Kusakurira Rutyo Rwoumwari
“Itya Jehovha, ubve pane zvakaipa.”—ZVIREVO 3:7.
1. Zvirevo akanyorerwa ani?
BHUKU reBhaibheri raZvirevo rine zano rakawanda romudzimu. Jehovha akagovera iri bhuku rinotungamirira pakutanga kurairidza rudzi rwake rwokufananidzira rwaIsraeri. Nhasi, rinogovera kutaura kwokuchenjera nokuda kworudzi rwake rutsvene rwechiKristu, rwa“svikirwa nokuguma kwenyika.”—1 VaKorinte 10:11; Zvirevo 1:1-5; 1 Petro 2:9.
2. Neiko nyevero iri pana Zvirevo 3:7 yakakodzera nguva zvikurusa nhasi?
2 Tichitendeukira kuna Zvirevo 3:7, tinorava, kuti: “Usazviti wakachenjera; itya Jehovha, ubve pane zvakaipa.” Chibviro chenguva yavabereki vedu vokutanga, apo Nyoka yakanyengera Evha nevimbiso yoku“ziva [kwavo] zvakanaka nezvakaipa,” uchenjeriwo zvahwo hwavanhu hwakundikana kupindura zvinodikanwa zvorudzi rwomunhu. (Genesi 3:4, 5; 1 VaKorinte 3:19, 20) Ikoku hakuna kuva pachena zvikuru muimwe nhambo munhau muzana rino ramakore rechi 20—aya “mazuva okupedzisira” apo rudzi rwomunhu, rwuchiwana zvibereko zvokufunga kwokusadavira kuvapo kwaMwari, kwemhindumupindu kwokuzvimirira, runotambudzwa nourudzi, masimba masimba, uye rudzi rwuri rwose rwoutere. (2 Timotio 3:1-5, 13; 2 Petro 3:3, 4) I‘nyongano yenyika itsva’ iyo CM kana kuti marudzidziso akakamukana enyika asingagoni kururamisa.
3. Ndizvinoitikai zvakaporofitwa nokuda kwezuva redu?
3 Shoko raMwari rouporofita rinotizivisa kuti masimba oudhemoni akaenda ku“madzimambo enyika yose, kuvakokera kukurwa pazuva iro guru raMwari wamasimba ose . . . panzvimbo inonzi Harmagedhoni nechiHebheru.” (Zvakazarurwa 16:14, 16) Nokukurumidza kutyisa kunobva kuna Jehovha kuchaputira madzimambo iwayo, kana kuti vatongi. Kuchafanana nokutyisa kwakawira pavaKanani apo Joshua navaIsraeri vakauya kuzoita rutongeso pavari. (Joshua 2:9-11) Asi nhasi ndiuyo akafananidzirwa naJoshua, Kristu Jesu—“Mambo wamadzimambo, naShe wamadzishe”—uyo acha‘rova marudzi ndokuafudza netsvimbo yesimbi’ mukuratidzirwa kwe“hasha dzokutsamwa kwaMwari Wamasimba ose.”—Zvakazarurwa 19:15, 16.
4, 5. Ndivanaani vachawana ruponeso, uye nei?
4 Ndivanaani vachawana ruponeso panguva iyoyo? Avo vanonunurwa vachava, kwete avo vanokurirwa nokutya, asi vose vakasakurira kutya Jehovha kworuremekedzo. Panzvimbo pokuva vakachenjera mumaziso avo vamene, ava “[vanobva, NW] pane zvakaipa.” Mukuzvininipisa, vanodyisa ndangariro dzavo nezviri zvakanaka, zvokuti zvakaipa zvinomanikidzirwa kunze kwokufunga kwavo. Vanokoshesa ruremekedzo rwakanaka nokuda kwaChangamire Ishe Jehovha, “Mutongi wenyika yose,” oda kuuraya munhu ari wose anoomerera kuushati, sokuparadza kwaakaita vaSodhoma vakashata. (Genesi 18:25) Zvamazvirokwazvo, nokuda kwavanhu vaMwari amene, “kutya Jehovha itsime roupenyu; kuti munhu apukunyuke pamisungo yorufu.”—Zvirevo 14:27.
5 Muzuva rino rorutongeso rwoumwari, vose vanozvipa vamene chose chose kuna Jehovha mukutya kusambomufadza vachasvika pakuziva zvokwadi yakataurwa nomutoo wokufananidzira pana Zvirevo 3:8, inoti: “Zvichava [kutya Jehovha] mushonga womuviri wako, nomwoyo wamapfupa ako.”
Kukudza Jehovha
6. Chii chinofanira kutisunda kuteerera Zvirevo 3:9?
6 Kutya kwedu Jehovha kwokuonga, pamwe chete norudo rukuru nokuda kwake, zvinofanira kutisunda kuteerera Zvirevo 3:9, inoti: “Kudza Jehovha nezvaunazvo, uye nezvitsva zvazvose zvawakawana.” Hatimanikidzirwi kukudza Jehovha nezvipiriso zvedu. Izvozvi zvinofanira kuva zvokuzvidira, sezvinoratidzirwa kanokwana ka 12 muna Eksodho 35:29 kusvikira kuna Dheuteronomio 23:23 pamusoro pezvibairo muna Israeri wakare. Izvi zvibereko zvokutanga kuna Jehovha zvinofanira kuva zvipo zvakanakisisa zvikuru zvatinogona kupa, mukuziva runako nomutsa worudo zvatakafarikanya paruoko rwake. (Pisarema 23:6) Zvinofanira kuratidza chisarudzo chedu choku“ramba . . . tichitanga kutsvaka umambo nokururama kwake.” (Mateo 6:33, NW) Uye chii chinobva mukuremekedza Jehovha nezvinhu zvedu nezvinokosha? “Ipapo matura ako achazadzwa nezvakawanda, makate ako achapfachuka newaini itsva.”—Zvirevo 3:10.
7. Zviberekoi zvokutanga zvatinofanira kupa kuna Jehovha, uye chii chichava muuyo?
7 Nzira huru yaJehovha yokutikomborera nayo ndeyomudzimu. (Maraki 3:10) Nokudaro, zvibereko zvokutanga zvatinopa kwaari zvinofanira kuva zvikurukuru zvomudzimu. Tinofanira kushandisa nguva yedu, simba, uye simba rinokosha mukuita kuda kwake. Ikokuwo kuchatitsigira, munzira imwe cheteyo iyo mubato wakadaro wakava “zvokudya” zvinosimbaradza kuna Jesu. (Johane 4:34) Matura edu omudzimu omugove achazadzwa, uye mufaro wedu, unofananidzirwa newaini itsva, uchapfachukira. Mukuwedzera, sezvatinonyengeterera nechivimbo zvakakwana zvezvokudya zvokunyama zvezuva rimwe nerimwe, tinogona nenzira inotsinhirana kupa nenzira yorupo zvinobva mupfuma yedu mukutsigira basa roUmambo munyika yose. (Mateo 6:11) Chinhu chiri chose chatinacho, kubatanidza zvinhu zvokunyama, zvakauya kwatiri kubva kuna Baba vedu vokudenga vane rudo. Vachadururazve zvikomborero, kusvikira kutambanuko yatinoshandisa izvi zvinhu zvinokosha kukurumbidzwa kwavo.—Zvirevo 11:4; 1 VaKorinte 4:7.
Tsiuro Dzorudo
8, 9. Tinofanira kurangarira sei tsiuro nechirango?
8 Zvi 3 Mundima 11 ne 12, Zvirevo ganhuro 3 inotaura zvakare nezveukama hunofadza hwababa nomwanakomana huripo mumhuri dzoumwari, pamwe chete nepakati paJehovha navana vake vomudzimu vanodiwa pasi pano. Tinorava, kuti: “Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaJehovha; usaneta nokuraira kwake. Nokuti Jehovha unoraira mudikanwa wake; sezvinoita baba mwanakomana wavo wavanofarira.” Vanhu venyika vanosema tsiuro. Vanhu vaJehovha vanofanira kuigamuchira. Muapostora Pauro akanokora aya mashoko muna Zvirevo, achiti: “Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwa[Jehovha, NW] usapera mwoyo kana uchirairwa naye; nokuti waanoda [Jehovha, NW] unomuranga . . . zvino kuranga kwose, kana kuchaitwa, kwakaita sokusingafadzi, kunochemedza; asi pashure kunoberekera ivo, vakadzidziswa nako, zvibereko zvorugare, ndizvo zvibereko zvokururama.”—VaHebheru 12:5, 6, 11.
9 Hungu, tsiuro nechirango rutivi rwuri madikanwa rwerovedzo yomumwe nomumwe wedu, kana tichiigamuchira kuvabereki, kupfurikidza neungano yechiKristu, kana kuti sezvatinofungisisa Magwaro mukati mefundo yedu yomunhu oga. Inhau youpenyu norufu nokuda kwedu kuti titeerere chirango, seizvo Zvirevo 4:1, 13 inotaurawo: “Imi vanakomana, inzwai kurairira kwababa venyu; teererai, muzive njere. Natsa kubata kurairirwa; usakuregedza; ukuchengete, nokuti ndihwo upenyu hwako.”
Mufarwa Mukurusa
10, 11. Ndaapi ari mamwe mativi amashoko anofadza ari pana Zvirevo 3:13-18?
10 Kutaurai kwakaisvonaka kunotevera zvino, zvamazvirokwazvo ‘mashoko anofadza naakarurama ezvokwadi’! (Muparidzi 12:10) Aya mashoko akafuridzirwa aSoromoni anorondedzera mufarwa wechokwadi. Mashoko atinofanira kunyora pamwoyo yedu. Tinorava, kuti:
11 “Munhu, wawana uchenjeri, uno mufaro, naiye munhu, unowana njere. Nokuti kuhuwana ihwo kunopfuura kuwana sirvheri; nokuhupfuma ihwo kunopfuura kupfuma ndarama. Hunokosha kupfuura korari; hakune pfuma yako ingaenzaniswa nahwo. Mazuva mazhinji oupenyu ari muruoko rwahwo rworudyi; muruoko rwahwo rworuboshwe mune pfuma nokukudzwa. Nzira dzahwo inzira dzezvinofadza; makwara ahwo ose ndoorugare. Ndiwo muti woupenyu kuna vanounamatira; mumwe nomumwe unohubata uno mufaro.”—Zvirevo 3:13-18.
12. Uchenjeri nenzwisiso zvinofanira kutibetsera sei?
12 Uchenjeri—ihwohwu hunodudzwa kazhinji kazhinji sei mubhuku raZvirevo, kanokwana 46 pamwe chete! “Kuvamba kwouchenjeri ndiko kutya Jehovha.” Uhwu ndihwo uchenjeri hwoumwari, hunoshanda hwakavakirwa pazivo yeShoko raMwari rinogonesa vanhu vake kufamba munzira yakakotsekana mumadutu ane ngozi anopenga munyika yaSatani. (Zvirevo 9:10) Nzwisiso, inonongedzerwa kwairi ka 19 muna Zvirevo (NW), mubetseri wouchenjeri, inotibetsera kukurira mazano aSatani. Mukupfuuridzira mberi zviito zvake zvamanomano, Mudzivisi mukuru ane zviuru zvamakore zvoruzivo rwokuzviwanira. Asi tine chimwe chinhu chinokosha zvikuru kwazvo kupfuura ruzivo rwokuzviwanira somudzidzisi—nzwisiso youmwari, mano okutsauranisa chakarurama nechakaipa uye kusarudza nzira yakarurama yokuenda. Izvi ndizvo izvo Jehovha anotidzidzisa kupfurikidza neShoko rake.—Zvirevo 2:10-13; VaEfeso 6:11.
13. Chii chinogona kutidzivirira mukati menguva dzakaoma dzemari, uye sei?
13 Nyonganyonga yemugariro wezvemari munyika yanhasi chiziviso chokuzadzikwa kwouporofita huri pana Ezekieri 7:19, hunoti: “Vacharasa sirvheri yavo panzira dzomumusha, nendarama yavo ichava sechinhu chisina kunaka; sirvheri yavo nendarama yavo hazvingagoni kuvarwira nezuva rokutsamwa kwaJehovha.” Pfuma yose yokunyama iri pasi pano haienzani nesimba rinoponesa rouchenjeri nenzwisiso. Mambo akachenjera Soromoni akataura pane imwe nhambo, kuti: “Uchenjeri chitaviridzo, mariwo chitaviridzo; asi kunakisa kwezivo ndiko, kuti uchenjeri hunochengeta upenyu hwaiye unahwo.” (Muparidzi 7:12) Vanofara zvamazvirokwazvo ndiavo vose nhasi vanofamba munzira dzaJehovha dzomufaro uye vanosarudza muuchenjeri “mazuva mazhinji,” upenyu husingaperi huri chipo chaMwari kumunhu ari wose anoshandisa kutenda muchibairo chorudzikinuro chaJesu!—Zvirevo 3:16; Johane 3:16; 17:3.
Kusakurira Uchenjeri Hwechokwadi
14. Jehovha akaratidzira uchenjeri hwomuenzaniso munzirai?
14 Kwakafanira kuti isu vanhu, vakasikwa mumufananidzo waMwari, tivavarire kusakurira uchenjeri nenzwisiso, mavara ayo Jehovha amene akaratidzira mukuita mabasa ake anoshamisa echisiko. “Jehovha wakateya pasi nouchenjeri; wakasimbisa kudenga-denga nenjere.” (Zvirevo 3:19, 20) Akapfuurira kuita zvisikwa zvipenyu, kwete kupfurikidza nomuitiro wakavanzika, usingatsananguriki wemhindumupindu, asi kupfurikidza nezviito zvakananga zvechisiko, chimwe nechimwe “namarudzi azvo” uye nokuda kwedonzo rokuchenjera. (Genesi 1:25) Apo pakupedzisira munhu akabudiswa noungwaru namano zvakakwirira zvikuru kupfuura izvo zvemhuka, kurova maoko kwevanakomana vengirozi vaMwari kunofanira kuva kwakaungira kwaungirazve mumatenga mose. (Enzanisa naJobho 38:1, 4, 7.) Kudeya kuona kwokunzwisisa kwaJehovha, uchenjeri hwake, uye rudo rwake zvinooneka zvakajeka muzvinhu zvake zvose pasi pano.—Pisarema 104:24.
15. (a) Neiko kusina kukwana kungosakurira chete uchenjeri? (b) Chivimboi icho Zvirevo 3:25, 26 inofanira kumutsa matiri?
15 Hatifaniri bedzi kusakurira mavara aJehovha ouchenjeri nenzwisiso asiwo kusanoomerera kwaari, tisingatongoregeredzi mufundo yedu yeShoko rake. Anotiraira, kuti: “Mwanakomana wangu, ngazvirege kubva pameso ako; chengeta uchenjeri chaihwo nokungwara. Ipapo zvichava upenyu hwomweya wako; noukomba pamutsipa wako.” (Zvirevo 3:21, 22) Nokudaro tinogona kufamba muchengeteko nomurugare rwendangariro, kunyange mukati mokusvika kwakafanana nembavha kwezuva ro“kuparadzwa kuchakurumidza” uko kuchasvika panyika yaSatani. (1 VaTesaronika 5:2, 3) Mukati medambudziko guru rimene, “usatya hako chivhundutso chinokuwira kamwe kamwe, kunyange kuparadzwa kwavakaipa, kana kuchisvika; nokuti Jehovha uchava chivimbo chako; uchachengeta rutsoka rwako, kuti rurege kubatwa.”—Zvirevo 3:23-26.
Rudo Rwokuita Zvakanaka
16. Chiitoi chinodikanwa kumaKristu mukuwedzera kushingairo muushumiri?
16 Aya mazuva okuratidza shingairo mukuparidzira aya mashoko akanaka oUmambo nokuda kwouchapupu kumarudzi ose. Asi iri basa rouchapupu rinofanira kutsigirwa nomumwe mubato wechiKristu, sezvinorondedzerwa pana Zvirevo 3:27, 28, kuti: “Munhu, wakafanirwa, usaramba kumuitira zvakanaka kana ruoko rwako ruchinge rune simba kuzviita. Usati kuno wokwako: ‘Enda, ugodzokazve, mangwana ndichakupa;’ kana uchinge unazvo ipapo.” (Enzanisa naJakobho 2:14-17.) Nouzhinji hwenyika hwakabatwa nourombo nenzara, kwave kune kudana kwekukurumidzira kwokuti tibetsere vanhu biyedu, zvikurukuru hama dzedu dzomudzimu. Zvapupu zvaJehovha zvakaita sei?
17-19. (a) Ndichinodikanwai chokukurumidzira chakaitwa muna 1993, uye nokuitai? (b) Chii chinoratidzira kuti hama dzedu dzakatambudzwa “vakundi nokupfuurisa”?
17 Rangarira muenzaniso mumwe: Mukati megore rapera, kudana kwekukurumidzira nokuda kwebetsero kwakabva kune yaichimbova Yugoslavia. Uhama munyika dzakavakidzana hwakaita nomutoo unoshamisa. Mukati memwedzi inotonhora yenguva yechando chapfuura, kwakabvirira motokari dzinoverengeka dzakatakura zvokuyamura nazvo dzaiperekedzwa namauto kupinda munharaunda yehondo, dzakatakura zvinyorwa zvazvino, zvipfeko zvinodziya, zvokudya, uye mishonga kuZvapupu zvinoshaiwa. Pane imwe nhambo, hama dzakakumbira kuti dzipinze matani 15 emigove yeyamuro, asi padzakagamuchira mvumo, yakanga iri yamatani 30! Zvapupu zvaJehovha muAustria zvakakurumidza kutumira mamwe marori matatu. Pamwe chete, matani 25 akasvika kumugumo wawo waikarirwa. Hama dzedu dzakafadzwa sei nokugamuchira idzi gadziriro dzakawanda dzomudzimu nedzokunyama!
18 Vagamuchiri ivavo vakaita sei? Pakuvamba gore rino, mumwe mukuru akanyora, kuti: “Hama nehanzvadzi muSarajevo imhenyu uye dzakagwinya, uye chinokosha zvikurusa, tichiri vakasimba mumudzimu kuti titsungirire iyi hondo youfuza. Mugariro wakanga wakaoma zvikuru kana toreva nezvokudya. Jehovha ngaakuropafadzei nokukutusai nokuda kwenhamburiko dzamakatiitira. Zviremera zvine ruremekedzo chairwo nokuda kweZvapupu zvaJehovha nemhaka yamararamiro azvo omuenzaniso uye nemhaka yokuremekedza kwazvo zviremera. Tinoongawo nokuda kwezvokudya zvomudzimu zvamakaunza kwatiri.”—Enzanisa nePisarema 145:18.
19 Idzi hama dzakaiswa mungozi dzakaratidzawo kuonga, kupfurikidza noushumiri hwadzo hwomumunda hwokushingaira. Vavakidzani vazhinji vanouya kwadziri vachikumbira fundo dzeBhaibheri dzapamusha. Muguta reTuzla, umo matani mashanu ezvokudya zveyamuro akaendeswa, vaparidzi 40 vakashuma maawa 25 mumwe nomumwe mubasa paavhareji nokuda kwemwedzi wacho, mukutsigira kwakaisvonaka mapiona mapfumbamwe ari muungano. Vakava navapindi vanoshamisa vane 243 paChirangaridzo chorufu rwaJesu. Idzi hama dzinodiwa zvamazvirokwazvo “vakundi nokupfuurisa naiye wakatida.”—VaRoma 8:37.
20. Ku“enzana”i kwakaitika muyaichimbova Soviet Union?
20 Rupo rwakaratidzirwa mumotokari dzakawanda dzakatakura zvokudya zveyamuro nezvipfeko nembatya zvinodziya zvakapinzwa muyaichimbova Soviet Union rwakawiriranawo neshingairo yehama imomo. Somuenzaniso, muMoscow chiverengero chavapindi veChirangaridzo gore rino chakanga chiri 7 549, chichienzaniswa ne 3 500 gore rakapera. Mukati menhambo imwe cheteyo, ungano muguta iroro dzakawedzera kubva pa 12 kusvika ku 16. Muyaichimbova Soviet Union yose (tichisiya Nyika dzeBaltic), wedzero muungano yaiva 14 muzana, muvaparidzi voUmambo 25 muzana, uye mumapiona 74 muzana. Mudzimu wakadini weshingairo nokuzvibaira! Unoyeuchidza munhu nezvezana rokutanga ramakore apo kwaiva “nokuenzana.” MaKristu aiva nezvinhu zvokumudzimu nezvokunyama akapa zvipo zvakawanda kuna avo vaiva munzvimbo dzaidikanwa zvishoma, nepo shingairo yaava vakatambudzwa yakaunza mufaro nekurudziro kuvapi.—2 VaKorinte 8:14.
Vengai Zvakaipa!
21. Vanhu vakachenjera namafuza vanosianiswa sei mumashoko okupedzisira aZvirevo ganhuro 3?
21 Ganhuro rechitatu raZvirevo rinotevera kupa nhevedzano dzemisiano, ichigumisa neiri zano: “Usafunga kuitira wokwako zvakaipa, zvaanogara hake newe achikutenda. Usarwa nomunhu pasine mhosva, kana asina kukuitira zvakaipa. Usagodora munhu unomanikidza; usatevera kunyange nomumwe wemitoo yake. Nokuti mutsauki inyangadzi kuna Jehovha; asi uno ukama navakarurama. Kutuka kwaJehovha kuri mumba mowakaipa; asi unoropafadza ugaro hwavakarurama. Kana vari vadadi, unovadadira, asi vanozvininipisa unovaitira nyasha. Vakachenjera vachagara nhaka yokukudzwa; asi mapenzi anozviwanira kunyadziswa.”—Zvirevo 3:29-35.
22. (a) Tingadzivisa sei ngozi yavanhu vari mafuza? (b) Chii icho vakachenjera vanovenga, uye chii chavanosakurira, netusoi?
22 Tingadzivisa sei kuva vanoverengwa pakati pamapenzi? Tinofanira kudzidza kuvenga chakaipa, hungu, kusema icho Jehovha anosema—nzira dzose dzokunyengedza dzenyika ino ina masimba masimba, ine mhaka yeropa. (Onawo Zvirevo 6:16-19.) Mukupesana, tinofanira kusakurira chiri chakanaka—utsvene, kururama, uye unyoro—kuitira kuti mukuzvininipisa nokutya Jehovha tingawana “pfuma nokukudzwa noupenyu.” (Zvirevo 22:4) Iyi ichava tuso kwatiri tose tinoshandisa nokuvimbika zano, rokuti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose.”
Ndeipi Iri Tsinhiro Yako?
◻ Rugwaro rwomusoro weiyi fundo rwunoshanda sei nhasi?
◻ Tingakudza sei Jehovha?
◻ Neiko tisingafaniri kuzvidza chirango?
◻ Mufarwa mukurusa unowanikwa kupi?
◻ Tingada sei chakanaka ndokuvenga chakaipa?
[Mufananidzo uri papeji 18]
Avo vanopa zvakanakisisa zvavo muchibairo kuna Jehovha vachakomborerwa zvikuru