangu,* nekuti ndakavimbika.+
Ponesai mushumiri wenyu anovimba nemi,
Nekuti muri Mwari wangu.+
5 Nekuti makanaka+ uye makagadzirira kukanganwira,+ haiwa Jehovha;
Rudo rwenyu rusingachinji kune vese vanodana kwamuri rwakakura.+
11 Ndirayiridzei nezvenzira yenyu, haiwa Jehovha.+
Ndichafamba muchokwadi chenyu.+
Batanidzai mwoyo wangu* kuti utye zita renyu.+
12 Ndinokurumbidzai, haiwa Jehovha Mwari wangu, nemwoyo wangu wese,+
Ndichakudza zita renyu nekusingaperi,
13 Nekuti rudo rwenyu rusingachinji rwamunondiratidza rwakakura,
14 Haiwa Mwari, vanhu vanozvikudza vanosimuka kuti vandirwise;+
Chikwata chevanhu vane utsinye chinotsvaga kupfuudza upenyu hwangu,*
15 Asi imi, haiwa Jehovha, muri Mwari ane ngoni netsitsi,*
Anononoka kutsamwa, azere nerudo rusingachinji uye nekutendeka.*+
16 Tendeukirai kwandiri mundinzwirewo nyasha.+
Ipai mushumiri wenyu simba renyu,+
Uye ponesai mwanakomana wemurandasikana wenyu.
17 Ndiratidzei chiratidzo chekunaka kwenyu,
Kuti vaya vanondivenga vazvione, vanyadziswe.
Nekuti imi, haiwa Jehovha, muri mubatsiri wangu nemunyaradzi wangu.