Paradhiso Ichadzorerwa Inorumbidza Mwari
“Ndicharumbidza nzvimbo imene yetsoka dzangu.”—ISAYA 60:13, “NW.”
1, 2. (a) Kupfurikidza nomuporofita wake Isaya, chii chakadeya kutaura Mwari pamusoro papasi? (b) Tichitarira makore ane chiuru munguva yemberi, chii chatinoona?
JEHOVHA akasika pasi senyika iri pasi petsoka dzake, sechitsiko chetsoka dzake chokufananidzira. Kupfurikidza nomuporofita wake Isaya, Mwari akadeya kutaura kuti iye aizo‘rumbidza nzvimbo imene yetsoka dzake.’ (Isaya 60:13) Neyamuro yeBhaibheri rakafuridzirwa, tinogona kutarira, sokunge neteresikopu ine simba, mazana amakore munguva yemberi yavanhu. Chiono chinofadza zvakadini chinokwazisa meso edu! Pasi rose rinopenya norunako rwakakwana runoparirwa noMurimi webindu mukurusa muchisiko chapose pose. Paradhiso ichave yadzorerwa pasi pose kurudzi rwomunhu!
2 Hungu, Musikavanhu woumwari uyo akatanga kuvapo kwomunhu mubindu reparadhiso anorangarira mufarwa mukurusa womunhu. Musiki ane rudo zvamazvirokwazvo akadini wokuti rudzi rwomunhu ruve naye, nezvake kusiri kukatutsira kuti, “Mwari rudo”! (1 Johane 4:8, 16) MuParadhiso ichadzorerwa, varume navakadzi vakura mukukwana kwohunhu kusina mhosho vanogara pamwe chete sehama nehanzvadzi vane rudo. (Isaya 9:6) Vachisundwa norudo, ivo vanozviisa pasi zvakakwana poMusiki ane mbiri wedenga napasi, Jehovha Mwari.
3, 4. (a) Denga napasi zvichawirirana chimwe nechimwe munzirai? (b) Ngirozi dzichaita sei apo Paradhiso inodzorerwa kupasi?
3 Zviuru zvamakore kare, murondedzerwo yakafuridzirwa nenzira youmwari yenzvimbo yake, Mwari akataura aya mashoko anoorora kuvanhu vake vakasarudzwa: “Matenga chigaro changu choumambo, uye pasi chitsiko chetsoka dzangu.” (Isaya 66:1, NW) Mbiri imene ye“chitsiko [chake] chetsoka,” Paradhiso yapasi, inofanira kuwirirana nenzira yakafanira nembiri yechigaro chake choumambo mumatenga asingaoneki.
4 Panguva yokusikwa kwapasi, avo vairindira chigaro choumambo chaMwari munzvimbo yokudenga vakarangarira chiono chapasi. Ivo vanofanira kuva vakafadzwa sei sezvo meso avo akarangarira kuisvonaka kwacho kune mbiri! Ivo vaigona sei kurega kuimba pamwe chete? (Enzanisa naZefania 3:17, Revised Standard Version; Pisarema 100:2, The Jerusalem Bible.) Musiki akafadzwa naanofara akafuridzira munyori wake wapasi kuratidzira kurondedzerwa kwakarurama kwechiono chokudenga, achiti: “Panguva yakaimba nyeredzi dzamambakwedza pamawa, uye vanakomana vose vaMwari vachipururudza nomufaro.” (Jobho 38:7) Vanakomana vengirozi vaMwari vachadanidzira mumufaro zvikuru kwazvo sei, kumbiri yaMwari, apo Paradhiso inodzorerwa!
5. Tinofanira kunzwa sei pamusoro pokuwanwa kwedonzo rapakuvamba raMwari pamusoro papasi?
5 Kunofadza zvamazvirokwazvo kuti isu tinyaradzwe naMagwaro Matsvene akafuridzirwa kuti kuwanwa kwakaisvonaka kweparadhiso yapasi kwakanga kuri donzo uko Jehovha Mwari akananga kwariri kuvambira pamavambo pamene. Uyu mugumo unonyandura mufaro, unonyandura rumbidzo wedonzo raMwari nokuda kwapasi rino chinhu chakarurama chaizvo chinofanira kukarirwa kuna Mwari uyo anobva pambiri achienda kumbiri pasina kundikano mukuratidzira kuisvonaka kwake. Rumbidzo yose kwaari!—Pisarema 150:1, 2; Isaya 45:18; Zvakazarurwa 21:3-5.
Vanomutswa Vanobatsira Mukudzorera Paradhiso
6. Pashure peArmagedhoni, pasi richagarwa sei?
6 Kunyange zvazvo vapukunyuki veArmagedhoni vachava vashomanene zvikuru muchiverengero, hakusati kuchizova chose chose kupfurikidza nokubereka vana kwavo kuti pasi richazadzwa zvizere. Jehovha acha‘rumbidza[wo] nzvimbo yetsoka dzake’ kupfurikidza nokudzorera kuupenyu avo vari mumakuva echirangaridzo uye vanopinda mubetsero dzechibairo chorudzikinuro chaKristu. Ivavawo vachava neropafadzo yokugoverana mubasa rinofadza rokushandura denderedzwa redu rapasi kuva paradhiso yakaisvonaka zvikuru kwazvo.—Mabasa 24:15.
7. Mashokoi aJesu ayo vapukunyuki veArmagedhoni vacharangarira?
7 Vapukunyuki veArmagedhoni vacharangarira nguva dzose mashoko anonyandura mwoyo aShe Jesu Kristu panguva apo iye akasundwa kuti: “Musashamiswa naikoku, nokuti nguva iri kuuya umo vose avo vari mumakuva echirangaridzo vachanzwa inzwi rake ndokubuda.” (Johane 5:28, 29, NW) Iyoyo ichava nguva yakadini apo vanhu vakafa vari mumakuva avo echirangaridzo vachavamba kunzwa inzwi roMwanakomana waMwari richitaura mashoko akafanana naayo akataurwa kuna Razaro, ane chitunha chaiva muguva paBhetania: “Razaro, buda!”—Johane 11:43.
8, 9. Ndivanaani sezvingabvira vachava vokutanga kumutswa kuupenyu hwakamutsidzirwa pasi pano, kuchiunza mufaroi kuvapukunyuki veArmagedhoni?
8 Ndivanaani sezvingabvira vachava vokutanga kumutsirwa kuupenyu hwakamutsidzirwa pasi pano muKutonga kwaMakore Ane Chiuru kwaJesu Kristu uye mumhinduro kumurairo wake? Nenzira ine mufungo aizova “mamwe makwai” akafa mukati mamazuva okupedzisira apamberi pomugumo wetsika ino yezvinhu. Ivo vachawana rumuko rwokutanga. (Johane 10:16) Ivo zvimwe vaizova nechitambudzo chidukusa mukuzvichinjira vamene kunyika itsva.—Enzanisa naMateo 25:34; Johane 6:53, 54.
9 Kuchava kunofadza sei nokuda kwavapukunyuki veArmagedhoni apo ivo vanoona vachimutswa avo va“mamwe makwai” vakafa mukati mechizvarwa chapamberi pe“dambudziko guru”! (Mateo 24:21, NW) Namasimba akajeka okuziva, vapukunyuki veArmagedhoni vanovaziva, vanovagamuchira, uye navo vanopfuurira kumutsidzira basa ravo rakabatanidzwa kuna Mwari Wokumusorosoro!
10. Kupfurikidza nokupukunyuka Armagedhoni, chii chaungapupurira?
10 Kupfurikidza nokuva mumwe wavapukunyuki veArmagedhoni, iwe ungapupurira rumuko rwowokutanga wehama dzako umene dzapasi. Muuyo wapandangariro waikoku pauri ungagona sei kuva wakasiana nouyo wapavabereki vakaona Ishe Jesu achidzorera mwanasikana wavo ane makore 12 okukura ari mupenyu mumaoko avo anoshuva? “Vakashamiswa nokushama kukuru.” (Marko 5:42) Aa, zvamazvirokwazvo, mufaro usingatauriki uchava wako parumuko rwavakafa vachibva muHadhesi negungwa. (Zvakazarurwa 20:13) Haiwa, iwaya achava mangwana ane mbiri zvakadini, mangwana ayo achakurumidza kusvika!
“Machinda Panyika Yose”
11, 12. (a) Chii icho Pisarema 45:16 rinosimbisa? (b) Mambo, Jesu Kristu, angagadza “machinda panyika yose” anobva pakati pavanaani?
11 Kupfurikidza nokushandiswa kwesimba rake kumutsa vanhu vakafa avo akavanzarikira upenyu hwake hwakakwana hwohunhu sechibairo chorudzikinuro, Jesu achakwanisa kuparira zadziko yePisarema 45:16. Iri Pisarema rinotaurwa nenzira youporofita kuna Jesu Kristu saMambo akagadzwa: “Panzvimbo yamadzibaba ako [apasi] vana vako vachavapo, vauchaita machinda panyika yose.” Iri pisarema rinosimbisa kuti Jesu Kristu achava baba vokudenga kuvana pano pasi pano uye kuti iye achagadza vanakomana vanobva pakati pavo sa“machinda panyika yose.” So“mwanakomana waDhavhidhi” uye somwanakomana wedangwe wemhandara yechiJudha Maria, Jesu aiva namadzibaba apasi avanhu kudzokera shure kusvikira kuna baba vokutanga, Adhama.—Ruka 3:23-38.
12 Ko Pisarema 45:16 riri kutaura kuti avo vaichimbova madzibaba omuzvarirwo aJesu achava vanakomana vake kupfurikidza nokuvamutsa kwake kubva muna vakafa here? Hungu. Ko Pisarema 45:16 riri kutaurawo here kuti nokuda kwokuremekedza mutsara wake kubva kwavari, Jesu achavaratidza nyasha chaidzo dzoumambo ndokugadza ivo bedzi kuva “machinda panyika yose” here mumugariro wayo weParadhiso? Aiwa. Zadziko youporofita hwacho munzira yakadaro yaizobvumira chiverengero chakaganhurirwa bedzi cha“machinda” mupasi rose. Kunze kweidi iroro, haasi madzibaba iwaya ose ake akanga akatanhamara kwazvo zvokufanirwa noutanhamari chaihwo pasi pano mukati moKutonga kwake kweMireniyumu. Mambo, Jesu Kristu, achava navasingaverengeki vanopfuura madzibaba ake apasi vokugadza sa“machinda”—vanokwanirisa vavapukunyuki veArmagedhoni, va“mamwe makwai” anomutswa, kubatanidza varume vapamberi pechiKristu vokutenda. Kubva pakati paivava vose, iye anogona kugadza vakafanira vanokwanirisa kuva nenzvimbo youchinda savamiriri vake vapasi.
13, 14. Ndivakamutswai avo vapukunyuki veArmagedhoni vacharopafadzwa kuona nameso avo vamene?
13 Funga nezvavakadaro vari mumutsara worumuko muUmambo hwaMesia. Tarira! Tinogona here kudavira meso edu? Kuna Abheri, mufiri kutendeka wokutanga wohunhu, uye Enoki, uyo akaramba achifamba naMwari wechokwadi. Kunewo Noa, muvaki weareka. Kuna vanaAbrahama, Isaka, uye Jakobho, madzibaba orudzi rwaIsraeri. Kuna vanaMosesi (vorudzi rwouprista rwaRevhi) naDhavhidhi uyo sungano isingaperi yoUmambo yakaitwa naye. Uye kuna, Isaya, Jeremia, Ezekieri, Dhanieri, uye vamwe vaporofita vose vechiHebheru vakanyora Bhaibheri kusvikira kune wokupedzisira wavo, Maraki, uye, chokwadi, Johane Mubhapatidzi uyewo Josefa, baba wokurera waJesu.
14 Pane imwe nhambo Jesu akati kuvaJudha vaizo“ona Abrahama naIsaka naJakobho navaporofita vose muumambo hwaMwari, asi [ivo vamene vaizo]kandirwa kunze.” (Ruka 13:28, NW) “Boka guru” ravapukunyuki vapasi ve“hondo yezuva guru raMwari Wamasimba ose” vachapiwa ropafadzo yokuona chaizvoizvo “Abrahama naIsaka naJakobho navaporofita vose” vachimutswa vachidzokera pano muParadhiso yapasi uye vari mubasa roumambo muUmambo hwaMwari hunodzorwa na“Baba asingagumi,” Jesu Kristu.—Zvakazarurwa 7:9, 14; 16:14; Isaya 9:6, NW.
15. Iropafadzoi isingaenzaniswi yakamirira avo vanopukunyuka Armagedhoni?
15 Kuchava kunofadza sei kuti iwe upukunyuke mugumo wenyika ino iripo yakaipa kuti utsinhane mifungo naNoa nemhuri yake yapedyo, “mweya misere,” avo vakapukunyuka mugumo wenyika yokutanga muBoporodzi rapasi rose muna 2370 P.N.V.! Hakuna mumwezve kusvikira kunguva isingazivikanwi achave ava nezvinoitika zvakafanana nezvako uye nokudaro anokwanisa kubatira seChapupu chaJehovha Mwari muiyi nhau yakatanhamara, isingadzokororwi.—1 Petro 3:20; Marko 13:19; 2 Petro 3:5-7.
Muiti Wezvakaipa Anonzwira Tsitsi Anoyeukwa
16, 17. (a) Apo Jesu anoyeuka muiti wezvakaipa anonzwira tsitsi, iropafadzoi iyo vapukunyuki veArmagedhoni navamwe panguva iyoyo vapenyu vachava nayo? (b) Itariroi inochengetwa pamusoro pomuiti wezvakaipa anomutswa?
16 Pasina panikiro, panosvika nguva iyeyo kudzorerwa kweParadhiso kupasi kuchava kwodokupedzwa. Tsotsi rakarovererwa paKarivhari parutivi paJesu uye rakataura mukubvumwa kwechiratidzo chaiva pamusoro Pake, “Jesu, ndiyeukei apo munopinda muumambo hwenyu,” richamutsirwa kuupenyu hwapasi muParadhiso ichadzorerwa. (Ruka 23:42, NW) Ichava ropafadzo yavapukunyuki veArmagedhoni navamwe vapenyu panguva iyeyo kumugamuchira achidzokera achibva kuna vakafa. Ivo vachamudzidzisa zvizere pamusoro paMambo zvino anotonga, Jesu Kristu, kwaari akaratidza tsitsi huru pana Nisani 14 wegore ra 33 N.V.
17 Ishe Jesu Kristu haasati achizokundikana kumuyeuka pane imwe nguva mukati mokutonga Kwake kwamakore ane chiuru. Pasina panikiro muiti wezvakaipa iyeyo anonzwira tsitsi, akamutswa acharatidzira kuonga kwake nokuda kwaMambo anotonga, Jesu Kristu, waanomutswa naye, kupfurikidza nokubvumikisa kutendeka kwake kuna Changamire Wapose pose, Jehovha Mwari. Ipapo iye aizorangarirwa kuva akafanirwa nokufarikanya kurarama muParadhiso yenyika itsva nokusingagumi pamwe chete navasara vorudzi rwomunhu ruchadzorerwa, runoteerera.
Upenyu muBindu, Richadzorerwa Rapasi Rose reEdheni
18. Upenyu huchava hwakaita sei muParadhiso ichadzorerwa?
18 MuParadhiso ichadzorerwa, munhu ari wose ishamwari kumunhu ari wose zvake. Zvisungo zvoukama hwemhuri hwenyika yose zvinonzwiwa kusvikira pasi pomweya womunhu mumwe nomumwe. Vose vanonzwisisana. Ivo vari kutaura mutauro wavose wenyika. Sezvingabvira mutauro wapakuvamba worudzi rwomunhu, uyo munhu ari wose pasi pano akataura kwamakore 1 800 okutanga okuvapo kwavanhu—kuvambira pakusikwa kwaAdhama muna 4026 P.N.V. kutozosvikira pazuva raPeregi (2269 kusvikira 2030 P.N.V.), nokuti “mumazuva ake pasi [ndiko kuti, chiverengero chavagari vapasi] rakanga rakakamuraniswa.” (Genesi 10:25; 11:1, NW) Munhu ari wose ari kufarikanya ropafadzo yokurarama, uye zuva idzva rimwe nerimwe rinokwaziswa nokuonga nokuda kwezuva rinowedzerwa roupenyu. Utera hwomuviri hahusi kuwedzera sezvo nguva inopfuurira. Masimba omuviri ari kuwedzera, uye miviri haisi kusakara.—Enzanisa naJobho 33:25.
19. Chii chichacherechedzwa pamusoro paavo vakanga vakaremara kare?
19 Uye tarira! Zvaichimbova zvirema zviri kufamba, hungu, kutomuka-tomuka nokuda kwomufaro. Maoko namakumbo zvakaraswa zvakadzorerwa nenzira yenenji. Vaichimbova mapofu kare vanoona, matsi dzinonzwa, mbeveve dzinotaura uye dzinoimba nokuda kwomufaro. (Enzanisa naIsaya 35:5, 6.) Kusafadza pamusoro pechimiro chomunhu nomumhu zvinonyangarika. Kuva murume kwavanhu kunodzikamiswa zvakaisvonaka nokuva mukadzi kwavanhu. (Genesi 2:18) Kukwana kwavanhu kunorumbidza Jehovha Mwari, Musiki womuviri womunhu akakwana.
20. Chii chichacherechedzwa pamusoro pamasimba omusikirwo, migove yezvokudya, mhuka, uye pasi richashandiswa sei?
20 Pasi rose riri kuva nzvimbo imwe yorunako yapasi pose. Hakuna mushumo upi noupi unobva kurutivi rwapasi wokushaya mvura kana kuti wemvura mudzvotsotso rinoparadza kana kuti wamadutu, mhepo dzakasimba, madutu ane simba anoparadza, uye mhepo dzine simba. (Enzanisa naMarko 4:37-41.) Masimba ose omusikirwo ari kupinzwa mudzikamo yakakwana nokuda kwokuita kuti pasi rose rive nzvimbo yakaisvonaka mokugara. Hakuna kushaikwa kwezvokudya munzvimbo ipi neipi, nokuti pasi riri kubereka zvibereko zvaro zvakazara. (Pisarema 72:16) Rugare nechengeteko zvakapararira munyika yose nokuda kwezvose zviri zviviri munhu nemhuka, seizvo chaizvo Jehovha anotaura, kuti: “Hazvisati zvichizoita kuvadziko ipi neipi kana kuti kuparira ruparadziko rwupi norwupi mugomo rangu rose dzvene.” (Isaya 11:9, NW; onawo ndima 6-8.) Neiyi nzira pasi richaitwa nzvimbo inofadza mokugara ndokupfuuridzira kunamatwa nebasa raJehovha Mwari, Musiki noMwene wapasi. Iro zvariri chinhu chake namaruramiro okusika, iro rinofanirwa nokushandiswa nenzira inomufadza uye inomurumbidza.—Enzanisa naIsaya 35:1, 2, 6, 7.
21. Rudzi rwomunhu rwakadzikinurwa rucharangarira sei chinhu chiri chose pasi pano, uye inziyoi dzichanzwiwa?
21 Chitsva nenzira inofadza—izvozvo ndizvo izvo chinhu chiri chose pasi pano chiri nokuda kwavanhu vakadzikinurwa avo vasina kutongova mukati mebindu reParadhiso yeEdheni umo upenyu hwavanhu hwakatanga mukukwana kwakaisvonaka! (Zvakazarurwa 21:5) Inziyo dzinofadza zvakadini, dzamarimba nedzamanzwi, dzichanzwiwa panguva iyeyo—dzose dzichirumbidza Jehovha!—1 Makoronike 23:4, 5; Pisarema 150:3-6.
22. Kuchava kwakaita sei kugara muParadhiso yenyika itsva?
22 Kuchava kunoshamisa sei kugara mupasi umo upenyu hwavanhu hunowanda kukuzara uye umo mwero yose yemiitiro yokufa nemhaka yechivi chapakuvamba chaAdhama ichave yabviswa! (Enzanisa naJohane 10:10.) Hungu, richava pasi umo chisikwa chiri chose chomunhu chinotenderwa chinoratidzira mufananidzo norufanano zvaJehovha Mwari izvo munhu wokutanga Adhama akasikwa nazvo! (Genesi 1:26, 27) Pasi panguva iyeyo harisati richizovazve chisingafadzi kumaserafimi, kumakerubhi, uye kungirozi dzinopenya dzedenga. Apo idzo dzinotendeudzira zviso zvinodiwa kupasi, dzichitarira kwariri rakashongedzerwa norunako rweparadhiso, dzichangova bedzi nerumbidzo nokuonga zvokutaura kuUyo ane chitarisiko dzine ropafadzo yokuona zvakananga—Jehovha, Changamire Wapose pose.—Mateo 18:10.
Nguva Yemberi Inofadza, Isingagumi
23. Chii chinobvira pamusoro pamaKristu akazodzwa, uye nomuuyoi kuvagari veParadhiso yapasi?
23 Kunobvira uye kungabvira kuti, zuva rakati munguva yemberi, mazita amaKristu akazodzwa aye ose ayo akaita kuti “kudanwa nokusarudzwa” kwawo kuUmambo hwokudenga kuve kwechokwadi uye ayo akakomborerwa nourwu rumuko rwomudzimu achabudiswa zvakazara nokuda kwamashoko emhuri yavanhu muParadhiso yavo yapasi. (2 Petro 1:10; Pisarema 87:5, 6) Nokudaro, kusavapo kwavadzidzi vakazodzwa vakaberekwa nomudzimu vane 144 000 vaJesu Kristu muParadhiso yapasi kuchanzwisiswa zvizere kusvikira kukugutsikana kwomunhu ari wose uye nokufara kwomwoyo wose pamusoro pavo uye pamwe chete navo.
24. (a) Chii icho Jehovha achave aita pamusoro pe“chitsiko chetsoka” dzake? (b) Tinoziva sei kuti nyika itsva haisati ichizotongoguma, uye rwiyoi rwouporofita rwuchazadzikwa?
24 Ichafadza ichava nguva yemberi isingagumi nokuda kwavose vanoramba vari mukuzvipira kusingapunziki kuna Jehovha, Changamire akaisvonaka wechisiko chose. Paradhiso yapasi inozadzwa zvakanaka ichava nzvimbo yakakodzera, nzvimbo ine mbiri, se“chitsiko chetsoka” apo tsoka dzaMwari dzingazorora nenzira yokufananidzira. Hungu, nokusingagumi kwose Jehovha achave arumbidza ‘nzvimbo imene yetsoka dzake,’ uye rudzi rwose rwomunhu ruchava mukuzviisa pasi pake zvisingatsuguduki! (Mateo 5:34, 35; Mabasa 7:49) Nyika itsva ichava nyika isina mugumo nemhaka yokuti “hakusati kuchizova nomugumo kuukuru hwokutonga kwomuchinda nokworugare.” (Isaya 9:7, NW) Ipapo, rwiyo rwouporofita rwengirozi dzokudenga pakuberekwa kwaJesu muBhetrehema yeJudhea muna 2 P.N.V. ruchazadzikwa: “Mwari ngaarumbidzwe kumusoro-soro, norugare ngaruve navanhu vaanofarira.”—Ruka 2:13, 14.
25. (a) Chii icho avo ve“boka guru” ra“mamwe makwai” zvino vanoonga? (b) Ndechipi chinofanira kuva chishuvo chedu chomwoyo wose?
25 Avo vari ve“boka guru” ra“mamwe makwai” oMufudzi Akaisvonaka vanoonga mashoko anofadza echipikirwa cheParadhiso ichadzorerwa. Iropafadzo yavo kubatanidzwa nesangano raMwari zvino nokubatikana nenzira yokushingaira mubasa rakadeya kutaurwa naShe Jesu Kristu, kuparidzirwa kwamashoko akanaka oUmambo mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu hwokupedzisira. (Mateo 24:14; Marko 13:10) Chishuvo chedu chechokwadi, chomwoyo wose seZvapupu zvaJehovha kuchengeta perero yedu isina kusvibiswa nokusingagumi kwose, kusvikira kumbiri isingaperi nokurevererwa kwaChangamire Wapose pose, Jehovha Mwari, uye muutongi hwoumambo hwoMwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, Jesu Kristu. “Hareruya!”—Zvakazarurwa 19:1, 3, 4, 6, RSV, New International Version; Zvirevo 10:9.
Waizopindura Sei?
◻ Chipikirwai icho Jehovha akaita pamusoro pechitsiko chetsoka dzake chokufananidzira, pasi?
◻ Ndivanaani vachabatsira mukudzorera Paradhiso?
◻ Mambo, Jesu Kristu, achagadza “machinda panyika yose” kubva pakati pavanaani?
◻ Ndichinoitika chinofadza chingava chako apo rumuko runoitika?
◻ Inguvai yemberi yakamirira avo vanoramba vari mukuzvipira kusingapunziki kuna Jehovha?