Kuberekwa kwaJesu—Maunziro Akunoita Rugare
KUZIVISWA kwo“rugare . . . pavanhu vaanotendera” handihwo hwoga uprofita hwaiva nechokuita nokuberekwa kwaJesu. Kuwedzera pane zvakaziviswa nengirozi kuvafudzi vakanga vashamiswa, vafuridzirwa naMwari, vatumwa vokudenga vakanga vazivisa Mariya nomurume wake Josefa nezvomucheche akanga achangoberekwa Jesu. Kufungisisa mashoko aya kuchaita kuti tinyatsonzwisisa kuberekwa kwaJesu uye zvinonyatsoreva vimbiso yengirozi yorugare pavanhu.
Jesu asati aberekwa uye Mariya asati atombova nepamuviri, akashanyirwa nengirozi inonzi neBhaibheri Gabrieri. Ngirozi yacho yakamukwazisa ichiti, “Kwaziwa, iwe akanzwirwa nyasha kwazvo, Jehovha anewe.” Sezvaungafungidzira, Mariya akavhiringidzika zvikuru neizvi uye zvichida akatotya. Kukwazisa kwakadaro kwaigona kurevei?
Gabrieri akatsanangura achiti: “Tarira! uchabata pamuviri, wobereka mwanakomana, uye unofanira kumutumidza kuti Jesu. Uyu achava mukuru uye achanzi Mwanakomana woWokumusorosoro; uye Jehovha Mwari achamupa chigaro choumambo chababa vake Dhavhidhi, iye achava mambo paimba yaJakobho nokusingaperi, uye hapazovi nomugumo woumambo hwake.” Mariya akabvunza kuti izvi zvaizoitika sei, sezvo iye, mhandara, akanga asiri kurara nomurume. Gabrieri akapindura kuti mwana wacho aizonambwa pachishandiswa mudzimu mutsvene waMwari. Uyu aisazova mwanawo zvake.—Ruka 1:28-35.
Mambo Akafanotaurwa
Mashoko aGabrieri anofanira kuve akabatsira Mariya kunzwisisa kuti mwanakomana waaizobereka ndiye aitaurwa nezvake muuprofita hwekare. Kuzivisa kuti Jehovha aizopa mwanakomana waMariya “chigaro choumambo chababa vake Dhavhidhi” kwaizoita kuti Mariya—uye zvechokwadi muJudha wose aiziva Magwaro—afunge nezvechipikirwa chakanga chaitwa naMwari kuna Mambo Dhavhidhi weIsraeri.
Achishandisa muprofita Natani, Jehovha akanga audza Dhavhidhi kuti: “Imba yako noumambo hwako zvichava zvakasimba nokusingagumi pamberi pako; chigaro chako choumambo chichava chakasimba kwazvo nokusingagumi.” (2 Samueri 7:4, 16) NezvaDhavhidhi, Jehovha akati: “Ndichagadza mwana wake nokusingaperi uye chigaro chake choumambo semazuva okudenga. Mwana wake achagara nokusingagumi, uye chigaro chake choumambo chichaita sezuva pamberi pangu.” (Pisarema 89:20, 29, 35, 36) Saka, yakanga isiri tsaona kuti Mariya naJosefa vakabva kuimba yaDhavhidhi.
Uhwu hwakanga husiri ihwo chete uprofita hwomuMagwaro echiHebheru hwaitaura nezvomwanakomana woumambo waDhavhidhi. Mariya angadarowo aiziva uprofita hwaIsaya hunoti: “Takaberekerwa mwana, takapiwa mwanakomana; uye kutonga kwomuchinda kuchava papfudzi rake. Achanzi Mupi weZano Anoshamisa, Mwari Ane Simba, Baba Vasingagumi, Muchinda woRugare. Kukura kwokutonga kwomuchinda wacho norugare hazvizogumi, pachigaro choumambo chaDhavhidhi nepaumambo hwake kuti ahusimbise kwazvo uye kuti ahutsigire nokururamisira uye nokururama, kubvira zvino kusvikira nokusingagumi. Kushingaira kwaJehovha wemauto kuchazviita.”—Isaya 9:6, 7.
Saka zvakaziviswa Mariya naGabrieri zvaipfuura nokure kungoberekwawo zvako kunoshamisa kwomwana mukomana. Mwanakomana wake aizova mugari wenhaka youmambo hwaMambo Dhavhidhi—mugari wenhaka wechigarire, asingagumi woUmambo hwaMwari hwakagadzwa. Uprofita hwaGabrieri hune chokuita nebasa raJesu romunguva yemberi hune zvahunoreva zvikuru kwatiri tose.
Josefa paakaziva kuti mudzimai wake weramangwana akanga aine pamuviri, akasarudza kuti varambane. Aiziva kuti mwana wacho akanga asiri wake nokuti iye nomusikana wake vakanga vasina kumborara vose. Unogona kufungidzira kuoma kwazvaifanira kunge zvakaita kuti Josefa abvume zvaitsanangura Mariya nezvepamuviri pake. Nhoroondo yacho yeEvhangeri inoti: “Ngirozi yaJehovha yakazviratidza kwaari achirota, ichiti: ‘Josefa, mwanakomana waDhavhidhi, usatya kuenda nomudzimai wako Mariya kumba, nokuti icho chakaumbwa maari chakaitwa nomudzimu mutsvene. Iye achabereka mwanakomana, uye iwe unofanira kumutumidza kuti Jesu, nokuti achaponesa vanhu vake pazvivi zvavo.’”—Mateu 1:20, 21.
Kuti Josefa akanzwisisa zvakadini kuti mwana wacho aizo“ponesa vanhu vake pazvivi zvavo” sei, Bhaibheri haritauri. Kunyange zvakadaro, mashoko aya akanga akakwana kuita kuti Josefa ave nechokwadi chokuti amai ava vaiva nepamuviri vakanga vasina kana chakaipa chavakanga vamboita. Akaita sezvakarayirwa nengirozi ndokuenda naMariya kumba, chiito chaienderana nomuchato.
Tichibatsirwa nemashoko anowanikwa mune dzimwewo ndima dzeMagwaro, tinogona kunzwisisa zvairehwa nengirozi. Kare munhoroondo yevanhu, ngirozi yakapanduka yakapikisa kuva changamire kwaJehovha. Magwaro echiHebheru anoratidza kuti mupanduki uyu, pakati pezvimwe zvinhu zvaakataura, akatiwo nzira yaMwari yokutonga yakanga isina kururama uye kuti hapana munhu aizokwanisa kuramba akavimbika kuna Jehovha kana akaedzwa. (Genesisi 3:2-5; Jobho 1:6-12) Adhamu ndiye mumwe asina kuramba akavimbika. Somugumisiro wechivi chake, vanhu vose vanoberekwa vaine chivi, uye mugumisiro wechivi ichocho rufu. (VaRoma 5:12; 6:23) Zvisinei, Jesu akaberekwa asina chivi nokuti akanambwa pasina baba vaiva munhu. Nokuzvidira kupa upenyu hwake hwakakwana sorudzikinuro runoenderana chaizvoizvo nezvakaraswa naAdhamu, Jesu aikwanisa kuponesa vanhu pazvivi zvavo uye kuvapa tariro youpenyu husingaperi.—1 Timoti 2:3-6; Tito 3:6, 7; 1 Johani 2:25.
Paaiita ushumiri hwake pasi pano, Jesu akaita kuti vanhu vafanoona zvinorehwa nokubviswa kwechivi. Akaporesa vanhu zvirwere zvose uye akatomutsa vakafa. (Mateu 4:23; Johani 11:1-44) Zvishamiso izvozvo kwaingova kufanoratidza zvaachaita munguva yemberi. Jesu pachake akati: “Awa iri kuuya mairi vaya vose vari mumakuva vachayeukwa uye vachanzwa inzwi ra[ngu], vobuda.”—Johani 5:28, 29.
Vimbiso iyoyo yokumuka kwomunguva yemberi inotsanangura chikonzero nei kuberekwa uye zvikurukuru kufa kwaJesu zvichikosha chaizvo kwatiri. Mwari akatumira Mwanakomana wake panyika “kuti nyika iponeswe naye,” inodaro Johani 3:17. Nyaya idzi dzinofadza dzinotiyeuchidza nezvemashoko akaziviswa vafudzi vakanga vachifudza zvipfuwo zvavo pausiku hwakaberekwa Jesu.
“Mashoko Akanaka Omufaro Mukuru”
Zvechokwadi aiva “mashoko akanaka omufaro mukuru” kuvanhu, ngirozi padzakazivisa nezvokuberekwa kwo“Muponesi, uyo ari Kristu Ishe.” (Ruka 2:10, 11) Mwana uyu aizova Mesiya, Muprofita mukuru uye Mutongi akanga ave achitarisirwa kwenguva yakareba nevanhu vaMwari. (Dheuteronomio 18:18; Mika 5:2) Upenyu norufu rwake pasi pano zvaizoita basa rinokosha pakurevererwa kwouchangamire hwaJehovha munyika yose, zvokuti ngirozi dzaigona kuti: “Mwari ngaakudzwe kumusorosoro.”—Ruka 2:14.
Jesu, uyo anonzi neBhaibheri “Adhamu wokupedzisira,” akaratidza kuti zvinobvira kuti munhu ave akavimbika kuna Jehovha kunyange paanenge ari mumuedzo wakaoma zvikuru. (1 VaKorinde 15:45) Saka akaratidza kuti Satani murevi wenhema akaipa. Izvi zvakaita kuti kudenga kuve nomufaro wengirozi dzakatendeka.
Zvisinei, ngatidzokere kumubvunzo wokuti, “Pane tariro chaiyo here yokuti zvakaziviswa nengirozi pausiku hwakaberekwa Jesu zvichazadzika?” Mhinduro yacho ndihungu akasimba! Rugare runokosha pakuzadzika kwechinangwa chaMwari nokuda kwepasi, chinosanganisira kudzorera mamiriro ezvinhu eparadhiso. Kana izvozvo zvaitwa pasi pose, vanhu vose vachakurudzirwa norudo uye nokuvimbika. Nokudaro kuitwa kwechinangwa chaJehovha kunorevawo kubviswa kwevose vanoramba kuva kwake changamire. Aya haasi mashoko akanaka kune vose vanotsigira Satani pakutaura kuti zvinodiwa naJehovha zvakaipa. Achareva kuparadzwa kwavo.—Pisarema 37:11; Zvirevo 2:21, 22.
Tapota ona kuti ngirozi hadzina kuudza vafudzi kuti vanhu vose vachava norugare uye vachatenderwa. Asi, dzakazivisa “rugare . . . pavanhu vaanotendera.” Kureva kuti, pane vaya vanofarirwa naMwari uye vaanotendera. Vaya vanoratidza kutenda kwechokwadi muna Jehovha vanova vateveri vakatendeka uye vatevedzeri vaJesu. Varume nevakadzi vakadaro vanonzwa vachida kuva norupo uye kunzwisisa vamwe, kwete bedzi kwemazuva mashomanana gore negore, asi zuva nezuva.
Mufaro wechiKristu Unoramba Uripo Gore Rose Here?
Simba remashoko akanaka akaparidzwa naJesu rakabaya mwoyo yevanhu vasingaverengeki. Vakawanda vava netsika dzechiKristu muupenyu hwavo hwose. Vanhu vaimbonyanya kufunga zvakangovanakira vava kubvunza zvingadai zvakaitwa naJesu dai aiva mumamiriro avo ezvinhu. Vamwe vakanga vakavakira upenyu hwavo papfuma uye pamafaro vakasvika pakuziva kukosha kwezvinhu zvinokosha pakunamata uye kwokuzviudzawo vavakidzani vavo. Vanhu vanoita izvi vanoedza kuva norupo nomutsa gore rose. Izvi handizvo here zvawaizotarisira kuvaKristu vechokwadi?
Kudai vanhu vose vakatendeseka vaimbomira kuti vafunge kukosha kwemashoko engirozi orugare uye zvaanoreva voita maererano nezvavanofunga izvozvo, zvechokwadi nyika yaizova nzvimbo iri nani zvikuru.
Uprofita hune chokuita nokuberekwa kwaJesu hunovimbisa vaya vanotenderwa naMwari kuti vanogona kuva norugare rwechokwadi nokusingaperi. Handizvo zvaunoda here? Tinogona kuva nechokwadi chokuti kuziviswa kunoshamisa kwouprofita hune chokuita norugare kwakaitwa nengirozi pakaberekwa Jesu kuchatozadziswa chete. Pane kuva mashoko asina zvaanoreva epanguva yeKrisimasi, zvechokwadi rugare ruchatovapo nokusingaperi.
[Mifananidzo iri papeji 7]
Mufaro wechiKristu unogona uye unofanira kuratidzwa gore rose