Mufaro waJehovha Inhare Yedu
“Zuva rino idzvene kunaShe wedu; musava neshungu, nokuti mufaro waJehovha [inhare yenyu, NW].”—NEHEMIA 8:10.
1, 2. (a) Nhare chii? (b) Dhavhidhi akaratidza sei kuti akapotera muna Jehovha?
JEHOVHA inhare isingaenzaniswi. Uye nhare chii? Inzvimbo yakasimbiswa, yechengeteko kana kuti yokupukunyukira. Dhavhidhi womuIsraeri yakare akarangarira Mwari kuva nhare yake. Somuenzaniso, rangarira rwiyo urwo Dhavhidhi akanangidzira kune Wokumusoro-soro “panguva yaakarwirwa naJehovha pamaoko avavengi vake vose, napamaoko aSauro,” mambo waIsraeri.—Pisarema 18, mashoko anorondedzera.
2 Dhavhidhi akavamba rwiyo irworwo runonyandura namashoko, okuti: “Ndinokudisai, Jehovha, simba rangu. Jehovha idombo rangu, nenhare yangu, nomurwiri wangu; Mwari wangu, dombo rangu, wandichavimba naye; nhoo yangu, norunyanga rwokuponeswa kwangu, shongwe yangu yakakwirira.” (Pisarema 18:1, 2) Adzingwa zvisakarurama uye achiteverwa naMambo Sauro, Dhavhidhi akarurama akapotera muna Jehovha, seizvo chaizvo mumwe munhu angatizira munzvimbo yakasimbiswa kuti apukunyuke ngwavaira yakati.
3. Neiko vaJudha vomuzuva raEzra vaka“fara kwazvo”?
3 Mufaro uyo Jehovha anopa inhare isingakundikani nokuda kwaavo vanofamba munzira yake savachengeti veperero. (Zvirevo 2:6-8; 10:29) Kuti vave nomufaro unopiwa naMwari, chokwadika, vanhu vanofanira kuita kuda kwoumwari. Muna ikoku, rangarira chakaitika muJerusarema muna 468 P.N.V. Ezra munyori navamwe vakapa kunzwisisa kupfurikidza nokurava kune revo Mutemo. Ipapo vanhu vakakurudzirwa, kuti: “Endai henyu, mudye zvakakora, nokunwa zvinozipa, mugotumirawo migove kuna vasina kugadzirirwa chinhu; nokuti zuva rino idzvene kunaShe wedu; musava neshungu, nokuti mufaro waJehovha [inhare yenyu, NW].” Kwakaguma no“kufara kwazvo” sezvo vaJudha vakashandisa zivo yavakanga vawana ndokuva noMutambo waMatumba unofadza. (Nehemia 8:1-12) Avo vakanga vane ‘mufaro waJehovha senhare yavo’ vakawana simba rokunamatwa kwake nebasa. Sezvo mufaro waJehovha wakanga uri nhare yavo, tinofanira kukarira vanhu vaMwari nhasi kuva vanofarawo. Zvii, ipapo, zviri zvimwe zvikonzero zvavo zvomuzuva razvino zvokufara?
“Fara Kwazvo”
4. Chii chiri manyuko mamwe akatanhamara omufaro nokuda kwavanhu vaJehovha?
4 Chikonzero chimwe chakatanhamara chomufaro igadziriro iyo Jehovha anoita yokuungana pamwe chete. Magungano nekokorodzano zveZvapupu zvaJehovha zvinovaunzira mufaro nhasi, seizvo chaizvo mitambo yegore negore yakaitwa navaIsraeri yakaunza mufaro kumwoyo yavo. Vanhu vaIsraeri vakaudzwa, kuti: “Unofanira kutambira Jehovha Mwari wako mutambo [wamatumba] mazuva manomwe panzvimbo ichatsaurwa naJehovha; nokuti Jehovha Mwari wako uchakuropafadza pazvibereko zvose zveminda yako, napamabasa ose amaoko ako, kuti ufar[e] kwazvo.” (Dheuteronomio 16:13-15) Hungu, Mwari aida kuti va“fare kwazvo.” Zvimwe chetezvo ndezvechokwadi navaKristu, nokuti muapostora Pauro akakurudzira vadaviri biyake, kuti: “Farai munaShe nguva dzose; ndichapamhidzazve: Farai.”—VaFiripi 4:4.
5. (a) Mufaro chii, uye vaKristu vanouwana sei? (b) Tinogona sei kuva nomufaro pasinei zvapo nemiedzo?
5 Sezvo Jehovha achida kuti tifare, anotipa mufaro sechimwe chezvibereko zvomudzimu wake mutsvene. (VaGaratia 5:22, 23) Uye mufaro chii? Murangariro unofadza unoparirwa nekariro kana kuti kuwanwa kwechakanaka. Mufaro mumiriro wezvinhu womufarwa wechokwadi, kunyange kufara. Ichi chibereko chomudzimu mutsvene waMwari chinotitsigira mumuedzo. “Iye wakatsunga pamuchinjikwa nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake [Jesu], akashora kunyadziswa kwawo, akandogara kurudyi rwechigaro choushe chaMwari.” (VaHebheru 12:2) Mudzidzi Jakobho akanyora, kuti: “Hama dzangu, muti mufaro bedzi kana muchiwira mum[ie]dzo mizhinji; muchiziva kuti kuidzwa kwokutenda kwenyu kunobereka kutsungirira.” Asi zvakadiniko kana tisingazivi chokuita pamusoro pomuedzo wakati? Ipapo nechivimbo tinogona kunyengeterera uchenjeri hwokubata nawo. Kuita mutsinhirano nouchenjeri hwokudenga kunotigonesa kupedza zvinetso kana kuti kugonana nemiedzo inopfuurira pasina kurasikirwa nomufaro waJehovha.—Jakobho 1:2-8.
6. Ukamai huripo pakati pomufaro nokunamata kwechokwadi?
6 Mufaro uyo Jehovha anopa unotisimbisa kuti tisimudzire kunamata kwechokwadi. Ndizvo zvakaitika mumazuva aNehemia naEzra. VaJudha vomunguva iyoyo avo vakanga vane mufaro waJehovha senhare yavo vakasimbiswa kupfuuridzira fariro dzokunamata kwechokwadi. Uye sezvavakasimudzira kunamatwa kwaJehovha, mufaro wavo wakawedzera. Zvimwe chetezvo ndezvechokwadi nhasi. Savanamati vaJehovha, tine hwaro hwokufara zvikuru. Ngatirangarirei zvino zvimwe zvishomanene zvezvikonzero zvedu zvakawanda zvokufara.
Ukama naMwari Kupfurikidza naKristu
7. Pamusoro paJehovha, vaKristu vane zvikonzeroi zvomufaro?
7 Ukama hwedu hwapedyo naJehovha hunotiita vanhu vanofara zvikurusa pasi pano. Tisati tava vaKristu, taiva rutivi rwechaunga chavanhu chisina kururama icho chiri ‘murima mundangariro uye chakaparadzaniswa noupenyu huri hwaMwari.’ (VaEfeso 4:18) Tinofara sei kuti hatichasitongovazve vakaparadzaniswa naJehovha! Chokwadika, kunoda nhamburiko kurambira munyasha dzake. Tinofanira ku“pfuurira mukutenda, kwakatangwa munheyo takatsiga tisingazununguswi patariro yamashoko akanaka iwayo.” (VaKorose 1:21-23, NW) Tinogona kufara kuti Jehovha akatikwevera kuMwanakomana wake maererano namashoko aJesu amene, okuti: “Hakuna munhu ungauya kwandiri, kana Baba, vakandituma, vasingamukwevi.” (Johane 6:44) Kana tichionga zvirokwazvo ukama hwedu hunokosha naMwari kupfurikidza naKristu, tichadzivisa chinhu chipi nechipi chingagona kuhuparadza.
8. Jesu akaparira sei mumiriro wedu wezvinhu wokufara?
8 Kukanganwirwa kwezvivi kupfurikidza nokutenda chibayiro chorudzikinuro chaJesu chisakiso chikuru chomufaro nemhaka yokuti ichi ndicho chinoita kuti ukama hwedu naMwari hubvire. Kupfurikidza nenzira yake youne yechivi, tateguru wedu Adhama akaunza rufu parudzi rwose rwomunhu. Zvisinei, muapostora Pauro akatsanangura, kuti: “Mwari unoratidza rudo rwake kwatiri pakuti Kristu wakatifira, tichiri vatadzi.” Pauro akanyorawo, kuti: “Kutonga sezvakwakauya kuvanhu vose nokudarika kumwe, kuti vapiwe mhosva; saizvozvo nokururamisa kumwe chipo chokungopiwa chakauya kuvanhu vose, kururamisirwa kwoupenyu kukavapo. Nokuti vazhinji sezvavakaitwa vatadzi nokusateerera kwomumwe, saizvozvo vazhinji vachaitwa vakarurama nokuteerera kwomumwe.” (VaRoma 5:8, 18, 19) Tinogona kufara sei kuti Jehovha Mwari anofadzwa kudzikinura avo vavana vaAdhama vanozviyamura vamene negadziriro yorudo yakadaro!
Rusununguko Rworudzidziso Nokuvhenekerwa
9. Neiko tichifara mumurangariro worudzidziso?
9 Kusunungurwa muBhabhironi Guru, umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema, ndichimwe chikonzero chokufara. Izvokwadi youmwari yakatisunungura. (Johane 8:32) Uye kusununguka mune iri hure rorudzidziso kunoreva kuti hatigoverani muzvivi zvaro, hatiwani matambudziko aro, uye kuguma nokuparara naro. (Zvakazarurwa 18:1-8) Hapana chinosuruvarisa pamusoro pokupukunyuka zvose izvozvo!
10. Ivhenekeroi yatinofarikanya savanhu vaJehovha?
10 Kunzwisisa nokushandisa Shoko raMwari muupenyu zvisakiso zvokufara kukuru. Takasununguka papesvedzero yorudzidziso rwenhema, tinofarikanya nzwisiso yakajeka nguva dzose yomudzimu inogoverwa naBaba wedu wokudenga kupfurikidza no“muranda wakatendeka, wakangwara.” (Mateo 24:45-47) Pavanhu vose vanogara pasi pano, avo bedzi vakazvipira zvakakwana kuna Jehovha ndivo vane mudzimu mutsvene wake nenzwisiso yakakomborerwa yeShoko nechido zvake. Kuri sezvakataura Pauro, kuti: “Mwari wakazviratidza izvo [zvinhu zvaakagadzirira avo vanomuda] kwatiri isu nomweya; nokuti mweya unonzvera zvose, nezvakadzika zvaMwari.” (1 VaKorinte 2:9, 10) Tinogona kuva zvose zviri zviviri vanoonga navanofara kuti tiri kufarikanya nzwisiso inofambira mberi inoratidzirwa mumashoko aZvirevo 4:18, kuti: “Gwara ravakarurama rakaita sechiedza chamambakwedza, chinoramba chichiwedzera kubwinya kusvikira pamasikati makuru.”
Tariro yoUmambo Noupenyu Husingagumi
11. Tariro yoUmambo inofadza yakagoveranwa sei navamwe?
11 Tariro yedu yoUmambo inotiitawo kuti tifare. (Mateo 6:9, 10) SeZvapupu zvaJehovha, takazivisa kwenguva refu kuti Umambo hwaMwari ndiyo tariro bedzi yorudzi rwose rwomunhu. Somuenzaniso, rangarira gore ra 1931, apo takagamuchira nomufaro zita rokuti Zvapupu zvaJehovha nechisarudzo chakaziviswa nomufaro pakokorodzano 51 munyika yose. (Isaya 43:10-12) Chisarudzo ichocho nehurukuro inokosha yakapiwa naJ. F. Rutherford (purezidhendi wapanguva iyeyo weWatch Tower Society) zvakaburitswa mubhukwana rinonzi The Kingdom, the Hope of the World. Chakabatanidzwa mariri chakanga chiri chimwe chisarudzo chakagamuchirwa pakokorodzano iyeyo, icho chaipa mhaka chiKristudhomu nokuda kwokuramba kutenda kwacho uye nokuda kwokuzvidza zano raJehovha. Chakazivisawo, kuti: “Tariro yenyika umambo hwaMwari, uye hapana imwe tariro.” Mukati memwedzi mishomanene, Zvapupu zvaJehovha zvakaparadzira makopi anopfuura mamiriyoni mashanu ebhukwana irori mumativi ose apasi. Kuvambira panguva iyeyo tinowanzosimbisa kuti Umambo ndiyo tariro bedzi yorudzi rwomunhu.
12. Ikariroi dzoupenyu dzinofadza dzakaiswa pamberi paavo vanobatira Jehovha?
12 Tinofarirawo kariro youpenyu husingagumi mukutonga kwoUmambo. “Kapoka kaduku” kavaKristu vakazodzwa vane tariro yokudenga inofadza. “Mwari, Baba vaShe wedu, Jesu Kristu, ngaatendwe,” akanyora kudaro muapostora Petro, “wakatiberekazve nengoni dzake huru, kuti tive netariro mhenyu, inouya nokumuka kwaJesu Kristu kuvakafa, kuti tive nenhaka isingaori, isina mhosva, isingasvavi, yamakachengetererwa kudenga.” (Ruka 12:32; 1 Petro 1:3, 4) Nhasi, voruzhinji zvikuru veZvapupu zvaJehovha vanokarira upenyu husingaperi muParadhiso munzvimbo yoUmambo. (Ruka 23:43; Johane 17:3) Hapana vamwe vanhu pasi pano vane chinhu chipi nechipi chokuenzanisa nacho kariro dzedu dzomufaro. Tinofanira kudzikoshesa sei!
Uhama Hwakakomborerwa
13. Tinofanira kurangarira sei uhama hwedu hwamarudzi ose?
13 Kuva rutivi rwouhama hunotenderwa naMwari bedzi rwamarudzi ose chisakisowo chomufaro mukuru. Nomufaro, tine vasonganiri vanoshuviwa zvikurusa pasi pano. Jehovha Mwari amene akanongedzera kuzuva redu ndokuti: “Ndichazunungusa ndudzi dzose; zvose zvinodikanwa nendudzi dzose zvichauya; ndichazadza imba ino nokubwinya.” (Hagai 2:7) Chokwadi, vaKristu vose havana kukwana. Zvisinei, Jehovha akakwevera vanhu vamwe navamwe vakadaro kwaari amene kupfurikidza naJesu Kristu. (Johane 14:6) Sezvo Jehovha akakwevera kwaari amene vanhu vaanorangarira kuva vanoshuviwa, mufaro wedu uchawanda kana tikavaratidza rudo rwouhama, kuvaremekedza zvikuru, kubatira pamwe navo muzvinorondwa zvoumwari, kuvatsigira mumiedzo yavo, uye kuvanyengeterera.
14. Ikurudziroi yatinogona kuwana muna 1 Petro 5:5-11?
14 Zvose zvaizvozvi zvichaparira mufaro wedu. Zvirokwazvo, mufaro waJehovha uri nhare youmudzimu wouhama hwedu mupasi rose. Hungu, tose zvedu tinotambura chitambudzo nedzimwe nhamo. Asi ikoku kunofanira kutiswededza pamwe chete ndokutipa mufungo wechinzwano sorutivi rwesangano rimwe rechokwadi raMwari pasi pano. Sezvakataura Petro, tinofanira kuzvininipisa timene muruoko rwaMwari rwune simba, tichikandira funganyo yedu yose paari tichiziva kuti anotiitira hanya. Tinofanira kusvinurira nemhaka yokuti Dhiyabhorosi anotsvaka kutiparadza, asi muna ikoku hatisi toga, nokuti Petro anowedzera, kuti: “Mumudzivisei, makamira nesimba pakutenda, muchiziva kuti kutambudzika ikoko kunoitirwa hama dzose dziri panyika.” Uye uhu uhama hwamarudzi ose hunofadza hauzotongoputsiki, nokuti tine vimbiso yokuti ‘pashure pokunge tatambura kwenguva duku, Mwari uchapedzisa rovedzo yedu uye achatiita vakatsiga navakasimba.’ (1 Petro 5:5-11) Funga nezvako. Uhama hwedu hunofadza huchagara nokusingaperi!
Upenyu Hune Chinangwa
15. Neiko kuchigona kutaurwa kuti Zvapupu zvaJehovha zvine upenyu hune chinangwa?
15 Mufaro ndowedu munyika ino inotambudzwa nemhaka yokuti tine upenyu hune chinangwa. Takaronzeswa ushumiri uhwo hunotiita tifare isu navamwe. (VaRoma 10:10) Zvirokwazvo iropafadzo inofadza kuva vashandi pamwe naMwari. Muna ikoku, Pauro akati: “Aporo chinyiko? Pauro chinyiko? Vashumiri vamakatenda navo, mumwe nomumwe sezvaakapiwa naShe. Ini ndakasima, Aporo wakadiridza; asi Mwari wakameresa. Naizvozvo unosima haazi chinhu, kana unodiridza; asi Mwari unomeresa. Zvino unosima nounodiridza ndavamwe; asi mumwe nomumwe uchapiwa mubayiro wake, sezvaakabata. Nokuti tiri vabati pamwe chete naMwari; muri munda waMwari, muri imba yaMwari.”—1 VaKorinte 3:5-9.
16, 17. Mienzanisoi inogona kududzwa kubvumikisa kuti vanhu vaJehovha vane upenyu hunofadza hune chinangwa?
16 Mienzaniso yakawanda ingagona kududzwa kuratidza kuti kubatira Jehovha nokutendeka kunoguma noupenyu hune chinangwa hunotizadza nomufaro. Muenzaniso wakanaka ndouku kutaura: “Ndakatarisa tarisa muHoro yoUmambo yakazara [pazuva repurogiramu yokutsaurirwa kwayo] uye ndaigona kuona mitezo misere yemhuri yangu iripo, kubatanidza ini nomudzimai wangu navatatu vavana vedu navakwanyina vavo. . . . Mudzimai wangu neni chaizvoizvo takava noupenyu hunofadza, hune chinangwa mubasa raMwari.”
17 Kunofadzawo kuziva kuti pazera ripi neripi munhu anogona kuvamba upenyu hunofadza hune chinangwa chaichoicho mubasa raJehovha. Somuenzaniso, mumwe mukadzi akadzidza zvokwadi yeBhaibheri mumusha wokutarisira vakwegura akabhapatidzwa somumwe weZvapupu zvaJehovha pazera re 102. Iye nokudaro akapedza upenyu hwake nechinangwa chinofadza, ‘achitya Mwari wechokwadi uye achichengeta mirayiro yake.’—Muparidzi 12:13.
Nhare Isingakundikani
18. Chii chingaitwa kukurira kuora mwoyo uye kuwedzera mufaro wedu?
18 Mufaro waJehovha inhare isingakundikani nokuda kwavakatendeka. Bva, kuva nouyu mufaro hakurevi kuti hatisati tichizotongova nenguva dzokusuruvara kufanana neidzo dzakasunda Jesu ari muGetsemani kuti: “Mweya wangu une shungu kwazvo, kusvikira pakufa.” (Marko 14:32-34) Ngatitii kuora mwoyo kwakaparirwa nokutera kwedu kuzvirondwa zvoudyire. Ipapo ngatichinje mararamire edu. Kana mufaro wedu wakaderera nemhaka yokuti tinotakura nenzira isina udyire mutwaro unorema wemitoro yapaMagwaro, zvichida tinogona kuita gadziridzo dzichanyaradza funganyo ndokudzorera mudzimu wedu wokufara. Uyezve, Jehovha achatikomborera nomufaro kana tikatsvaka kumufadza kupfurikidza nokudzivisa nesimba nyama inotadza, nyika yakaipa, uye Dhiyabhorosi.—VaGaratia 5:24; 6:14; Jakobho 4:7.
19. Tinofanira kurangarira sei ropafadzo dzipi nedzipi dzatinadzo musangano raMwari?
19 Nokuda kwezvikonzero zvatakurukura, uye zvimwe zvakawanda, tine mufaro mukuru. Tingava vaparidzi veungano kana kuti tiri kugoverana muchimiro chakati chebasa renguva yakazara, tose zvedu tinogona kuva nezvakawanda zvokuita mubasa raShe, uye ikoku kune chokwadi chokuparira mufaro wedu. (1 VaKorinte 15:58) Ropafadzo dzipi kana dzipi dzatinadzo musangano raJehovha, ngationgei nokuda kwadzo ndokupfuurira nomufaro kuitira basa rinoyera Mwari wedu anorudo, anofara.—1 Timotio 1:11.
20. Chii chiri ropafadzo yedu hurusa, uye tinogona kuva nechokwadi chechii?
20 Tine chikonzero chokufarira zvikurukuru ropafadzo yedu yokutakura zita guru raJehovha seZvapupu zvake. Hungu, hatina kukwana uye tinotarisana nemiedzo yakawanda, asi ngatirangarire ropafadzo yedu inoshamisa seZvapupu zvaJehovha. Uye yeukai, Baba vedu vanodiwa vokudenga havasati vachizotongotiregeredza. Tinogona kuva nechokwadi chokuti tichakomborerwa nguva dzose kana mufaro waJehovha uri nhare yedu.
Waizopindura Sei?
◻ “Mufaro waJehovha” chii?
◻ VaKristu vanowana sei mufaro wechokwadi?
◻ Ndezvipi zvimwe zvikonzero nei Zvapupu zvaJehovha zvichifara?
◻ Neiko mufaro waJehovha uri nhare isingakundikani?