-
Koshesa Chipo CheupenyuRarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
-
-
5. Remekedza upenyu hwemwana ari mudumbu
Dhavhidhi akanyora detembo rairatidza kuti Jehovha anokoshesa upenyu hwemwana achiri mudumbu uye anocherechedza makuriro aanenge achiita. Verengai Pisarema 139:13-17, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:
Kuna Jehovha upenyu hwemunhu hunotanga paanoberekwa here kana kuti panobata amai vake pamuviri?
Mitemo yakapiwa vaIsraeri naJehovha yaichengetedza amai nemwana achiri mudumbu. Verengai Eksodho 21:22, 23, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:
Jehovha aiona sei munhu aiuraya mwana ari mudumbu netsaona?
Saka aizonzwa sei dai munhu aizviita achiziva?b
Unofungei nezvemaonero aMwari panyaya iyi?
Kunyange mukadzi anenge achitokoshesa upenyu angatombofunga kuti hapana zvimwe zvekuita kunze kwekubvisa pamuviri. Verengai Isaya 41:10, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:
Kana mukadzi achiona sekuti ari kumanikidzwa kubvisa pamuviri, anofanira kutsvaga rubatsiro kunaani? Nei uchidaro?
-
-
Koshesa Chipo CheupenyuRarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
-
-
b Vaya vakambobvisa pamuviri havafaniri kuramba vachizvipa mhosva kana kuzvitongesa nekuti Jehovha anogona kuvaregerera. Kuti unzwe zvakawanda verenga nyaya inoti “Bhaibheri Rinotii Nezvekubvisa Pamuviri?” iri kutaurwa muchidzidzo chino pachikamu chakanzi “Wedzera Pane Zvawadzidza.”
-