Bhuku Rechipiri raSamueri
18 Dhavhidhi akabva averenga varume vaaiva navo, akagadza vakuru vezviuru nevakuru vemazana kuti vavatungamirire.+ 2 Dhavhidhi akatumira varume vaaiva navo vari muzvikwata zvitatu, chekutanga chaiva pasi paJoabhi,+ chimwe chiri pasi paAbhishai+ mwana waamai vaJoabhi vainzi Zeruya,+ uye chimwe chiri pasi paItai+ wekuGati. Mambo akabva ati kuvarume vacho: “Ndichaendawo nemi.” 3 Asi vakati: “Imi hamufaniri kuenda,+ nekuti kana tikatiza, havazovi nebasa nesu;* uye kana hafu yedu ikafa, havazovi nebasa nesu, nekuti imi makakosha zvekuenzana nesu tiri 10 000.+ Saka zviri nani kuti imi muzotibatsira muri muguta.” 4 Mambo akati kwavari: “Ndichaita chero zvamunoona zvakanaka.” Saka mambo akamira pedyo negedhi reguta, uye varume vese vakabuda vari mumapoka emazana neezviuru. 5 Mambo akabva arayira Joabhi naAbhishai naItai, achiti: “Mundifungewo muitire tsiye nyoro mwanakomana wangu Absaromu.”+ Varume vese vakazvinzwa mambo paairayira vakuru vese nezvaAbsaromu.
6 Varume vacho vakaenda kusango kunosangana nevaIsraeri, uye hondo yacho yakarwirwa musango raEfremu.+ 7 VaIsraeri+ vakakundwa nevaranda vaDhavhidhi+ musango iroro, uye vanhu vakawanda vakaurayiwa zuva iroro, varume 20 000. 8 Hondo yacho yakapararira munharaunda yacho yese. Uyewo sango rakaparadza vanhu vakawanda kupfuura vakaparadzwa nebakatwa zuva iroro.
9 Absaromu akazongoerekana asangana nevaranda vaDhavhidhi. Absaromu akanga akatasva nyurusi, uye nyurusi racho rakapinda nepasi pemapazi akarukana emuti muhombe, uye musoro wake wakahakira mumuti wacho, zvekuti akarembera mumhepo,* nyurusi raaiva akatasva rikaramba richienda. 10 Mumwe munhu akabva azviona, akaudza Joabhi kuti:+ “Ndaona Absaromu akarembera mumuti muhombe.” 11 Joabhi akati kumurume wacho ainge amuudza: “Kana wamuona, waregerei kumubaya ipapo ipapo kuti awire pasi? Ndingadai ndatokupa masirivha gumi nebhandi.” 12 Asi murume wacho akati kuna Joabhi: “Kunyange dai ndaizopiwa* masirivha 1 000, handingasimudzi ruoko rwangu ndichirwisa mwanakomana wamambo, nekuti tanzwa mambo achikurayirai imi naAbhishai naItai kuti, ‘Munhu wese ngaachenjerere kuti asakuvadza Absaromu.’+ 13 Kudai ndanga ndisina kuteerera ndobva ndamuuraya,* mambo aizongozvinzwa chete, uye imi maisazondimiririra.” 14 Joabhi akabva ati: “Handisi kuzoramba ndichitambisa nguva ndiinewe!” Saka akatora simbi nhatu nhete dzakapinza,* akabaya mwoyo waAbsaromu nadzo achiri mupenyu, akarembera mumuti wacho. 15 Vashandi gumi vaitakura zvombo zvaJoabhi vakabva vauya vakabaya Absaromu kusvikira afa.+ 16 Joabhi akabva aridza hwamanda, varume vacho vachibva vadzoka kubva kunodzingirira vaIsraeri; Joabhi akavaudza kuti vachirega kurwa. 17 Vakatora Absaromu, vakamukanda muzigomba raiva musango racho, vakaisa murwi mukuru chaizvo wematombo pamusoro pake.+ Uye vaIsraeri vese vakatiza vachienda kudzimba dzavo.
18 Absaromu paaiva achiri mupenyu, akanga atora dombo akarimisa seshongwe muBani raMambo,+ nekuti akati: “Handina mwanakomana achazoita kuti zita rangu rirambe richiyeukwa.”+ Saka akatumidza shongwe yacho zita rake, uye nanhasi ichiri kunzi Shongwe yaAbsaromu.
19 Ahimaazi+ mwanakomana waZadhoki akati: “Ndapota, regai ndimhanye ndinoudza mambo zvaitika, nekuti Jehovha amurwira nekumusunungura kwaaita pavavengi vake.”+ 20 Asi Joabhi akati kwaari: “Hausiri iwe uchaenda neshoko nhasi. Unogona kuzoendesa mashoko rimwe zuva, kwete nhasi, nekuti mwanakomana wamambo afa.”+ 21 Joabhi akabva ati kumurume wechiKushi:+ “Enda unoudza mambo zvawaona.” Murume wacho wechiKushi akabva akotama pamberi paJoabhi, ndokumhanya achienda. 22 Ahimaazi mwanakomana waZadhoki akatizve kuna Joabhi: “Kunyange zvakadaro hazvo, ndapota ndiregeiwo ndimhanye ndichitevera murume wechiKushi.” Zvisinei, Joabhi akati: “Unoda kumhanyireiko mwanakomana wangu, ipo pasina mashoko ekuti unotaura?” 23 Asi iye akati: “Ndizvo hazvo asi chingondiregai ndimhanye.” Saka Joabhi akati kwaari: “Chimhanya hako!” Ahimaazi akabva amhanya nenzira inoenda nekudunhu reJodhani,* uye akapedzisira asiya murume wacho wechiKushi.
24 Panguva iyi Dhavhidhi akanga akagara pakati pemagedhi maviri eguta+ uye murindi+ akakwira padenga regedhi raiva rakabatana nerusvingo. Akatarisa akaona murume aimhanya ari ega. 25 Saka murindi akashevedzera akaudza mambo. Mambo akabva ati: “Kana ari ega, ane shoko raainaro.” Murume wacho paairamba achiswedera pedyo, 26 murindi wacho akabva aona mumwezve murume achimhanya. Akabva ashevedzera kumurindi wepagedhi achiti: “Kune mumwezve murume ari kumhanya ari ega!” Mambo akati: “Naiyewo ane shoko raari kuuya naro.” 27 Murindi wacho akati: “Ndiri kuona kuti murume wekutanga ari kumhanya saAhimaazi+ mwanakomana waZadhoki,” saka mambo akati: “Ahimaazi murume akanaka, uye ari kuuya neshoko rakanaka.” 28 Ahimaazi akabva ashevedzera kuna mambo achiti: “Zvinhu zvafamba zvakanaka!” Akabva apfugama pamberi pamambo, akadzikisa musoro wake. Uye akati: “Jehovha Mwari wenyu ngaarumbidzwe, aisa mumaoko enyu varume vakapandukira ishe wangu mambo!”+
29 Zvisinei, mambo akati: “Ko mwanakomana wangu Absaromu akadii?” Ahimaazi akati: “Ndaona vanhu vachiita nyonganyonga Joabhi paatuma mushandi wamambo nemushandi wenyu, asi handina kuziva kuti chii changa chichiitika.”+ 30 Saka mambo akati: “Enda hako parutivi, mira apa.” Akabva aenda parutivi, akamira ipapo.
31 Murume wacho wechiKushi akabva asvika,+ akati: “Ishe wangu mambo ngaagamuchire shoko iri: Nhasi Jehovha akurwirai nekukusunungurai kwaaita mumaoko evaya vese vakakupandukirai.”+ 32 Asi mambo akati kumurume wacho wechiKushi: “Ko mwanakomana wangu Absaromu akadii?” Murume wacho wechiKushi akati: “Vavengi vese vashe wangu mambo nevaya vese vakakupandukirai vachida kukukuvadzai ngavave semwanakomana wenyu!”+
33 Mambo akanetseka nazvo, akakwira muimba yepadenga yaiva pamusoro pegedhi, akachema, uye aifamba achiti: “Mwanakomana wangu Absaromu, mwanakomana wangu kani, mwanakomana wangu Absaromu! Kudai ndanga ndafa hangu ini panzvimbo pako, Absaromu mwanakomana wangu, mwanakomana wangu kani!”+