Kutyirei Mwari Wechokwadi Zvino?
“Itya Mwari, uchengete mirayiro yake; nokuti ndizvo zvakafanira vanhu vose.”—MUPARIDZI 12:13.
1, 2. Neiko kutya Mwari kwakarurama kwakakodzera?
RUTYO rwakanaka uye rwokuremekedza Mwari rwakanaka nokuda kwomunhu. Hungu, kunyange kutya kwavanhu kwakawanda kuchivhiringidza mumirangariro, kunyange kukuvadza garikano yedu, kwakanaka kuti titye Jehovha Mwari.—Pisarema 112:1; Muparidzi 8:12.
2 Musiki anoziva ikoku. Nemhaka yokuda chisiko chake, anorayira vose kumutya nokumunamata. Tinorava, kuti: “Ndakaona mumwe mutumwa achibhururuka pakati pedenga, ane Evhangeri isingaperi, kuti aiparidzire vanogara panyika, namarudzi ose, nendudzi dzose, nendimi dzose, navanhu vose. Akati nenzwi guru: Ityai Mwari, mumurumbidzei; nokuti nguva yake yokutonga yasvika; namatai iye, wakasika denga, nenyika.”—Zvakazarurwa 14:6, 7.
3. Musiki akaitirei vabereki vedu vokutanga?
3 Zvirokwazvo hatifaniri kufuratira Musiki wezvinhu zvose, Manyuko oupenyu, nokuti tiri vake nenyika ino. (Pisarema 24:1) Mukuratidzirwa kworudo rwake rukuru, Jehovha akapa vana vake vapasi upenyu uye akavagovera nzvimbo inoshamisa yokuti vararame vari mairi—paradhiso yakaisvonaka. Bva, ichi chipo chinoshamisa chakanga chisiri chisingatsamiri pamamiriro ezvinhu. Chaizvoizvo, chakapiwa sechironzeswa. Vabereki vedu vokutanga vaifanira kutarisira musha wavo ndokuufutunudza kutozosvikira vazadza nokudzora pasi rose. Vakanga vane ropafadzo nemitoro kumhuka dzapanyika, shiri, uye hove—zvimwe zvisikwa zvose izvo zvaizogoverana pasi navo navana vavo. Nokuda kweichi chironzeswa chikuru, munhu aizova anozvidavirira.
4. Munhu akaitei kuchisiko chaMwari?
4 Pasinei zvapo namavambo anoshamisa akadaro, tarira izvo munhu akaita kusvibisa musha wake wapasi wakaisvonaka! Mukuzvidza kwokusaremekedza uridzi hwaMwari hweichi chinokosha, vanhu vakaita kuti pasi rive rinosembura. Kusvibisa kwacho kwasvika papfundo rokutyisidzira kuvapo kwamarudzi akawanda zvikuru emhuka, shiri, uye hove. Mwari wedu akarurama neane rudo haasati achizoshivirira ikoku nokusingazivikanwi. Kushatswa kwapasi kunorayira kugadzikiswa kwezvinhu, chiri chimwe chinhu chinoita kuti vakawanda vave nechikonzero chokutya. Kune rumwe rutivi, nokuda kwaavo vari kuvimba naMwari nenzira yokuremekedza, kunonyaradza kuziva chichaitika. Jehovha acharayira kugadzikiswa kwezvinhu, uye pasi richadzorerwa. Iwaya zvirokwazvo mashoko anofadza nokuda kwavose vane mwoyo yakarurama pasi pano.
5, 6. Jehovha achadavidza sei kuizvo munhu akaita kuchisiko Chake?
5 Mwari achaita rutongeso rwake kupfurikidza nei? Kupfurikidza naJesu Kristu, zvino akagadzwa pachigaro choumambo saMambo woUmambo hwokudenga hwaMwari. Kupfurikidza neMwanakomana wokudenga iyeyo, Jehovha achagumisa tsika yazvino isina kuchena, inopandukira. (2 VaTesaronika 1:6-9; Zvakazarurwa 19:11) Nenzira iyoyi achaunza rusununguko kuavo vanomutya uye, panguva imwe cheteyo, kununura uye kuchengetedza musha wedu wapasi.
6 Ikoku kuchaitika sei? Bhaibheri rinotaura nezvedambudziko guru riri kuuya richaguma nehondo yeArmagedhoni. (Zvakazarurwa 7:14; 16:16) Irworwu ruchava rutongeso rwaMwari mukurwisana netsika ino yezvinhu yakasvibiswa navasvibisi vayo. Vanhu vapi navapi vacharamba vari vapenyu here? Hungu! Vachava avo, kwete vanotya Mwari zvakaipa, nenzira isina kunaka, asi vanomutya nenzira yokuremekedza yokumukudza. Vachanunurwa.—Zvirevo 2:21, 22.
Kuratidzirwa Kwesimba Kunotyisa
7. Neiko Mwari akapindira nokuda kwaIsraeri muzuva raMosesi?
7 Ichi chiito chinonyandura mirangariro chichaitwa naJehovha Mwari chakafanofananidzirwa nechiito chesimba chaakaita nokuda kwavanamati vake makore 1 500 Nguva Yavose isati yasvika. Simba guru rehondo reEgipita rakanga raisa muutapwa vashandi varo vanobva kunze kwenyika vechiIsraeri, richitoedza chimiro chakati chokuparadza rudzi apo mutongi waro, Farao, akarayira kuurawa kwavanhurume vechiIsraeri vachangobva kuberekwa. Rukundo rwaMwari paEgipita rwaizounza kusunungurwa kwaIsraeri patsika yezvematongerwe enyika inodzvinyirira, hungu, rusununguko parudzi rwakanga rwakasvibiswa nokunamatwa kwavamwari vakawanda.
8, 9. Mosesi navaIsraeri vakadavidza sei kukupindira kwaMwari?
8 Bhuku raEksodho ganhuro 15 rine chinyorwa chokuita kwavaIsraeri kukusunungurwa kubva muEgipita. Kunzvera iyi nhau kuchatibetsera kunzwisisa kuti vaKristu vanogona sei kununurwa patsika yazvino yakashatiswa mumudzimu uye munyama. Ngatirangarirei Eksodho ganhuro 15, tichiisa ngwariro pandima dzakasarudzwa kuti tidzidze chikonzero nei tichifanira kusarudza kutya Jehovha, Mwari wechokwadi. Tinovamba neEks 15 ndima 1 ne2:
9 “Zvino Mosesi navana vaIsraeri vakaimbira Jehovha rwiyo urwu, vakataura vachiti: Ndichaimbira Jehovha, nokuti wakasimuka nesimba rake; wakakandira bhiza nomutasvi waro mugungwa. Jehovha ndiro simba rangu norwiyo rwangu; iye wakava ruponeso rwangu.”
10. Chii chakatungamirira kukuparadza kwaMwari uto reEgipita?
10 Vanhu kupota nyika vakarovedzana nenhau yokuti Jehovha akasunungura sei Israeri kubva muEgipita. Akaunza matambudziko pasimba guru iroro renyika kutozosvikira Farao pakupedzisira abvumidza vaIsraeri kuenda. Asi ipapo mauto aFarao akatevera ava vanhu vakanga vasina dziviriro uye vakaratidzika kuva vakaiswa pakamanikana pamahombekombe eGungwa Dzvuku. Kunyange zvazvo kwakaratidzika kuti vanakomana vaIsraeri vaizokurumidza kurasikirwa norusununguko rwavo rwakanga ruchangobva kuwanwa, Jehovha akanga achirangarira chimwe chinhu. Nenzira inoshamisa akavhura nzira nomugungwa ndokuunza vanhu vake kukotsekano. Apo vaEgipita vakatevera, akavafukidza neGungwa Dzvuku ndokunyudza Farao namauto ake.—Eksodho 14:1-31.
11. Ndoupi wakanga uri mugumisiro wechiito chaMwari mukurwisana neEgipita?
11 Kuparadza kwaJehovha mauto eEgipita kwakamukwidziridza mumeso avanamati vake ndokuita kuti zita rake rizivikanwe zvakafara. (Joshua 2:9, 10; 4:23, 24) Hungu, zita rake rakakwidziridzwa pamusoro pavamwari venhema, vasina simba veEgipita, avo vakabvumikisa kuva vasingakwanisi kununura vanamati vavo. Kuvimba navamwari vavo uye navanhu vanofa nomusimba rehondo kwakatungamirira kukuodzwa mwoyo kunorwadza. (Pisarema 146:3) Hakushamisi kuti vaIsraeri vakasundwa kuimba rumbidzo dzakaratidzira kutya Mwari wechokwadi kwakanaka, uyo anonunura nesimba vanhu vake!
12, 13. Chii chatinofanira kudzidza murukundo rwaMwari paGungwa Dzvuku?
12 Nenzira yakafanana, tinofanira kuziva kuti hapana vamwari venhema venguva yedu uye hapana nyika ine simba guru zvikuru, kunyange ine zvombo zvenyukireya, zvinogona sezvingabvira kuenzana naJehovha. Anogona uye achanunura vanhu vake. “Iye unoita sezvaanoda pahondo yokudenga, napakati pavagere panyika; hakuna ungadzora ruoko rwake, kana ungati kwaari: Unoiteiko?” (Dhanieri 4:35) Apo tinowana zvizere mufungo weaya mashoko, isuwo tinosundwa kuimba rumbidzo dzake nomufaro.
13 Rwiyo rworukundo paGungwa Dzvuku runopfuurira, kuti: “Jehovha munhu wokurwa; Jehovha ndiro zita rake.” Uyu Murwi asingakundwi, naizvozvo, haasati ari chinhu chisingazivikanwi chefungidziro yomunhu. Ane zita! Ndiye ‘Uyo anoparira kuvapo,’ Muiti Mukuru, Uyo a“ne zita rinonzi Jehovha, . . . Wokumusorosoro kumusoro kwapasi pose.” (Eksodho 3:14; 15:3-5; Pisarema 83:18) Haubvumi here kuti kwaizova kuchenjera nokuda kwavaEgipita vekare ivavo kuti vave nepfungwa ine mufungo uye yokuremekedza yokutya Wamasimba ose panzvimbo pokumuzvidza?
14. Ukoshi hworutyo rwoumwari hwakaratidzirwa sei paGungwa Dzvuku?
14 SoMugadziri wapasi, Muiti wegungwa anodzora zvakakwana madziva emvura. (Eksodho 15:8) Achishandisawo kudzora kwake mhepo, akaita zvairatidzika kuva zvisingabviri. Akakamuranisa mvura yakadzama panzvimbo yakati ndokuisundira shure mumativi akatarisana kuti abudise mukoto une madziro emvura kuti vanhu vake vapfuure. Isa muchiono chiitiko chacho: mamiriyoni amatani emvura yegungwa akaungana mumadziro akatarisana, achiumba nzira yokupukunyuka yakadzivirirwa nokuda kwaIsraeri. Hungu, avo vakaratidzira kutya Mwari kwakanaka vakawana dziviriro. Ipapo Jehovha akaregera mvura, achiita kuti idzoke shure seboporodzi rine simba, ichifukidza mauto aFarao nezvombo zvawo. Kuratidzirwa kwesimba roumwari kwakadini pavamwari vasingakoshi nesimba rehondo ravanhu! Zvirokwazvo, Jehovha ndiye anofanira kutyiwa, haasiri here?—Eksodho 14:21, 22, 28; 15:8.
Kuratidzira Kutya Kwedu Mwari
15. Ndokupi kunofanira kuva kudavidza kwedu kuzviito zvokuponesa zvine simba zvaMwari?
15 Kudai takanga tamira zvakakotsekana naMosesi, zvirokwazvo tingadai takasundwa kuimba, kuti: “Ndianiko wakafanana nemi, Jehovha, pakati pavamwari? Ndianiko wakafanana nemi paukuru hwoutsvene, munorumbidzwa muchityisa, munoita zvishamiso?” (Eksodho 15:11) Mifungo yakadaro yakadzokororwa mumazana amakore chibviro chenguva iyoyo. Mubhuku reBhaibheri rokupedzisira, muapostora Johane anorondedzera boka ravabatiri vakazodzwa vakatendeka vaMwari, achiti: “Vakanga vachiimba rwiyo rwaMosesi, muranda waMwari, norwiyo rweGwayana.” Chii chiri urwu rwiyo rukuru? “Ishe, Mwari wamasimba ose, mabasa enyu akakura, anoshamisa; Mambo wamarudzi, nzira dzenyu dzakarurama, ndedzazvokwadi. Ndianiko ungarega kutya nokukudza zita renyu, Ishe? Nokuti imi moga muri mutsvene.”—Zvakazarurwa 15:2-4.
16, 17. Chiitikoi chinoshamisa chatinoona chichiitika nhasi?
16 Naizvozvo nhasiwo kune vanamati vakasunungurwa avo vanoonga kwete bedzi mabasa amaoko okusika aMwari asiwo mirayiro yake. Vanhu vanobva mumarudzi ose vakasunungurwa mumudzimu, vakaparadzaniswa neiyi nyika yakasvibiswa nemhaka yokuti vanoziva uye vanoshandisa mirayiro yakarurama yaMwari. Gore negore, mazana ezviuru anonzvenga iyi nyika yakashatiswa kuti agare nesangano rakachena, rakarurama ravanamati vaJehovha. Nokukurumidza, mushure mokunge rutongeso rwaMwari runopisa mukurwisana norudzidziso rwenhema neyasara yose yeiyi tsika yakaipa rwaitwa, vachagara nokusingaperi munyika itsva yakarurama.
17 Maererano naZvakazarurwa 14:6, 7, rudzi rwomunhu zvino ruri kunzwa shoko renyevero rerutongeso ruri kuziviswa neZvapupu zvaJehovha munhungamiro yengirozi. Munyika dzinopfuura 230 gore rapera, anenge mamiriyoni mashanu eZvapupu akazivisa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari neawa yake yorutongeso. Kuti zvidzidzise vanhu biyazvo nokuda kwokupukunyuka, Zvapupu zvakaita shanyo dzenguva dzose kumisha yavanhu, zvichiitisa fundo dzeBhaibheri dzapachena. Mazana ezviuru gore rimwe nerimwe nokudaro anodzidza zvakakwana kutya Mwari wechokwadi nenzira youngwaru, anotsaurira upenyu hwawo kwaari, uye anobhapatidzwa. Kunofadza sei kuti vakasvika pakutya Mwari wechokwadi!—Ruka 1:49-51; Mabasa 9:31; enzanisa naVaHebheru 11:7.
18. Chii chinoratidza kuti ngirozi dzinobatanidzwa mukuparidza kwedu?
18 Ndokwechokwadi here kuti ngirozi dzinobatanidzwa muiri basa rokuparidza? Eya, zvirokwazvo kunoratidzika kuva kwakajeka kuti nhungamiro yengirozi kazhinji kazhinji yakasvitsa Zvapupu zvaJehovha pamusha apo mweya wakaora mwoyo wakanga uchipanga, kunyange kunyengeterera betsero yomudzimu! Somuenzaniso, Zvapupu zvaJehovha zviviri zvichiperekedzwa nekamwana zvakanga zvichitaura mashoko akanaka muchimwe chitsuwa cheCaribbean. Sezvo masikati akasvika, vakuru vaviri vakasarudza kuti vaizomira nokuda kwezuva racho. Asi mwana wacho akanga achidisa nenzira isiri yenguva dzose kushanyira imba yaitevera. Apo akaona kuti vakuru vacho vakanga vasingadi kuita kudaro panguva iyoyo, akaenda oga ndokugogodza. Mukadzi muduku akazarura suo. Apo vakuru vakazviona, vakaenda ndokutaura naye. Akavakumbira kupinda, achitsanangura kuti panguva chaipo paakanzwa kugogodza pasuo, akanga achinyengetera kuti Mwari atumire Zvapupu kwaari kuti zvimudzidzise Bhaibheri. Rongedzero dzakaitwa nokuda kwefundo yeBhaibheri.
19. Chii chatingagona kunongedzera kwachiri sebetsero yokutya Mwari?
19 Sezvatinozivisa nokutendeka shoko raMwari rorutongeso, tinodzidzisawo mirayiro yake yakarurama. Apo iyoyi inoshandiswa muupenyu hwavanhu, zvose zviri zviviri zvikomborero zvokunyama nezvemudzimu zvinovapo. Somuenzaniso, Bhaibheri rakajeka mukushurikidza kwaro unzenza hwose hwevatano. (VaRoma 1:26, 27, 32) Nhasi mipimo youmwari iri kufuratirwa zvakafara munyika. Ndoupi uri mugumisiro wacho? Roorano dziri kuputsika. Kusindimara kuri kuwedzera. Zvirwere zvakakomba zvinopfuudzwa muvatano, izvo zvazova zvakatekeshera muzana rino ramakore rechi20, zviri kupararira. Zvirokwazvo, chirwere chinotyisa cheAIDS kusvikira kutambanuko yakati chiri kuparadzirwa nounzenza hwevatano. Asi kutya Mwari kwokuremekedza hakuna kubvumikisa here kuva dziviriro huru nokuda kwavanamati vechokwadi?—2 VaKorinte 7:1; VaFiripi 2:12; onawo Mabasa 15:28, 29.
Migumisiro Yokutya Mwari Zvino
20. Chii chinoratidza kuti vamwe vanoziva mukurumbira weZvapupu zvaJehovha?
20 Zvikomborero zvakawanda kuavo vanotya Mwari nokutevera mirayiro yake. Rangarira chiitiko chinoenzanisira kuziva kunokura kweidi rokuti Zvapupu zvaJehovha zvinoumba uhama hune rugare hwavaKristu vakarurama mutsika. Zvapupu zvakati kuti, nhume dzaienda kukokorodzano yamarudzi akawanda muSouth America, zvakanga zvichigara pane imwe hotera iyo yakanga yashandiswawo humwe usiku nokuda kwokuungana kwevaisava Zvapupu kwaizopiwa hurukuro napurezidhendi wenyika. Sezvo boka rinochengetedza rakakurumidza kupinza purezidhendi muchikwidziso, chimwe Chapupu icho chakanga chisingazivi kuti ndiani aiva muchikwidzo chakapinda, kukushamiswa kwavarume vanochengetedza! Chichiziva zvachanga chaita, Chapupu chacho chakakumbira ruregerero nokuda kwokuvhozhokera. Chakaratidza bheji racho rekokorodzano raichizivisa seChapupu ndokutaura kuti chakanga chisiri tyisidziro kuna purezidhendi. Achinyemwerera, mumwe murindiri, akati: “Kudai vanhu vose vakanga vakafanana neZvapupu zvaJehovha, taisazoda rudzi rwakadai rwechengetedzo.”—Isaya 2:2-4.
21. Zviitoi zvakazarukira vanhu nhasi?
21 Urwu ndirwo rudzi rwavanhu urwo Jehovha zvino ari kuunganidza uye kugadzirira ku‘buda mudambudziko guru’ iro rinogumisa tsika ino. (Zvakazarurwa 7:9, 10, 14) Kupukunyuka kwakadaro hakusati kuchizova chinhu chinongoerekana chaitika. Kuti ave mupukunyuki, munhu anofanira kutya Jehovha, kumuziva saChangamire akafanira, uye kuva akatsaurirwa kwaari. Idi, zvisinei, nderokuti vakawanda zvikurusa havasati vachisakurira rudzi rwokutya urwo ruchavaita kuti vave vakafanirwa nedziviriro. (Pisarema 2:1-6) Maererano noufakazi hwose hunowanika, Mutongi akasarudzwa waJehovha, Jesu Kristu, ave achitonga saMambo chibviro chegore rechinjo huru ra1914. Ikoku kunoreva kuti nguva yasara iri kupera nokukurumidza nokuda kwavanhu vamwe navamwe kuti vakudziridze nokuratidzira kutya Jehovha kwakanaka. Zvisinei, Musiki wedu ari kubvumira vanhu, kunyange avo vari munzvimbo dzesimba, kuti vadavidze, achiti: “Zvino chivai nenjere, imi madzimambo; munyeverwe, imi vatongi venyika. Shumirai Jehovha nokutya, mufare muchidedera. Svetai mwanakomana, arege kutsamwa, mufire panzira, nokuti hasha dzake dzingakurumidza kumuka. Vakakomborerwa vose vanovimba naye.”—Pisarema 2:7-12.
22. Nguva yemberi inei nokuda kwaavo zvino vanotya Mwari?
22 Ngativei pakati paavo vacharumbidza Musiki soUyo akanunura. Ikoku kunorayira kwatiri, zvisinei, kuti titye Mwari wechokwadi zvino! (Enzanisa naPisarema 2:11; VaHebheru 12:28; 1 Petro 1:17.) Tinofanira kupfuurira kudzidza mitemo yake yakarurama ndokuiteerera. Rwiyo rwaMosesi norweGwayana, rwakanyorwa pana Zvakazarurwa 15:3, 4, ruchasvika pakakwirira parwo apo Jehovha anobvisa uipi hwose pasi pano ndokuvamba kuporesa munhu nomusha wake wapasi patapuro dzinoshatisa dzechivi. Ipapo, nomwoyo wedu wose tichaimba, kuti: “Ishe, Mwari wamasimba ose, mabasa enyu akakura, anoshamisa; Mambo wamarudzi, nzira dzenyu dzakarurama, ndedzazvokwadi. Ndianiko ungarega kutya nokukudza zita renyu, Ishe?”
Unoyeuka Here?
◻ Neiko Jehovha akafanirwa norutyo rwedu rwakanaka?
◻ Chii chakaratidzirwa nezvakaitwa naMwari paGungwa Dzvuku?
◻ Ibetseroi dzinobva mukutya kwedu Jehovha kwokuremekedza?
◻ Inguvai yemberi yakamirira avo vanotya Mwari wechokwadi zvino?