Swedera Pedyo naMwari
Jehovha Anoti Tisarudze
“NDAIGARA ndichingotya zvisina musoro ndichifunga kuti ndaisazombova akatendeka kuna Jehovha.” Izvozvo ndizvo zvakataurwa nomumwe mukadzi wechiKristu aifunga kuti zvakaipa zvakaitika achiri mwana zvaizoita kuti arambe achingokundikana. Ichokwadi ichocho here? Hatigoni kuchinja mamiriro edu ezvinhu here? Kwete. Jehovha Mwari akatipa chipo chokuzvisarudzira, saka tinogona kusarudza mararamiro atichaita. Jehovha anoda kuti tisarudze zvakanaka, uye Shoko rake, Bhaibheri, rinotiudza kuti tingazviita sei. Funga nezvemashoko aMosesi, ari muchitsauko 30 chaDheuteronomio.
Zvakaoma here kuziva zvinodiwa naMwari kwatiri uye kuzviita?a Mosesi akati: “Murayiro uyu wandiri kukurayira nhasi hauna kunyanya kukuomera, uyewo hausi kure.” (Ndima 11) Jehovha haakumbiri kuti munhu aite zvinhu zvisingagoneki. Zvaanoda zvine musoro uye tinogona kuzviita. Tinogona kuzvizivawo. Hatifaniri kukwira “kumatenga” kana kuti kuyambukira “mhiri kwegungwa” kuti tidzidze zvatinotarisirwa kuita naMwari. (Ndima 12, 13) Bhaibheri rinotiudza zviri pachena mararamiro atinofanira kuita.—Mika 6:8.
Zvisinei, Jehovha haatimanikidzi kuti timuteerere. Mosesi akati: “Nhasi ndinoisa pamberi pako upenyu nezvakanaka, uye rufu nezvakaipa.” (Ndima 15) Takasununguka kusarudza upenyu kana kuti rufu, zvakanaka kana kuti zvakaipa. Tinogona kusarudza kunamata uye kuteerera Mwari zvichiita kuti tikomborerwe, kana kuti tinogona kusarudza kusamuteerera totambura nezvinozoitika. Chero zvazviri, tisu tinofanira kusarudza.—Ndima 16-18; VaGaratiya 6:7, 8.
Jehovha ane basa here nokuti tinosarudzei? Chokwadi ane basa nazvo! Afuridzirwa naMwari, Mosesi akati: “Sarudzai upenyu.” (Ndima 19) Asi tinosarudza upenyu sei? Mosesi akatsanangura kuti: “Nokuda Jehovha Mwari wenyu, nokuteerera inzwi rake uye nokunamatira kwaari.” (Ndima 20) Kana tikada Jehovha, tichanzwa tichida kumuteerera uye kunamatira kwaari takavimbika, pasinei nechingaitika. Nemararamiro akadaro, tinosarudza upenyu—kureva mararamiro akanyanya kunaka iye zvino tiine tarisiro yokuzorarama nokusingaperi munyika itsva yaMwari iri kuuya.—2 Petro 3:11-13; 1 Johani 5:3.
Mashoko aMosesi anotidzidzisa chokwadi chinoita kuti tive nechivimbo. Pasinei nezvakaitika kwauri munyika ino yakaipa, unogona kuchinja mamiriro ako ezvinhu; uyewo unogona kubudirira. Jehovha akakuremekedza nokukupa chipo chokuzvisarudzira. Chokwadi, unogona kusarudza kuda Jehovha, kumuteerera, uye kuramba wakavimbika kwaari. Kana ukasarudza kuita izvozvo, Jehovha achakomborera zvaunoedza kuita.
Chokwadi ichi, chokuti takasununguka kusarudza kuda uye kushumira Jehovha, chakanyaradza mukadzi ataurwa kwokutanga. Iye anoti: “Ndinoda Jehovha. Dzimwe nguva, ndaikanganwa kuti chinonyanya kukosha kuti ndinoda Jehovha. Saka ndinogona kuva akatendeka.” Newewo ungava akatendeka uchibatsirwa naJehovha.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona nyaya inoti, “Swedera Pedyo naMwari—Jehovha Anokumbirei Kwatiri?” iri muNharireyomurindi yaOctober 1, 2009.