Jehovha Anofanirwa Nerumbidzo Isingagumi
“Ndichakurumbidzai zuva rose, uye ndicharumbidza zita renyu kusvikira kunguva isingazivikanwi, kunyange nokusingaperi.”—PISAREMA 145:2, “NW.”
1. Neiko Dhavhidhi akanga ane zvikonzero zvizhinji zvokurumbidza Jehovha?
MUBATIRI akavimbika waJehovha Dhavhidhi akanga aine zvikonzero zvakawanda zvokurumbidza Mwari. Uyu mambo anozivikanwa zvikuru waIsraeri wakare aiziva nezvoukuru hwaJehovha norunako uye aiziva kuti kuva mambo Kwake kwakanga kuri kusingagumi. Wokumusorosoro aifanirwa nerumbidzo nokuda kwokugutsa chishuvo chechinhu chiri chose chipenyu uye nokuda kwokutambanudzira tsitsi kuvabatiri vake vakatendeka.
2. (a) Pisarema 145 rakarongwa sei? (b) Mibvunzoi yaticharangarira?
2 Dhavhidhi akapa rumbidzo yakadaro kuna Mwari muPisarema rechi 145. Ndima imwe neimwe yeiri pisarema renhetembo inotanga nebhii rinotevedzana ramaABC echiHebheru, kunyange zvazvo bhii rimwe (nun) rakasiiwa. Gadziriro yenhetembo ingave yakabatira seyamuro yokuyeuka. Pisarema 145 rinorumbidza Jehovha, somumashoko anoti: “Ndichakurumbidzai zuva rose, uye ndicharumbidza zita renyu kusvikira kunguva isingazivikanwi, kunyange nokusingaperi.” (Pisarema 145:2, NW) Asi iri pisarema rinogona sei kutitapura? Chii charinogona kuita nokuda kwoukama hwedu naMwari? Kuti tiwane, ngatitangei kurangarira Pis 145 ndima 1 kusvikira ku 10.
Ukuru hwaJehovha Hahunzvereki
3. Kufanana naDhavhidhi, tine musengwa wechii kuna ‘Mwari wedu Mambo,’ uye nei?
3 Dhavhidhi akanga ari mambo, asi iye aibvuma uchangamire hwaJehovha paari, achiti: “Ndichakukudzai, Haiwa Mwari wangu Mambo, uye ndicharumbidza zita renyu kusvikira kunguva isingazivikanwi, kunyange nokusingaperi.” (Pisarema 145:1, NW) Noruremekedzo rwakafanana, Zvapupu zvaJehovha zvinosimudza zita raMwari ndokumurumbidza mupasi rose. Upenyu hwedu hunopfumiswa sezvatinogoverana mumubato wakadaro. Kufanana naDhavhidhi, tine musengwa weteerero nokuzviisa pasi paJehovha sa‘Mwari wedu Mambo.’ Uye huregerereiko? Iye ndiye “Mambo asingagumi.” (Zvakazarurwa 15:3, NW) Uyezve, Dhavhidhi Mukuru, Jesu Kristu, uyo ave achitonga ari paGomo reZioni rokudenga chifo cha 1914, anotigovera muenzaniso wakaisvonaka wokuzviisa pasi paJehovha, Mambo Asingagumi.
4. Tinogona sei ku‘rumbidza zita raMwari’?
4 Dhavhidhi akataura kuti iye aizo‘rumbidza zita raMwari.’ Ikoku kunobvira sei nokuda kwomunhuwo zvake? Eya, pakati pezvimwe zvinhu, kurumbidza mumwe munhu kunoreva kutaura zvakanaka nezvake. Kurumbidza zita raMwari kunoratidzira kuti tine rudo rwakasimba nokuda kwake nezita rake dzvene, Jehovha. Hatitongonyunyuti pamusoro paMwari, hatitongomuwaniri mhaka, hatitongopanikiri runako rwake. Kana bedzi tiine chimiro ichocho, takaita tsauriro kuna Jehovha, uye kuchengeta perero seZvapupu zvake zvakabhapatidzwa tinogona kutaura naDhavhidhi kuti ti‘charumbidza zita raMwari nokusingaperi.’ Kana tikazvichengeta timene tiri murudo rwaMwari, tichagamuchira chipo choupenyu husingaperi nokudaro ndokukwanisa kurumbidza Jehovha nokusingagumi.—Judhasi 20, 21.
5. Chishuvo chokurumbidza Jehovha “zuva rose” chinofanira kuva nomuuyoi patiri?
5 Kana tichida zvirokwazvo Mupi woUpenyu wedu, tichataura naDhavhidhi, kuti: “Ndichakurumbidzai zuva rose, uye ndicharumbidza zita renyu kusvikira kunguva isingazivikanwi, kunyange nokusingaperi.” (Pisarema 145:2, NW) Zuva raizova risina maturo sei kana tikasarumbidza Mwari! Ngatiregei kutongova vakabatikana kana kuti vanofunganya kwazvo pamusoro pezvinhu zvokunyama zvokuti tinokundikana kutaura zvakanaka nezvaBaba vedu vokudenga kana kuti kunyengetera kwavari zuva nezuva. Jesu akaratidzira kuti tinofanira kunyengetera zuva riri rose apo akati mumunyengetero womuenzaniso: “Tipei zvokudya zvedu zvezuva mukuwirirana nechinodikanwa chezuva.” (Ruka 11:3, NW) Vazhinji vari mubasa renguva yakazara vanorumbidza Mwari zuva nezuva sezvavanopinda muushumiri hwechiKristu. Asi ipi kana ipi ingava migariro yedu, mwoyo wedu unofanira kutisunda kurumbidza Mwari munzira yakati zuva rimwe nerimwe. Uye chimbofunga zvako! SeZvapupu zvakazvitsaurira zvaJehovha zvine tariro youpenyu husingagumi, tine kariro huru yokurumbidza zita rake nokusingaperi.—Johane 17:3.
6. Neiko Jehovha “achifanira kurumbidzwa kwazvo”?
6 Zvirokwazvo tine chikonzero chokurumbidza Mwari zuva rose, nokuti Dhavhidhi akawedzera, kuti: “Jehovha mukuru uye anofanira kurumbidzwa zvikuru, uye ukuru hwake hahunzvereki.” (Pisarema 145:3, NW) Jehovha mukuru kwazvo zvokuti haaenzaniswi, uye uchangamire hwake hwakakwana. Mambo weBhabhironi Nebhukadnezari aifanira kubvuma, kuti: “Hakuna ungadzora ruoko rwake [rwaMwari], kana ungati kwaari: ‘Unoiteiko?’” (Dhanieri 4:34, 35) Jehovha “unotyiwa kupfuura vamwari vose.” (Pisarema 96:4) Hakushamisi nei “achifanira kurumbidzwa kwazvo.” Chokwadi, hakuna mashoko erumbidzo akanyanyokwirira pakurumbidza Jehovha! Iye anofanirwa nerumbidzo isina kuganhurirwa, isingagumi.
7. Chii chinobvumikisa kuti “ukuru [hwaMwari] hahunzvereki”?
7 “Ukuru [hwaJehovha] hahunzvereki.” Pasinei hapo nokuti mukuru sei mumuviri, ukuru hwake huri murudzi rwaMwari rwaari. Hungu, zvinhu zvaakasika zvinoshamisa zvikuru kuti tinzwisise, uye isu timene “takaitwa nenzira inoshamisa.” (Pisarema 139:14; Jobho 9:10; 37:5) Uyezve, Jehovha Mwari anozvibata amene zvakaisvonaka sei! Iye anochengeta zvipikirwa zvake nokutendeka uye anozivisa norudo madonzo ake. Bva, hatisati tichizotongoziva chinhu chiri chose pamusoro paMwari. Mukusingagumi mose, tichakwanisa kukura mukumuziva, chisiko chake, uye madonzo ake.—VaRoma 11:33-36.
Rumbidza Mabasa aJehovha
8. (a) “Chizvarwa nechizvarwa” chakarumbidza sei mabasa aJehovha? (b) Kana tichidzidzisa vana vedu pamusoro pamabasa aJehovha nezviito, sezvingabvira vacharangarira sei kunamatwa kwake? (c) Se“chizvarwa” chinofara, vakasarira vakazodzwa vakaitei?
8 Zvakawanda kwazvo zvinogona kutaurwa mukurumbidzwa kwaMwari wedu mukuru asinganzvereki zvokuti Dhavhidhi akasundwa kutaura, kuti: “Chizvarwa nechizvarwa chicharumbidza mabasa enyu, uye vachataura pamusoro pamabasa enyu makuru.” (Pisarema 145:4, NW) Zvizvarwa zvinotevedzana zvorudzi rwomunhu zvakarumbidza mabasa aJehovha ndokurondedzera mabasa ake makuru. Iropafadzo yakadini kurondedzera izvi zvinhu kuna avo tinoitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha! Somuenzaniso, tinogona kuvaudza kuti Mwari akasika zvinhu zvose. (Genesi 1:1-2:25; Zvakazarurwa 4:11) Tinogona kutaura pamusoro pamabasa ake makuru panguva yaakanunura vaIsraeri muubatwa hweEgipita, akavabetsera kukurira vavengi veKanani, akavachengeta pakuparadzwa muPersia yakare, uye zvakawanda zvikuru. (Eksodho 13:8-10; Vatongi 4:15; Estere 9:15-17) Uye hatisundwi here kuudza vana vedu pamusoro pamabasa aJehovha nezviito? Kana tikapa vana vedu muraidzo wakadaro uye ivo vachiona tichibatira Mwari nomufaro, sezvingabvira vacharangarira kunamatwa kwake somufaro ndokukura no‘mufaro waJehovha senhare yavo.’ (Nehemia 8:10; Pisarema 78:1-4) Vakasarira vakazodzwa vanoumba “chizvarwa” chimwe chinofara cheZvapupu zvaJehovha icho chinorumbidza mabasa aMwari ku“boka guru,” rutivi rwechizvarwa chichagara muParadhiso yapasi.—Zvakazarurwa 7:9, NW.
9. Sezvatinorangarira mabasa aMwari nezviito zvikuru, tinogona kuva nechokwadi nezvechii?
9 Sezvatinorangarira mabasa aMwari nezviito zvikuru, tinotova vanopwiswa zvikuru kuti “Jehovha haasati achizosiya vanhu vake nokuda kwezita rake guru.” (1 Samueri 12:22, NW; Pisarema 94:14) Apo tinotarisana nemiedzo, nhamo, uye chitambudzo, tinogona kuva norugare ndokuvimba kuti “rugare rwaMwari” rwuchachengeta mwoyo yedu namasimba endangariro. (VaFiripi 4:6, 7) Naizvozvo kwakakodzera sei kuti tiudze vamwe pamusoro paBaba vedu vokudenga vano rudo, vanodzivirira!
10. “Mabasa anoshamisa” aJehovha anobatanidzei, uye tinobetserwa sei mukufungisisa paari?
10 Tinofanira kuwana nguva yokufungisisa ukuru hwaJehovha namabasa, nokuti Dhavhidhi akawedzera, kuti: “Ndichafungisisa kubwinya kwoumambo hwenyu hunokudzwa, mabasa enyu anoshamisa.” (Pisarema 145:5) Chiremera chaMwari chinotyisa uye hachienzaniswi. (Jobho 37:22; Pisarema 148:13) Nokudaro, Dhavhidhi akaita ratidziro kubwinya kune mbiri kwechiremera chaJehovha itiro hanya yake. Wezvamapisarema amene akaitirawo hanya nhau dza“mabasa anoshamisa” aMwari. Iwaya anobatanidza kushandiswa kweruramisiro youmwari mukuparadza vatadzi nokuchengeta voumwari, sapaMafashamo. (Genesi 7:20-24; 2 Petro 2:9) Fungisiso pazvinhu zvakadaro inosimbisa ukama hwedu naJehovha uye inotigonesa kuudza vamwe pamusoro pechiremera chake namabasa anoshamisa. Mukati mamazuva 40 ari murenje, Jesu akasimbiswa pamuedzo kupfurikidza nokufungisisa zvinhu izvo matenga akazarurwa akanga aunza kungwariro yake. (Mateo 3:13-4:11) Iye pashure paikoko akataura kuna vamwe pamusoro pechiremera chaJehovha namabasa anoshamisa.
11. (a) Neiko rutyo rwakanga rwawira pavagari veJeriko? (b) Zvapupu zvaJehovha zvinotaura pamusoro pe“zvinhu zvinotyisa” zvaMwari “noukuru” hwake nomudzimui?
11 Apo tinotaura pamusoro pechiremera chaMwari namabasa, tinosunda vamwe kutaura pamusoro pazvo. Dhavhidhi akati: “Uye vachataura pamusoro pesimba rezvinhu zvenyu mumene zvinotyisa; uye kana huri ukuru hwenyu, ndichahuzivisa.” (Pisarema 145:6, NW) Rakabhi akataura nezvorutyo rwakawira pavagari veJeriko apo vakanzwa manunurire akanga aita Jehovha vaIsraeri paGungwa Dzvuku ndokuvaita kuti vakunde madzimambo maviri avaAmori. Kunofanira kuva kwakanga kuine kutaura kuzhinji pamusoro pe“zvinhu zvinotyisa” zvakadaro muJeriko. (Joshua 2:9-11, NW) Uye zvirokwazvo “dambudziko guru” rava pedyo richava rinotyisa. (Mateo 24:21, NW) Asi zvinhu zvinotyisa kwazvo kuvanhu vakabva kuna Mwari zvinonyandura mukati memwoyo yakarurama “kutya Jehovha,” kumutya kwakanaka. (Zvirevo 1:7) Nomudzimu wakadaro wokuremekedza, Zvapupu zvaJehovha zvinotaura pamusoro pokuratidzirwa kwesimba raMwari. Chokwadi, Muiti mukuru weZvinoshamisa ndiye nhau huru yekurukurirano pakati pavakazodzwa navamabiyavo vapasi! Uye kunyange chitambudzo hachivadzivisi kutaurira vamwe pamusoro peizvi zvinhu no“ukuru” hwaJehovha.—Mabasa 4:18-31; 5:29.
Rumbidzai Jehovha Nokuda Kworunako Rwake
12. Runako rwaJehovha rwunotiita kuti “tipupire” sei?
12 Mwari anofanirwa nerumbidzo kwete bedzi nokuda kwoukuru hwake asiwo nokuda kworunako rwake nokururama. Naizvozvo Dhavhidhi akati: “Vachapupira nokududzwa kwoukuru hworunako rwenyu, uye vachadanidzira nomufaro nemhaka yokururama kwenyu.” (Pisarema 145:7, NW) Runako rwaJehovha rukuru kwazvo zvokuti tino“pupira” namashoko omufaro pamusoro parwo. MuchiHebheru, mufungo wacho ndouya wemvura inotubuka mutsime. Naizvozvo ngatipupirei nerumbidzo yokuonga kuna Mwari, kungofanana norwizi runoyerera musimba. (Zvirevo 18:4) Kukuvadziko yavo huru yomudzimu, Israeri akakanganwa runako rwaJehovha. (Pisarema 106:13-43) Asi mwoyo yedu ngaipfachukire nokuonga kwakadaro zvokuti vamwe vanopfidza pashure pokudzidza kuti Jehovha akanaka sei kuZvapupu zvake zvakazvitsaurira.—VaRoma 2:4.
13. Ratidzirwo dzeruramisiro youmwari nokururama dzinofanira kuva nomuuyoi patiri?
13 Ratidzirwo dzeruramisiro youmwari nokururama ngazvitisundewo kudanidzira nomufaro. Kana tichinzwa neiyi nzira, tichatanga kutsvaka kwete bedzi Umambo hwaMwari asiwo kururama kwake. Nguva dzose tichada kuti mufambiro wedu uunze rumbidzo kuna Jehovha. Hungu, tichava vazivisi voUmambo venguva dzose vane zvizhinji zvokuita mubasa raMwari. Rumbidzo yedu kuna Jehovha haisati ichizotongovigwa muguva rokunyarara.—Mateo 6:33; 1 VaKorinte 15:58; VaHebheru 10:23.
Jehovha Ane Tsitsi
14. Ufakazii huripo hwokuti “Jehovha ane nyasha, azere netsitsi”?
14 Achidudza mavara okuwedzera anorumbidzwa aMwari, Dhavhidhi akati: “Jehovha ane nyasha, azere netsitsi, haachimbidziki kutsamwa, ane ngoni zhinji.” (Pisarema 145:8) Mwari ane nyasha mukuti iye akanaka chose chose uye ane rupo. (Mateo 19:17; Jakobho 1:5) Iye anoita zvinhu zvakanaka kunyange nokuda kwaavo vasingamubatiri. (Mabasa 14:14-17) Jehovha ane tsitsiwo, ane ngoni, “achirangarira kuti tiri guruva.” Iye haasati achishora mwoyo wakaputsika kana kuti kubata nesu mukuwirirana nezvivi zvedu asi ane tsitsi zvikuru kupfuura baba vane rudo zvikurusa vohunhu. (Pisarema 51:17; 103:10-14) Chokwadi, mukuratidzirwa kukurusa kwetsitsi, iye akatumira Mwanakomana wake anodiwa kuzotifira kuti tigoyananiswa naMwari ndokuravira chaizvoizvo nyasha dzake!—VaRoma 5:6-11.
15. Neiko kuchigona kutaurwa kuti Jehovha Mwari “anononoka kutsamwa” uye “mukuru mumutsa worudo”?
15 Baba vedu vokudenga vanononoka kutsamwa. Ivo havasati vachisunungura kutsamwa kusina mufungo. Jehovha “mukuru[wo] mumutsa worudo.” Pano chiHebheru chinoratidzira mutsa unobva murudo uye unozvibatanidza umene nechinhu. Unoita saizvozvo kusvikira donzo rawo pamusoro pechinhu ichocho raitwa. Shanduro yakasiana ndi“rudo rwokuvimbika.” Pakati pezvimwe zvinhu, mutsa worudo waMwari, kana kuti rudo rwokuvimbika, unoratidzirwa mumabasa okununura, kuchengeta, kudzivirira, betsero muzvinetso, uye kunaya muchivi kupfurikidza norudzikinuro. (Pisarema 6:4; 25:7; 31:16, 21; 40:11; 61:7; 119:88, 159; 143:12; Johane 3:16) Idi rokuti Jehovha haana kuunza Armagedhoni pashure chaipo pe‘hondo mudenga’ rinogonesa vazhinji kuwana ruponeso, ratidzirwo huru yomutsa worudo woumwari.—Zvakazarurwa 12:7-12; 2 Petro 3:15.
16. Jehovha akabvumikisa sei kuva “akanaka kuna vose”?
16 Nemhaka yetsitsi dzaMwari, kungataurwa kuti iye ane mwoyo mukuru. Dhavhidhi akazivisa, kuti: “Jehovha ane mwoyo wakanaka kuna vose; ngoni dzake dziri pamabasa ake ose.” (Pisarema 145:9) Hungu, Mwari akanga akanaka kuvaIsraeri. Pamusoro paikoko, “anobudisira vakaipa navakanaka zuva rake, nemvura anoinisira vakarurama navasakarurama.” (Mateo 5:43-45) MuEdheni, Jehovha akapikira “mbeu” iyo yaizova chikomborero. Gare gare akaudza Abrahama, kuti: “Marudzi ose apasi achazvikomborera amene zvamazvirokwazvo kupfurikidza nembeu yako.” (Genesi 3:15; 22:18, NW) Uye runako rwaMwari rukuru kwazvo muino “nguva yomugumo” zvokuti ani naani anogona ‘kuuya ndokutora mvura youpenyu pachena.’ (Dhanieri 12:4; Zvakazarurwa 22:17) Jehovha anodisa kuita zvakanaka kuzvisikwa zvose zvakangwara, uye runako rwake rwunofanira kutikwevera nguva dzose pedyo naye.
17. ‘Tsitsi [dzaJehovha] dziri pamabasa ake ose’ mupfungwai?
17 “Tsitsi [dzaJehovha] dziri pamabasa ake ose” mukuti anoita gadziriro yakakwana nokuda kwavanhu nemhuka. Iye ndiye “Uyo unopa zvokudya kunyama yose.” (Pisarema 136:25; 147:9, NW) Mwari haasati achikudza vapfumi ndokuzvidza vanodzvinyirirwa, kukudza vanozvitutumadza ndokushora vanozvininipisa, kusimudzira mapenzi ndokuderedza vakachenjera. Vanhu vanotadza vanoita saizvozvo asi kwete Baba vedu vokudenga vane tsitsi. (Pisarema 102:17; Zefania 3:11, 12; Muparidzi 10:5-7) Uye tsitsi dzaMwari, runako, uye mutsa worudo zvikuru sei mukuita kuti ruponeso rubvire kupfurikidza nechibairo chorudzikinuro choMwanakomana wake anodiwa!—1 Johane 4:9, 10.
Vakavimbika Vanorumbidza Jehovha
18. (a) Mabasa aMwari anomu“rumbidza” sei? (b) Ndirini patinofanira kusundwa kurumbidza Jehovha?
18 Mwari anofanirwa nerumbidzo inobva murutivi rwuri rwose. Sokutaura kwakaita Dhavhidhi: “Mabasa enyu ose achakurumbidzai, Haiwa Jehovha, uye vakavimbika venyu vachakurumbidzai.” (Pisarema 145:10, NW) Mabasa aMwari echisiko “anomurumbidza,” kunyange sezvo imba yakavakwa zvakanaka iri mbiri kumuvaki wayo uye chiumbwa chamaruva chakaisvonaka kumuumbi wacho ane unyanzvi. (Enzanisa naVaHebheru 3:4; Isaya 29:16; 64:8.) Mabasa okusika aJehovha anoshamisa kwazvo zvokuti akasunda ngirozi navanhu kumurumbidza. Vanakomana vengirozi vaMwari vakadanidzira nomufaro murumbidzo apo iye akavamba pasi. (Jobho 38:4-7) Dhavhidhi akataura kuti ‘matenga anozivisa mbiri yaMwari uye chadenga chinozivisa basa ramaoko ake.’ (Pisarema 19:1-6) Tingarumbidza Jehovha zvakanaka patinoona ruvangu rwuchibhururuka mumatenga kana kuti mharapara ichisvetuka-svetuka pamusoro pegomo rakasvibira. (Jobho 39:26; Rwiyo rwaSoromoni 2:17) Rumbidzo yakafanira apo tinokohwa zvirimwa kana kuti kufarikanya zvokudya neshamwari. (Pisarema 72:16; Zvirevo 15:17) Miviri yedu yakaitwa nomutoo unoshamisa ingasundawo mashoko erumbidzo yokuonga kuna Mwari.—Pisarema 139:14-16.
19. Ndivanaani vari “vakavimbika,” uye chii chavanoita?
19 Nhasi, “vakavimbika” vakazodzwa nomudzimu vaJehovha pasi pano vanomurumbidza. Vanotaura zvakanaka nezvake uye vanoshuva kuona kuda kwake kuchiitwa pasi pano sezvakunoitwa mudenga. (Mateo 6:9, 10) Sezvo vakazodzwa vanoudza vamwe pamusoro pamabasa anoshamisa aMwari, boka guru rinopindura muzviverengero zvinowedzera nguva dzose. Pamwe chete navakazodzwa vakavimbika, ivo vanobatira nokushingaira savazivisi voUmambo. Ko kuonga kuri kukusunda kuva negoverano yenguva dzose muiri basa kurumbidzo yaMwari here?
20. (a) Zita raJehovha richatsveneswa sei? (b) Pamusoro pePisarema 145, mibvunzoi inosara nokuda kwerangariro?
20 SeZvapupu zvaJehovha, takafanana naDhavhidhi mukupa Mwari rumbidzo. Kwatiri kutsveneswa kwezita dzvene raJehovha nokurumbidzwa kwaro inhau dzeitiro hanya inokosha. Sezvo zita roumwari richatsveneswa kupfurikidza noUmambo hwaMwari, iyi dzidziso yeBhaibheri yoUmambo rutivi rwakatanhamara rwamashoko akanaka atinozivisa. Ko Pisarema 145 inogovera nzwisiso yomudzimu muna ikoku here? Kurukurirano yedu yorutivi rwasara rweiri pisarema ichazivisei? Iyo inobvumikisa kuti Jehovha anofanirwa nerumbidzo isingagumi mudzimwe nzirai?
Ndedzipi Dziri Tsinhiro Dzako?
◻ Tinogona sei kurumbidza zita raJehovha?
◻ Ndaapi ari mamwe amabasa anorumbidzwa aMwari?
◻ Tichaita sei kana tikanzwisisa runako rwaJehovha?
◻ Tsitsi dzaMwari dzakaratidzwa munzirai?
[Mufananidzo uri papeji 12]
Ko iwe unoudza vana vako pamusoro pamabasa makuru aJehovha, sezvakaita vabereki voumwari muna Israeri wakare here?
[Mufananidzo uri papeji 15]
Sezvo imba yakavakwa zvakanaka iri mbiri kumuvaki wayo, naizvozvo mabasa okusika aJehovha anoMuunzira rumbidzo