Dheuteronomi
17 “Haufaniri kubayira Jehovha Mwari wako mombe kana gwai rakaremara kana kuti rine chimwe chinhu chisina kumira zvakanaka, nekuti izvozvo zvinosemesa Jehovha Mwari wako.+
2 “Ngatitii pakati pako pawanikwa murume kana mukadzi, mune rimwe remaguta auri kupiwa naJehovha Mwari wako, achiita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wako, achiputsa sungano yake,+ 3 orasika, ononamata vamwe vanamwari, ovakotamira, kana kukotamira zuva kana mwedzi kana uto rese rekudenga,+ izvo zvandisina kurayira kuti zviitwe,+ 4 wozviudzwa kana kuti wonzwa nezvazvo, unofanira kubva wanyatsoferefeta nyaya yacho. Kana ukaziva kuti zvechokwadi+ zvinhu izvi zvinosemesa zvakaitika pakati paIsraeri, 5 unofanira kuenda nemurume wacho kana kuti mukadzi wacho akaita zvinhu izvi zvakaipa kumagedhi eguta, uye murume wacho kana kuti mukadzi wacho anofanira kuurayiwa achitemwa nematombo.+ 6 Munhu wacho anofanira kuurayiwa chete kana papiwa uchapupu nevanhu vaviri kana vatatu.+ Haafaniri kuurayiwa kana papiwa uchapupu nemunhu mumwe chete.+ 7 Maoko ezvapupu zvacho ndiwo anofanira kutanga kumuuraya, maoko evamwe vanhu vese ozotevera. Unofanira kubvisa zvakaipa pakati pako.+
8 “Kana mune rimwe remaguta ako mukamuka imwe nyaya yakakuomera kutonga, ingava yekudeurwa kweropa,+ kana imwewo yekukwidzana kumatare kana yekurwisana kana dzimwewo nyaya dzekukakavadzana, unofanira kusimuka woenda kunzvimbo inosarudzwa naJehovha Mwari wako.+ 9 Uende kuvapristi vedzinza raRevhi, nekumutongi+ anenge aripo mazuva iwayo, wobvunza, uye vachakupa mutongo wacho.+ 10 Unofanira kubva waita maererano nemutongo wavachakupa panzvimbo inosarudzwa naJehovha. Unyatsoita zvese zvavanokurayira. 11 Unofanira kuita maererano nemutemo wavanokuratidza uye maererano nemutongo wavanokupa.+ Usatsaukira kurudyi kana kuruboshwe, pamutongo wavachakupa.+ 12 Munhu anoita zvekuzvikudza asingateereri mupristi ari kushumira Jehovha Mwari wako kana kuti mutongi, anofanira kufa.+ Unofanira kubvisa zvakaipa pakati paIsraeri.+ 13 Vanhu vese vachabva vazvinzwa, votya, uye havazoiti zvekuzvikudza zvakare.+
14 “Kana wapinda munyika yauchapiwa naJehovha Mwari wako, uye waitora, wava kugara mairi, woti, ‘Regai ndigadze mambo kuti anditonge sezvinoita mamwe marudzi ese akandipoteredza,’+ 15 unofanira kugadza mambo anosarudzwa naJehovha Mwari wako.+ Unofanira kugadza mambo anobva pakati pehama dzako. Haubvumirwi kugadza mambo anobva kune imwe nyika asiri hama yako. 16 Asi mambo wacho haafaniri kuva nemabhiza akawanda+ kana kuita kuti vanhu vadzokere kuIjipiti kunotora mamwe mabhiza,+ sezvo Jehovha akakuudza kuti, ‘Usazombodzokerazve nenzira iyi.’ 17 Haafaniriwo kutora madzimai akawanda, kuti mwoyo wake urege kutsauka;+ uyewo haafaniri kuzviwanira sirivha negoridhe zvakawandisa.+ 18 Paanogara pachigaro chake cheumambo, anofanira kuzvinyorera Mutemo uyu mubhuku, achitora pane uya unochengetwa nevapristi vedzinza raRevhi.+
19 “Anofanira kugara ainawo, uye anofanira kuuverenga mazuva ese eupenyu hwake,+ kuti adzidze kutya Jehovha Mwari wake uye achengete mashoko ese eMutemo uyu nemirau iyi nekuitevedzera.+ 20 Izvi zvichaita kuti mwoyo wake usazozvikwidziridza kupfuura hama dzake uye asazotsaukira kurudyi kana kuruboshwe achibva pamurayiro wacho, kuti ave nenguva yakareba paumambo hwake, iye nevanakomana vake vari pakati paIsraeri.