“Mwari Worugare” Anoitira Hanya Vanotambura
BHAIBHERI rinojekesa kuti Dhavhidhi wekare akanga akarovedzana nenhamo. Kwemakore anoverengeka akagara somupoteri, akarondwa pasina kurega namambo akaipa uye akasindimara, uyo akanga akatsunga kumuuraya. Mukati meiyi nhambo yenhamo, Dhavhidhi akazvivanza munzvimbo dziri dzoga. Asi akaita chimwe chinhuzve. Akanyengetera zvapachokwadi kuna Jehovha pamusoro penhamo yake. “Ndinodanidzira nenzwi rangu kuna Jehovha,” akanyora kudaro gare gare pamusoro pedambudziko rake. “Ndinodurura kuchema kwangu pamberi pake; ndinomuzivisa kutambudzika kwangu.”—Pisarema 142:1, 2.
Nhasi, vamwe vanganyomba kuvimba naMwari kwaDhavhidhi. Vangataura kuti munyengetero unongova unyanzvi hwendangariro hwokuwana nahwo rugare uye kuti chaizvoizvo kupambadza nguva. Bva, kuvimba naMwari kwaDhavhidhi hakuna kuiswa pasina kururama, nokuti vavengi vake vakakurirwa pakupedzisira. Achitarira shure kuchakaitika chake, Dhavhidhi akanyora kuti: “Murombo uyu wakachema, Jehovha akamunzwa, akamuponesa panjodzi dzake dzose.” (Pisarema 34:6) Mwari wechokwadi uyo Dhavhidhi akatendeukira kwaari kumwewo anonzi “Mwari worugare.” (VaFiripi 4:9; VaHebheru 13:20) Achaunza nyaradzo panhamo, zvichiguma norugare kwatiri here?
Jehovha Anokuitira Hanya
Jehovha anoitira hanya nhamo dzevanhu vake. (Pisarema 34:15) Anongwarira zvinodikanwa kwete bedzi zvevabatiri vake seboka asiwo zvemunhu mumwe nomumwe anomutya. Pakutsaurira temberi muJerusarema rakare, Soromoni akateterera Jehovha kuti ateerere “kana munhu upi noupi, kana vanhu venyu vose vaIsraeri vakanyengetera kana kukumbira, mumwe nomumwe achiziva kutambudzika kuri pamwoyo wake kana kuchema kwake.” (2 Makoronike 6:29) Seizvo Soromoni akabvuma, munhu mumwe nomumwe ane nhamo yake amene yakasiyana yokutsungirira. Nokuda kwomumwe munhu mumwe kungava kurwara kwomuviri. Nokuda kwomumwe, kurwadziwa ndangariro. Vamwe vangatambudzwa nerufu rwomudiwa. Kushaikwa kwemabasa, nhamo yemari, uye zvinetso zvemhuri inhamo dzinozivikanwawo mudzino nguva dzakaoma.
Funga kwechinguvana nezve‘dambudziko rako umene nekurwadziwa kwako umene.’ Padzimwe nguva zvichida wakanzwa sezvakaita wezvemapisarema Dhavhidhi, uyo akanyora kuti: “Ndakatsvaka vangandinzwira nyasha, asi kwakanga kusina munhu; ndakatsvaka vavaraidzi, asi handina kuwana nomumwe.” Bva, unogona kuvimbiswa kuti Mwari anoitira hanya mumiriro wako wezvinhu, nokuti gare gare mupisarema rimwe chetero, Dhavhidhi akanyora kuti: “Nokuti Jehovha unonzwa vashaiwi, haashori vasungwa vake.”—Pisarema 69:20, 33.
Tichishandisa mashoko aDhavhidhi mupfungwa huru, tinogona kuvimbiswa kuti Musiki worudzi rwomunhu anoteerera minyengetero yaavo vakaiswa mutorongo, sokunge zvakadaro, kupfurikidza nenhamo dzavo. Zvinopfuura izvozvo, anoita chimwe chinhu kumumiriro wavo wezvinhu wakaipa. Rangarira kutaura kunotevera kunoratidzira tsitsi dzaJehovha nokuda kwavanotambura.
“Usatambudza chirikadzi kana nherera. Kana ukatongovatambudza, vakadana kwandiri, ndichateerera kudana kwavo; kutsamwa kwangu kuchamuka.”—Eksodho 22:22-24.
“Ko zvino Mwari haangaruramisiri vakasanangurwa vake, vanodanidzira kwaari masikati nousiku, kunyange achinonoka pamusoro pavo here?”—Ruka 18:7.
“Nokuti ucharwira mushaiwi kana achidanidzira; nomurombo usina mubatsiri. Uchanzwira nyasha murombo nomushaiwi, uchaponesa mweya yavashaiwi. Uchadzikinura mweya yavo pakutambudzika napakumanikidzwa; ropa ravo richava chinhu chinokosha pamberi pake.”—Pisarema 72:12-14.
“Unokugunzvai imi [vanhu vaMwari pasi pano], unogunzva mboni yeziso [rangu, NW].”—Zekaria 2:8.
Iyi mienzaniso mishomanene inoratidzira fariro huru yoMusiki wedu mugarikano yavanhu vake. Nokudaro, tine chikonzero chakanaka chokutevera zano romuapostora Petro rokuti: “Kandirai pamusoro pake kufunganya kwenyu kwose, nokuti iye unokuchengetai.” (1 Petro 5:7) Asi Mwari achatibetsera sei mukati menguva dzenhamo?
Nzira Iyo Mwari Anobetsera Nayo Vanotambura
Sezvataona, apo Dhavhidhi akatambura nhamo, akanyengetera zvapachokwadi kuna Mwari nokuda kwenhungamiro. Panguva imwe cheteyo, akatanga kururamisa mumiriro wacho wezvinhu, achishandisa unyanzvi kunzvenga vaimuronda. Nokudaro, kuvimba naJehovha kwakabatanidzwa nenhamburiko yomunhu oga kwakagonesa Dhavhidhi kutsungirira nhamo yake. Tinogona kudzidzei muna ikoku?
Apo tinotarisana nenhamo, zvirokwazvo hazvina kushata kuti titange zvine mufungo kupedza chinetso chacho. Somuenzaniso, kana muKristu akazviwana asisashande, haasati achizoita here nhamburiko yokuwana basa? Kana kuti kana ari kutambura chirwere chomuviri, haasati achizotsvaka kurapwa here? Zvirokwazvo, kunyange Jesu, uyo akanga aine simba rokurapa ndudzi dziri dzose dzezvirwere, akabvuma kuti ‘vanorwara vanoda chiremba.’ (Mateo 9:12; enzanisa na1 Timotio 5:23.) Chokwadika, dzimwe nhamo hadzigoni kubviswa; dzinongofanira kutsungirirwa. Kunyange zvakadaro, muKristu wechokwadi haarangariri kutambura sekunaka makuri kumene, sezvinoita vamwe. (Enzanisa na1 Madzimambo 18:28.) Panzvimbo pezvo, anoita matanho api kana api aanogona okubata nawo nhamo yake.
Panguva imwe cheteyo, kunyange zvakadaro, zvine mufungo kuendesa nhau yacho kuna Jehovha mumunyengetero. Nei? Kutanga, kupfurikidza nokuvimba noMusiki wedu, tinobetserwa kuti ti“zive kuti zvinhu zvakanaka ndezvipi.” (VaFiripi 1:10) Somuenzaniso, pakutsvaka basa, kuvimba naMwari kwokunyengetera kuchatibetsera kusagamuchira basa rinorwisana nenheyo dzeBhaibheri. Tichadzivisawo ku“tsauswa pakutenda” kupfurikidza nokuda mari. (1 Timotio 6:10) Chaizvoizvo, pakuita zvisarudzo zvinokosha—pamusoro pebasa kana kuti rumwe rutivi rwupi norwupi rwoupenyu—tinofanira kutevera zano raDhavhidhi rokuti: “Kandira mutoro wako pamusoro paJehovha, iye uchakusimbisa; haangatongotenderi wakarurama kuti azununguswe.”—Pisarema 55:22.
Munyengetero unotibetserawo kuchengeta dzikamo yedu yendangariro, kuitira kuti nhamo yedu isatikurire. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Pazvinhu zvose, mikumbiro yenyu ngaiziviswe Mwari nokunyengetera nokukumbira, pamwe chete nokuonga.” Nomugumisiroi? “Rugare rwaMwari runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu.” (VaFiripi 4:6, 7) Hungu, rugare, rugare rwaMwari. Rugare irworwo “runopfuura kunzwisisa kwose,” naizvozvo rwunogona kutidzikamisa patinenge takaremerwa nemirangariro inorwadza. Rucha‘rinda mwoyo yedu nemasimba endangariro,’ nokudaro rwuchitibetsera kudzivisa kuita nechimbichimbi nokusachenjera, tichiwedzera nhamo yedu.—Muparidzi 7:7.
Munyengetero unogona kuita zvakatowanda. Unogona kuita musiyano munzira iyo mamiriro ezvinhu anoitika nawo. Rangarira muenzaniso weBhaibheri. Apo muapostora Pauro akaiswa mutorongo muRoma, akakurudzira vaKristu biyake kumunyengeterera. Nei? “Ndinokumbira zvikuru kwamuri kuti muite izvozvo,” akavanyorera kudaro, “kuti ndikurumidze kudzoserwa kwamuri.” (VaHebheru 13:19) Pauro aiziva kuti minyengetero inopfuurira yevatendi biyake yaigona kuita musiyano pamusoro peapo aizosunungurwa.—Firemoni 22.
Munyengetero uchachinja mugumisiro wenhamo yako here? Ungadaro. Tinofanira kuziva, kunyange zvakadaro, kuti Jehovha nguva dzose haapinduri minyengetero yedu nomutoo watingakarira. Pauro, somuenzaniso, akanyengetera anyengeterazve pamusoro pe“munzwa [wake] munyama”—zvichida chinetso chomuviri chaive nechokuita nekuona kwake. Panzvimbo pokubvisa nhamo yacho, Mwari akaudza Pauro kuti: “Nyasha dzangu dzinokuringana; nokuti simba rangu rinozadziswa pautera hwako.”—2 VaKorinte 12:7-9.
Naizvozvo padzimwe nguva nhamo dzedu hadzisati dzichizobviswa. Panzvimbo pezvo, tichava nomukana wokubvumikisa kuvimba kwedu neMusiki wedu. (Mabasa 14:22) Kupfuurirazve, tinogona kuvimbiswa kuti kunyange kana Jehovha akasabvisa nhamo yacho, acha“kupaiwo nzira yokubuda nayo, muve nesimba rokutsunga.” (1 VaKorinte 10:13) Hungu, kuri nokuda kwechikonzero chakanaka kuti Jehovha anodanwa kuti “Mwari wokunyaradza kwose; iye unotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose.” (2 VaKorinte 1:3, 4) Anotipa zvatinoda kuti titsungirire.
Nokukurumidza—Nyika Isina Nhamo!
Musiki anopikira kuti kupfurikidza noUmambo hwake, achakurumidza kubvisa nhamo dzorudzi rwomunhu. Achaita sei izvozvi? Kupfurikidza nokubvisa Satani Dhiyabhorosi, munyanduri mukuru wenhamo nomuvengi mukurusa werugare, uyo Bhaibheri rinozivisa sa“mwari wenyika ino.” (2 VaKorinte 4:4) Asi nokukurumidza kudzora kwake rudzi rwomunhu kuchaguma. Kuparadzwa kwake kuchazarura nzira yokuti zvikomborero zvisingaverengeki zviuye kune avo vanotya Mwari. Bhaibheri rinopikira kuti Jehovha acha“pisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:1-4.
Nyika isina nhamo inonzwika kuva isingadaviriki here? Takarovedzana kwazvo nokurarama nenhamo zvokuti takadzvinyirirwa zvokusagona kufungidzira kusavapo kwayo. Asi rusununguko pakutya, pafunganyo, uye pangwavaira ndizvo chaizvo izvo Mwari akaronga nokuda kworudzi rwomunhu pakusika, uye donzo rake richabudirira.—Isaya 55:10, 11.
Iyoyi ndiyo tariro iyo Sonia, Fabiana, uye Ana, vadudzwa munyaya yokutanga, vakawana. Sonia, ane vanakomana vaviri vakafa neAIDS, anonyaradzwa netariro ine Bhaibheri—kumutswa kwavakarurama nevasakarurama. (Mabasa 24:15) “Chimwe chinhu ndechechokwadi,” anodaro, “tariro yedu inopfuura kurwadza kupi nokupi kunyange zvodini.”
Achiri kugara mumusha unochengetwa nherera, Ana akashanyirwa nemumwe weZvapupu zvaJehovha. “Akandiratidza zita raJehovha muBhaibheri,” anodaro Ana, “uye ndakachema nokuda kwomufaro. Ndaida betsero zvikuru, uye ndakaziva kuti kuna Mwari anotiitira hanya.” Pashure pokubva mumusha unochengetwa nherera, Ana akabvuma fundo yeBhaibheri ndokudzidza zvizhinji pamusoro pezvipikirwa zvaJehovha. Ipapo akatsaurira upenyu hwake kuna Jehovha ndokukuratidzira norubhabhatidzo. “Kubvira panguva iyoyo ndakapfuurira kuvimba naJehovha kupfurikidza nomunyengetero, uye ndinonyaradzwa nevimbiso yokuti achandibetsera.”
Fabianawo akawana nyaradzo huru nerugare rwendangariro munhamo yake kupfurikidza nokudzidza pamusoro pezvipikirwa zvaMwari zvenguva yemberi. “Kudzidza chokwadi muBhaibheri kwakafanana nokubuda munzvimbo ine rima neinotyisa zvikuru ndokupinda mukamuri rakajeka, rine chiedza, uye rinofadza.”—Enzanisa nePisarema 118:5.
Asi rugare chairwoirwo kupota pasi rose rwuchauya sei uye rini? Ngationei nyaya dzinotevera.
[Bhokisi riri papeji 6]
Mativi Mazhinji Enhamo
▪ Chinenge chikamu chimwe muzvina chevagari venyika chinogara muurombo hwakakomba, uye mamwe mamiriyoni ari kugara mumamiriro ezvinhu asingakodzeri kugara vanhu ayo anotyisidzira kurarama kwavo.
▪ Vana vanopfuura mamiriyoni 200 havana zvokudya zvakakwana zvinovaka muviri.
▪ Gore rimwe nerimwe manyoka anouraya vana vanenge mamiriyoni matatu vari pasi pemakore mashanu ezera.
▪ Hosha dzinotapuriranwa dzakauraya vanhu vanenge mamiriyoni 16,5 muna 1993 moga. Sezvo dzimwe nyika dzichironga zvirwere nenzira yakasiyana, nhamba yechokwadi ingave huru zvikuru kwazvo.
▪ Vanhu vanofungidzirwa kuva mamiriyoni 500 vanotapurwa nerudzi rwakati rwechinetso chendangariro.
▪ Mwero yekuzviuraya iri kuwedzera nokukurumidza zvikuru pakati pepwere kupfuura mune rimwe zera ripi neripi.
▪ “Nzara nekushaikwa kwemabasa zvazova zvinhu zvinosvibisa nyika,” inodaro The Unesco Courier. “Kune mamiriyoni 35 asina basa munyika nomwe dzakapfuma zvikurusa, uye muBrazil moga mune vashandi mamiriyoni 20 vanoti kuva nebasa hakurevi kuti vachadya vachiguta.”
[Mifananidzo iri papeji 7]
Munyengetero unogona kutibetsera kunangidzira ngwariro pachipikirwa chaMwari chenyika isina nhamo