“Ndiani Akafanana naJehovha Mwari Wedu?”
“Ndiani akafanana naJehovha Mwari wedu, iye anogara pakakwirira?”—PISAREMA 113:5, NW.
1, 2. (a) Zvapupu zvaJehovha zvinorangarira sei Mwari uye Bhaibheri? (b) Mibvunzoi yakafanirwa nokurangarirwa?
VARUMBIDZI vaJehovha vakakomborerwa zvamazvirokwazvo. Iropafadzo yakadini kuva muiri boka rinofara! SeZvapupu zvake, tinogamuchira zano, mitemo, dzidziso, zvipikirwa, uye mauporofita zveShoko raMwari, Bhaibheri. Tinofara kudzidza muMagwaro uye “kudzidziswa naJehovha.”—Johane 6:45, NW.
2 Nemhaka yoruremekedzo rwazvo rukuru nokuda kwaMwari, Zvapupu zvaJehovha zvinogona kubvunza, kuti: “Ndiani akafanana naJehovha Mwari wedu?” (Pisarema 113:5, NW) Mashoko iwayo owezvamapisarema anoreva kutenda. Asi neiko Zvapupu zvaJehovha zvine kutenda kwakadaro muna Mwari? Uye zvikonzeroi zvazvinazvo zvokurumbidza Jehovha?
Kutenda Nerumbidzo Zvakafanira
3. Chii chiri Mapisarema aHareruya, uye neiko achidanwa kudaro?
3 Kutenda muna Jehovha kunodikanwa nemhaka yokuti iye ndiMwari wechienzi. Ikoku kunosimbiswa muMapisarema 113, 114, uye 115, rutivi rwaMapisarema matanhatu aHareruya. Mukuwirirana neChikoro chavarabhi chaHillel, Mapisarema 113 ne 114 aiimbwa mukati mechidyo chePaseka yechiJudha pashure pokunge mukombe wechipiri wewaini wadururwa uye revo yechengetwo yatsanangurwa. Mapisarema 115 kusvikira ku 118 aiimbwa pashure pomukombe wechina wewaini. (Enzanisa naMateo 26:30.) Anonzi “Mapisarema aHareruya” nemhaka yokuti anoshandisa ashandisazve kutaura kwokuti Hareruya!—“Rumbidzai Jah!”
4. Chii chiri revo yeshoko rokuti “Hareruya,” uye rinowanika kazhinji sei muBhaibheri?
4 “Hareruya!” kunyorwa namabhii echiHebheru kwokutaura kunooneka kane 24 muMapisarema. Kune dzimwe nzvimbowo muBhaibheri, chimiro chechiGiriki charo chinooneka kane kana pamusoro pomufaro unowanikwa pamusoro pokuparadzwa kweBhabhironi Guru, umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema, uye kufara kwakabatanidzwa nokuvamba kutonga saMambo kwaJehovha Mwari. (Zvakazarurwa 19:1-6) Sezvo zvino tinonzvera kutatu kwaMapisarema aHareruya, tingasanozvifungidzira timene tichiimba idzi nziyo kurumbidzwo yaJehovha.
Rumbidzai Jah!
5. Pisarema 113 rinopindura mubvunzoi, uye murairo wePisarema 113:1, 2 unoshanda kuna vanaani zvikurukuru?
5 Pisarema 113 rinopindura mubvunzo wokuti, Kurumbidzireiko Jehovha? Rinozarura nomurairo wokuti: “Rumbidzai Jah, imi vanhu! Ipai rumbidzo, haiwa imi vabatiri vaJehovha, rumbidzai zita raJehovha. Zita raJehovha ngarikudzwe kubva zvino zvichienda uye kusvikira kunguva isingazivikanwi.” (Pisarema 113:1, 2, NW) “Hareruya!” Hungu, “Rumbidzai Jah!” Murairo iwoyo unoshanda zvikurukuru kuvanhu vaMwari muino “nguva yomugumo.” (Dhanieri 12:4, NW) Kubva zvino zvichienda mberi uye nokusingaperiperi, zita raJehovha richarumbidzwa pasi pose. Zvapupu zvake zvino zvinozivisa kuti Jehovha ndiMwari, Kristu ndiMambo, uye Umambo hwakagadzwa mudenga. Satani Dhiabhorosi nesangano rake havagoni kudzivisa uku kurumbidzwa kwaJehovha.
6. Jehovha ari kurumbidzwa sei ‘kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakunyura kwezuva’?
6 Rwiyo rwerumbidzo ruchabuda kusvikira Jehovha aruparira kuzadza pasi. “Kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro zita raJehovha rinofanira kurumbidzwa.” (Pisarema 113:3) Ikoku kunoreva zvinopfuura kunamata kwezuva nezuva kunoitwa nezvimwe zvisikwa zvapasi. Zuva rinobuda kumabvazuva uye rinonyura kumadokero, richifukidza pasi rose. Kunzvimbo iri yose zuva rinopenyera, zita raJehovha richakurumidza kurumbidzwa navanhu vose vakasunungurwa muubatwa kurudzidziso rwenhema nesangano raSatani. Kutaura idi, urwu rwiyo urwo rusati ruchizotongoguma rwuri kuimbwa zvino neZvapupu zvakazodzwa zvaJehovha naavo vachava vana vapasi vaMambo wake, Jesu Kristu. Iropafadzo yakadini yavanayo savaimbi verumbidzo dzaJehovha!
Jehovha Haaenzaniswi
7. Mativii maviri oukuru hwaJehovha akanyorwa paPisarema 113:4?
7 Wezvamapisarema anowedzera, kuti: “Jehovha uri kumusoro kwava[marudzi, NW] vose, nokubwinya kwake kumusoro kwokudenga denga.” (Pisarema 113:4) Ikoku kunopa ngwariro kumativi maviri oukuru hwaMwari: (1) Kuna Jehovha, Mukurusa, “mukuru zvikuru pamusoro pamarudzi ose,” vakaita sedonhwe rinobva mumugomo uye seguruvawo haro pazviyero; (Isaya 40:15; Dhanieri 7:18) (2) mbiri yake yakakura zvikuru kupfuura iyo yamatenga anooneka, nokuti ngirozi dzinoita kuda kwake kukuru.—Pisarema 19:1, 2; 103:20, 21.
8. Jehovha anozvidukupisa neiko uye seiko kuti atarisire zvinhu mudenga napasi pano?
8 Asundwa noukwiriri hwaMwari, wezvamapisarema akati: “Ndianiko wakafanana naJehovha Mwari wedu, iye unogara kumusoro, iye unozvidukupisa kuti aone zviri kudenga napasi?” (Pisarema 113:5, 6) Mwari akakwirira kwazvo zvokuti iye anofanira kuzvidukupisa kuti acherekedze zvinhu zviri mudenga napasi pano. Kunyange zvazvo Jehovha asiri muduku kumunhu upi noupi kana kuti anozviisa pasi pavamwe, iye anoratidza kuzvininipisa mukushandisa ngoni nokunzwira urombo kuvatadzi vakaderera. Kugovera Mwanakomana wake, Jesu Kristu, se“chibairo cheyananisiro” nokuda kwamaKristu akazodzwa uye nokuda kwenyika yorudzi rwomunhu iratidziro yokuzvininipisa kwaJehovha.—1 Johane 2:1, 2, NW.
Jehovha Anonzwira Tsitsi
9, 10. Mwari ‘anosimudza [sei] murombo, kumuita kuti agare navanokudzwa’?
9 Achisimbisa tsitsi dzaMwari, wezvamapisarema anowedzera kuti Jehovha “anosimudza murombo abve muguruva, nomushaiwi unomumutsa abve padurunhuru; kuti amugarise pamwe chete namachinda, iwo machinda avanhu vake. Unogarisa mukadzi usingabereki mumba, ave mai vanofara navana. Hareruya!” (Pisarema 113:7-9) Vanhu vaJehovha vane kutenda kwokuti anogona kununura vakarurama vanoshaiwa, kuchinja mugariro wavo, uye kugutsa zvinodikanwa zvavo zvakafanira nezvishuvo. ‘Ari pamusoro naAkakwirira anomutsiridza mudzimu wavakaderera nomwoyo waavo vari kupwanywa.’—Isaya 57:15.
10 Jehovha ‘anosimudza [sei] murombo, kumuita kuti agare navanokudzwa’? Apo kunenge kuri kuda kwaMwari, iye anoisa vabatiri vake munzvimbo dzembiri dzakaenzana neidzo dzavanokudzwa. Akaita kudaro muchinoitika chaJosefa, uyo akava mutarisiri wezvokudya weEgipita. (Genesi 41:37-49) Muna Israeri, kugara navanokudzwa, kana kuti varume vane chiremera pakati pavanhu vaJehovha, yakanga iri ropafadzo yokukoshesa. Kufanana navakuru vechiKristu nhasi, varume vakadaro vakanga vane yamuro yaMwari nechikomborero.
11. Neiko kungataurwa kuti Pisarema 113:7-9 rinoshanda zvikurukuru kuvanhu vaJehovha venguva dzazvino uno?
11 Zvakadiniko no‘kuita kuti mukadzi asingabereki ave amai vanofara’? Mwari akapa Hana asingabereki mwanakomana—Samueri, uyo iye akapa kubasa Rake. (1 Samueri 1:20-28) Nenzira inokosha zvikuru, kuvamba naJesu uye nokudururwa kwomudzimu mutsvene pavadzidzi vake paPentekosta 33 N.V., mukadzi wokufananidzira waMwari, Zioni rokudenga, akavamba kubereka vana vomudzimu. (Isaya 54:1-10, 13; Mabasa 2:1-4) Uye kungofanana nokudzorera kwakaita Mwari vaJudha kunyika yokumusha kwavo pashure poutapwa muBhabhironi, muna 1919 iye akasunungura vakasarira vakazodzwa va“Israeri waMwari” muutapwa hwechiBhabhironi uye akavakomborera zvikuru kwazvo mumudzimu zvokuti mashoko ePisarema 113:7-9 anoshanda kwavari. (VaGaratia 6:16, NW) SeZvapupu zvakavimbika zvaJehovha, vakasarira vaIsraeri womudzimu navasonganiri vavo vane tariro dzapasi vari kugamuchira nomwoyo wose mashoko okupedzisira ePisarema 113 (NW), anoti: “Rumbidzai Jah, imi vanhu!”
Chibvumikiso Chokuva Wechienzi kwaJehovha
12. Pisarema 114 rinoratidza sei kuva wechienzi kwaJehovha?
12 Pisarema 114 rinoratidza kuva wechienzi kwaJehovha kupfurikidza nokududza zvinoitika zvechienzi zvinobatanidza vaIsraeri. Wezvamapisarema akaimba, kuti: “Pakubuda kwaIsraeri paEgipita, imba yaJakobho ichibuda pakati pavanhu vakanga vano rumwe rurimi; Judha wakaitwa imba yake tsvene, naIsraeri ushe hwake.” (Pisarema 114:1, 2) Mwari akanunura Israeri muuranda kuvaEgipita, vakanga vane mutauro waiva wechienzi kunzeve dzavo. Kununurwa kwavanhu vaJehovha, vanonzi Judha naIsraeri muwirirano yenhetembo, kunoratidza kuti Mwari anogona kununura vabatiri vake vose nhasi.
13. Pisarema 114:3-6 rinoratidza sei ukuru hwaJehovha ndokushanda kuzvinoitika zvaIsraeri wakare?
13 Uchangamire hwaJehovha pachisiko chose huri pachena mumashoko, anoti: “Gungwa rakazviona, rikatiza; Joridhani rwakadzokera shure. Makomo akapembera samakondohwe, nezvikomo samakwaiana. Unonzweiko iwe gungwa, zvaunotiza iwe? Newe Joridhani, zvaunodzokera shure? Nemi makomo, zvamunopembera samakondohwe; nemi zvikomo, samakwaiana?” (Pisarema 114:3-6) Gungwa Dzvuku “rakatiza” apo Jehovha akazarura nzira mariri nokuda kwavanhu vake. Israeri ipapo akaona ruoko rukuru rwaJehovha ruchirwisana navaEgipita avo vakafira mumvura dzinodzoka. (Eksodho 14:21-31) Muratidzirwo yakafanana yesimba roumwari, Rwizi rwaJoridhani “rwakavamba kudzokera,” kuchibvumira vaIsraeri kuyambuka ndokupinda muKanani. (Joshua 3:14-16) ‘Makomo akapembera samakondohwe’ sezvo Gomo reSinai rakapfungaira uye rakazununguka apo sungano yoMutemo yakatangwa. (Eksodho 19:7-18) Achirangarira mugumo worwiyo rwake, wezvamapisarema anoisa zvinhu muchimiro chemibvunzo, zvichida achikarakadza kuti gungwa, rwizi, makomo, uye zvikomo zvisina upenyu zvakatyiswa neidzi ratidzirwo dzesimba raJehovha.
14. Chii chakaitwa nesimba raJehovha paMeribha neKadheshi, uye ichochi chinofanira kutapura sei vabatiri vake vomuzuva razvino uno?
14 Achiri kunongedzera kusimba raJehovha, wezvamapisarema akaimba, kuti: “Bvunda iwe pasi, pamberi paShe, pamberi paMwari waJakobho; iye wakashandura dombo, rikava dziva remvura, nomusarasara, rikava tsime remvura.” (Pisarema 114:7, 8) Munzira yokufananidzira, wezvamapisarema nokudaro anoratidzira kuti rudzi rwomunhu runofanira kumira ruchitya Jehovha, Ishe noMutongi Wechisiko Chapose pose wapasi rose. Iye akanga ari “Mwari waJakobho,” kana kuti Israeri, sezvo ari wavaIsraeri vomudzimu neshamwari dzavo dzapasi. PaMeribha neKadheshi murenje, Jehovha akaratidza simba rake kupfurikidza nokugovera nenzira yenenji Israeri mvura, “wakashandura dombo, rikava dziva remvura, nomusarasara, rikava tsime remvura.” (Eksodho 17:1-7; Numeri 20:1-11) Zviyeuchidzo zvakadaro zvesimba rinotyisa raJehovha netarisiro yomutsa zvinopa Zvapupu zvake zvikonzero zvakanaka zvokutenda kusingapanikiri maari.
Haana Kufanana navaMwari Vezvidhori
15. Pisarema 115 ringave rakaimbwa sei?
15 Pisarema 115 rinotikurudzira kurumbidza ndokuvimba naJehovha. Rinoti chikomborero neyamuro zvinobva kwaari uye rinobvumikisa kuti zvidhori hazvina maturo. Iri pisarema ringave rakaimbwa nekwaya ichidairana. Ndiko kuti, inzwi rimwe ringaimba, kuti: “Imi munotya Jehovha, vimbai naJehovha.” Ungano ingave yakapindura, kuti: “Ndiye mubatsiri wavo nenhovo yavo.”—Pisarema 115:11.
16. Musianoi unogona kuitwa pakati paJehovha nezvidhori zvamarudzi?
16 Mbiri inofanira kuenda kwete kwatiri asi kuzita raJehovha, Mwari womutsa worudo, kana kuti rudo rwokuvimbika, uye uzvokwadi. (Pisarema 115:1) Vavengi vangabvunza nenzira yokunyomba, kuti: “Mwari wavo . . . aripi?” Asi vanhu vaJehovha vanogona kupindura, kuti: ‘Mwari wedu ari mudenga uye anoita chinhu chiri chose chaanofarira kuita.’ (Pis. 115 Ndima 2, 3) Zvidhori zvamarudzi hazvigoni kuita chinhu, zvisinei, nokuti mifananidzo yakagadzirwa navanhu yesirivha nendarama. Pasinei hapo nemiromo yazvo, maziso, uye nzeve, hazvitauri, mapofu, uye imatsi. Zvine mhino asi hazvigoni kunhuwidza, makumbo asi hazvikwanisi kufamba, uye huro asi hazvigoni kutaura inzwi. Avo vanogadzira zvidhori zvisina simba pamwe chete naavo vanovimba nazvo vachava vasina upenyu nenzira yakaenzana.—Pis. 115 Ndima 4-8.
17. Sezvo vakafa vasingagoni kurumbidza Jehovha, chii chatinofanira kuita, uye nekariroi?
17 Pangiro inotevera kupiwa yokuvimba naJehovha soMubetseri neNhovo inodzivirira yaIsraeri, yeimba youprista yaAroni, uye yaavo vose vanotya Mwari. (Pisarema 115:9-11) Saavo vanotya Jehovha, tine ruremekedzo rukuru nokuda kwaMwari norutyo rwakanaka rwokusamufadza. Tinewo kutenda kwokuti “Muiti wedenga napasi” anokomborera vanamati vake vakavimbika. (Pis. 115 Ndima 12-15, NW) Matenga inzvimbo yechigaro chake choumambo, asi Mwari akaita pasi musha usingagumi worudzi rwomunhu rwakavimbika norunoteerera. Sezvo vakafa vakanyarara, vasina chavanoziva vasingagoni kurumbidza Jehovha, isu, vapenyu, tinofanira kuita kudaro mukuzvipira kwakazara noruvimbiko. (Muparidzi 9:5) Avo bedzi vanorumbidza Jehovha vachafarikanya upenyu husingagumi ndokukwanisa ku“rumbidza Jah” nokusingaperi, vachitaura zvakanaka nezvake “kusvikira kunguva isingazivikanwi.” Naizvozvo ngatikumbaniranei nenzira yokuvimbika naavo vanoteerera pangiro inoti: “Rumbidzai Jah, imi vanhu!”—Pisarema 115:16-18, NW.
Mavara Anoshamisa aJehovha
18, 19. Munzirai umo mavara aJehovha anomusianisa navamwari venhema?
18 Mukusafanana nezvidhori zvisina upenyu, Jehovha ndiMwari mupenyu, anoratidzira mavara anoshamisa. Iye rudo runotaurwa somunhu uye “uzere nenyasha nengoni, unononoka kutsamwa, une tsitsi huru nezvokwadi.” (Eksodho 34:6; 1 Johane 4:8) Anosiana sei namwari ane utsinye wechiKanani Moreki, uyo kwaari vana vaibairwa! Kunokarakadzwa kuti mufananidzo wouyu mwari wakanga une chimiro chomunhu nomusoro wehandira. Chidhori chacho sezvinoshumwa chakapiswa kusvikira chatsvuka, uye vana vaikandirwa mumaoko acho akatambanudzwa, vachiwira muchoto chainganduka chaiva pasi. Asi Jehovha ane rudo kwazvo uye ane tsitsi zvokuti mufungo wezvibairo zvakadaro zvavanhu hauna kutongouya “mumwoyo” make.—Jeremia 7:31.
19 Mavara makuru aJehovha anobatanidzawo ruramisiro yakakwana, uchenjeri hukuru, uye simba guru. (Dheuteronomio 32:4; Jobho 12:13; Isaya 40:26) Zvakadiniko navamwari vengano? Panzvimbo pokushandisa ruramisiro, vamwari navamwarikadzi veBhabhironi vaitsiva. Vamwari veEgipita vakanga vasiri mienzaniso youchenjeri asi vairatidzirwa savane utera hwohunhu. Ikoko hakushamisi, sezvo vamwari navamwarikadzi venhema vave vari zvibereko zvavanhu “vasina zivo” avo vanotaura kuva vakachenjera. (VaRoma 1:21-23) Vamwari veGirisi sezvinofungidzirwa vairangana. Somuenzaniso, mungano, Zeus akashandisa zvisina kufanira simba rake kupfurikidza nokubvisa pachigaro choumambo baba vake, Cronus, avo vakanga vabvisa musimba baba vavo vamene, Uranus. Chikomborero chakadini kubatira ndokurumbidza Jehovha, Mwari mupenyu nowachokwadi, uyo anoratidzira rudo rwakakwana, ruramisiro, uchenjeri, uye simba!
Jehovha Akafanirwa Nerumbidzo Isingagumi
20. Zvikonzeroi izvo Mambo Dhavhidhi akapa zvokurumbidza zita raJehovha?
20 Sokuratidza kunoita Mapisarema aHareruya, Jehovha akafanirwa nerumbidzo isingagumi. Nenzira yakafanana, apo Dhavhidhi navaIsraeri biyake vakapa mupiro nokuda kwokuvakwa kwetembere, iye akati pamberi peungano: “Imi mukudzwe, Jehovha, Mwari waIsraeri baba vedu nokusingaperi. Ukuru ndohwenyu, Jehovha, nesimba, nokubwinya, nokukunda, noumambo; nokuti zvose zviri kudenga nezviri pasi ndezvenyu; [umambo, NW] ndohwenyu, Jehovha, makakudzwa muri musoro wezvose. Pfuma nokukudzwa zvinobva kwamuri, imi munobata [umambo, NW] pamusoro pezvose; paruoko rwenyu pane simba no[umambo, NW]; ruoko rwenyu ndirwo runokurisa nokupa vose simba. Saka zvino Mwari wedu, tinokuongai nokurumbidza zita renyu rinobwinya.”—1 Makoronike 29:10-13.
21. Zvakazarurwa 19:1-6 inopa ufakazii hwokurumbidzwa kwaJehovha namapoka okudenga?
21 Jehovha achakudzwawo ndokurumbidzwa mbiri nokusingagumi mumatenga. Muapostora Johane akanzwa “boka guru mudenga” richiti: “Rumbidzai Jah, imi vanhu! Ruponeso norubwinyo nesimba ndezvaMwari wedu, nokuti marutongeso ake ndeechokwadi uye akarurama. Nokuti iye akaita rutongeso pahure guru [Bhabhironi Guru] iro rakashatsa pasi noufeve hwaro, uye iye akatsiva ropa ravaranda vake paruoko rwaro.” Zvakare vakati: “Rumbidzai Jah, imi vanhu!” Ndizvo zvakaita “vakuru vana makumi maviri navana nezvisikwa zvipenyu zvina.” Inzwi rakabva pachigaro choumambo rakati: “Rumbidzai Mwari wedu, imi mose varanda vake, vanomutya, vaduku navakuru.” Ipapo Johane akawedzera, kuti: “Ndakanzwa rakanga rakaita senzwi reboka guru uye somumvumo wemvura zhinji uye senzwi rokutinhira kukuru. Ivo vakati: ‘Rumbidzai Jah, imi vanhu, nemhaka yokuti Jehovha Mwari wedu, Wamasimba ose, akavamba kutonga samambo.’”—Zvakazarurwa 19:1-6.
22. Jehovha acharumbidzwa sei munyika itsva yake yakapikirwa?
22 Kwakakodzera sei kuti mapoka okudenga anorumbidza Jehovha! Munyika itsva yake zvino yava pedyo, vanhu vakavimbika vanomutswa vachakumbanira vapukunyuki vomugumo wetsika ino mukurumbidza Jah. Makomo marefu achasimudza misoro yawo munziyo dzerumbidzo kuna Mwari. Zvikomo zvakasvibira nemiti inobereka zvibereko zvichaimba rumbidzo dzake. Chokwadi, chisikwa chiri chose chinorarama uye chinofema chicharumbidza zita raJehovha mukorasi huru yaHareruya! (Pisarema 148) Inzwi rako richanzwiwa muboka iroro rinofara here? Richadaro kana iwe ukabatira nokuvimbika Jah navanhu vake. Iroro rinofanira kuva donzo rako muupenyu, nokuti ndiani akafanana naJehovha Mwari wedu?
Waizopindura Sei?
◻ Kurumbidzireiko Jehovha Mwari?
◻ Jehovha haaenzaniswi munzirai?
◻ Ufakazii huripo hwokuti Jehovha anonzwira tsitsi?
◻ Jehovha anosiana sei nezvidhori zvisina upenyu navamwari venhema?
◻ Neiko tichigona kutaura kuti Jehovha achagamuchira rumbidzo isingagumi mudenga napasi pano?
[Mufananidzo uri papeji 9]
Mapisarema aHareruya aiimbwa mukati mechidyo chePaseka