Rakabhi—Akaruramiswa Namabasa Okutenda
CHIMBOFUNGIDZIRA hako! Hure rinoruramiswa mumurangariro waMwari. “Nyangwe!” vakawanda vaizokuwa kudaro. Bva, ndizvo zvakaitika kupfambi Rakabhi yeJeriko, guta rakare reKanani.
Munyori weBhaibheri Jakobho anonyora, kuti: “Munoona kuti munhu unoruramiswa namabasa, haaruramiswi nokutenda bedzi. Saizvozvowo, Rakabhi, chifeve, haana kururamiswa here namabasa, nguva yaakagamuchira nhume, nokuvaendisa neimwe nzira? Nokuti somuviri usino mweya wakafa, saizvozvo kutenda kusina mabasa kwakafawo.” (Jakobho 2:24-26) Neiko Rakabhi akaruramiswa? Chii chaakaita kuti apiwe chimiro chakaropafadzwa chakadaro naMwari?
VaIsraeri Vari Kuuya!
Ngatidzokere kugore ra 1473 P.N.V. Isa muchiono mugariro wacho. Jeriko rakadzivirirwa zvikuru. Iri pamusoro pamasvingo eguta imba yaRakabhi hure. Ari paiyi nzvimbo yakanaka, sezvingabvira anogona kutarira nechokumabvazuva kumvura dzinopfachuka dzorwizi rwaJoridhani. (Joshua 3:15) Pamhenderekedzo yarwo yokumabvazuva, iye angacherekedza musasa wavaIsraeri, une varwi vanopfuura 600 000. Vari kure namamaira mashomanene bedzi!
Rakabhi akaziva pamusoro pamabasa avaIsraeri muhondo. Akanzwawo pamusoro pokuratidzirwa kwesimba raJehovha, zvikurukuru mukuzarurira vaIsraeri mukoto wokupukunyuka nawo muGungwa Dzvuku. Zvirokwazvo, ipapoka, mvura zhinji dzaJoridhani hadzisati dzichizova mhinganidzo. Ino inguva yenjodzi! Rakabhi achaita sei?
Rakabhi Anotsigira
Nokukurumidza, Rakabhi anogamuchira vashanyi vaviri vasingakarirwi—tsori dzakabva mumusasa wechiIsraeri. Vanotsvaka nzvimbo yokugara, uye anovagamuchira mumusha make. Asi shoko rokuvapo kwavo rinonzwiwa namambo weJeriko. Nokukurumidza anotuma machinda ake anotarisira kuchengetwa kwomutemo kuti avapinze mutorongo.—Joshua 2:1, 2.
Panosvika nguva iyo machinda amambo anosvika, Rakabhi atsigira Jehovha Mwari. “Budisa varume vasvika kwauri,” anoraira kudaro machinda. Rakabhi avanza tsori pakati poutanda hwamasosoori hwakayanikwa pamusoro pedenga rake. Iye anoti: “Hon’o, varume vakasvika havo kwandiri, asi ndakanga ndisingazivi kuti vaibvepi. Zvino nenguva yokupfigwa kwesuo [reguta], kwasviba, varume vakabudazve; kwavakazoenda ivo varume, ini handikuzivi; kurumidzai kuvatevera, nokuti mungandovabata.” (Joshua 2:3-5) Varume vamambo vanoita izvozvo—pasina maturo.
Rakabhi arasisa vavengi. Nokukurumidza anoita dzimwe nhano dzinoratidzira kutenda kwake muna Jehovha kupfurikidza namabasa. Anokwira padenga uye anoudza tsori, kuti: “Ndinoziva kuti Jehovha wakakupai nyika.” Rakabhi anobvuma kuti vagari vose venyika vanotya nemhaka yokuti vakanzwa kuti Mwari “wakapwisa mvura yeGungwa Dzvuku” pamberi pavaIsraeri makore 40 pamberi pezvi. Vanhu vanozivawo kuti vaIsraeri vakaparadza madzimambo maviri avaAmori. “Takati tichinzwa izvozvo,” anodaro Rakabhi, “mwoyo yedu ikavhunduka, hakuna munhu uchine kutsunga pamwoyo pake nokuda kwenyu, nokuti Jehovha Mwari wenyu, ndiye Mwari kudenga kumusoro napanyika pasi.”—Joshua 2:8-11.
Rakabhi anokumbira, kuti: “Zvino ndipikirei henyu naJehovha, kuti zvandakakuitirai zvakanaka, nemiwo muchaitira imba yababa vangu zvakanaka, mundipeiwo chiratidzo chakasimba, kuti muchararamisa baba vangu namai vangu nehanzvadzi dzangu navanun’una vangu, nezvose zvavanazvo.”—Joshua 2:12, 13.
Varume vanobvuma uye vanoudza Rakabhi zvokuita. Pawindo rake, anofanira kuturika tambo tsvuku inoshandiswa kuburutsa tsori pasi kunze kwamasvingo eJeriko. Anofanira kuunganidzira mhuri yake mumusha make, umo vanofanira kuramba vari nokuda kwedziviriro. Rakabhi anopa tsori dziri kuenda mashoko anobetsera pamusoro pechimiro chenyika uye anodziudza nzira yokunzvenga nayo varondi vadzo. Tsori dzinoita ikoku. Pashure pokuratidzira tambo tsvuku nokuunganidza mitezo yemhuri yake, Rakabhi anomirira zvimwe zvinoitika.—Joshua 2:14-24.
Rakabhi aitei? Chokwadi, abvumikisa kuti kutenda kwake kuri muna Mwari Wamasimba ose, Jehovha! Achararama mukuwirirana nemipimo yake. Hungu, uye acharuramiswa nokuda kwamabasa akadaro okutenda.
Masvingo Anokoromoka!
Mavhiki mashomanene anopfuura. Vachiperekedzwa navaprista—vamwe vane nyanga dzamakondohwe uye vamwe vakatakura areka inoyera yesungano—varume vechiIsraeri vehondo vari kutenderera Jeriko. Vave vachiita ikoku kamwe zuva rimwe nerimwe kwamazuva matanhatu zvino. Pairi zuva rechinomwe, zvisinei, vatofora vachipota guta katanhatu. Havo vanoendazve!
Kufora kwechinomwe kwapedzwa, kuridzwa kwenguva refu kwenyanga kunozadza mhepo. VaIsraeri zvino vanodanidzira nesimba. Pana ikoko, Jehovha anosakisa masvingo anodzivirira eJeriko kuwa mukutinhira kune ruzha. Rutivi rwakatsigira imba yaRakabhi bedzi runoramba rwakamira. Rutivi rwasara rweguta navagari varwo vanoparadzwa. Kutenda kwayo kwabvumikiswa namabasa, pfambi inopfidza inochengetwa pamwe chete nemhuri yayo, uye inovamba kugara pakati pavanhu vaJehovha.—Joshua 6:1-25.
Kurangarira Mavara aRakabhi
Rakabhi akanga asiri nyope yakashatiswa, nokuti padenga rake pakanga pane utanda hwamasosoori hwaiomeswa muzuva. Shinda yousosoori yaizoshandiswa kugadzira machira. Makanga munewo tambo tsvuku mumba maRakabhi. (Joshua 2:6, 18) Naizvozvo angave aibatikana mukugadzira machira uye sezvinobvira aiziva unyanzvi hwokudhaya. Hungu, Rakabhi akanga ari mukadzi anobishaira. Kupfuura zvose, akanga asvika pakuva nokutya Jehovha kwokuremekedza.—Enzanisa naZvirevo 31:13, 19, 21, 22, 30.
Zvakadiniko nerimwe basa raRakabhi? Akanga asati achingova chete mugamuchiri wavashanyi wehotera. Aiwa, Magwaro anomuzivisa kupfurikidza nokushandisa mashoko echiHebheru neechiGiriki anoratidzira hure. Somuenzaniso, shoko rechiHebheru zoh·nahʹ nguva dzose rine chokuita nevatano isiri yapamutemo. Sezvineiwo, pakati pavaKanani uhure rakanga risati riri basa rakaipa.
Kushandisa kwaJehovha hure kunoratidzira ngoni dzake huru. Zvitarisiko zvokunze zvinogona kutinyengera, asi Mwari “unotarira zviri mumwoyo.” (1 Samueri 16:7) Nokudaro, pfambi dzine mwoyo yakarurama idzo dzinopfidza uhure hwadzo dzinogona kugamuchira kanganwiro yaJehovha Mwari. (Enzanisa naMateo 21:23, 31, 32.) Rakabhi amene akabva muchivi achienda kunzira yakarurama ine tendero youmwari.
Tsori dzechiIsraeri dzairarama mukuwirirana noMutemo waMwari, naizvozvo hadzina kugara paimba yaRakabhi nokuda kwezvikonzero zvoutere. Chikonzero chadzo chingave chakanga chiri chokuti kwaibvira zvishomanene kuti nyumwiro yaizonyandurwa nokuvapo kwadzo muimba yehure. Nzvimbo yayo parusvingo rweguta yaizoitawo kuti kupukunyuka kuve nyore. Sezviri pachena Jehovha akadzitungamirira kuenda kumutadzi ane mwoyo wakanga watapurwa zvakanaka kwazvo nemishumo yokubata kwoumwari navaIsraeri zvokuti akapfidza ndokuchinja nzira dzake. Kutaura kwaMwari kwokuti Israeri aifanira kuparadza vaKanani nemhaka yemiitiro yavo youtere, uye chikomborero chake pana Rakabhi napakukundwa kweJeriko, zvinoita kuti kuve pachena kuti tsori hadzina kuita utere.—Revhitiko 18:24-30.
Zvakadiniko namashoko anotsausa aRakabhi kuvarondi vetsori? Mwari akatendera nzira yake. (Enzanisa naVaRoma 14:4.) Akapinda mungozi kuti adzivirire vabatiri vake, achipa ufakazi hwokutenda kwake. Nepo kureva nhema kunokuvadza kwakaipa mumeso aJehovha, munhu haasungirwi kuzivisa mashoko echokwadi kuvanhu vasina maruramiro awo. Kunyange Jesu Kristu haana kupa udzame hwakazara kana kuti mhinduro dzakananga apo kuita saizvozvo kwaigona kuve kwakaunza kuvadziko isiri madikanwa. (Mateo 7:6; 15:1-6; 21:23-27; Johane 7:3-10) Sezviri pachena, nzira yaRakabhi yokutsausa machinda vavengi inofanira kurangarirwa nenzira iyoyo.
Tuso yaRakabhi
Rakabhi akatuswa sei nokuda kwokushandisa kutenda? Kuchengetwa kwake mukati mokuparadzwa kweJeriko zvirokwazvo chakanga chiri chikomborero chakabva kuna Jehovha. Gare gare, akaroorwa naSarmoni (Sarma), mwanakomana womuchinda womurenje Nashoni worudzi rwaJudha. Savabereki vaBhoazi woumwari, Sarmoni naRakabhi vakaumba batano mumutsara wedzinza wakatungamirira kuna Mambo Dhavhidhi waIsraeri. (1 Makoronike 2:3-15; Rute 4:20-22) Nenzira inokosha zvikuru, yaichimbova pfambi Rakabhi ndomumwe wavakadzi vana bedzi vanodudzwa mumutsara wedzinza waMateo waJesu Kristu. (Mateo 1:5, 6) Chikomborero chakadini chakabva kuna Jehovha!
Kunyange zvazvo akanga asiri muIsraeri uye aichimbova pfambi, Rakabhi muenzaniso wakatanhamara womukadzi uyo akabvumikisa kupfurikidza namabasa ake kuti akanga ane kutenda kwakazara muna Jehovha. (VaHebheru 11:30, 31) Kufanana navamwe, vamwe vavo vakarega upenyu hwoupfambi, achagamuchirazve imwe tuso—rumuko kubva muvakafa kuupenyu muparadhiso yapasi. (Ruka 23:43) Nemhaka yokutenda kwake kwakatsigirwa namabasa, Rakabhi akawana tendero yaBaba vedu vokudenga vane rudo navanokanganwira. (Pisarema 130:3, 4) Uye zvirokwazvo muenzaniso wake wakaisvonaka unogovera kurudziro yokuti vadi vose vokururama vatarire kuna Jehovha Mwari nokuda kwoupenyu husingaperi.
[Mufananidzo uri papeji 23]
Rakabhi akaruramiswa nemhaka yokuti mabasa ake akabvumikisa kuti akanga ane kutenda
[Mifananidzo iri papeji 24]
Vezvokuchera matongo vakafukunura zvisaririra zveJeriko rakare, kubatanidza rutivi ruduku rworusvingo rwapakuvamba
[Kwazvakatorwa]
Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.