Tevedzera Kutenda Kwavo
Akabvuma Kunyaradzwa naMwari Wake
DENGA paraiwedzera kusviba nemakore emvura, Eriya akawedzera kumhanya. Paiva nechinhambwe kuti asvike kuJezreeri uye Eriya akanga achembera. Asi akamhanya zvokumhanya zviya nokuti “ruoko rwaJehovha” rwakanga ruri paari. Jehovha ndiye akaita kuti awane simba rokumhanya zvaakanga asati amboita. Akanga asiya nokure ngoro youmambo yemabhiza yaiva naMambo Ahabhi.—1 Madzimambo 18:46.
Pakanga pava nedaro rakakura pakati pake naMambo Ahabhi, asiwo pakanga pachine chinhambwe kuti asvike kwaaienda. Imbofunga mvura yainaya ichirova kumeso kwaEriya, achifunga zvinhu zvisingakanganwiki zvakanga zvaswera zvichiitika musi iwoyo. Zvakanga zvabuda pachena kuti Mwari waEriya, Jehovha, ndiye akanga akunda uyewo kuti kunamata kwechokwadi ndekupi. Eriya akanga asingachaoni Gomo reKameri nokuti rakanga rava kure uye denga rasviba nemvura. Pagomo irori, Jehovha ndipo paakashandisa Eriya kuita chishamiso uye kuparadza vanhu vainamata Bhaari. Unyengeri hwemazana evaprofita vaBhaari hwakafumurwa vachibva vaurayiwa. Eriya akabva anyengetera kuna Jehovha kuti mvura yakanga yava nemakore matatu nehafu isiri kunaya, inaye. Mvura yakatsvotsvoma!a—1 Madzimambo 18:18-45.
Eriya zvaaifamba nomumachakwi akananga kuJezreeri kwemakiromita 30, anogona kunge aiona sokuti Ahabhi ava kuzochinja mafungiro ake. Aiva nechivimbo chokuti aizochinja chete. Eriya aifunga kuti Ahabhi nezvaakanga aona aifanira kuchinja orega kunamata Bhaari, orambidza mambokadzi Jezebheri zvaaida kuita uye orega kutambudza vanamati vaJehovha.
Zviri muropa kuti tinzwe manyukunyuku kana zvinhu zvichitifambira zvakanaka. Tingaona sokuti upenyu hwedu huchachinja, pamwe totoona sokuti matambudziko anga achitionesa ndondo apera. Kana Eriya akafunga saizvozvo, hazvifaniri kutishamisa nokuti aiva “munhu aiva nemanzwiro akafanana needu.” (Jakobho 5:17) Asi chiripo ndechokuti matambudziko aEriya akanga achiripo. Munguva pfupi yaizotevera, Eriya aizotanga kutya oora mwoyo zvokusvika pakudemba kufa. Chii chakaitika? Uye Jehovha akabatsira sei muprofita wake kuti amutsidzire kutenda kwake uye ave noushingi? Ngationei.
Zvinhu Zvinoita Shandukuminya
Ahabhi paakasvika kumuzinda wake kuJezreeri, akaita zvinhu zvairatidza kuti achinja mafungiro ake uye ava kuda zvokunamata here? Nyaya yacho inoti: “Ahabhi akaudza Jezebheri zvose zvakanga zvaitwa naEriya uye zvose zvokuti akanga auraya sei vaprofita vose nebakatwa.” (1 Madzimambo 19:1) Waona here kuti pakurondedzera zvakanga zvaswera zvichiitika, Ahabhi haana kutaura nezvaMwari waEriya, Jehovha? Semunhu akanga asingatyi Mwari, haana kuona zvinhu zvakaswera zvichiitika sechishamiso asi akangozvitora sokuti “zvaitwa naEriya.” Zviri pachena kuti akanga asina kudzidza kuremekedza Jehovha Mwari. Ko Jezebheri, mukadzi aiva neutsinye, akaitawo sei?
Akadya marasha! Achipupira nehasha, akatumira mashoko aya kuna Eriya: “Vanamwari ngavaite saizvozvo, uye ngavawedzere pazviri saizvozvo, kana mangwana panguva ino ndisingazoiti kuti mweya wako uve somweya womumwe nomumwe wavo!” (1 Madzimambo 19:2) Eriya akanga asati ambotyisidzirwa zvakadai. Apa Jezebheri akanga ari kutopika kuti kana akatadza kuurayisa Eriya musi iwoyo kuti atsive kufa kwevaprofita vaBhaari, aitozosva afa zvake iye pachake. Chimbofungidzira kuti Eriya akanzwa sei paakamutswa kuhope dzaaipfodora usiku mvura ichipurana ari mune imwe imba kuJezreeri, achibva audzwa mashoko aya akanga abva kuna mambokadzi Jezebheri.
Anokurirwa Nokuora Mwoyo Uye Kutya
Kana Eriya aizviudza kuti hondo nevanamati vaBhaari yakanga yapera, apa ndopaakaona kuti akanga ari kuzvinyepera. Jezebheri akanga atsidza kusadzokera shure. Jezebheri akanga arayira kuti vamwe vakawanda vainamata naEriya vaurayiwe, uye Eriya aiona sokuti ndiye akanga ari kuzotevera. Bhaibheri rinotiudza kuti: ‘Eriya akatanga kutya.’ Eriya akatanga kuzviona achiurayiwa naJezebheri here? Kana kuri kuti ndizvo zvaakaramba achifunga, ndozvakaita kuti atadze kuva neushingi. Chero zvazvingava, Eriya “akatiza kuti aponese mweya wake.”—1 Madzimambo 18:4; 19:3.
Pavanhu vainamata, Eriya haasi iye oga akakurirwa nokutya. Pava paya muapostora Petro akasanganawo nedambudziko rakadai. Somuenzaniso, Jesu paakaita kuti Petro akwanise kufamba naye pamusoro pemvura, muapostora wacho akatanga ‘kutarira dutu.’ Akabva atya akatanga kunyura. (Mateu 14:30) Zvakaitika kuna Petro naEriya zvinotipa chidzidzo chinokosha. Kana tichida kuramba tiine ushingi, pfungwa dzedu hadzifaniri kuramba dzichifunga zvinhu zvinotityisa. Tinofanira kuramba tichifunga kunobva tariro yedu nesimba redu.
“Zvakwana!”
Kutya kwakaita kuti Eriya atize achienda kutaundi reBheeri-shebha raiva pedyo nemuganhu wekumaodzanyemba kweJudha. Taundi iri raiva makiromita 150 kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kweJezreeri. Akasvika achisiya mushandi wake ikoko achibva aenda murenje ari oga. Nhoroondo yacho inoti akafamba “rwendo rwezuva rimwe chete.” Akamuka akatanga kufamba achiri mangwanani uye hapana mubvunzo kuti sezvo waiva mufambo wezuva rimwe chete hapana chaakatakura. Akavhiringidzika uye achitya, akazvimanikidza kufamba musango raityisa achigochwa nezuva. Zuva zvaraipinda muna amai varo, Eriya akanga arukutika. Apera basa, akabva agara pasi pomuti womutsvairo, unova ndiwo woga waaigona kuvanda pasi pawo kuti adzivirirwe murenje iri.—1 Madzimambo 19:4.
Apererwa, Eriya akatanga kunyengetera. Akakumbira kuti afe zvake. Akati: “Handisi nani kupfuura madzitateguru angu.” Aiziva kuti madzitateguru ake akanga angova guruva uye mabhonzo ari mumakuva asingagoni kuita chimwe chinhu. (Muparidzi 9:10) Saka Eriya aizviona sokuti haachabatsiri chinhu. Ndokusaka akati: “Zvakwana!” Hapana chokuraramira.
Zvinofanira kutishamisa here kuti munhu waMwari anombonzwa seizvi? Kwete. Varume nevakadzi vakatendeka vakati wandei vanotaurwa muBhaibheri vanonzi pane imwe nguva vakambosurukirwa zvokudemba kufa. Vamwe vacho ndiRibheka, Jakobho, Mosesi uye Jobho.—Genesisi 25:22; 37:35; Numeri 11:13-15; Jobho 14:13.
Mazuva ano tiri kurarama ‘munguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo,’ saka hazvishamisi kuti vanhu vakawanda, kunyange vashumiri vaMwari vakatendeka vanombonzwa sokuti havabatsiri. (2 Timoti 3:1) Kana zvikaitika kuti unombonzwawo seizvi, ita zvakaitwa naEriya: Udza Mwari zviri kukudya mwoyo. Kuita izvi kwakakodzera nokuti Jehovha ‘ndiMwari wokunyaradza kwose.’ (2 VaKorinde 1:3) Akanyaradza Eriya here?
Jehovha Akatsigira Muprofita Wake
Jehovha paaitarisa ari kudenga achiona muprofita wake waaida agere murenje pasi pomuti achikumbira kuti afe, unofunga kuti ainzwa sei? Hapana chikonzero chokufungidzira. Eriya paakabatwa nehope, Jehovha akabva amutumira ngirozi. Ngirozi yakamumutsa zvinyoro-nyoro ichiti: “Muka udye.” Eriya akamuka akadya nokuti ngirozi yakanga yamuvigira chingwa chaidziya nemvura yokunwa. Akatenda here ngirozi yacho? Nhoroondo yacho inongoti muprofita uyu paakapedza kudya uye kunwa mvura akabva adzokera zvake kunorara. Zvinhu zvaakasangana nazvo zvakanga zvamuomera zvokutadza kuti maita basa here? Chero zvazvingava, ngirozi yakamumutsa kechipiri kwava kuda kuedza. Yakamuti zvekare: “Muka udye,” ichibva yawedzera mashoko aya akaita kuti ashamisike: “nokuti rwendo rwacho rwakanyanya kukurebera.”—1 Madzimambo 19:5-7.
Ngirozi iyi yaiziva kwaifanira kuendwa naEriya nokuti yakatumwa naMwari. Yaizivawo kuti rwendo urwu rwakanga rwakareba saka Eriya aitoda kutsigirwa. Zvinonyaradza chaizvo kunamata Mwari anototipfuura kuziva zvatinovavarira kuita nezvatisingagoni. (Pisarema 103:13, 14) Zvokudya zvakadyiwa naEriya zvakamubatsira sei?
Nhoroondo yacho inoti: “Akamuka, akadya, akanwa, akaramba achienda nesimba rezvokudya izvozvo kwemazuva makumi mana nousiku makumi mana kusvikira kuHorebhi, gomo raMwari wechokwadi.” (1 Madzimambo 19:8) Mazana matanhatu emakore akanga apfuura Mosesi haana kudyawo kwemazuva 40 nousiku 40, uye ndizvo zvakazoitwawo naJesu, Eriya ava nemakore anoda kusvika churu afa. (Eksodho 34:28; Ruka 4:1, 2) Zvokudya izvozvo hazvina kubva zvaita kuti matambudziko ake ose abve anyangarika, asi chishamiso ichi chakaita kuti asanzwa nzara. Imbofungidzira nhamo yakaonekwa nomurume uyu anga akura, yokufamba nomurenje musina kana nzira kweunenge mwedzi nehafu.
Mazuva ano Jehovha haangotsigiri vashumiri vake nokuita zvishamiso zvokuvapa zvokudya asi anovatsigira neimwe nzira inokosha zvikuru. Anopa vashumiri vake zvokudya zvokunamata. (Mateu 4:4) Kudzidza nezvaMwari kubva muShoko rake uye mumabhuku anonyatsotsanangura Bhaibheri kunotisimbisa panyaya dzokunamata. Kudya zvokudya izvi zvokunamata kungasapedza matambudziko edu ose, asi kunotibatsira kuti titsungirire zvatingaona sokuti makomo chaiwo. Kunoitawo kuti tiwane “upenyu husingaperi.”—Johani 17:3.
Eriya akafamba makiromita anenge 320 ndokuzopedzisira asvika kuGomo reHorebhi, uko Jehovha Mwari akambozviratidza kuna Mosesi mugwenzi reminzwa raipfuta achishandisa ngirozi uye paakazopa vaIsraeri Mutemo wesungano. Eriya akatanga kugara mubako.
Kunyaradza Uye Kusimbisa Kwakaita Jehovha Muprofita Wake
“Shoko” raJehovha rakauya kuna Eriya paHorebhi pachishandiswa ngirozi. Ngirozi yacho yakabvunza kuti: “Eriya, uri kuitei pano?” Mubvunzo wacho unofanira kunge wakabvunzwa zvinyoro-nyoro, Eriya ndokuti ndazviwanirapo achibva atanga kutaura nhamo dzake. Hapana chaakasiya. Akati: “Ndave ndichishingairira kwazvo Jehovha Mwari wemauto; nokuti vanakomana vaIsraeri vakasiya sungano yenyu, vakaputsa atari dzenyu, vakauraya vaprofita venyu nebakatwa, zvokuti ini ndoga ndini ndasara; zvino votsvaka mweya wangu kuti vauuraye.” (1 Madzimambo 19:9, 10) Mashoko aEriya anoratidza zvinhu zvitatu zvaiita kuti anzwe sokuti haabatsiri.
Chokutanga, Eriya ainzwa sokuti akanga ashandira dhongi rakaora. Pasinei nemakore akawanda aakapedza ‘achishingairira kwazvo’ pakushumira Jehovha, achinamata Mwari uye achikoshesa zita rake dzvene kupfuura zvimwe zvinhu zvose, Eriya akaona sokuti zvinhu zvakanga zvatowedzera kuipa. VaIsraeri vakanga vasisina kutenda muna Jehovha vava kupanduka, ukuwo kunamata kwenhema kwakanga kwapararira. Chechipiri, Eriya aifunga kuti ndiye oga akanga asara pane vainamata Jehovha. Akati: “Ini ndoga ndini ndasara,” sokunge kuti pakanga pasisina vamwe vaishumira Jehovha. Chechitatu ndechokuti aitya. Vakawanda vevaprofita vaainamata navo vakanga vatourayiwa saka aifunga kuti ndiye akanga ari kutevera. Kunyange zvazvo zvakanga zvisiri nyore, Eriya haana kuzvikudza kana kurega nyadzi dzichimukunda zvokutadza kutaura nhunha dzake. Kudurura mwoyo kwakaitwa naEriya paainyengetera kuna Mwari wake kunoratidza kuti ndozvinofanira kuitwawo nevashumiri vose vaMwari vakatendeka.—Pisarema 62:8.
Jehovha akabatsira sei mushumiri wake ainetseka uye aitya? Ngirozi yakaudza Eriya kuti amire pamuromo webako. Akaita zvaakaudzwa asi akanga asingazivi kuti chii chaida kuitika. Kwakatanga kuvhuvhuta zimhepo rinotyisa! Mhepo yacho inofanira kunge yaivhara nzeve nokuti yakanga ine simba zvokuti yaitsemura makomo nokuputsa mabwe. Ita souri kuona Eriya achiedza kuvhara kumeso uku achibata zinguo rake rairema remvere kuti risatorwa nemazimhepo aivhuvhuta. Aifanirawo kuedza kuramba akamira zvakasimba nemhaka yokuti nzvimbo yaaiva yakanga yava kudengenyeka. Achakavhiringidzika, pakabva paita mazivivi omoto achibva amhanyira mubako kuti asatsva.—1 Madzimambo 19:11, 12.
Paiitika zvishamiso zvose izvi, nhoroondo yacho inotiyeuchidza kuti Jehovha akanga asiri mune chimwe chazvo. Eriya aiziva kuti Jehovha akanga asiri Mwari wenhema sezvaiva zvakaita Bhaari uyo aikudzwa nevanamati vake vachimuti “Mutasvi weMakore,” kana kuti munayisi wemvura. Simba rose rine zvinhu zvakasikwa rinobva kuna Jehovha, asi iye mukuru nokure kupfuura chinhu chipi zvacho chaakasika. Haangakwani kunyange kumatenga. (1 Madzimambo 8:27) Zvakaitika izvi zvakabatsira sei Eriya? Yeuka kuti murume uyu aiva abatwa nokutya. Eriya akanga asingafaniri kumbotya Ahabhi naJezebheri sezvo aibatsirwa naJehovha Mwari ane simba guru kupfuura zvimwe zvinhu zvose.—Pisarema 118:6.
Pashure pemoto kwakabva kwati zii, Eriya achibva azonzwa “inzwi rakanga rakadzikama, raiva pasi pasi.” Inzwi racho rakaita kuti Eriya ataure zvakare nhunha dzake uye akataurazve asingasiiriri.b Izvi zvinofanira kunge zvakaita kuti ature befu zvakare. Zviri pachena kuti Eriya akanyaradzwa nezvaakazoudzwa ‘neinzwi rakanga rakadzikama, riri pasi pasi.’ Jehovha akasimbisira Eriya kuti aiva munhu anokosha. Sei? Akamuudza nezvezvaaironga kuzoita mune remangwana pamusoro pekurwisa vanamati vaBhaari muIsraeri. Zviri pachena kuti zvaifungwa naEriya zvokuti akanga ashandira dhongi rakaora zvakanga zvisiri izvo nokuti chinangwa chaMwari chakanga chichifambira mberi. Uyezve, kuudzwa kwakaitwa Eriya kuti adzokerezve kunoita basa raJehovha chaiva chiratidzo chokuti Jehovha akanga achiri kumuda.—1 Madzimambo 19:12-17.
Eriya akazoita sei nokusurukirwa kwake? Jehovha akaita zvinhu zviviri kuti amubatsire. Chokutanga, akaudza Eriya kuti azodze Erisha kuti ave muprofita aizomutsiva. Jaya iri rainzi Erisha raizoshanda richibatsira Eriya kwemakore akati wandei. Izvi zvinofanira kunge zvakanyaradza Eriya chaizvo. Chechipiri, Jehovha akaudza Eriya mashoko aya anofadza: “Ndasiya zviuru zvinomwe pakati paIsraeri, mabvi ose asina kupfugamira Bhaari, nemiromo yose isina kumutsvoda.” (1 Madzimambo 19:18) Zviri pachena kuti Eriya akanga asiri oga. Zvinofanira kunge zvakamukurudzira kuziva kuti kwaiva nezviuru zvevanhu vakanga varamba kunamata Bhaari. Vanhu ava vaida kuti Eriya arambe achiita basa rake akatendeka uye kuti avaratidze muenzaniso wokuramba vakavimbika kuna Jehovha panguva idzodzo dzokuti vakawanda vaimupandukira. Eriya anofanira kunge akabayiwa mwoyo paakanzwa mashoko akataurwa pachishandiswa mutumwa waJehovha, iro “inzwi rakanga rakadzikama, raiva pasi pasi” raMwari wake.
Sezvakaitika kuna Eriya, zvakakodzera kuti nesuwo tishaye neromuromo patinoona simba rine zvinhu zvakasikwa. Zvinhu zvakasikwa zvinonyatsoratidza simba reMusiki. (VaRoma 1:20) Jehovha achiri kuda kushandisa simba rake risingaperi kuti abatsire vashumiri vake vakatendeka. (2 Makoronike 16:9) Zvisinei, Mwari anotaura nesu zvose zvaanoda achishandisa Shoko rake, Bhaibheri. (Isaya 30:21) Bhaibheri rakafanana ‘neinzwi rakadzikama, raiva pasi pasi,’ uye Jehovha ari kurishandisa kuti atitungamirire, atiruramise, atikurudzire uye kuti atiratidze kuti anotida.
Eriya akabvuma here kunyaradzwa kwaakaitwa naJehovha paGomo reHorebhi? Akabvuma, nokuti pasina nguva akanga ava kuitazve basa rake rouprofita noushingi, akatendeka achirwisa kunamata kwenhema. Kana tikafungisisa mashoko akafuridzirwa aMwari okuti “kunyaradza kunobva muMagwaro” tinogona kutevedzera kutenda kwaiva naEriya.—VaRoma 15:4.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona nyaya dzinoti “Tevedzera Kutenda Kwavo,” dzine misoro inoti “Akatsigira Kunamata Kwakachena” nounoti “Akamirira, Uye Akarinda” dziri muNharireyomurindi yaJanuary 1 uye April 1, 2008.
b “Inzwi rakanga rakadzikama, raiva pasi pasi” rinofanira kunge riri rengirozi yakashandiswa kutaura “shoko raJehovha” pana 1 Madzimambo 19:9. Ndima 15 inongoti “Jehovha.” Izvi zvinotiyeuchidza nezvengirozi yakashandiswa naJehovha kutungamirira vaIsraeri murenje uye akati nezvayo: “Nokuti zita rangu riri mairi.” (Eksodho 23:21) Hatigoni hedu kutaura kuti izvi ndizvo chaizvo asi zvinokosha kuziva kuti Jesu asati auya pasi pano aiva “Shoko,” kureva kuti Mutauriri wevashumiri vaJehovha.—Johani 1:1.
[Mufananidzo uri papeji 19]
Jehovha akakomborera zvikuru Eriya, munguva dzakanaka nedzisina
[Mufananidzo uri papeji 20]
Eriya akadurura mwoyo wake kuna Jehovha paaiva akaora mwoyo chaizvo
[Mufananidzo uri papeji 21]
Jehovha akashandisa simba rake rinoshamisa kuti anyaradze uye akurudzire Eriya