Betsero Dzokutya Mwari Wechokwadi
“Ndini Jehovha Mwari wako, unokudzidzisa zvinokubatsira, unokutungamirira panzira yaunofanira kufamba nayo.”—ISAYA 48:17.
1. Ingwavairai dzingadai dzakadziviswa nokutya kwoumwari?
KUDAI Adhama akanga asakurira kutya kwoumwari, kwaigona kuve kwakamudzivisa pachivi chakatungamirira kurufu rwake amene rusingagumi uye kuzviuru zvamakore enhamo nokuda kwavana vake. Kudai rudzi rwakare rwaIsraeri rwakanga rwateerera zano raJehovha kuti rwumutye nokumuda, rudzi irworwo rungadai rusina kutapwa kuBhabhironi, uyewo vangadai vasina kuramba Mwanakomana waMwari ndokuva nemhaka yokudeura ropa rake. Kudai nyika nhasi yaitya Mwari, pangadai pasina kushata muhurumende kana kuti mubhizimisi, pasina utsotsi, pasina hondo.—Zvirevo 3:7.
2. Pasinei zvapo namamiriro ezvinhu munyika yakatipoteredza, neiko tichifanira kusakurira kutya Jehovha?
2 Pasinei zvapo neizvo nyika yakatipoteredza inoita, zvisinei, isu savanhu vamwe navamwe, semhuri, uye seungano dzavabatiri vaJehovha tinogona kubetserwa nokusakurira kutya Mwari wechokwadi. Ikoku kunotsinhirana nechiyeuchidzo icho Mosesi akapa kurudzi rwaIsraeri, chokuti: “Jehovha Mwari wako unotsvakeiko kwauri, asi kuti utye Jehovha Mwari wako, ufambe munzira dzake dzose, nokumuda, nokushumira Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose uye nomweya wose, nokuchengeta mirayiro yaJehovha . . . kuti ufare zvakanaka.” (Dheuteronomio 10:12, 13) Ndedzipi dziri dzimwe dzebetsero dzinouya kwatiri apo tinotya Jehovha, Mwari wechokwadi?
Uchenjeri—Hunokosha Zvikuru Kupfuura Ndarama
3. (a) Ndeipi iri betsero hurusa yatinogona kugamuchira? (b) Chii chiri revo yePisarema 111:10?
3 Betsero hurusa uchenjeri hwechokwadi. Pisarema 111:10 rinozivisa, kuti: “Kutya Jehovha ndiko kutanga kwouchenjeri.” Ikoko kunorevei? Uchenjeri mano okushandisa zivo nenzira inobudirira kupedza zvinetso, kudzivisa ngozi, uye kusvika nharidzano dzakati. Hunobatanidza kusarudza kwakanaka. Mavambo, rutivi rwokutanga, hwaro hwouchenjeri hwakadaro, ndiko kutya Jehovha. Nemhaka yeiko? Nemhaka yokuti chisiko chose ibasa ramaoko ake. Chinotsamira paari. Iye akapa rudzi rwomunhu rusununguko rwokuzvisarudzira asi kwete mano okutungamirira nhano dzavo vamene nenzira inobudirira vasina nhungamiro yake. (Joshua 24:15; Jeremia 10:23) Kana tikanzwisisa bedzi maidi iwayo anokosha pamusoro poupenyu ndokurarama mutsinhirano nawo ndipo patinogona kuva nokubudirira kunogarisa. Kana zivo yedu yaJehovha ichitipa kupwiswa kusingazununguki kuti kuda kwaMwari kuchava nechokwadi chokubudirira uye kuti chipikirwa chake namano okutusa kutendeka ndezvechokwadi, ipapo kutya kwoumwari kuchatisunda kuita nokuchenjera.—Zvirevo 3:21-26; VaHebheru 11:6.
4, 5. (a) Neiko dzidzo yomurume muduku yapayunivhesiti yakamusiya asina uchenjeri hwechokwadi? (b) Murume uyu nomudzimai wake gare gare vakawana sei uchenjeri chaihwoihwo, uye ihwohwu hwakachinja upenyu hwavo munzirai?
4 Rangarira muenzaniso. Makumi amakore akati akapfuura, mumwe murume muduku akanga achifunda paUniversity of Saskatchewan, muCanada. Kwaibatanidzwa muzvaifundwa kwakanga kuri kudzidza nezvezvinhu zvipenyu, uye akadzidziswa mhindumupindu. Pashure pokupedza kufunda, akava nyanzvi yeatomic physics, achigamuchira mari yokudzidza yokupfuuridzira kufunda kwake paUniversity of Toronto. Sezvaaifunda, akaona ufakazi hunoshamisa hwenhevedzano nomugadzirirwo mukuumbwa kwemaatom. Asi hapana mhinduro dzakapiwa kumibvunzo, yokuti: Ndiani akagadzira zvose izvozvi? Rini? Uye nei? Pasina mhinduro idzodzo, aigona here sezvinobvira kushandisa zivo yake nouchenjeri munyika iyo panguva iyeyo yaiva muhondo? Chii chaizomutungamirira? Urudzi here? Chishuvo chetuso dzokudisa zvenyika here? Chaizvoizvo, akanga awana uchenjeri hwechokwadi here?
5 Isiri nguva refu pashure pokupedza kwake kufunda, murume muduku iyeyo nomudzimai wake vakavamba kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. MuShoko raMwari amene, vakavamba kuwana mhinduro idzo vakanga vachishayiwa kare. Vakasvika pakuziva Musiki, Jehovha Mwari. Sezvavakafunda pamusoro paMosesi paGungwa Dzvuku uye pamusoro paDhanieri neshamwari dzake muBhabhironi, vakadzidza ukoshi hwokutya kwete vanhu asi Mwari. (Eksodho 14:10-31; Dhanieri 3:8-30) Kutya kwoumwari kwakadaro kwakabatanidzwa nokuda Jehovha chaikoiko zvakavamba kuvasunda. Nokukurumidza mararamire avo ose akachinja. Murume muduku wacho pakupedzisira akaziva Uyo ane basa ramaoko raakanga afunda muzvinhu zvipenyu. Akavamba kunzwisisa chinangwa choUyo ane uchenjeri hwaakanga aona huchiratidzirwa mukufunda kwake physics. Panzvimbo pokushandisa zivo yake kuita zvishandiso zvaizoparadza munhu biyake, iye pamwe chete nomudzimai wake vakanga vachida kubetsera vamwe kuda Mwari nokuda muvakidzani wavo. Vakanyoresa mubasa renguva yakazara savazivisi voUmambo hwaMwari. Gare gare, vakapinda Watchtower Bible School of Gilead uye vakatumirwa savafundisi.
6. Kana tine uchenjeri hwakavakirwa pakutya Jehovha, zvirondwai zvisina uchenjeri zvatichadzivisa, uye chii chatichave tichiita panzvimbo pezvo?
6 Chokwadika, haasati ari munhu wose anogona kuva mufundisi. Asi tose zvedu tinogona kufarikanya uchenjeri hwakavakirwa pakutya Jehovha. Kana tikasakurira uchenjeri ihwohwo, hatisati tichizopinza nokudisa uzivi hwavanhu avo chaizvoizvo vari kufungidzira bedzi chiri chinangwa choupenyu. Tichave tichizvishandisa timene kufundo yeBhaibheri, rakafuridzirwa naManyuko oupenyu, Jehovha Mwari, uyo anogona kutipa upenyu husingagumi. (Pisarema 36:9; VaKorose 2:8) Panzvimbo pokuva varanda vetsika yezvokutengeserana iyo pachayo iri kuzununguka iri pamhenderekedzo yokuparara, tichateerera zano raJehovha rokugutswa nezvokudya nezvokufuka, munguvayo tichiita ukama hwedu naMwari chinhu chokutanga muupenyu. (1 Timotio 6:8-12) Panzvimbo pokuita sokunge kuti nguva yedu yemberi yaitsamira pakupfuma munyika ino, tichadavira Shoko raJehovha apo rinotiudza kuti nyika iri kupfuura ndozvinoita kuchiva kwayo, asi iye uyo unoita kuda kwaMwari unogara nokusingaperi.—1 Johane 2:17.
7. (a) Zvirevo 16:16 inotibetsera sei kuva nomufungo wakadzikama wezvinokosha? (b) Itusoi dzinobva mukuita kuda kwaMwari ngwariro youpenyu hwedu?
7 Zvirevo 16:16 inotikurudzira kupfurikidza nokutaura zvechokwadi, kuti: “Kuwana uchenjeri [uchenjeri hunovamba nokutya Jehovha] kunokunda sei kuwana ndarama; zviri nani kutsaura kuwana njere pakuwana sirvheri.” Uchenjeri hwakadaro nokunzwisisa zvichatisunda kuita kuda kwaMwari ngwariro youpenyu hwedu. Uye ibasai iro Mwari akaronzesa kuZvapupu zvake nokuda kwenhambo ino munhau yavanhu? Kuparidza pamusoro poUmambo hwake nokubetsera vanhu vane mwoyo yakatendeseka kuva vadzidzi vechokwadi vaJesu Kristu. (Mateo 24:14; 28:19, 20) Iri ibasa rinobereka tuso dzegutsikano yechokwadi nomufaro mukuru. Nechikonzero chakanaka, ipapoka, Bhaibheri rinoti: “Munhu, wawana uchenjeri, une mufaro.”—Zvirevo 3:13.
Taviridzo Pakuita Zvakaipa
8. (a) Dudza betsero yechipiri inobva mukutya Mwari. (b) Chii chiri chakaipa chatinotaviridzwa pachiri? (c) Kutya kwoumwari kunova sei simba rinosunda nesimba?
8 Betsero yechipiri inobva mukutya Mwari ndeyokuti nokudaro tinotaviridzwa pakuita chiri chakaipa. Avo vanoremekedza Mwari zvikuru havazvisarudziri vamene chiri chakanaka nechiri chakaipa. Havarangariri sechakaipa icho Mwari anoti chakanaka, uyewo havarangariri zvinhu izvo Mwari anoti zvakaipa kuva zvakanaka. (Pisarema 37:1, 27; Isaya 5:20, 21) Kupfuurirazve, munhu anosundwa nokutya kwoumwari haagumiri pakuziva chete icho Jehovha anoti chakanaka nechaanoti chakaipa. Munhu akadaro anoda chinodiwa naJehovha nokuvenga chinovenga Jehovha. Somugumisiro, anoita mutsinhirano nemipimo yaMwari. Nokudaro, sezvakataurwa pana Zvirevo 16:6, kuti “nokutya Jehovha vanhu vanobva pane zvakashata.” Kutya kwoumwari kwakadaro kunova simba rinosunda rine simba rokuita izvo munhu angasakwanisa kuita musimba rake amene.
9. Chishuvo chakasimba chokusafadza Mwari chakapesvedzera sei chisarudzo chomumwe mudzimai muMexico, uye nomugumisiroi?
9 Kunyange kana kutya kwoumwari kuri kuvamba bedzi kukura mumunhu, kungamusimbisa kudzivisa kuita chimwe chinhu icho angagona kuzvidemba kwoupenyu hwake hwose hwasara. Somuenzaniso, mumwe mukadzi ane pamuviri muMexico akabvunza mumwe weZvapupu zvaJehovha pamusoro pokubvisa pamuviri. Chapupu chacho chakaravira mukadzi wacho magwaro anoverengeka uye ipapo chakarangarira, kuti: “Kune Musiki, upenyu hunokosha zvikuru, kunyange upenyu hwaavo vachigere kuberekwa.” (Eksodho 21:22, 23; Pisarema 139:13-16) Nzvero yokukiriniki yakanga yakarakadza kuti mwana wake angava akaremara. Asi zvino, achisundwa neizvo akanga aona muShoko raMwari, mukadzi wacho akasarudza kuva nomwana wake. Chiremba wake akaramba kumuona zvakare, uye murume wake akatyisidzira kumusiya, asi akanga akasimba. Pashure penguva yakati, akabereka musikana—asina kuremara, akasimba, uye akaisvonaka. Asundwa nokuonga, akatsvaka Zvapupu, uye zvakavamba kufunda Shoko raMwari naye. Mukati megore rimwe iye nomurume wake vakabhapatidzwa. Pakokorodzano yoruwa makore mashomanene gare gare, vakafadzwa nokusangana neChapupu chokutanga zvakare ndokuchisuma kumwanasikana wavo akaisvonaka aiva namakore mana okukura. Kuremekedza Mwari kwakafanira nechishuvo chakasimba chokusamufadza zvirokwazvo kunoshandisa pesvedzero dzine simba muupenyu hwomunhu.
10. Kutya kwoumwari kunogona kusimbisa vanhu kuti vasununguke pazvimiroi zvokuita zvakaipa?
10 Kutya kwoumwari kunotisimbisa mukurwisana nezvakaipa zvakawanda. (2 VaKorinte 7:1) Apo kunosakurirwa zvakafanira, kunogona kubetsera munhu kurega zvivi zvakavanzika, zvinozivikanwa bedzi kwaari amene naJehovha. Kunogona kumubetsera kusununguka muuranda kukushandisa zvisina kufanira zvinwiwa zvinodhakisa kana kuti kushandisa zvisina kufanira mirimo. Mumwe munhu aichimbova akapindwa muropa nemirimo muSouth Africa akatsanangura, kuti: “Sezvandakapinza zivo yaMwari, ndakatangawo kutya kumukuvadza kana kuti kusamufadza. Ndaiziva kuti akanga ari kucherekedza, uye ndaiva nechishuvo chokutenderwa mukuona kwake. Kwakandisunda kuparadza mirimo yandaiva nayo kupfurikidza nokuigojera muchimbuzi.” Kutya kwoumwari kwakabetsera zviuru zvakawanda munzira dzakafanana.—Zvirevo 5:21; 15:3.
Dziviriro Pakutya Munhu
11. Kutya Jehovha kwakanaka kunogona kutitaviridza pamusungoi unozivikanwa?
11 Kutyiwa kwaMwari kwakanaka kunotitaviridzawo pakutya munhu. Vanhu vakawanda zvikurusa vanotambudzwa nokutya munhu kusvikira kumwero mukuru zvikuru kana kuti muduku zvikuru. Kunyange vaapostora vaJesu Kristu vakamusiya ndokutiza apo akabatwa navarwi mubindu reGetsemani. Gare gare, muchivanze chomuprista mukuru, mukusava akadzikama nomukubatwa nokutya, Petro akaramba kuti akanga ari mumwe wavadzidzi vaJesu uye kuti aisatombomuziva. (Marko 14:48-50, 66-72; Johane 18:15-27) Asi vaapostora vakabetserwa kuwanazve dzikamo yomudzimu. Pane rumwe rutivi, mumazuva aMambo Jehoiakimi, Uria mwanakomana waShemaia akakurirwa kwazvo nokutya zvokuti akasiya basa rake somuporofita waJehovha akatiza nyika, kuzongobatwa chete ndokuurawa.—Jeremia 26:20-23.
12. (a) Zvirevo 29:25 inonongedzera kudziviriroi pakutya munhu? (b) Kuvimba naJehovha kunotangwa sei?
12 Chii chinogona kubetsera munhu kukurira kutya munhu? Pashure pokunyevera kuti “kutya munhu kunouyisa musungo,” Zvirevo 29:25 inowedzera, kuti: “Ani nani unovimba naJehovha uchachengetwa.” Kuvimba naJehovha ndicho chinokosha. Kuvimba kwakadaro kwakavakirwa pazivo noruzivo rwokuzviwanira. Kupfurikidza nokufunda Shoko rake, tinoona ufakazi hwoururami hwenzira dzaJehovha. Tinova vakarovedzana nezviitiko zvinoratidzira kuvimbika kwake, kuva uchokwadi hwezvipikirwa zvake (kubatanidza icho chorumuko), rudo rwake nesimba rake risina kuganhurwa. Ipapo apo tinoita chimwe chinhu pazivo iyoyo, kuita zvinhu izvo Jehovha anorayira nokuramba zvakasimba izvo anonyevera pamusoro pazvo. Tinovamba kuwana zvakananga kutarisira kwake kworudo uye kuvimbika kwake. Isu somunhu oga tinoona ufakazi hwokuti simba rake rinova rinoshanda kuti ripedze kuda kwake. Chivimbo chedu maari chinokura uye, pamwe chete nacho, kumuda kwedu nechishuvo chedu chechokwadi chokudzivisa kusamufadza. Kuvimba kwakadaro kwakavakirwa pahwaro hwakasimba. Kunobatira sorusvingo rwakasimba kurwisana nokutya munhu.
13. Kutya kwoumwari kunogona sei kutibetsera pabasa redu rokunyika, pamusha, uye kuchikoro?
13 Kuvimba kwedu naJehovha, kwakabatanidzwa nokutya kwoumwari, kuchatiita vakatsiga nokuda kwechiri chakarurama kana mushandirwi akatityisidzira nokurasikirwa nebasa redu nokuda kwokuramba kutora rutivi mumiitiro isina kutendeseka yebhizimisi. (Enzanisa naMika 6:11, 12.) Kutya kwoumwari kwakadaro kunogonesa zviuru zvakawanda zvavaKristu kutsungirira mukunamata kwechokwadi mukutarisana nechishoro chinobva kumitezo yemhuri isingadaviri. Kunopawo pwere dzinopinda chikoro ushingi hwokuzvizivisa dzimene seZvapupu zvaJehovha, uye kunodzisimbisa kubata nokusekwa neshamwari dzomukirasi dzinonyomba mipimo yeBhaibheri. Nokudaro, chimwe Chapupu chechiduku chakati: “Izvo vanofunga chaizvoizvo hazvina basa. Izvo Jehovha anofunga ndizvo zvinokosha.”
14. Vabatiri vaJehovha vanokwanisa sei kubuda vakurira kunyange apo upenyu hwavo hunotyisidzirwa?
14 Kupwiswa kumwe cheteko kunosimbisa vaKristu vechokwadi kuomerera zvakasimba kunzira dzaJehovha kunyange apo upenyu hwavo hunotyisidzirwa. Vanoziva kuti vanofanira kukarira kutambudzwa munyika. Vanoziva kuti vaapostora vakapurwa uye kuti Jesu Kristu amene akarohwa uye akaurawa navanhu vakaipa. (Marko 14:65; 15:15-39; Mabasa 5:40; enzanisa naDhanieri 3:16-18.) Asi vabatiri vaJehovha vane chivimbo chakazara chokuti anogona kuvasimbisa kuti vatsungirire; kuti nebetsero yaMwari vanogona kubuda vakunda; kuti pasina kukundikana Jehovha achatusa avo vakatendeka—kana kuri madikanwa kunyange kupfurikidza nokumukira kuupenyu munyika yake itsva. Kuda kwavo Mwari kwakabatana nokutya kwoumwari kunovasunda zvakasimba kudzivisa kuita chinhu chipi nechipi chisingazomufadzi.
15. Chii chakagonesa Zvapupu zvaJehovha kuchengeta kuperera kwazvo mumisasa yechibharo yeNazi?
15 Iyi sundo yakagonesa Zvapupu zvaJehovha kutsungirira zvinotyisa zvomumisasa yechibharo yeNazi muma 1930 nama 1940. Izvo zvakarangarira zano raJesu rinowanikwa pana Ruka 12:4, 5, rinoti: “Ndinoti kwamuri, hama dzangu: Musatya vanouraya muviri, vasingazogoni kuita chimwe chinhu shure kwaizvozvo. Asi ndichakuratidzai wamunofanira kutya; mumutyei iye, unoti kana auraya, une simbawo rokukandira muGehena. Hungu, ndinoti kwamuri: Mumutyei iye.” Nokudaro, Gustav Auschner, chimwe Chapupu icho chaiva mumusasa wechibharo weSachsenhausen, gare gare akanyora, kuti: ‘VaSS vakapfura August Dickmann uye vakatyisidzira kupfura vakanga vasara vedu vose kudai taisazosaina pepa rokuramba kutenda kwedu. Hapana wedu akasaina. Taiva nokutya zvikuru kwokusafadza Jehovha kupfuura mabara avo.’ Kutya munhu kunotungamirira kukubvumirana pane zvisina kufanira, asi kutya Mwari kunoita munhu ave akatsiga nokuda kwechiri chakarurama.
Kuchengetwa Kwoupenyu
16. Chii chakagonesa Noa kuchengeta nzira yakarurama makore pashure pamakore kusvikira Boporodzi rasvika, uye chii chakanga chiri mugumisiro wake neimba yake?
16 Noa akararama nomumazuva okupedzisira enyika yakatangira mafashamo. Jehovha akanga asarudza kuparadza nyika yakaipa yapanguva iyeyo nemhaka youshati hwomunhu. Munguvayo, zvisinei, Noa akanga ari munyika iyeyo yakanga yakazadzwa namasimba masimba, unzenza hwakakomba, uye kusakendenga kukuda kwoumwari. Pasinei zvapo nokuparidza kwaNoa kururama, “vasingazivi, kusvikira mvura zhinji yauya, ikavabvisa vose.” (Mateo 24:39) Bva Noa haana kudziviswa pabasa iro Mwari akaisa pamberi pake. Iye akaita “sezvaakarayirwa naMwari, wakaita zvose saizvozvo.” (Genesi 6:22) Chii chakagonesa Noa kuomerera panzira yakafanira gore rimwe pashure perimwe kutozosvikira kuboporodzi? VaHebheru 11:7 inopindura, kuti: “Nokutenda Noa wakati anyeverwa pamusoro pezvinhu zvichigere kuonekwa, [akaratidza] kutya Mwari.” Somugumisiro, iye nomudzimai wake uye navanakomana vake navadzimai vavo vakachengetwa muBoporodzi.
17. (a) Pasinei zvapo neizvo vamwe vanhu vanoita, chii chatinofanira kuita? (b) Neiko avo vanotya Jehovha vari vanhu vanofara zvirokwazvo?
17 Tinorarama munguva yakafanana munzira dzakawanda nezuva raNoa. (Ruka 17:26, 27) Uyezve nyevero iri kupiwa. Zvakazarurwa 14:6, 7 inotaura nezvengirozi iri kubhururuka pakati pedenga iyo inokurudzira vanhu vamarudzi ari ose nedzinza nendimi kuti “ityai Mwari, mumurumbidzei.” Pasinei zvapo neicho nyika yakakupoteredza inoita, teerera mashoko iwayo, uye ipapo tambanudzira kokero yacho kuna vamwe. SaNoa, ita nokutenda uye ratidza kutya kwoumwari. Kuita kwako kudaro kunogona kutungamirira kukuchengetwa kwoupenyu hwako noupenyu hwavamwe vakawanda. Sezvatinorangarira betsero dzichafarikanywa naavo vanotya Mwari wechokwadi, tinogona kubvumirana bedzi nowezvamapisarema akafuridzirwa uyo akaimba, kuti: “Wakaropafadzwa munhu unotya Jehovha, unofarira zvikuru mirayiro yake.”—Pisarema 112:1.
Waizopindura Sei?
◻ Ndedzipi dziri dzimwe betsero dzakatanhamara dzinobva mukutya Mwari wechokwadi?
◻ Uchenjeri hwakavakirwa pakutya kwoumwari hunogona sei kutidzivirira?
◻ Neiko kutya kwoumwari kuchitiita tibve pane zvakaipa?
◻ Kutya kwoumwari kunotidzivirira sei pakutya munhu?
◻ Kutya kwoumwari kune chokuitai nekariro dzedu dzoupenyu dzenguva yemberi?
[Mifananidzo iri papeji 16, 17]
“Wakaropafadzwa munhu unotya Jehovha, unofarira zvikuru mirayiro yake.”—Pisarema 112:1