Jehovha, Muiti Wezvinhu Zvinoshamisa
“Nokuti imi muri mukuru, munoita zvinhu zvinoshamisa; ndimi Mwari woga.”—PISAREMA 86:10.
1, 2. (a) Zvinoitwa nomunhu zvakatapura sei nyika? (b) Ndokupi kwatingawana tariro yezvinhu zviri nani?
MUNHU wazvino uno angaganza kuti zviitwa zvake zvinoshamisa—zvinhu zvamagetsi, kutumira mashoko nomumhepo, vhidhiyo, motokari, kufamba nejeti, uye zivo yokugadzira zvinhu yakashongedzerwa namakomupiyuta. Izvozvi zvakachinja nyika kuva nharaunda imwe. Asi inharaunda yakadini! Panzvimbo porugare, rubudiriro, uye zvakawanda nokuda kwavose, rudzi rwomunhu rwunotambudzwa nehondo dzinouraya, utsotsi, ugandanga, shatiso, hosha, uye urombo. Uye zvombo zvenyukireya zvakapararira munyika, kunyange zvazvo zvakaderedzwa muchiverengero, zvingagona kungoparadza dzinza romunhu. Vaurayi, vagadziri vezvombo, vanopfuurira kushandisa bhizimisi gurusa pasi pano. Vapfumi vanova vanopfuma zvikuru, uye varombo vanova varombo zvikuru. Munhu upi noupi anogona kuwana nzira yokubuda nayo here?
2 Hungu! Nokuti pane Mumwe munhu anovimbisa rununuro, “mukuru kuvakuru vose,” Jehovha Mwari. (Muparidzi 5:8) Akafuridzira kunyorwa kwamapisarema, ayo anogovera nyaradzo huru uye zano rokuchenjera renguva dzenhamo. Pakati pawo pane Pisarema 86, rine mashoko akapfava anorondedzera: “Munyengetero waDhavhidhi.” Iwo munyengetero waunogona kuita wako umene.
Akatambudzwa asi Akavimbika
3. Munguva dzino, muenzanisoi unokurudzira uyo Dhavhidhi anotigovera?
3 Dhavhidhi akanyora iri pisarema paakanga achitambudzika. Isu nhasi, tiri kurarama mu“mazuva okupedzisira” etsika yaSatani, idzi “nguva dzinotambudza dzakaoma kubata nadzo,” tinotarisana nemiedzo yakafanana. (2 Timotio 3:1, NW; onawo Mateo 24:9-13.) Kufanana nesu, Dhavhidhi akatambura funganyo uye kupera mwoyo nemhaka yezvinetso zvaiva paari. Asi haana kutongobvumidza miedzo iyoyo kunetesa chivimbo chake chokuvimbika muMusiki wake. Akadanidzira, kuti: “Rerekai nzeve dzenyu, [Haiwa Jehovha, NW], ndipindurei; nokuti ndiri murombo nomushaiwi. Chengetai mweya wangu; nokuti ndiri mudikanwa wenyu; Haiwa Mwari wangu, ponesai muranda wenyu unovimba nemi.”—Pisarema 86:1, 2.
4. Tinofanira kuratidza sei chivimbo chedu?
4 Tinogona kuva nechivimbo, sezvaiita Dhavhidhi, chokuti “Mwari wokunyaradza kwose,” Jehovha, achatendeudzira nzeve yake kupasi rino ndokuteerera minyengetero yedu yokuzvininipisa. (2 VaKorinte 1:3, 4) Tichivimba naMwari wedu chose chose, tinogona kutevera pangiro yaDhavhidhi, yokuti: “Kandira mutoro wako pamusoro paJehovha, iye uchakusimbisa; haangatongotenderi wakarurama kuti azununguswe.”—Pisarema 55:22.
Kuva Pedyo naJehovha
5. (a) Dzimwe shanduro dzokungwarira dzakachinja sei mhosho dzavanyori vechiJudha? (b) Munzirai umo mapisarema rechi 85 nerechi 86 anokudza Jehovha? (Ona mashoko omuzasi, NW.)
5 MuPisarema rechi 86 (NW), Dhavhidhi anoshandisa kutaura kwokuti “Haiwa Jehovha” ka 11. Ndowapachokwadi sei munyengetero waDhavhidhi uye kuri pedyo sei kuva kwake pedyo naJehovha! Gare gare, kushandiswa kwakadaro kwokuva pedyo kwezita raMwari kwakava kusingafadzi kuvanyori vechiJudha, zvikurukuru vaSoferimi. Vakachengeta kutya kwokutenda mashura kwokushandisa zita racho. Vachifuratira idi rokuti munhu akanga asikwa mumufananidzo waMwari, vakaramba kuti mavara ayo vanhu vanoratidzirawo anoparirwa naMwari. Naizvozvo mu 7 mokuoneka 11 kwezita roumwari murugwaro rechiHebheru rweiri pisarema rimwe, vakatsiva zita rokuti YHWH (Jehovha) nezita rokuremekedza rokuti ʼAdho-naiʹ (Ishe). Tinogona kuonga kuti New World Translation of the Holy Scriptures, pamwe chete nechiverengero chakati chedzimwe shanduro dzokungwarira, dzakadzorera zita roumwari kunzvimbo yaro yakakodzera muShoko raMwari. Somuuyo, ukama hwedu naJehovha hunosimbiswa sezvahunofanira.a
6. Munzirai matinogona kuratidza kuti zita raJehovha rinokosha kwatiri?
6 Munyengetero waDhavhidhi unopfuurira: “Ndiratidzei nyasha, Haiwa Jehovha, nokuti ndinoramba ndichidana kwamuri zuva rose. Itai kuti mweya womuranda wenyu ufare, nokuti kwamuri, Haiwa Jehovha, ndinosimudzira mweya wangu umene.” (Pisarema 86:3, 4, NW) Cherekedza kuti Dhavhidhi akaramba achidana pana Jehovha “zuva rose.” Zvamazvirokwazvo, aiwanzonyengetera usiku hwose, sapaaiva mutizi ari murenje. (Pisarema 63:6, 7) Nenzira yakafanana nhasi, zvimwe Zvapupu apo zvinotyisidzirwa nokubatwa chibharo kana kuti imwe denho youtsotsi zvakadanidzira nenzwi guru kuna Jehovha. Padzimwe nguva zvakashamiswa nomuuyo unofadza.b Zita raJehovha rinokosha kwatiri, kunyange sezvarakanga rakaita kuna “Jesu Kristu, mwanakomana waDhavhidhi” apo aiva pasi pano. Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kunyengeterera kutsveneswa kwezita raJehovha uye akazivisa kwavari chinomirira zita racho.—Mateo 1:1; 6:9; Johane 17:6, 25, 26.
7. Mienzanisoi yatinayo yokusimudza kwaJehovha mweya umene wavabatiri vake, uye tinofanira kuita sei?
7 Dhavhidhi akasimudzira mweya wake, iye wose, kuna Jehovha. Anotikurudzira kuita zvakafanana, achiti paPisarema 37:5: “Isa nzira yako kuna Jehovha; vimbawo naye, iye uchazviita.” Nokudaro mukumbiro wedu kuna Jehovha wokuti aite kuti mweya wedu ufare hausati uchizorega kupindurwa. Vabatiri vazhinji vanochengeta perero vaJehovha vanopfuurira kuwana mufaro mukuru mubasa rake—pasinei zvapo nenhamo, zvitambudzo, uye zvirwere. Hama dzedu munharaunda dzasakadzwa nehondo muAfrica, dzakadai seAngola, Liberia, Mozambique, uye Zaire, dzakapfuurira kuisa basa raJehovha pakutanga muupenyu hwadzo.c Akadziparira kufarira zvirokwazvo mukohwe mukuru womudzimu. Sezvadzakatsungirira, ndizvo tinofanira kuitawo. (VaRoma 5:3-5) Uye sezvatinotsungirira, tinovimbiswa, kuti: “Nokuti zvakaratidzwa izvi ndezvenguva yakatarwa, zvovavarira kuguma . . . Hazvingatori nguva huru.” (Habhakuki 2:3) Noruvimbo uye chivimbo chakazara muna Jehovha, ngatirambeiwo tichi“vavarira [ku]kuguma.”
Runako rwaJehovha
8. Kuva pedyo kwakadini kwatingava nako naJehovha, uye akaratidzira sei runako rwake?
8 Dhavhidhi anoita mumwe mukumbiro wakasimba: “Nokuti imi, [Haiwa Jehovha, NW] makanaka, munofarira kukanganwira, mune ngoni zhinji kuna vose vanodana kwamuri. Rerekerai nzeve yenyu, [Haiwa Jehovha, NW] kumunyengetero wangu; teererai inzwi rokukumbira kwangu. Pazuva rokutambudzika kwangu ndichadana kwamuri, nokuti muchandipindura.” (Pisarema 86:5-7) “[Haiwa Jehovha, NW]”—kakawanda tinofarira kuva pedyo kwouku kutaura! Iko kuva pedyo kungasakurirwa nguva dzose kupfurikidza nomunyengetero. Dhavhidhi akanyengetera pane imwe nguva, kuti: “Regai kurangarira zvivi zvouduku hwangu, nokudarika kwangu; mundirangarire nounyoro hwenyu, nokuda kwokunaka kwenyu, [Haiwa Jehovha, NW].” (Pisarema 25:7) Jehovha runako rumene runotaurwa somunhu—mukugovera rudzikinuro rwaJesu, mukuratidza ngoni kuvatadzi vanopfidza, uye mukugovera mutsa worudo paZvapupu zvake zvakavimbika uye zvinoonga.—Pisarema 100:3-5; Maraki 3:10.
9. Ivimbisoi iyo vatadzi vanopfidza vanofanira kurangarira zvakakomba?
9 Tinofanira here kuzvidya mwoyo pamusoro pezvikanganiso zvomunguva yakapfuura? Kana zvino tiri kururamisa nzira dzetsoka dzedu, tinokurudzirwa apo tinoyeuka vimbiso yomuapostora Petro kuvanopfidza yokuti “nguva dzokusimbiswa” dzichabva kuna Jehovha. (Mabasa 3:19) Ngatirambe tiri pedyo naJehovha mumunyengetero kupfurikidza noMudzikinuri wedu, Jesu, uyo akati nenzira yorudo: “Uyai kwandiri, imi mose makaneta, makaremerwa, ini ndichakuzorodzai. Muise joko rangu pamusoro penyu, mudzidze kwandiri; nokuti ndiri munyoro, ndino mwoyo unozvininipisa, kuti muwane zororo pamweya yenyu.” Sezvo Zvapupu zvakavimbika zvinonyengetera kuna Jehovha nhasi muzita rinokosha raJesu, zvamazvirokwazvo zvinowana zorodzo.—Mateo 11:28, 29; Johane 15:16.
10. Hutanhamarii uhwo bhuku raMapisarema rinopa kungoni dzaJehovha?
10 Bhuku raMapisarema rinonongedzera ku“ngoni” dzaJehovha kanopfuura kane zana. Ngoni dzakadaro zvirokwazvo dzakawanda! Mundima dzaro ina dzokutanga, Pisarema rechi Pis 118 rinokumbira vabatiri vaMwari kuonga Jehovha, richidzokorora kana kuti “ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.” Pisarema rechi Pis 136 rinosimbisa vara rinoita kuti adiwe re“ngoni dzake” ka 26. Munzira ipi kana ipi yatinokanganisa—uye sezvinotaura Jakobho 3:2, “tinogumburwa tose pazvinhu zvizhinji”—ngativei vakagadzirira kutsvaka kanganwiro yaJehovha, tine chivimbo chetsitsi nengoni zvake. Ngoni dzake iratidzirwo yorudo rwake rwokuvimbika kwatiri. Kana tikapfuurira nokuvimbika kuita kuda kwaMwari, acharatidza rudo rwake rwokuvimbika mukutisimbisa kugonana nomuedzo uri wose.—1 VaKorinte 10:13.
11. Chiito chinoitwa navakuru chingabetsera sei kubvisa kunzwa kwokuva nemhaka?
11 Pangava nenguva patinogumburwa navamwe. Kubatwa zvisina kufanira mundangariro kana kuti mumuviri mukati moupwere kwakasiya vamwe vane kunzwa kwokuva nemhaka kana kuti kwokusatongova nebetsero. Nyajambwa akadaro angadana kuna Jehovha, ane chivimbo chokuti achapindura. (Pisarema 55:16, 17) Mukuru ane mutsa angava nefariro mukubetsera akadaro kugamuchira idi rokuti yakanga isiri mhaka yanyajambwa. Pashure paikoko, runhare rwoushamwari rwapanguva nenguva runoridzwa nomukuru runogona kubetsera iyeyo kusvikira iye pakupedzisira ava kukwanisa ‘kutakura mutwaro.’—VaGaratia 6:2, 5.
12. Nhamo dzakawedzera sei, asi tingagonana sei nadzo nenzira inobudirira?
12 Pane mimwe migariro yakawanda inonetsa iyo vanhu vaJehovha vanofanira kurwisana nayo nhasi. Kutanga neHondo yeNyika I muna 1914, ngwavaira huru dzakavamba kutambudza pasi rino. Sezvakadeya kutaurwa naJesu, dzaiva “kutanga kwamarwadzo.” Nhamo dzakawedzera sezvatafambira mberi tichipinda zvikuru mu“mhedziso yetsika yezvinhu.” (Mateo 24:3, 8 NW) “Nguva duku” yaDhiabhorosi iri kuenda kumugumo wayo wokupedzisira. (Zvakazarurwa 12:12) “Seshumba inorira” ichitsvaka nyajambwa, Muvengi mukuru iyeyo ari kushandisa manomano ari ose anowanika kutiparadzanisa neboka raMwari ndokutiparadza. (1 Petro 5:8) Asi haasati achizobudirira! Nokuti, kufanana naDhavhidhi, tinoisa chivimbo chedu zvakakwana muna Mwari wedu mumwe, Jehovha.
13. Vabereki navana vavo vangazviyamura sei vamene norunako rwaJehovha?
13 Pasina panikiro, Dhavhidhi akaroverera mumwoyo womwanakomana wake Soromoni dikanwo yokutsamira parunako rwaJehovha. Nokudaro, Soromoni aigona kurairidza mwanakomana wake amene, kuti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kusendama panjere dzako. Umutende panzira dzako dzose, agoruramisa makwara ako ose. Usazviti wakachenjera; itya Jehovha, ubve pane zvakaipa.” (Zvirevo 3:5-7) Nenzira yakafanana vabereki nhasi vanofanira kudzidzisa vaduku vavo nzira yokunyengetera nayo nechivimbo kuna Jehovha uye nzira yokugonana nayo nedenho dzenyika isina tsitsi—zvakadai sedzvinyiriro yavaenzani kuchikoro uye miedzo yokuita utere. Kushandisa zvokwadi navana vako zuva rimwe nerimwe kunogona kuroverera pamwoyo yavo miduku rudo chairwoirwo nokuda kwaJehovha uye rutsamiro rwokunyengetera paari.—Dheuteronomio 6:4-9; 11:18, 19.
Mabasa Asingaenzaniswi aJehovha
14, 15. Ndeapi ari mamwe amabasa aJehovha asingaenzaniswi?
14 Nokupwiswa kukuru Dhavhidhi anoti: “Hapana wakafanana nemi pakati pavamwari, Haiwa Jehovha, uyewo hakuna mabasa api naapi akafanana neenyu.” (Pisarema 86:8, NW) Mabasa aJehovha makuru zvikuru, akanaka zvikuru, akaisvonaka zvikuru, kupfuura zvingagona kumbofungidzirwa nomunhu upi noupi. Sezvinooneswa zvishomanene nesaenzi yazvino uno, chisiko chakasikwa—ukuru hwacho, tsinhirano yacho, kuisvonaka kwacho—chakabvumikisa kuva chikuru zvikuru kupfuura chinhu chipi nechipi icho Dhavhidhi akanzwisisa. Bva, kunyange iye akasundwa kuti: “Kudenga denga kunoparidzira kubwinya kwaMwari; uye denga rinoratidza basa ramaoko ake.”—Pisarema 19:1.
15 Mabasa aJehovha anoratidzirwawo nenzira inoshamisa munzira yaakaisa uye kugadzira nayo pasi, achigovera masikati nousiku, mwaka, nguva yokudyara mbeu nokukohwa, uye zvinofadza zvakawanda nokuda kwokufarikanya kwomunguva yemberi kwomunhu. Uye isu timene takaitwa nomutoo unoshamisa sei ndokushongedzerwa, zvokuti tinokwanisa kufarikanya mabasa aJehovha akatipoteredza!—Genesi 2:7-9; 8:22; Pisarema 139:14.
16. Ndeipi iri ratidzirwo hurusa yorunako rwaJehovha, ichitungamirira kumabasaizve asingaenzaniswi?
16 Pashure pokunge vabereki vedu vokutanga varega kuteerera Mwari, vachitanga nhamo dzinotambudza pasi kusvikira kuzuva rino, Jehovha nokuda kworudo rwake akaita basa rinoshamisa mukutumira Mwanakomana wake kupasi kuzozivisa Umambo hwaMwari nokufa sorudzikinuro nokuda kworudzi rwomunhu. Uye nenji ramanenji! Jehovha ipapo akamutsa Kristu kuti ave Mambo biyake akasarudzwa. (Mateo 20:28; Mabasa 2:32, 34) Muvanhu vakavimbika Mwari akasarudzawo “chisikwa chitsva” icho chichatonga naKristu “sedenga idzva” rakanaka pamusoro pechaunga che“pasi idzva” icho chichabatanidza mabhirioni avanhu vanomutswa. (2 VaKorinte 5:17; Zvakazarurwa 21:1, 5-7; 1 VaKorinte 15:22-26) Mabasa aJehovha nokudaro achapfuurira kusvika kumugumo une mbiri! Zvirokwazvo, tinogona kuti: “[Haiwa Jehovha, NW] . . . zvakanaka zvenyu zvamakachengetera vanokutyai zvakakura sei!”—Pisarema 31:17-19.
17. Kana toreva nezvamabasa aJehovha, Pisarema 86:9 riri kuzadzikwa sei zvino?
17 Mabasa aJehovha omuzuva razvino anobatanidza izvo Dhavhidhi anorondedzera paPisarema 86:9: “Ndudzi dzose dzamakaita dzichauya kuzonamata pamberi penyu, [Haiwa Jehovha, NW] dzicharumbidza zita renyu.” Pashure pokudana kubva pakati porudzi rwomunhu vakasara vechisikwa chake chitsva, “boka duku” ravadyi venhaka voUmambo, Jehovha akapfuurira kuunganidza kubva pakati pa“marudzi ose” “boka guru” ra“mamwe makwai,” mamirioni anoshandisawo kutenda muropa rakadeurwa raJesu. Ivava akavaumba kuva sangano rine simba, chaunga bedzi chenyika yose chavadi vorugare pasi pano nhasi. Achicherekedza ikoku, mapoka okudenga anozvizvambaradza amene pamberi paJehovha, achizivisa, kuti: “Kurumbidzwa nokubwinya nokuchenjera nokuonga nokukudzwa noushe nesimba ngazvive kuna Mwari nokusingaperi-peri.” Boka guru rinorumbidzawo zita raJehovha, richimubatira “masikati nousiku,” rine tariro yokupukunyuka mugumo wenyika ino uye kurarama nokusingaperi muparadhiso yapasi.—Ruka 12:32; Zvakazarurwa 7:9-17, NW; Johane 10:16.
Ukuru hwaJehovha
18. Jehovha akaratidzira sei kuti ndiye ‘Mwari oga’?
18 Dhavhidhi anotevera kudanira ngwariro kukuva Mwari kwaJehovha, achiti: “Nokuti imi muri mukuru, munoita zvinhu zvinoshamisa; ndimi Mwari woga.” (Pisarema 86:10) Kubva kare, Jehovha ave achiratidzira kuti iye ndiye, zvamazvirokwazvo, ‘Mwari oga.’ Aiva Farao ane utsinye weEgipita akadenha Mosesi nenzira yokuzvidza, kuti: “Jehovha ndiye aniko, kuti nditeerere inzwi rake, kuti nditendere vaIsraeri kuenda? Handimuzivi iye Jehovha.” Asi akakurumidza kuziva kuti Jehovha mukuru sei! Mwari Wamasimba ose akanyadzisa vamwari veEgipita uye vaprista vanoshandisa mashiripiti kupfurikidza nokutumira matambudziko ane ngwavaira, achiuraya vanakomana matangwe veEgipita, uye achiparadzanya Farao neuto rake rakaisvonaka muGungwa Dzvuku. Zvirokwazvo, hakuna akafanana naJehovha pakati pavamwari!—Eksodho 5:2; 15:11, 12.
19, 20. (a) Ndirini apo rwiyo rwaZvakazarurwa 15:3, 4 rwuchava neratidzirwo yarwo hurusa? (b) Kunyange zvino tingagoverana sei mubasa raJehovha?
19 SaMwari oga, Jehovha akapfuurira kuita zvinhu zvinoshamisa mukugadzirira kununura vanamati vake vanoteerera muEgipita yazvino uno—nyika yaSatani. Akaita kuti marutongeso ake oumwari aziviswe mupasi rose souchapupu kupfurikidza nenhimbe yokuparidzira huru zvikurusa munhau yose, nokudaro vachizadzika uporofita hwaJesu huri pana Mateo 24:14. Nokukurumidza, “kuguma” kunofanira kusvika, apo Jehovha acharatidzira ukuru hwake pamwero usingaenzaniswi kupfurikidza nokubvisa uipi hwose pasi pano. (Pisarema 145:20) Ipapo rwiyo rwaMosesi uye rwiyo rweGwaiana ruchasvika pakunzwika zvikuru, “Jehovha Mwari, Wamasimba ose, mabasa enyu makuru uye anoshamisa. Nzira dzenyu dzakarurama uye ndedzechokwadi, Mambo asingagumi. Ndianiko asati achizokutyai chaizvoizvo, Jehovha, uye kukudza zita renyu, nemhaka yokuti imi moga makavimbika?”—Zvakazarurwa 15:3, 4, NW.
20 Kana tirisu ngativei vanoshingaira mukutaura kuvamwe pamusoro paaya madonzo akaisvonaka aMwari. (Enzanisa naMabasa 2:11.) Jehovha achapfuurira kuita zvinhu zvikuru nezvinoshamisa muzuva redu ndokupfuurira kupinda munguva yemberi, sezvicharondedzera nyaya yedu inotevera.
[Mashoko Omuzasi]
a Tsinhiro yeBhaibheri ya 1874 inonokora mashoko aAndrew A. Bonar saanoti: “Paiva nezvakawanda, zvakawanda zvikuru, zvohunhu hwaMwari hwechienzi, zita rake rine mbiri, zvakawadzanyurwa mukupera kwePisarema [rechi Pis 85]. Ikoku kungatsanangura nokuteverwa kwaro nerimwe, ‘Munyengetero waDhavhidhi,’ wakadokuzara zvakaenzana nohunhu hwaJehovha. Chinhu chikuru cheiri Pisarema [rechi Pis 86] izita raJehovha.”
b Ona peji 28 yechinyorwa chaMukai! muchiNgezi, yaJune 22, 1984, akaburitswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
c Nokuda kwoudzame, ona chati yo“Mushumo weGore reBasa wa 1992 weZvapupu zvaJehovha weNyika Yose,” ichaoneka muchinyorwa chaJanuary 1, 1993, cheNharireyomurindi.
Unoyeuka Here?
◻ Neiko tichifanira kuita munyengetero wePisarema 86 wedu timene?
◻ Tingawana sei kuva pedyo naJehovha?
◻ Jehovha anoratidzira sei runako rwake kwatiri?
◻ Ndeapi ari mamwe amabasa aJehovha asingaenzaniswi?
◻ Jehovha ndiye ‘Mwari oga’ sei kana toreva nezvoukuru?
[Mufananidzo uri papeji 10]
Mu“pasi idzva” rinouya, mabasa anoshamisa aJehovha achapfuurira kupupurira mbiri yake norunako