Vakaita Kuda kwaJehovha
Mosesi naAroni Vazivisi Vaiva Noushingi veShoko raMwari
FUNGIDZIRA chiono chacho: Mosesi ane makore makumi masere okukura nomukoma wake, Aroni, vakamira pamberi pomunhu ane simba zvikurusa pasi pano—Farao weEgipita. KuvaEgipita munhu uyu anopfuura kuva mumiriri wavamwari. Vanodavira kuti iye amene ndimwari. Anorangarirwa somuviri umene waHorus, mwari ane musoro werukodzi. Pamwe chete naIsis naOsiris, Horus aiumba utatu hukuru pakati pavamwari navanamwarikadzi veEgipita.
Munhu upi noupi aisvika Farao hapana zvaaigona kuita kunze kwokucherekedza mufananidzo waityisa wemusoro wemhakure waibuda uchibva pakati pekorona yake. Sezvinofungidzirwa, nyoka iyi yaigona kubudisa mwoto noruparadziko pavapi navapi vavavengi vaFarao. Zvino Mosesi naAroni vauya pamberi pouyu mambo mwari nechikumbiro chakanga chisati chamboitwa—kuti aendese vaIsraeri vaitwa varanda kuti vagone kuitira mutambo Mwari wavo, Jehovha.—Eksodho 5:1.
Jehovha akanga atofanotaura kuti mwoyo waFarao waizova wakaoma. Naizvozvo, Mosesi naAroni havana kushamiswa nemhinduro yake yokuzvidza: “Jehovha ndiye aniko, kuti nditeerere inzwi rake, kuti nditendere vaIsraeri kuenda? Handimuzivi iye Jehovha, neni handingatenderi vaIsraeri kuenda.” (Eksodho 4:21; 5:2) Nokudaro, gadziriro yakaitwa nokuda kwebonderano inoshamisa. Mukati mekusangana kwakatevera, Mosesi naAroni vakapa ufakazi hunokatyamadza kuna Farao hwokuti vaimirira Mwari wechokwadi uye wamasimba ose.
Chishamiso Chinoitika
Sezvakarairidzwa naJehovha, Aroni akaita chishamiso chakabvumikisa ukuru hwaJehovha pavamwari veEgipita. Akakanda tsvimbo yake pamberi paFarao, uye nokukurumidza yakava nyoka huru! Ashamiswa nechishamiso ichi, Farao akadana vaprista vake vaiita mashiripiti.a Nebetsero yamasimba amadhemoni, ava varume vakakwanisa kuita chimwe chinhu chakafanana netsvimbo dzavo vamene.
Kana Farao navaprista vake vakafara, kwakanga kuri bedzi kwechinguvana. Fungidzira zviso zvavo apo nyoka yaAroni yakamedza nyoka dzavo, imwe pashure peimwe! Vose vaivapo vaigona kuona kuti vamwari veEgipita vakanga vasingaenzani naMwari wechokwadi, Jehovha.—Eksodho 7:8-13, NW.
Kunyange pashure paikoku, zvisinei, mwoyo waFarao wakaramba wakaoma. Farao pakupedzisira akaudza Mosesi naAroni pashure bedzi pokunge Mwari aunza majambwa gumi aiparadza, kana kuti matambudziko, paEgipita, kuti: “Simukai, ibvai pakati pavanhu vangu, imi navana vaIsraeri: endai mundonamata Jehovha sezvamakataura.”—Eksodho 12:31.
Zvidzidzo Nokuda Kwedu
Chii chakagonesa Mosesi naAroni kusvika Farao aiva nesimba weEgipita? Pakutanga, Mosesi akaratidzira kushayikwa kwechivimbo mumano ake, achitaura kuva ane “muromo usingagoni norurimi rusingagoni.” Kunyange pashure pokunge avimbiswa tsigiro yaJehovha, akakumbira, kuti: “Haiwa, Ishe, tumai henyu wamunoda kutuma naye.” Nemamwe mashoko, Mosesi akakumbira kuti Mwari atume mumwe munhuwo zvake. (Eksodho 4:10, 13) Kunyange zvazvo zvakadaro, Jehovha akashandisa Mosesi aiva munyoro, achimupa uchenjeri nesimba zvaidikanwa kuita mugove wake.—Numeri 12:3.
Nhasi, vabatiri vaJehovha Mwari naJesu Kristu vari kuita murayiro woku“dzidzis[a] marudzi ose.” (Mateo 28:19, 20) Kuti tiite rutivi rwedu mukuitwa kweiri basa, tinofanira kushandisa zvakanakisisa zivo yaMagwaro uye api naapi amano atingava nawo. (1 Timotio 4:13-16) Panzvimbo pokunangidzira ngwariro pautera hwedu, ngatigamuchirei nokutenda mugove upi noupi uyo Mwari akatipa. Anogona kukwanirisa ndokutisimbisa kuita kuda kwake.—2 VaKorinte 3:5, 6; VaFiripi 4:13.
Sezvo Mosesi akanga achirwisana nechishoro chomunhu nechamadhemoni, zvirokwazvo aida betsero inopfuura yomunhu. Somugumisiro, Jehovha akamuvimbisa, kuti: “Ndakuita samwari kuna Farao.” (Eksodho 7:1) Hungu, Mosesi akanga aine tsigiro nechiremera zvoumwari. Mudzimu waJehovha uri paari, Mosesi akanga asina chikonzero chokutya Farao kana kuti mapoka omutongi iyeye aidada.
Isuwo tinofanira kuvimba nomudzimu mutsvene waJehovha, kana kuti simba rinobata basa, kuti tiite ushumiri hwedu. (Johane 14:26; 15:26, 27) Netsigiro youmwari tinogona kudzokorora mashoko aDhavhidhi, uyo akaimba, kuti: “Ndakavimba naMwari, handingatyi; vanhu vangandiiteiko?”—Pisarema 56:11.
Mutsitsi dzake Jehovha haana kusiya Mosesi ari oga mumugove wake. Panzvimbo pezvo, Mwari akati: “Aroni, mukoma wako, uchava muporofita wako. Taura zvose zvandinokurayira; Aroni, mukoma wako, uchataura naFarao.” (Eksodho 7:1, 2) Jehovha ane rudo sei kushanda mukati meganhuriro dzeizvo Mosesi nenzira ine mufungo aigona kubata!
Mwari anotigovera songaniro yevaKristu biyedu avo vanogamuchira denho yokuva Zvapupu zvaJehovha, Wokumusoro-soro. (1 Petro 5:9) Pasinei zvapo nemhinganidzo dzatingasangana nadzo, naizvozvo, ngativei saMosesi naAroni—vazivisi vaiva noushingi veshoko raMwari.
[Mashoko Omuzasi]
a Shoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti “vaprista vanoita mashiripiti” rinonongedzera kuboka ravaroyi vaitaura kuva namasimba anopfuura omusikirwo aipfuura ayo amadhemoni. Kwaidavirwa kuti varume ava vaigona kukumbira kuti madhemoni ateerere uye kuti madhemoni akanga asina simba paava varoyi.
[Mufananidzo uri papeji 25]
Mosesi naAroni noushingi vakamiririra Jehovha pamberi paFarao