Swedera Pedyo naMwari
Anofunga Zvatinokwanisa Nezvatisingakwanisi Kuita
“NDAIEDZA chaizvo zvose zvandaikwanisa, asi handina kumbogutsikana.” Akadaro mumwe mukadzi achitaura nezvokuedza kwaaiita kufadza Mwari. Jehovha Mwari anogamuchira here vanamati vake pavanoita zvose zvavanokwanisa? Anofungawo here nezvezvavanokwanisa kuita uye mamiriro avo ezvinhu? Kuti tipindure mibvunzo iyi, zvingatibatsira kana tikakurukura zvinotaurwa muMutemo waMosesi nezvezvimwe zvaipiwa, sezvatinowana pana Revhitiko 5:2-11.
Mumutemo iwoyo, Mwari aida zvibayiro zvakasiyana-siyana, kana kuti zvinopiwa, kuti zviyananisire zvivi. Pazvinhu zvinotaurwa mundima idzodzo, munhu wacho ainge asina kutadza nemaune, kana kuti aitadza asina kumbozvifunga. (Ndima 2-4) Paaizozviziva kuti ainge atadza, aifanira kureurura chivi chake obva apa chinopiwa chemhosva—“gwayana gadzi kana kuti mbudzana hadzi.” (Ndima 5, 6) Ko kana munhu wacho aiva murombo asina gwayana kana mbudzi yokuti ape? Mutemo waiti munhu wacho aifanira kukwereta mhuka yacho, obva apinda muchikwereti here? Aifanira kushanda kusvikira akwanisa kutenga mhuka yacho, zvichizoita kuti anonoke kuyananisira zvivi zvake here?
Kuratidza kuti Jehovha ane hanya, Mutemo waiti: “Kana asingagoni kuwana gwai, anofanira kuuya nemagukutiwa maviri kana kuti hangaiwa duku mbiri kuna Jehovha kuti chive chinopiwa chake chemhosva nokuda kwechivi chaakaita.” (Ndima 7) Kana muIsraeri akanga ari murombo zvokusakwanisa kuwana gwai, Mwari aifara kugamuchira chimwe chinhu chaikwanisa kuwanikwa nomunhu wacho—magukutiwa maviri kana kuti hangaiwa duku mbiri.
Ko kana munhu wacho akanga asingakwanisi kuwana kunyange shiri mbiri? Mutemo waiti: “Anofanira kuuya nechegumi cheefa [inenge kirogiramu imwe chete] yefurawa yakatsetseka sechinopiwa chake nokuda kwechivi.” (Ndima 11) Jehovha akasarudza kubvumira vaya vakanga vari varombo zvikuru kuti vape chinopiwa chezvivi chisina ropa.a MuIsraeri, kuva murombo kwakanga kusingatadzisi munhu kuyananisirwa zvivi kana kuti kuva norugare naMwari.
Tinodzidzei nezvaJehovha pamutemo wezvinopiwa zvemhosva? NdiMwari ane tsitsi, anonzwisisa uye anoziva zvatinokwanisa kuita nezvatisingakwanisi. (Pisarema 103:14) Anoda kuti tiswedere pedyo naye uye kuti tive noukama hwakanaka naye kunyange patinenge tiri munguva yakaoma, yakadai sokukwegura, kurwara, zvinoitika mumhuri kana kuti zvimwewo zvinhu. Tinonyaradzwa nokuziva kuti Jehovha Mwari anofara patinoedza kuita zvose zvatinokwanisa.
[Mashoko Omuzasi]
a Simba rokuyananisa remhuka yaipiwa sechibayiro raiva muropa rayo, iro Mwari aiona sedzvene. (Revhitiko 17:11) Izvi zvinoreva here kuti zvibayiro zvefurawa zvevarombo zvakanga zvisingakoshi? Kwete. Zvechokwadi Jehovha anokoshesa kuzvipira uye kuzvininipisa kunoitwa pakupa zvibayiro zvakadaro. Uyewo, zvivi zverudzi rwose, kusanganisira zvevarombo, zvaiyananiswa neropa remhuka yaipiwa Mwari paZuva Rokuyananisira.—Revhitiko 16:29, 30.