Ita Maoko Asingaperi aJehovha Tsigiro Yako
“Mwari usingagumi ndihwo hugaro hwangu, uye pasi pane maoko asingaperi.”—DHEUTERONOMIO 33:27, American Standard Version.
1, 2. Neiko vanhu vaJehovha vachigona kuva nechivimbo chetsigiro yake?
JEHOVHA anoitira hanya vanhu vake. Chokwadi, mukati menhamo yose yavaIsraeri, “wakanga achitambudzika”! Murudo nokunzwira urombo, iye “akavasimudza nokuvatakura.” (Isaya 63:7-9) Naizvozvo kana takatendeka kuna Mwari, tinogona kuva nechivimbo chetsigiro yake.
2 Muporofita Mosesi akati: “Mwari usingaperi ndihwo ugaro hwako, pasi pako kuna maoko asingaperi.” (Dheuteronomio 33:27) Imwe shanduro inoti: “Mwari usingagumi ndihwo hugaro hwangu, uye pasi pane maoko asingaperi.” (American Standard Version) Asi maoko aMwari anotsigira sei vabatiri vake?
Neiko Kune Nhamo Dzakawanda Kwazvo?
3. Ndirini apo rudzi rwomunhu runoteerera ruchafarikanya zvizere “rusununguko rune mbiri rwavana vaMwari”?
3 Kubatira Jehovha hakutidziviriri panhamo dzavose kuvanhu vasina kukwana. Mubatiri waMwari Jobho akati: “Munhu wakazvarwa nomukadzi una mazuva mashoma, azere nokutambudzika.” (Jobho 14:1) Pamusoro pa“mazuva amakore edu,” akadaro wezvamapisarema: “Kunyange achikudzwa ndiko kutambudzika nenhamo bedzi.” (Pisarema 90:10) Upenyu huchava hwakadaro kusvikira ‘chisiko chasunungurwa muuranda kuhuipi uye chinenge chava norusununguko rune mbiri rwavana vaMwari.’ (VaRoma 8:19-22) Ikoko kuchaitika mukati moKutonga kwaKristu kwaMakore Ane Chiuru. Pahwaro hwechibairo chorudzikinuro chaJesu, vadzorwi vohunhu voUmambo ipapo vachanunurwa muchivi norufu. Pamugumo weMireniyumu, Kristu navaprista madzimambo vasonganiri vake vachava vabetsera rudzi rwomunhu runoteerera kusvika kukwana, uye avo vanovimbika kuna Mwari mukati momuedzo wokupedzisira uchaitwa naSatani namadhemoni ake vachaita kuti mazita avo anyorwe zvechigarire “mubhuku youpenyu.” (Zvakazarurwa 20:12-15) Ipapo vachafarikanya zvizere rusununguko rune mbiri rwavana vaMwari.
4. Panzvimbo pokunyunyuta pamusoro pomugariro wedu muupenyu, chii chatinofanira kuita?
4 Munguvayi, panzvimbo pokunyunyuta pamusoro pomugariro wedu muupenyu, ngativimbei naJehovha. (1 Samueri 12:22; Judhasi 16) Ngationgeiwo Muprista Mukuru wedu, Jesu, uyo kupfurikidza naye tinogona kusvika Mwari “kuti tinzwirwe ngoni, tiwane nyasha, tibatsirwe nenguva yakafanira.” (VaHebheru 4:14-16) Hatitongofaniri kuva vakafanana naAdhama. Chaizvoizvo, akapomera Jehovha nenzira isina kururama kuti akamupa mudzimai akaipa, achiti: “Mukadzi wamakandipa kuti ave neni, ndiye wakandipa zvomuti ndikadya.” (Genesi 3:12) Mwari anopa zvinhu zvakanaka uye haaunzi nhamo patiri. (Mateo 5:45; Jakobho 1:17) Nhamo kazhinji kazhinji muuyo wokushaiwa kwedu timene uchenjeri kana kuti zvikanganiso zvomumwe munhuwo zvake. Dzingatiwirawo nemhaka yokuti tinotadza uye tinogara munyika iri musimba raSatani. (Zvirevo 19:3; 1 Johane 5:19) Bva, maoko asingaperi aJehovha nguva dzose anotsigira vabatiri vake vakavimbika avo vanovimba naye nenzira yokunyengetera ndokushandisa somunhu oga zano reShoko rake.—Pisarema 37:5; 119:105.
Kutsigirwa Mukati Mechirwere
5. Ikurudziroi iyo vanorwara vangawana paPisarema 41:1-3?
5 Chirwere chinoparira vazhinjisa vedu nhamo padzimwe nguva. Bva, Dhavhidhi akati: “Wakakomborerwa une hanya navarombo; Jehovha uchamurwira nomusi wezvakaipa. Jehovha uchamuchengeta nokumururamisa, uchakomborerwa panyika; hamungamuisi pakuda kwavavengi vake. Jehovha uchamutsigira panhovo yourwere; munoshandura nhovo dzake dzose pakurwara kwake.”—Pisarema 41:1-3.
6, 7. Mwari akabetsera sei Dhavhidhi paakanga ari pamubhedha wokurwara, uye ikoku kunogona sei kukurudzira vabatiri vaJehovha nhasi?
6 Munhu anorangarira anobetsera vanoshaiwa. “Zuva rengwavaira” inogona kuva nguva ipi neipi ine ngwavaira kana kuti nhambo refu yenhamo inonetesa munhu. Iye anovimba naMwari kuti amuchengete mukati mohundonda, uye vamwe ‘vanomuti anofara mupasi’ kupfurikidza nokuparadzira mashoko okubata kune ngoni kwaJehovha naye. Mwari akatsigira Dhavhidhi “panhovo yourwere,” zvichida mukati menguva inotambudza apo mwanakomana waDhavhidhi Absaromi akatsvaka kubvuta chigaro choumambo chaIsraeri.—2 Samueri 15:1-6.
7 Sezvo Dhavhidhi akanga aratidza kurangarira varombo, iye akanzwa kuti Mwari aizomutsigira paakanga asingabetseri mumubhedha wokurwara. (Pisarema 18:24-26) Kunyange zvazvo airwara zvine ngozi, iye akanga ane chivimbo chokuti Mwari aizo‘chinja mubhedha wake,’ kwete kupfurikidza nokubvisa chirwere nenzira yenenji, asi kupfurikidza nokumusimbisa nemifungo inonyaradza. Kwaizova sokunge Jehovha akanga achishandura mubhedha wake kubva muuyo wechirwere kuva uyo wokunaya. Nenzira yakafanana, kana tichitambura chirwere savabatiri vaMwari, maoko asingaperi aJehovha achatitsigira.
Nyaradzo Nokuda Kwavakaora Mwoyo
8. Mumwe muKristu anorwara akaratidza sei rutsamiro rwake pana Mwari?
8 Chirwere chingaparira kuora mwoyo. Mumwe muKristu anorwara zvakakomba, uyo pane dzimwe nguva anoshaya simba rakaringanira kunyange rokurava, anorondedzera, kuti: “Ikoku kunondiita kuti ndiwane mifungo yangu yakawanda yokuora mwoyo, kunzwa kwokushaya faniro, uye kunyange misodzi.” Achiziva kuti Satani anoda kumudzvinyirira nokuora mwoyo, iye ari kudzivisa, achiziva kuti nebetsero yaJehovha haagoni kukundikana. (Jakobho 4:7) Uyu murume ikurudziro kuna vamwe vanoziva kuti anovimba naMwari. (Pisarema 29:11) Kunyange apo anopinzwa muchipatara, iye anoridzira runhare vanorwara navamwe kuti avavake mumudzimu. Iye amene anovakwa nokuteerera makaseti akatepwa amarimba oUmambo nenyaya dzomumagazini ino neshamwari yayo, magazini yaMukai!, uye kupfurikidza nokusonganirana namaKristu biyake. Iyi hama inoti: “Nguva dzose ndinotaura kuna Jehovha mumunyengetero, ndichimukumbira kundipa simba, nhungamiro, nyaradzo, uye betsero yokutsungirira.” Kana uri muKristu ari kutambura zvinetso zvakakomba zvoutano, nguva dzose vimba naJehovha uye ita maoko ake asingaperi tsigiro yako.
9. Mienzanisoi inoratidza kuti kuora mwoyo pane dzimwe nguva kunotambudza vanhu voumwari?
9 Kuora mwoyo chinetso chekare. Paaiveri mumuedzo, Jobho akataura somunhu ainzwa asiiwa naMwari. (Jobho 29:2-5) Itiro hanya pamusoro pomugariro wokuparadzwa weJerusarema namasvingo aro yakaita kuti Nehemia apunyaire, uye Petro akaodzwa mwoyo kwazvo pamusoro pokuramba Kristu zvokuti akachema zvikuru. (Nehemia 2:1-8; Ruka 22:62) Epafrodhito akaodzwa mwoyo nemhaka yokuti maKristu omuFiripi akanzwa kuti iye akanga arwara. (VaFiripi 2:25, 26) Kuora mwoyo kwakatambudza mamwe maKristu muTesaronika, nokuti Pauro akakurudzira hama imomo kuti “musimbise vanopera mwoyo.” (1 VaTesaronika 5:14) Naizvozvo Mwari anobetsera sei vanhu vakadaro?
10. Chii chingava chinobetsera mukuedza kubata nokuora mwoyo?
10 Chisarudzo chomunhu oga chinofanira kuitwa pamusoro pokurapwa nokuda kwokuora mwoyo kwakakomba.a (VaGaratia 6:5) Zororo rakaringanira nomubato wakadzikama zvingabetsera. Panzvimbo pokurangarira zvinetso zvinoverengeka somugariro mumwe mukuru wakaipa, munhu akaora mwoyo angakuwana kuchibetsera kushandira kuzvipedza chimwe panguva. Betsero inonyaradza inobva kuvakuru veungano ingava inobetsera zvikuru, zvikurukuru kana ichi chinetso chendangariro chiri kuparira funganyo yomudzimu. (Jakobho 5:13-15) Kupfuura zvose, kunokosha kuvimba naJehovha, ‘tichikandira funganyo yedu yose paari, nemhaka yokuti anotiitira hanya.’ Munyengetero unopfuurira nowomwoyo wose unogona kuunzira munhu ‘rugare rwaMwari urwo ruchachengeta mwoyo namasimba endangariro kupfurikidza naKristu Jesu.’—1 Petro 5:6-11; VaFiripi 4:6, 7.
Jehovha Anotibetsera Kutsungirira Nhamo
11-13. Chii chinogona kubetsera kunyaradza rusuruvaro parufu rwomudiwa?
11 Chimwe chinoitika chinotambudza rufu rwomudiwa. Abrahama akachema kurasikirwa nomudzimai wake, Sara. (Genesi 23:2) Apo mwanakomana wake Absaromi akafa, Dhavhidhi akarohwa nenhamo. (2 Samueri 18:33) Chokwadi, kunyange munhu akakwana Jesu “akachema misodzi” pamusoro porufu rweshamwari yake Razaro! (Johane 11:35) Naizvozvo pane kusuruvara apo rufu runotora mudiwa. Asi chii chinogona kubetsera kuderedza rusuruvaro rwakadaro?
12 Mwari anobetsera vanhu vake kutsungirira nhamo huru yokufirwa. Shoko rake rinoti kuchava norumuko. Nokudaro, ha“tichemi savamwe vasina tariro.” (1 VaTesaronika 4:13; Mabasa 24:15) Mudzimu waJehovha unotibetsera kuva norugare nokutenda uye kufungisisa panguva yemberi inoshamisa inopikirwa muShoko rake, zvokuti hatikurirwi chose chose nemifungo yokusuruvara pamusoro pomudiwa afa. Nyaradzo inobvawo mukurava Magwaro nokunyengetera kuna “Mwari wenyaradzo yose.”—2 VaKorinte 1:3, 4, NW; Pisarema 68:4-6.
13 Tinogona kuwana nyaradzo mutariro yorumuko sezvakaita Jobho woumwari, uyo akazivisa, kuti: “Haiwa! Dai machindivanza henyu [Jehovha] paSheori, muchindichengeta pakavanda, kusvikira hasha dzenyu dzapfuura, munditemere nguva yakatarwa, yamungandirangarira nayo. Kana munhu achinge afa, angararamazve here? Ndaimirira hangu mazuva ose okutambudzika kwangu, kusvikira kusunungurwa kwangu kuchisvika. Maizodana, ini ndikakupindurai; maishuva basa ramaoko enyu.” (Jobho 14:13-15) Kusuruvara kukuru hakuwanzotamburwa apo shamwari inodiwa inoenda parwendo, nokuti tinokarira kuiona zvakare. Nhamo huru iyo kurasikirwa nomudiwa kunoparira ingati deredzwei kana tikarangarira rufu rwomuKristu akatendeka nenzira yakafanana. Kana akanga ane tariro yapasi, iye achamutswa muhope dzorufu pano pasi pano mukati moKutonga kwaKristu kwaMakore Ane Chiuru. (Johane 5:28, 29; Zvakazarurwa 20:11-13) Uye kana tichikarira kurarama pasi pano nokusingaperi, tingava pano kuti tikwazise mudiwa wedu amutswa.
14. Chirikadzi mbiri dzechiKristu dzakagonana sei norufu rwavarume vadzo?
14 Pashure porufu rwomurume wayo, imwe hanzvadzi yaiziva kuti yaifanira kupfuurira noupenyu hwayo mubasa raMwari. Kunze kwokuramba yakabatikana ne‘zvakawanda zvokuita mubasa raShe,’ iyo yakaita chirukwa nezvidimbu 800. (1 VaKorinte 15:58) “Iri rakanga riri basa rakanaka,” iyo inodaro, “nemhaka yokuti nguva yose yandaishanda ndaigona kuteerera marimba oUmambo namatepi eBhaibheri, uko kwakachengeta ndangariro yangu yakabatikana.” Iyo inoyeuka nokudisa shanyo yakaitwa nomukuru ane ruzivo rwokuzviwanira nomudzimai wake. Kubva muBhaibheri, mukuru wacho akaonesa kuti Mwari zvomenemene anoitira hanya chirikadzi. (Jakobho 1:27) Mumwe mukadzi wechiKristu haana kutera kukuzvinzwira urombo apo murume wake akafa. Iye akaonga tsigiro yeshamwari uye akava nefariro huru zvikuru muvamwe. “Ndakanyengetera kazhinji kazhinji zvikuru ndokukudziridza ukama hwapedyo zvikuru naJehovha,” iye anodaro. Uye chikomborero chakadini kuva netsigiro yamaoko asingaperi aMwari!
Betsero Patinokanganisa
15. Chii chiri revo yamashoko aDhavhidhi ari paPisarema 19:7-13?
15 Kunyange zvazvo tichida mutemo waJehovha, tinokanganisa padzimwe nguva. Ikoku pasina panikiro kunotitambudza, sezvakwakaita Dhavhidhi, uyo kwaari mitemo yaMwari, zviyeuchidzo, mirairo, uye zvisarudzo zvokutonga zvakanga zvichidikanwa zvikuru kupfuura ndarama. Iye akati: “Muranda wenyu unonyeverwa nazvo; pakuzvichengeta pane mubairo mukuru. Kana kuri kutsauka, ndiani ungakuziva? Ndianiko ungaziva zvitadzo? Ndinatsei imi pazvitadzo zvakavanzika. Dzoraiwo muranda wenyu pazvivi zvokuzvikudza; ngazvirege kuva nesimba pamusoro pangu; ipapo ndichava wakakwana, handingavi nemhosva yokudarika kukuru.” (Pisarema 19:7-13) Ngatikamuranisei aya mashoko.
16. Neiko tichifanira kudzivisa kuzvitutumadza?
16 Mabasa okuzvitutumadza zvivi zvakakomba zvikuru kwazvo kupfuura zvikanganiso. Sauro akarambwa samambo nokuda kwokupa chibairo nenzira yokuzvitutumadza uye nokuda kwokuchengeta mambo wavaAmareki Agagi nezvakapambwa zvakanakisisa, kunyange zvazvo Mwari akanga araira kuti vaAmareki vaparadzwe. (1 Samueri 13:8-14; 15:8-19) Mambo Uzia akarohwa namaperembudzi nokuda kwokubvuta nenzira yokuzvitutumadza mabasa ouprista. (2 Makoronike 26:16-21) Apo areka yesungano yakanga ichiendeswa kuJerusarema uye mombe dzaikweva ngoro dzakadokuparira vhiringidzo, Mwari akauraya Uzia nokuda kwokubata Areka nenzira yokusaremekedza kuti aitsigise. (2 Samueri 6:6, 7) Naizvozvo, kana tisingazivi chokuita kana kuti kana tikatenderwa kuita chimwe chinhu, tinofanira kuratidzira kuzvininipisa ndokubvunza avo vane nzwisiso. (Zvirevo 11:2; 13:10) Chokwadika, kana takambova vanozvitutumadza, tinofanira kunyengeterera kanganwirwo ndokukumbira Mwari kutibetsera kudzivisa kuzvitutumadza munguva yemberi.
17. Zvivi zvakavanzwa zvinogona sei kutapura munhu, bva kukanganwirwa norusununguko zvinogona sei kuwanwa?
17 Zvivi zvakavanzwa zvingaparira nhamo. Mukuwirirana nePisarema 32:1-5, Dhavhidhi akaedza kuvanza chivi chake, asi iye akati: “Panguva yandakaramba ndinyerere, mapfupa angu akasakara nokuvuvura kwangu zuva rose. Nokuti ruoko rwenyu rwakanga ruchirema pamusoro pangu masikati nousiku; unyoro hwangu hwakashandurwa hukava kuoma kwechirimo.” Kuedza kudzvinyirira hana ine mhaka kwakanetesa Dhavhidhi, uye nhamo yakaderedza simba rake sokurasikirwa kwomuti nounyoro hunopa upenyu mukati mokusanaya kwemvura kana kuti mukupisa kwomuzhizha. Iye sezviri pachena akatambura miuyo yokurwara mundangariro nomumuviri uye akarasikirwa nomufaro nemhaka yekundikano yokureurura. Kureurura bedzi kuna Mwari kwaigona kuunza kuregererwa nokusununguka. Dhavhidhi akati: “Wakakomborerwa wakakanganwirwa kudarika kwake, wakafukidzirwa zvivi zvake. . . . Ndakakuzivisai chivi changu, handina kuvanza chakaipa changu; ndakati: ‘Ndichazvireurura kudarika kwangu kuna Jehovha;’ imi makandikanganwira kuipa kwechivi changu.” Betsero yorudo inobva kuvakuru vechiKristu inogona kubetsera kuparira kunaya kwomudzimu.—Zvirevo 28:13; Jakobho 5:13-20.
18. Ufakazii huripo hwokuti chivi chinogona kuva nemiuyo inogarisa, asi chii chinogona kuva manyuko enyaradzo mumigariro yakadaro?
18 Chivi chingava nemiuyo inogarisa. Chakadaro nokuda kwaDhavhidhi, uyo akaita upombwe naBhati-shebha, akaparira rufu rwomurume wake, uye akaroora chirikadzi ine pamuviri. (2 Samueri 11:1-27) Kunyange zvazvo Mwari akaratidza ngoni nemhaka yesungano yoUmambo, rupfidzo rwaDhavhidhi, uye kubata kwake vamwe nenzira yengoni, Dhavhidhi akatambura ‘ngwavaira muimba yake amene.’ (2 Samueri 12:1-12) Mwana woupombwe akafa. Mwanakomana waDhavhidhi Amnoni akabata chibharo hanzvadzi yake nokuna mai Tamari uye akaurawa pakuraira kwehanzvadzi yake Absaromi. (2 Samueri 12:15-23; 13:1-33) Absaromi akazvidzisa Dhavhidhi kupfurikidza nokuvatana navarongo vaDhavhidhi. Iye akaedza kubvuta chigaro choumambo asi akafa. (2 Samueri 15:1–18:33) Chivi chichine miuyo. Somuenzaniso, muiti wezvakaipa akadzingwa angapfidza ndokudzorerwa muungano, asi kungatora makore kukurira mukurumbira wakashatiswa nenhamo yendangariro inobva muchivi. Munguvayo, kunonyaradza sei kuwana kukanganwira kwaJehovha netsigiro yamaoko ake asingaperi!
Takanunurwa Mudzvinyiriro Dziri Patiri
19. Mudzimu waMwari unogona sei kuva webetsero patinoedzwa zvakakomba?
19 Apo tinoedzwa zvakakomba, tingasava nouchenjeri hwakaringanira nesimba rokuita chisarudzo ndokuchiita. Muchinoitika chakadaro, mudzimu waMwari “unobatiranawo nokusava nesimba kwedu; nokuti hatizivi kunyengetera zvakafanira; asi [mudzimu, NW] umene unotinyengeterera nokugomera kusingataurwi.” (VaRoma 8:26) Kana Jehovha akaparira chinjo yemigariro, tinofanira kuva vanoonga. Bva, ruoko rwake rungatiponesa neimwe nzira. Kana tikanyengeterera uchenjeri, Jehovha angaratidzira nomudzimu wake chatinofanira kuita ndokugovera simba rinodikanwa kuchiita. (Jakobho 1:5-8) Nebetsero yake, tinogona kutsungirira pa“tinotambudzwa nemiedzo yakasiana-siana” ndokubuda mairi nokutenda kwakaedzwa nokwakasimbiswa.—1 Petro 1:6-8, NW.
20. Chii chatichafarikanya kana tikaita zvomenemene maoko asingaperi aJehovha tsigiro yedu?
20 Ngatiregei kutongoneta kutendeukira kuna Mwari mumunyengetero. “Meso angu anoramba achitarira kuna Jehovha; nokuti unobvisa tsoka dzangu pamumbure,” akadaro Dhavhidhi. “Ringirai kwandiri, mundinzwire nyasha; nokuti ndiri ndoga, ndinotambudzika. Madambudziko omwoyo wangu akawanda kwazvo; haiwa, ndibudisei panjodzi dzangu. Tarirai kutambudzika kwangu nokurwadziwa kwangu; mundikanganwire zvivi zvangu zvose.” (Pisarema 25:15-18) Kufanana naDhavhidhi, tichafarikanya rununuro rwoumwari, nyasha, uye kanganwiro kana chaizvoizvo tikaita maoko asingaperi aJehovha tsigiro yedu.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona nyaya pamusoro pokuora mwoyo muna Mukai! wechiNgezi waOctober 22, 1987, mapeji 2-16, uye November 8, 1987, mapeji 12-16.
Waizopindura Sei?
◻ Jehovha anobetsera sei vabatiri vake vanorwara?
◻ Chii chingava chinobetsera patinenge tichiedza kugonana nokuora mwoyo?
◻ Chii chinogona kubetsera kuderedza nhamo pamusoro porufu rwomudiwa?
◻ Avo vanovanza zvivi zvavo vanogona sei kuwana kusunungurwa?
◻ Ibetseroi iripo apo vanhu vaJehovha vanoedzwa zvakakomba?
[Mufananidzo uri papeji 16, 17]
Tinogona kuwana nyaradzo mutariro yorumuko, sezvakaita Jobho woumwari