Gamuchira Bhaibheri Nokuda Kwezvariri Chaizvoizvo
“Isuwo tinoramba tichionga Mwari, kuti panguva yamakagamuchira shoko, iro shoko raMwari, ramakanzwa kwatiri, hamuna kurigamuchira seshoko ravanhu, asi seshoko raMwari, (riri iro zvirokwazvo) rinobatawo mukati menyu, imi munotenda.”—1 VATESARONIKA 2:13.
1. Mashoko orudzii ari muBhaibheri anoita kuti bhuku iroro rive rakatanhamara zvirokwazvo?
BHAIBHERI Dzvene ndiro bhuku rakashandurwa zvikurusa uye rinoparadzirwa zvakafara munyika. Rinobvumwa zviri nyore kuva rimwe ramabasa makurusa amabhuku. Chinokosha zvikuru, zvisinei, Bhaibheri rinogovera nhungamiro inodiwa nokukurumidza navanhu vamadzinza ose uye rudzi ruri rwose, pasinei zvapo nebasa ravo kana kuti nzvimbo muupenyu. (Zvakazarurwa 14:6, 7) Nomutoo unogutsa zvose zviri zviviri ndangariro nemwoyo, Bhaibheri rinopindura mibvunzo yakadai seyokuti: Ndechipi chiri chinangwa choupenyu? (Genesi 1:28; Zvakazarurwa 4:11) Neiko hurumende dzorudzi rwomunhu dzisina kukwanisa kuparira rugare nechengeteko zvinogarisa? (Jeremia 10:23; Zvakazarurwa 13:1, 2) Neiko vanhu vachifa? (Genesi 2:15-17; 3:1-6; VaRoma 5:12) Mukati menyika ino yatambudzwa, tinogona sei kugonana nenzira inobudirira nezvinetso zvoupenyu? (Pisarema 119:105; Zvirevo 3:5, 6) Ramangwana rakatichengeterei?—Dhanieri 2:44; Zvakazarurwa 21:3-5.
2. Neiko Bhaibheri richigovera mhinduro dzakavimbika chose chose kumibvunzo yedu?
2 Neiko Bhaibheri richipindura mibvunzo yakadaro nenzira ine chiremera? Nemhaka yokuti iShoko raMwari. Akashandisa vanhu kunyora, asi sezvinotaurwa zvakajeka pana 2 Timotio 3:16, “rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari.” Harisi mugumisiro wetsananguro yakavanzika yezviitiko zvomunhu. “Hakuna uporofita [ziviswo dzezvinhu zvichauya, mirayiro youmwari, mipimo yetsika yeBhaibheri] hwakatongouya nokuda kwomunhu, asi vanhu vaMwari vakataura, vachimutswa noMweya Mutsvene.”—2 Petro 1:21.
3. (a) Ipa mienzaniso inoratidza nzira iyo Bhaibheri rakakosheswa nayo zvikuru navanhu vari munyika dzakasiyana-siyana. (b) Neiko vanhu vamwe navamwe vaidisa kuisa upenyu hwavo mungozi kuti varave Magwaro?
3 Vachionga ukoshi hweBhaibheri, havasi vanhu vashoma vakaisa upenyu hwavo mungozi yokuiswa mutorongo, kunyange rufu, kuti vave naro ndokurirava. Ikoko kwakanga kuri kwechokwadi mumakore akapfuura muSpain yechiKaturike, uko vafundisi vaityira kuti pesvedzero yavo yaizosekeswa kana vanhu vakarava Bhaibheri mururimi rwavo vamene; kwaivawo kwechokwadi muAlbania, uko matanho akakomba akaitwa munhungamiro yehurumende isingatendi kuvapo kwaMwari kuitira kupedza pesvedzero yose yorudzidziso. Bva, vanhu vamwe navamwe vanotya Mwari vakakoshesa makopi aMagwaro, vakaarava, uye vakaagoverana. Mukati meHondo yeNyika II, mumusasa wechibharo weSachsenhausen, Bhaibheri rakapfuudzwa nenzira yokungwarira kubva muboka rimwe rechitokisi kuenda kune rimwe (kunyange zvazvo ikoku kwairambidzwa), uye avo vaigona kuriwana vakadzidza nomusoro zvikamu kuti vagoverane navamwe. Mukati mema 1950, mune yaiva panguva iyeyo Communist East Germany, Zvapupu zvaJehovha izvo zvakaiswa mutorongo nemhaka yokutenda kwazvo zvakazviisa mungozi yokupfigirwa mutorongo kwenguva yakarebeswa apo zvaigamuchidzana zvikamu zviduku zveBhaibheri kubva kune mumwe musungwa kuenda kune mumwe kuti zviraviwe usiku. Neiko zvakakuita? Nemhaka yokuti zvakaziva kuti Bhaibheri iShoko raMwari, uye zvaiziva kuti “ha[zvi]rarami nezvokudya zvoga” asi ne“zvose zvinobuda mumuromo waJehovha.” (Dheuteronomio 8:3) Uku kutaura, kwakanyorwa muBhaibheri, kwakagonesa Zvapupu izvozvo kuramba zviri zvipenyu mumudzimu pasinei zvapo nokuiswa kuutsinye husingadaviriki.
4. Bhaibheri rinofanira kuva nenzvimboi muupenyu hwedu?
4 Bhaibheri harisi bhuku rokungoiswawo zvaro pasherufu nokuda kwokunongedzera kwapanhambo nenhambo, uyewo harina kuitirwa kushandiswa bedzi apo vatendi biyako vanoungana nokuda kwokunamata. Zuva rimwe nerimwe rinofanira kushandiswa kuvhenekera pamamiriro ezvinhu anonangana nesu uye kutiratidza nzira yakarurama yokufamba nayo.—Pisarema 25:4, 5.
Rakaitirwa Kuti Riraviwe Nokunzwisiswa
5. (a) Kana kuchitongobvira, mumwe nomumwe wedu anofanira kuva nei? (b) Muna Israeri wekare, vanhu vakawana sei izvo Magwaro aiva nazvo? (c) Pisarema 19:7-11 inotapura sei chimiro chako chendangariro kukurava Bhaibheri?
5 Muzuva redu, makopi eBhaibheri anowanikwa nyore nyore munyika dzakawanda zvikurusa, uye tinokurudzira muravi ari wose weNharireyomurindi kuwana kopi. Mukati menguva apo Bhaibheri rakanga richinyorwa, kwakanga kusina michina yokudhinda. Vanhuwo zvavo vakanga vasina makopi avo vamene. Asi Jehovha akagadzirira vabatiri vake kunzwa zvakanga zvanyorwa. Nokudaro, Eksodho 24:7 inoshuma, pashure pokunge Mosesi anyora izvo Jehovha akanga arayira, iye “akatora bhuku yesungano akarava vanhu vachizvinzwa.” Zvavakanga vava zvapupu zvekuratidzirwa kunopfuura simba romunhu paGomo reSinai, vakaziva kuti izvo Mosesi akavaravira zvaibva kuna Mwari uye kuti vaidikanirwa kuziva aya mashoko. (Eksodho 19:9, 16-19; 20:22) Isuwo tinofanira kuziva zvakanyorwa muShoko raMwari.—Pisarema 19:7-11.
6. (a) Rudzi rwaIsraeri rusati rwapinda muNyika Yakapikirwa, Mosesi akaitei? (b) Tingatevedzera sei muenzaniso waMosesi?
6 Sezvo rudzi rwaIsraeri rwakagadzirira kuyambuka Rwizi rweJoridhani kuti rwupinde muNyika Yakapikirwa, nokudaro vachisiya upenyu hwavo hwokudzungaira murenje, kwakanga kwakakodzera kwavari kuti vahwirudzure Mutemo waJehovha nokubata kwake navo. Asundwa nomudzimu waMwari, Mosesi akahwirudzura Mutemo navo. Akavayeuchidza nezvoudzame hwoMutemo, uye akasimbisawo nheyo dzinokosha nezvimiro zvendangariro izvo zvaifanira kupesvedzera ukama hwavo naJehovha. (Dheuteronomio 4:9, 35; 7:7, 8; 8:10-14; 10:12, 13) Sezvo isu nhasi tinotanga migove mitsva kana kuti kutarisana namamiriro ezvinhu matsva muupenyu, tinoitawo zvakanaka kurangarira nzira iyo zano rapaMagwaro rinofanira kutipesvedzera nayo pane zvatiri kuita.
7. Nokukurumidza pashure pokunge vaIsraeri vayambuka Joridhani, chii chakaitwa kuroverera Mutemo waJehovha mundangariro dzavo nemwoyo?
7 Chinguvana pashure pokunge Israeri ayambuka Rwizi rweJoridhani, vanhu vakaunganazve kuti vahwirudzure izvo Jehovha akanga avaudza kupfurikidza naMosesi. Rudzi rwacho rwakaungana anenge makiromita 50 kuchamhembe kweJerusarema. Hafu yamarudzi yakanga iri pamberi peGomo reEbhari, uye hafu yakanga iri pamberi peGomo reGerizimi. Ipapo Joshua “akarava mashoko ose omurayiro, okuropafadza nookutuka.” Nokudaro varume, vakadzi, uye vaduku, pamwe chete navagari vokumwe, vakanzwa kudzokororwa kwakakodzera nguva kwemitemo yaidzora mufambiro uyo waizoguma nokusatendera kwaJehovha uye kwezvikomborero zvavaizogamuchira kudai vakateerera Jehovha. (Joshua 8:34, 35) Vaidikanirwa kujekerwa mundangariro nechakanga chakanaka uye chakanga chakaipa mukurangarira kwaJehovha. Uyezve, vaidikanirwa kuroverera zvakajeka mumwoyo yavo rudo rwechakanaka noruvengo rwechakaipa, sezvinoita mumwe nomumwe wedu nhasi.—Pisarema 97:10; 119:103, 104; Amosi 5:15.
8. Chii chaiva betsero dzokuraviwa kwapanhambo nenhambo kweShoko raMwari pakwakati kwokuungana kwerudzi muna Israeri?
8 Mukuwedzera kukuraviwa kweMutemo panhambo idzodzo dzenhau, gadziriro yokuraviwa kwenguva dzose kweShoko raMwari yakarongwa pana Dheuteronomio 31:10-12. Gore rechinomwe riri rose nerimwe rudzi rwose rwaifanira kuungana kuti runzwe kuraviwa kweShoko raMwari. Ikoku kwakagovera zvokudya zvomudzimu nokuda kwavo. Kwakachengeta zvipikirwa pamusoro peMbeu zviri zvipenyu mundangariro dzavo nemwoyo uye nokudaro kwakabatira kutungamirira vakatendeka kuna Mesiya. Gadziriro dzokudyisa kwomudzimu idzo dzakatangwa apo Israeri akanga ari murenje hadzina kuguma apo vakapinda muNyika Yakapikirwa. (1 VaKorinte 10:3, 4) Panzvimbo pezvo, Shoko raMwari rakapfumiswa kupfurikidza nokubatanidza kuzivisazve kwavaporofita.
9. (a) VaIsraeri vairava bedzi Magwaro apo vaiungana mumapoka makuru here? Tsanangura. (b) Murayiridzo womumaMagwaro waipiwa sei mukati memhuri dzavanhu vamwe navamwe, uye nechinangwai?
9 Kuhwirudzurwa kwezano reShoko raMwari kwakanga kusingafaniri kuganhurirwa bedzi kunguva idzodzo apo vanhu vakanga vakaungana muboka guru. Zvikamu zveShoko raMwari nenheyo dzaibatanidzwa mariri zvaifanira kukurukurwa zuva riri rose. (Dheuteronomio 6:4-9) Munzvimbo dzakawanda zvikurusa nhasi, kunobvirira vanhu vaduku kuva nekopi yomunhu oga yeBhaibheri, uye kunovabetsera zvikurusa kuita kudaro. Asi muna Israeri wekare, ikoko kwaisava kwakadaro. Shure panguva iyeyo, apo vabereki vaipa murayiridzo waibva muShoko raMwari, vaifanira kuvimba nezvavakanga vadzidza nomusoro uye nezvokwadi dzavaikoshesa mumwoyo yavo, pamwe chete nezvikamu zviduku zvipi nezvipi izvo vangave vakanga vanyora pachavo. Kupfurikidza nokudzokorora kwapanguva nenguva, vaizoedza kukudziridza muvana vavo kuda Jehovha nenzira dzake. Chinangwa chaisangova chokuva nomusoro wakazara namaidi asi kubetsera mutezo wemhuri imwe neimwe kurarama munzira yakadaro kuti uratidzire kuda Jehovha neShoko rake.—Dheuteronomio 11:18, 19, 22, 23.
Kurava Magwaro Mumasinagoge
10, 11. Ipurogiramui yokurava Magwaro yaiteverwa musinagoge, uye Jesu akarangarira sei idzi nhambo?
10 Nguva yakati pashure pokunge vaJudha vaendeswa muutapwa muBhabhironi, masinagoge akatangwa senzvimbo dzokunamata. Kuitira kuti Shoko raMwari riraviwe nokukurukurwa paidzi nzvimbo dzemisangano, makopi akawanda aMagwaro akaitwa. Ikoko chakanga chiri chisakiso chokupukunyuka kwemakopi 6 000 ekare akanyorwa namaoko ane zvikamu zveMagwaro echiHebheru.
11 Rutivi runokosha rwebasa resinagoge rwakanga rwuri kuraviwa kweTorah, yakaenzana namabhuku mashanu okutanga amaBhaibheri omuzuva razvino uno. Mabasa 15:21 inoshuma kuti muzana rokutanga ramakore C.E., kuraviwa kwakadaro kwaiitwa paSabata riri rose, uye Mishnah inoratidza kuti pakazosvika zana ramakore rechipiri, paivawo nokuraviwa kweTorah zuva rechipiri nerechishanu revhiki. Nhamba yavanhu vamwe navamwe yakagoverana mukurava zvikamu zvakagoverwa, chimwe pashure pechimwe. Muitiro wavaJudha avo vaigara muBhabhironi waiva wokurava Torah yose gore negore; muitiro womuPalestine waiva wokuparadzira kuraviwa kwacho panhambo yamakore matatu. Chikamu chokuVaporofita chairaviwa ndokutsanangurwa. Waiva muitiro waJesu wokuvapo nokuda kwepurogiramu paSabata dzokuraviwa kweBhaibheri munzvimbo yaaigara.—Ruka 4:16-21.
Mhinduro Yomunhu Oga uye Kushandisa
12. (a) Apo Mosesi akaravira vanhu Mutemo, vanhu vakabetserwa sei? (b) Vanhu vakapindura sei?
12 Kuraviwa kwaMagwaro akafuridzirwa kwakanga kusina kuitirwa kuva muitirowo zvawo wenguva dzose. Kwaisaitirwawo zvako kugutsa kuda kuziva kwavanhu. Apo Mosesi akaravira Israeri “bhuku yesungano” pabani rakatarisana neGomo reSinai, akaita kudaro kuitira kuti vazive mitoro yavo pamberi paMwari uye kuita iyoyi. Vaizodaro here? Kuraviwa kwaida mhinduro. Vanhu vakaziva ikoko, uye vakadanidzira, vachiti: “Zvose zvarehwa naJehovha tichazviita, tichateerera.”—Eksodho 24:7; enzanisa naEksodho 19:8; 24:3.
13. Apo Joshua akarava kutuka kwokusateerera, vanhu vaifanira kuitei, nechinangwai?
13 Gare gare, apo Joshua akaravira rudzi zvikomborero zvakapikirwa nokutuka, kana kuti kushurikidza, mhinduro yakadiwa. Pashure pokushurikidza kumwe nokumwe, murayiridzo wakapiwa, wokuti: “Vanhu vose vanofanira kuti: Ameni!” (Dheuteronomio 27:4-26) Nokudaro, papfundo rimwe nerimwe vakanyorwa sevanobvumirana neshurikidzo yaJehovha yezvakaipa zvakadudzwa. Chaifanira kuva chakaitika chinoorora zvakadini apo rudzi rwose rwakadanidzira kubvumirana kwarwo!
14. Mumazuva aNehemia, neiko kuraviwa kwoMutemo pachena kwakabvumikisa kuva kunobetsera zvikurukuru?
14 Mumazuva aNehemia, apo vanhu vose vakaungana muJerusarema kuti vanzwe Mutemo, vakaona kuti vakanga vave vasingaiti zvizere mirayiridzo yakanyorwa imomo. Panhambo iyoyo vakashandisa nokukurumidza zvavakadzidza. Chii chakanga chiri mugumisiro? “Pakava nomufaro mukuru.” (Nehemia 8:13-17) Pashure pevhiki yokurava Bhaibheri zuva nezuva mukati momutambo, vakaziva kuti zvakawanda zvakanga zvichiri kudiwa. Nenzira yomunyengetero vakahwirudzura nhau yokubata kwaJehovha navanhu vake kubva mumazuva aAbrahama zvichienda mberi. Zvose izvozvi zvakavasunda kuita mhiko yokuwirirana nezvinodikanwa zvoMutemo, kudzivisa kuroorana novokumwe, uye kugamuchira misengwa yokuchengeta tembere nebasa rayo.—Nehemia, maganhuro 8-10.
15. Mirayiridzo iri pana Dheuteronomio 6:6-9 inoratidza sei kuti, mukati memhuri, murayiridzo muShoko raMwari waisafanira kuva muitirowo zvawo?
15 Nenzira yakafanana, mukati memhuri, kudzidzisa Magwaro kwaiva kusina kuitirwa kuva muitirowo zvawo. Sezvatoonekwa, mumutauro wokufananidzira pana Dheuteronomio 6:6-9, vanhu vakaudzwa ku‘sungira mashoko aMwari sechiratidzo paruoko rwavo’—nokudaro vachiratidzira nomuenzaniso nechiito kuda kwavo nzira dzaJehovha. Uye vaifanira kuisa mashoko aMwari se‘rundanyara pakati pamaziso avo’—nokudaro nguva dzose vachirangarira nheyo dzinobatanidzwa muMagwaro uye vachishandisa idzodzi sehwaro hwezvisarudzo zvavo. (Enzanisa nomutauro unoshandiswa pana Eksodho 13:9, 14-16.) Vaifanira ku‘anyora pamagwatidziro edzimba dzavo uye pamasuo avo’—nokudaro vachizivisa misha yavo uye nzanga dzavo senzvimbo umo shoko raMwari rairemekedzwa nokushandiswa. Namamwe mashoko, upenyu hwavo hwaifanira kupa ufakazi hwakawanda hwokuti vaida uye vaishandisa mirayiro yakarurama yaJehovha. Ikoko kungagona sei kuva kunobetsera! Shoko raMwari rine kutanhamara kwakadaro muupenyu hwedu hwezuva riri rose hwemhuri dzedu here? Nenzira inosuruvarisa, vaJudha vakarangarira kwose ikoku kuva muitirowo zvawo, kupfeka tubhokisi twune magwaro sokunge kuti itwotwu twaiva twerunako. Kunamata kwavo kwakaguma kubva pamwoyo uye kwakarambwa naJehovha.—Isaya 29:13, 14; Mateo 15:7-9.
Mutoro Waavo Vari Munzvimbo Yokutarisira
16. Neiko kurava Magwaro kwenguva dzose kwaikosha nokuda kwaJoshua?
16 Munhau yokurava Magwaro, ngwariro chaiyo yakanangidzirwa kuna avo vaiva vatariri verudzi. Kuna Joshua, Jehovha akati: “Uchenjere kuita murayiro wose.” Aine murangariro wokuti aite mutoro iwoyo, akaudzwa, kuti: “Unofanira kuurangarira masikati nousiku, . . . nokuti nokudaro uchazviwanira mufaro panzira yako nokubata nokuchenjera.” (Joshua 1:7, 8) Sezviri zvechokwadi nomutariri upi noupi wechiKristu nhasi, kurava kwaJoshua Magwaro nguva dzose kwaizomubetsera kurangarira zvakajeka mirayiro yakananga iyo Jehovha akanga apa vanhu Vake. Joshua aifanirawo kunzwisisa nzira iyo Jehovha akanga abata nayo navabatiri Vake mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana. Sezvaakarava mashoko echinangwa chaMwari, kwaikosha kwaari kufunga pamusoro pemutoro wake amene maererano nechinangwa ichocho.
17. (a) Kuti madzimambo abetserwe nokurava Magwaro munzira iyo Jehovha akataura, chii chaidikanwa pamwe chete nokurava kwavo? (b) Neiko kurava Bhaibheri kwenguva dzose nokufungisisa zvichikosha zvikuru nokuda kwavakuru vechiKristu?
17 Jehovha akarayira kuti upi noupi uyo aibatira samambo pavanhu Vake aifanira, pakuvamba kwoumambo hwake, kuita kopi yoMutemo waMwari, achiivakira pakopi iyo yakanga yakachengetwa navaprista. Ipapo aifanira ku“[irava] mazuva ose oupenyu hwake.” Chinangwa chaisangova chokuziva nomusoro zviri mukati mayo. Panzvimbo pezvo, chakanga chiri chokuti “adzidze kutya Jehovha Mwari wake” uye kuti “mwoyo wake urege kuzvikudza pamusoro pehama dzake.” (Dheuteronomio 17:18-20) Ikoku kwaida kuti afungisise zvikuru pamusoro pezvaakanga ari kurava. Mamwe amadzimambo sezviri pachena akafunga kuti akanga akabatikana zvikuru namabasa okutarisira kuti vaite izvozvo, uye rudzi rwose rwakatambura somugumisiro wokuregeredza kwavo. Basa ravakuru muungano yechiKristu harina kutongofanana neiroro ramadzimambo. Kunyange zvakadaro, sezvaiva zvechokwadi namadzimambo kunokosha kuti vakuru varave nokufungisisa Shoko raMwari. Kuita kwavo kudaro kuchavabetsera kuchengeta murangariro wakafanira weavo vakaronzeswa mutarisiro yavo. Kuchavagonesawo kutarisira mutoro wavo savadzidzisi nomutoo unokudza zvechokwadi Mwari nokusimbisa mumudzimu vaKristu biyavo.—Tito 1:9; enzanisa naJohane 7:16-18; siyanisa na 1 Timotio 1:6, 7.
18. Kurava nokufunda Bhaibheri nguva dzose kuchatibetsera kutevedzera muenzanisoi womuapostora Pauro?
18 Muapostora Pauro, mutariri wechiKristu womuzana ramakore rokutanga, akanga ari mumwe aisanoziva Magwaro akafuridzirwa. Apo akapupurira vanhu vaiva muTesaronika yakare, akakwanisa kurangarira navo muMagwaro nenzira inobudirira ndokuvabetsera kunzwisisa revo yacho. (Mabasa 17:1-4) Akasvika mwoyo yavateereri vechokwadi. Nokudaro, vakawanda vakamunzwa vakava vatendi. (1 VaTesaronika 2:13) Somugumisiro wepurogiramu yako yokurava Bhaibheri nefundo, unokwanisa kurangarira nenzira inobudirira muMagwaro here? Nzvimbo ine kuraviwa kweBhaibheri muupenyu hwako nenzira yaunokuita nayo zvinopa here ufakazi hwokuti unonzwisisa zvirokwazvo zvakunoreva kuva neShoko raMwari? Munyaya inotevera, ticharangarira kuti mhinduro yakanaka inogona sei kupiwa kuiyi mibvunzo kunyange naavo vane rudungwe rwakazara zvikuru.
Waizopindura Sei?
◻ Neiko vanhu vave vachidisa kuisa upenyu hwavo norusununguko mungozi kuti varave Bhaibheri?
◻ Tinobetserwa sei nokuhwirudzura gadziriro idzo dzakaitirwa Israeri wekare kuti anzwe Shoko raMwari?
◻ Tinofanira kuitei nezvatinorava muBhaibheri?
◻ Neiko kurava Bhaibheri nokufungisisa zvichikosha zvikurukuru nokuda kwavakuru vechiKristu?
[Mufananidzo uri papeji 9]
Jehovha akaudza Joshua, kuti: “Unofanira kuirangarira masikati nousiku”