Mugumo Woutsotsi Zvino Wava Pedyo!
VAFEYI vanotsvaka kupedza utsotsi kupfurikidza nokuongorora maidi anozivisa kuzivikanwa namadonzo zvavapari. Mitoo nounyanzvi zvomufeyi ndizvo nhau dzamanovhero akakurumbira munyika yose. Kunyange zvazvo iye pakupedzisira angabudirira mukuwana tsotsi, basa romufeyi kazhinji kazhinji rinovamba pashure pechinoitika, pashure pokunge utsotsi hwaitwa.
Sezvinogona kuonwa newedzero muutsotsi, nokuda kwetsotsi riri rose rinobatwa, kune vamwe vazhinji vanotendeukira kuutsotsi. Naizvozvo chinopfuura kungopedza chete mhaka dziya dzakatoparwa chinofanira kuitwa kupedza utsotsi. Chii chicharegedzesa vanhu kuva matsotsi?
Utsotsi hune chokuita netsika. Hatina chitambudzo mukubvuma kuti kuponda, kubata chibharo, uye zvimwe zviito zvamasimba masimba hutsotsi. Asi zvakadiniko nezvokubira pakuzadza fomu romutero? Chiito chakadaro hutsotsiwo, nokuti chinopesana nemipimo yetsika yokutendeseka. Kupedza zvizere utsotsi kureva kunofanira kuparadza zviito zvose zvinopesana netsika huru.
Rangarira mienzaniso mitatu yeBhaibheri inosimbisa kwete bedzi chisakiso choutsotsi asiwo nzira iyo huchapedzwa nayo.
Rutyo Rwoumwari Neshanje
Tapota cherechedza mashoko owezvamapisarema Asafi: “Ndakanga ndichigodora vana manyawi, pakuona kwangu kufara kwavakaipa.” (Pisarema 73:3) Hungu, shanje dzebudiriro yetsotsi nomutoo woupenyu zvinonyengera vazhinji kugamuchira nzira dzokusateerera mutemo. Kurumbidza utsotsi muterevhizheni nomumapepanhau kunohuita kuti hugamuchirike zvikuru panzvimbo pokunyandura ruvengo rwechiri chakaipa.
Kunyanguvezvo, munyori akafuridzirwa weZvirevo anopa zano, achiti: “Mwoyo wako ngaurege kugodora vatadzi; asi utye Jehovha mazuva ose.” Donzo rimene nechishuvo zvomunhu ndizvo chisakiso chechinetso. Nzira inobudirira zvikurusa yokuzvidzivisa iri kupfurikidza nokuvaka kutya kwoumwari kwokutsamwisa Jehovha Mwari. “Nokuti zvirokwazvo mubairo uripo; chawakatarira hachingaparadzwi.”—Zvirevo 23:17, 18.
Kutenda Namakaro
Muchirimo cha 33 N.V., Jesu akanga achifamba mutaundi reJeriko. Iroro rakanga riri taundi rokumusha kwaZakeo, uyo munyori weEvhangeri Ruka anorondedzera so“mukuru wavateresi,” achiwedzera kuti “waiva mupfumi.” Ruwa rwakaorera muJeriko yakanga iri nharaunda huru yokuunganidzira mutero, uye sezvinoratidzirwa namashoko aZakeo amene, mubato wake somuteresi mukuru wakamugovera mabanza ougororo. Asi Zakeo haana kuramba ari tsotsi.—Ruka 19:1-8.
Zakeo akamhanyira mberi kweboka rakaunganira Jesu uye nemhaka yomumhu wake muduku akatsvaka nzvimbo yakanaka kupfurikidza nokukwira muonde. Jesu akamucherechedza ndokuudza Zakeo kuburuka, nokuti Iye aizogara naye ari muJeriko. Gare gare, mashoko aZakeo akazivisa chimiro chakachinjwa: “Ndinopa varombo hafu yepfuma yangu, uye kana ndatorera mumwe chinhu chake nokunyengera, ndinomudzosera zvava zvina.” Kudzorera zvitsama zvakatorwa zvemari kwaizobatanidza ndyiko huru. Kupfurikidza nokuvimbisa kuita ikoku, Zakeo akazivisa kutenda kwake muna Jesu. Hungu, murangariro wake wakachinjwa wakaunza muuyo wakajeka, kudzorerwa kweizvo zvakanga zvatorwa nenzira isiri yapamutemo kubatanidza nezvimwe zvitatu zvoukoshi ihwohwo, kuchiita kudzorera zvina. Nokudaro Zakeo akaruramisa chakaipa chaakanga aita uye akatopfuura, achibvumikisa uchokwadi hwenzira yake yakachinjwa yokurarama.—2 VaKorinte 7:11.
Vanhu Vanokosha Zvikuru Kupfuura Zvinhu
Gavhuna weRoma Pirato akati nezvaJesu Kristu akapomerwa mhaka: “Handiwani mhaka kumunhu uyu.” (Ruka 23:4) Panzvimbo pokutendeukira kumufambiro woutsotsi kuti awane zvinhu, muushumiri hwake hwose hwapasi, Jesu akaratidzira fariro yorudo muvanhu. “Wakati achiona vanhu vazhinji, akavanzwira tsitsi, nokuti vakanga vaneta, varashwa, samakwai asina mufudzi. Zvino akati kuvadzidzi vake: ‘Zvirokwazvo kucheka kukuru, asi vabati vashoma. Naizvozvo kumbira kunaShe wokucheka kuti abudise vabati pakucheka kwake.’” (Mateo 9:36-38) Nenzira yakajeka, Jesu akaisa vanhu pamberi pezvinhu, kunyange pamberi penyaradzo nefariro zvake amene. Tinoona ikokuwo mukudisa kwake kuzvishandisa amene mukutarisira vadzidzi namapoka avo vakamutsvaka nokuda kwomuraidzo nebetsero. (Mateo 8:20; 14:13-16) Muna ikoku, Jesu akatisiira muenzaniso wokutevera.—1 Petro 2:21.
Kunobvirira vanhu here nhasi kutevera muenzaniso iwoyo, kurangarira vanhu biyavo sovoukoshi hukuru kupfuura zvinhu zvokunyama? Tinogona kupindura kuti hungu. Rangarira Zvapupu zvaJehovha, zvino zvinopfuura mamirioni matatu nechikamu chimwe chezvina. Izvo zvinotsvaka kuva nendangariro yaKristu nokupa iyoyo ratidzirwo inoshanda. Izvo nguva dzose zvinoshanda kubvisa mumwoyo yazvo zvishuvo zvakaipa izvo zvinotungamirira vamwe vazhinji kuutsotsi. Pamberi pokuva Zvapupu, sezvo ivo vakafunda Bhaibheri ndokukudziridza rudo nokuda kwaMwari, ikoku kwakaorora vamwe vavo vakanga vave vari matsotsi; kwakasunda chiverengero chakati chavo kudzorera nokuda kwezviito zvoutsotsi zvavakaita kare. Aiwa, vakadaro havana kuita ikoku nokuda kweziviso asi kuti vave noukama hune rugare naJehovha Mwari nokudaro ndokubetserwa nomutsa wake wakakomba unoratidzirwa kupfurikidza nechibairo chorudzikinuro chaJesu Kristu.—1 VaKorinte 2:16; 6:11; 2 VaKorinte 5:18-20.
Norudo rwavavakidzani vavo, maKristu akadaro anotora nguva yokushanyira vamwe vanhu nokutsanangura kuti mhuri dzakadaro dzinogona sei kutarira mberi kuupenyu mumigariro yeParadhiso muUmambo hwaMwari. Vhiki rimwe nerimwe Zvapupu zvaJehovha zvinoita misangano yenguva dzose paHoro dzazvo dzoUmambo. Imwe mbavha inobvuma yoga yakagamuchira kokero yokupinda kuti ione zvakaita misangano. Iye anorondedzera, kuti: “Pasina kukatutsira, ndakashamiswa zvikuru. Kwakanga kusiri kusingafadzi kana kuti kunofinha sezvandakanga ndakarira. Ushamwari norudo, zvaiva pachena kwazvo, zvaiva zvechokwadi sezvinooneka. Uye kuonga uko Zvapupu zvose zvakaratidzika kuva zvinako nokuda kwezvinhu zvomudzimu kwakanga kwakatanhamara.” Iye akaororwa kwazvo zvokuti akapfuuridzira songanirano yake, uye ikoku kwakamubetsera kuchinja. Kana iwe wakabatanidzwa muutsotsi kana kuti kwete, apo unosonganirana navabatiri vaMwari, iwewo uchawana fariro yechokwadi imwe cheteyo muvanhu panzvimbo pomuzvinhu.—Mateo 22:39.
Utsotsi—Hwakatopedzwa Here?
Kana vanhu vasati vachaita samatsotsi, ikoku kunoreva here kuti ivo vakakwana? Haisva! Zvapupu zvaJehovha, kufanana nomunhu ari wose zvake, zvinotambura chivi chakagarwa nhaka kumubereki wedu wokutanga wohunhu, Adhama. (VaRoma 5:12; 1 Johane 1:8) Asi izvo zvino zvakabatanidzwa mukubatira Mwari, sezvinoratidzirwa mubasa razvo renyika yose rokuparidzira nokudzidzisa. Ikoku kunopa umbowo hwakasimba kuzadziko youporofita hwaIsaya: “Kunofanira kuitika murutivi rwokupedzisira rwamazuva kuti gomo reimba yaJehovha richasimbiswa zvakatsiga pamusoro pamakomo, . . . ipapo marudzi anofanira kudirana kwariri.” (Isaya 2:2, NW) Zvamazvirokwazvo, mamirioni ari kudirana kukunamatwa kwakasimudzirwa kwaJehovha, vachitsvaka muraidzo munzira dzake. Iwe unogona kuva mumwe waavo vanobetserwa nokusonganirana navanhu vanodzivisa utsotsi.
Kupedzwa Kwoutsotsi—Kariro Dzacho
Mubato woutsotsi wakawedzerwa wezuva redu zvamazvirokwazvo unoratidzira kuva pedyo kwokupindira kwoumwari kuti abvise vakaipa vose, kubatanidza vapari vose voutsotsi. “Vanoita zvakaipa vachagurwa; . . . Kwasara chinguva chiduku; wakaipa haachazovipo; zvirokwazvo, iwe uchacherekedza zvakanaka paaigara, asi haachazovipo.” (Pisarema 37:9, 10) Mugumo woutsotsi zvino wava pedyo zvamazvirokwazvo, nokuti tiri kuswedera pedyo nenguva apo tsotsi rapakuvamba, Satani Dhiabhorosi, richasungwa ndokuiswa mugomba rakadzika-dzika. (Zvakazarurwa 20:1-3) Kunofanira kuva kunofadza sei kuziva kuti kutyiwa kwoutsotsi namarwadzo anotamburwa navanyajambwa vahwo zvichakurumidza kuva zvinhu zvomunguva yakapfuura!
Bva, zvakadiniko namamirioni avanhu ayo murumuko achadzokera kuupenyu pasi pano? (Mabasa 24:15) Kana ivo vakapfuurira nohunhu humwe chetehwo nenzira zvavaiva nazvo pamberi porufu rwavo, havasati here vachizotanga fungu idzva routsotsi? Hakuna kudikanwa kwokutya izvozvo. Jesu akavimbisa mbavha rumuko, achiti: “Zvirokwazvo ndinokuudza nhasi, Iwe uchava neni muParadhiso.” (Ruka 23:43, NW) Ikoku zvirokwazvo kunoratidzira kuti vanomutswa vachafanira kuita chinjo; kukasadaro nyika itsva haisati yaizova paradhiso.
Sezvo kunyange matsotsi akaoma achida chinjo asati akwanisa kugadzikana munzanga pasina kuparira zvinetso, naizvozvo muUmambo hwaMwari, gadziriro huru yedzidzo ichabetsera vadzorwi kuva vanochengeta mutemo. (Zvakazarurwa 20:12, 13) Nebetsero iri pachena yokupoteredzwa navagari veParadhiso, avo vari kuteerera mitemo yaMwari, vanomutswa vachawana migariro yezvinhu inodzorwa nenzira yakafanira. (Isaya 65:21-23) Kuchava navatongi vakarurama munzvimbo, uye vaiti vezvakaipa vapi navapi vanopfuurira vachabviswa muupenyu. (Isaya 32:1; 65:20) Naizvozvo pane chikonzero chikuru chokuvimba kuti, pakupedzisira, utsotsi huchaguma.
Kunyange zvazvo tichiri kurarama pakati penyika inoratidzirwa noutsotsi, unogona kuratidzira nenzira ine chivimbo ruvimbo muna Jehovha, uyo anopikira kutusa vabatiri vake vakatendeka noupenyu hwakakwana muParadhiso. Ita saizvozvo zvino kupfurikidza nokushandisa gadziriro yefundo yeBhaibheri yapamusha yapachena inopiwa neZvapupu zvaJehovha. (Johane 17:3) Nguva inotevera yaunosangana nazvo, huregerereiko kubvunza humwe udzame? Kana kuti unogona kunyorera kero iri pedyosa newe sezvakarongwa papeji 2 yamagazini ino. Zvamazvirokwazvo kwakafanira kushandisa nhamburiko, nokuti mugumo woutsotsi zvino wava pedyo!
[Mufananidzo uri papeji 5]
Kutenda kwaZakeo kwakamusunda kudzorera izvo akanga atora
[Mufananidzo uri papeji 7]
Gadziriro yedzidzo ichadzidzisa vadzorwi voUmambo hwaMwari kuva vanochengeta mitemo