Kureurura Kunoita Kuti Upore
“PANGUVA yandakaramba ndinyerere, mapfupa angu akasakara nokuvuvura kwangu zuva rose. Nokuti ruoko rwenyu rwakanga ruchirema pamusoro pangu masikati nousiku. Unyoro hwangu hwakashandurwa hukava kuoma kwechirimo.” (Pisarema 32:3, 4) Mashoko iwayo anobaya mwoyo zvikuru angava akaratidza kurwadziwa mumwoyo kukuru kwakanzwiwa naMambo Dhavhidhi weIsraeri yekare, marwadzo aakanga aunza paari nemhaka yokuvanza pane kureurura chivi chake.
Dhavhidhi akanga ari murume ane mano akakwirira. Akanga ari murwi akashinga, nyanzvi yokutungamirira nyika, mudetembi, uye muimbi. Asi, haana kuvimba nemano ake, asi naMwari wake. (1 Samueri 17:45, 46) Akatsanangurwa kuti murume aiva nomwoyo wakanga “wakarurama kwazvo kuna Jehovha.” (1 Madzimambo 11:4) Asi chivi chimwe chaakaita chaifanira kushorwa kwazvo, uye angave akataura nezvacho muPisarema rechi32. Tinogona kudzidza zvakawanda nokunzvera mamiriro ezvinhu akatungamirira kuchivi chake. Tichacherechedza misungo kuti tidzivise uyewo tione kuti nei tichifanira kureurura zvivi zvedu kuitira kuti tidzorere ukama hwedu naMwari.
Mambo Akatendeka Anoita Chivi
Rudzi rwaIsraeri rwakanga ruchirwisana nevaAmoni, asi Dhavhidhi akanga achigara muJerusarema. Mamwe manheru achifamba-famba zvake padenga pemba yake, akacherechedza mukadzi akanaka pamusha wakanga uri pedyo naye achigeza muviri. Akatadza kuzvidzora akabva atanga kumuchiva kwazvo. Paakaziva kuti akanga ari Bheti-shebha, mukadzi waUria, murwi akanga ari muuto rake, Dhavhidhi akamudana uye akaita upombwe naye. Nokufamba kwenguva Bheti-shebha akatumira shoko kuna Dhavhidhi kuti akanga ava nepamuviri.—2 Samueri 11:1-5.
Dhavhidhi akanga aiswa parumananzombe. Kuri kuti chivi chavo chaizofumurwa, chirango chavo vose chakanga chiri rufu. (Revhitiko 20:10) Nokudaro akafunga zano. Akadana Uria murume waBheti-shebha kubva kuhondo. Amubvunza zvizere nezvehondo, Dhavhidhi akarayira Uria kudzoka kumba kwake. Dhavhidhi aifunga kuti izvi zvaizoita kuti zviratidzike sokunge Uria ndiye baba vemwana waBheti-shebha.—2 Samueri 11:6-9.
Uria haana kushanyira mukadzi wake, zvichiita kuti Dhavhidhi anetseke kwazvo. Uria akati zvakanga zvisingaiti kuti aende kumba kwake panguva iyo uto rakanga richitsungirira kuoma kwehondo. Apo uto revaIsraeri raive muhondo, varume vacho vairega kurara nevakadzi, kunyange nevakadzi vavo chaivo. Vaifanira kuramba vakachena maererano netsika. (1 Samueri 21:5) Dhavhidhi akabva akoka Uria kuti vazodya uye akamuita kuti adhakwe, asi haana kuenda kumba kumukadzi wake. Kutendeseka kwaUria kwakaratidza kuipa kwechivi chakakomba chaDhavhidhi.—2 Samueri 11:10-13.
Dhavhidhi akanga zvino ave kuiswa pakaoma zvikuru nemigumisiro yechivi chake. Ashaya kuti oita sei akaona nzira imwe chete yokubuda mutsekwende iyi. Akatumira Uria kudzokera kuhondo ane tsamba yaienda kumukuru wemauto, Joabhi. Chinangwa chetsamba yacho pfupi chakanga chiri pachena: “Isa Uria pamberi panonyanyisa kurwiwa, mumusiye ari oga, aurawe, afe.” Netsamba yacho, mambo ane simba akaita sokuti avanza zviito zvake, achitumira Uria kunofa.—2 Samueri 11:14-17.
Nguva yaBheti-shebha yokuchema murume wake yapera, Dhavhidhi akamuroora. Nguva yakafamba, uye mwana wavo akaberekwa. Paiitika zvose izvi, Dhavhidhi akaramba akanyarara pamusoro pezvivi zvake. Zvichida aida kuedza kuona zviito zvake sezvakarurama. Uria haana kufa muhondo zvinokudzwa sezvakaita vamwe here? Uyezve, haana here kuramba kuteerera mambo nokurega kuenda kumukadzi wake? ‘Mwoyo unonyengera’ unoshandisa mitoo yose yokufunga kuedza kururamisa chivi.—Jeremia 17:9; 2 Samueri 11:25.
Nhano Dzakaipa Dzinotungamirira Kuchivi
Dhavhidhi, mudi wokururama, aizozvideredza sei nokuita upombwe nokuponda? Zviri pachena kuti mbeu dzechivi chake dzakadyarwa kwenguva yakareba. Tingashamiswa kuti nei Dhavhidhi akanga asiri nevarume vake, achivatsigira mukurwisa vavengi vaJehovha. Mukupesana, Dhavhidhi akanga akadekara hake paimba yake youmambo, apo zvainyatsoitika muhondo zvakanga zviri kure nepfungwa dzake kuti zvibvise kuchiva kwake mudzimai womurwi akatendeka. Nhasi, chinhu chinochengetedza kuti vaKristu vechokwadi vabatanidzwe mukuita zvinhu zvomudzimu muungano dzavo uye kubuda nguva dzose mubasa rokuparidza.—1 Timoti 6:12.
Mambo weIsraeri akarayirwa kuita bhuku rake roMutemo uye kuriverenga zuva roga roga. Bhaibheri rinopa chikonzero cheizvi: “Kuti adzidze kutya Jehovha Mwari wake, nokuchengeta mashoko ose omumurayiro uyu, nezvakatemwa izvi, kuti azviite; kuti mwoyo wake urege kuzvikudza pamusoro pehama dzake, arege kutsauka pamurayiro uyu, kana kurudyi, kana kuruboshwe.” (Dheuteronomio 17:18-20) Zvinoratidza sokuti Dhavhidhi akanga asiri kutevera mirayiro iyi panguva yaakaita zvivi zvakakomba izvi. Kudzidza nokufungisisa Shoko raMwari nguva dzose chokwadi kuchabatsira kutidzivirira pakuita zvakaipa munguva dzino dzinonetsa.—Zvirevo 2:10-12.
Uyezve, wokupedzisira weMirayiro Gumi unotaura zvakajeka kuti: “Usachiva mukadzi wowokwako.” (Eksodho 20:17) Panguva ino Dhavhidhi akanga ane vakadzi nevarongo vakawanda. (2 Samueri 3:2-5) Asi izvozvo hazvina kumudzivisa kuchiva mumwe mukadzi aikwezva. Nhoroondo iyi inotiyeuchidza nezvokukura kwemashoko aJesu: “Munhu wose anoramba akatarira mukadzi zvokuti anomuchiva atoita upombwe naye mumwoyo make.” (Mateu 5:28) Pane kunakidzwa noruchiva rusina kunaka rwakadaro, ngatikurumidze kurubvisa mupfungwa dzedu nomumwoyo.
Kupfidza uye Nyasha
Nhoroondo yeBhaibheri yechokwadi yechivi chaDhavhidhi zvechokwadi haingovipo kuti igutse kuda kurara nomunhu kwomumwe. Nhoroondo yacho inotipa mukana wokuona kuratidzwa kwakasimba uye kunokurudzira kwehumwe unhu hwaMwari hwakakwirira—nyasha dzake.—Eksodho 34:6, 7.
Bheti-shebha abereka mwanakomana, Jehovha akatuma muprofita Natani kunotaura naDhavhidhi. Ichi chakanga chiri chiito chenyasha. Kudai Dhavhidhi akanga asina kushanyirwa uye akaramba akanyarara, zviri pachena kuti angadai akapindwa nokuita chivi zvokusazochirega. (VaHebheru 3:13) Zvinofadza kuti, Dhavhidhi akaita maererano nenyasha dzaMwari. Mashoko aNatani ounyanzvi asi akajeka akanetsa hana yaDhavhidhi, uye akabvuma nokuzvininipisa kuti akanga atadzira Mwari. Kutaura zvazviri, Pisarema 51, rinotaura nezvechivi chaDhavhidhi naBheti-shebha, rakanyorwa apfidza uye areurura chivi chake chakakomba. Ngatisambobvumira mwoyo wedu kuti ujairire kana taita chivi chakakomba.—2 Samueri 12:1-13.
Dhavhidhi akakanganwirwa, asi haana kurega kurangwa kana kuva nemigumisiro yechivi chake. (Zvirevo 6:27) Zvaigosadaro sei? Dai Mwari aizongosiya zvose zvakadaro, zvaizonzi matongero ake haana maturo. Aizova akaneta soMupristi Mukuru Eri, akatsiura zvinyoro-nyoro vana vake vakaipa ndokuvasiya vachipfuurira kuita zvakaipa. (1 Samueri 2:22-25) Asi, Jehovha haarambi kuratidza nyasha dzorudo kune anorwadziwa nechivi. Nyasha dzake, dzakaita semvura inotonhorera, inozorodza, dzichabatsira anotadza kuti atsungirire migumisiro yechivi. Rudo rwokuregererwa naMwari uye songaniro inovaka nevamwe vanamati zvinovakiridza mudzimu weanotadza. Hungu, pahwaro hwechibayiro chaKristu, anotadza anogona kusvika pakuravira “pfuma yomutsa wa[Mwari] usina kufanirwa.”—VaEfeso 1:7.
“Mwoyo Wakachena” ‘Nomudzimu Mutsva’
Dhavhidhi areurura, haana kubva atanga kuzviita munhu asina maturo. Mashoko ake ari mumapisarema aakanyora ezvokureurura anoratidza kuzorodzwa kwaakanzwa uye kutsunga kwake kushumira Mwari akatendeka. Somuenzaniso, tarira muPisarema 32. Mundima yokutanga, tinoverenga kuti, “Wakakomborerwa wakakanganwirwa kudarika kwake, wakafukidzirwa zvivi zvake.” Zvisinei nokuti chivi chacho chakakomba sei, mugumisiro unofadza unogona kuvapo kana munhu achipfidza zvechokwadi. Imwe nzira yokuratidza kuva pachokwadi uku ndeyokubvuma mutoro wose unokonzerwa nezvinoitwa nomunhu, sezvakaitwa naDhavhidhi. (2 Samueri 12:13) Haana kuedza kuzviruramisa pamberi paJehovha kana kuedza kupomera vamwe. Ndima 5 inoti: “Ndakakuzivisai chivi changu, handina kuvanza chakaipa changu; ndakati: ndichazvireurura kudarika kwangu kuna Jehovha; imi mukandikanganwira kuipa kwechivi changu.” Kureurura kwepachokwadi kunozorodza, zvokuti munhu haazofaniri kutambudzwa nehana yake pamusoro pezvikanganiso zvekare.
Akumbira kuregererwa naJehovha, Dhavhidhi akakumbira kuti: “Sikai mukati mangu mwoyo wakachena, Mwari; vandudzai mukati mangu mweya wakarurama.” (Pisarema 51:10) Kukumbira “mwoyo wakachena” ne“mweya wakarurama” kunoratidza kuti Dhavhidhi akanga achiziva kuda kutadza kwakanga kuri maari uye kuti aida kubatsirwa naMwari mukuchenesa mwoyo wake ndokutanga patsva. Pane kuramba achizvinzwira tsitsi, akanga akatsunga kuramba achipfuurira mubasa rake kuna Mwari. Akanyengetera kuti: “Ishe, zarurai miromo yangu; ipapo muromo wangu uchaparidza kurumbidzwa kwenyu.”—Pisarema 51:15.
Jehovha akaita sei nokupfidza kwepachokwadi kwaDhavhidhi uye kutsunga kwake kuedza kumushumira? Akavimbisa Dhavhidhi zvinofadza mwoyo achiti: “Ndichakudzidzisa nokukurayira nzira yaunofanira kufamba nayo; ndichakupa njere neziso rangu, riri pamusoro pako.” (Pisarema 32:8) Apa pane chivimbiso chokutarisira kwaJehovha pachake kune zvinodiwa nezvinonzwiwa neanopfidza. Jehovha akatora matanho okupa Dhavhidhi nzwisiso yakawanda, kugona kuona zvinopfuura kutarisika kwokunze-kunze kwenhau. Kudai aizosangana nomuedzo munguva yemberi, aizogona kunzwisisa zvaizoguma nezviito zvake uye zvazvinoita pane vamwe, uye aizokwanisa kuita nokuchenjera.
Ichi chiitiko chomuupenyu hwaDhavhidhi chinoshanda sekurudziro kune vose vakaita chivi chakakomba. Nokureurura chivi chedu uye kuratidza kupfidza zvepachokwadi, tinogona kuwanazve chinhu chedu chinokosha zvikuru, ukama hwedu naJehovha Mwari. Kurwadziwa nokunyara kwatingava nako kwenguva duku kuri nani zvikuru pane kutambura kunokonzerwa nokuramba takanyarara, kana kuti migumisiro ine ngozi yokuzvibvumira kujairira kufamba munzira yokupandukira. (Pisarema 32:9) Pane kudaro, tinogona kukanganwirwa naMwari ane rudo, ane nyasha, “Baba vengoni huru kwazvo uye Mwari wokunyaradza kwose.”—2 VaKorinde 1:3.
[Mufananidzo uri papeji 31]
Dhavhidhi aitarisira kunzvenga migumisiro yechivi chake nokutumira Uria kuti anourayiwa