Kupenya Kwechiedza—Chikuru Nechiduku Rutivi Rwechipiri
“Muchiedza chenyu ndimo matinoona chiedza.”—PISAREMA 36:9.
1. Inhamburikoi yapakuvamba yakaitwa kunzwisisa fananidziro dzebhuku raZvakazarurwa?
BHUKU reBhaibheri raZvakazarurwa rakashamisa vaKristu kuvambira panguva dzapakuvamba. Rinogovera muenzaniso wakaisvonaka wenzira iyo chiedza chezvokwadi chinoramba chichijeka nayo zvikuru. Muna 1917, vanhu vaJehovha vakabudisa tsananguro yaZvakazarurwa mubhuku rinonzi The Finished Mystery. Rakafumura nokusatya vatungamiriri vechiKristudhomu vorudzidziso nevezvamatongerwe enyika, asi dzakawanda dzetsananguro yaro dzakatorwa mumanyuko akasiyana-siyana. Zvisinei, The Finished Mystery rakabatira kuedza ruvimbiko rwaVadzidzi veBhaibheri kumukoto unooneka uyo Jehovha akanga ari kushandisa.
2. Nyaya inoti “Kuberekwa Kwerudzi” yakajekesei pabhuku raZvakazarurwa?
2 Kupenya kunoshamisa kwechiedza kwakapenya pabhuku raZvakazarurwa nokuburitswa kwenyaya inoti “Kuberekwa Kwerudzi” muThe Watch Tower yaMarch 1, 1925. Kwakanga kwave kuchifungwa kuti Zvakazarurwa ganhuro 12 rairondedzera hondo pakati peRoma yechihedheni neyapapa weRoma, nemwanarume achimirira upapa. Asi nyaya iyoyo yakaratidza kuti Zvakazarurwa 11:15-18 yakanga ine chokuita nerevo yeganhuro 12, ichiratidzira kuti ine chokuita nokuberekwa kwoUmambo hwaMwari.
3. Zvinyorwai zvakajekesa Zvakazarurwa zvakawedzerwa?
3 Kwose ikoku kwakatungamirira kukunzwisiswa kwakajeka zvikuru kwaZvakazarurwa kwakauya nechinyorwa chaLight, mumavhoriyamu maviri, muna 1930. Kumwezve kunatswa kwakawanda kwakaonekwa muna “Babylon the Great Has Fallen!” God’s Kingdom Rules! (1963) uye “Then Is Finished the Mystery of God” (1969). Bva, kwakanga kuchine zvakawanda zvokudzidza pamusoro pebhuku rouporofita raZvakazarurwa. Hungu, chiedza chakajeka zvikuru chakapenya pariri muna 1988, nechinyorwa chaZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo! Chinokosha kuiyi vhenekero inofambira mberi chingataurwa kuva idi rokuti uporofita hwaZvakazarurwa hunoshanda mu“zuva raShe,” iro rakavamba muna 1914. (Zvakazarurwa 1:10) Bhuku raZvakazarurwa naizvozvo raizonzwisiswa zvakajeka zvikuru sezvo zuva iroro rakafambira mberi.
“Masimba Makuru” Anojekeswa
4, 5. (a) Vadzidzi veBhaibheri vairangarira sei VaRoma 13:1? (b) Chii chakaonekwa gare gare kuva chimiro chapaMagwaro pamusoro pe“masimba makuru”?
4 Kupenya kwechiedza kwakajeka kwakaoneka muna 1962 mubatano naVaRoma 13:1, iyo inoti: “Mweya uri wose ngauzviise pasi pemasimba makuru [“zviremera zvikuru,” New World Translation].” (King James Version) Vadzidzi veBhaibheri vapakuvamba vakanzwisisa kuti “masimba makuru” anodudzwa ipapo ainongedzera kuzviremera zvenyika. Vakarangarira urwu rugwaro kuva runoreva kuti kana muKristu akapinzwa muuto munguva yehondo, aizosungirwa kupfeka yunifomu, kutakura pfuti, uye kuenda kuhondo, kumigero. Kwairangarirwa kuti sezvo muKristu aisagona kuuraya munhu biyake, aizomanikidzirwa kuridzira pfuti yake mumhepo kana zvaipisisa.a
5 Nharireyomurindi yechiNgezi yaNovember 15, neyaDecember 1, 1962, dzakajekesa nhau yacho mukukurukura mashoko aJesu ari pana Mateo 22:21: “Ipai Kesari zvaKesari, naMwari zvaMwari.” Anowirirana akanga ari mashoko avaapostora ari pana Mabasa 5:29: “Tinofanira kuteerera Mwari kupfuura vanhu.” VaKristu vari pasi paKesari—“masimba makuru”—chero bedzi ikoku kusingadi kuti muKristu apesane nomutemo waMwari. Kuzviisa pasi paKesari kwakaonwa kuva kusina kukwana, kwete kwakakwana. VaKristu vanoripira kuna Kesari bedzi zvisingarwisani nezvinodikanwa zvaMwari. Kwaigutsa zvakadini kuva nenzwisiso yakajeka panhau iyoyo!
Kupenya Kwechiedza Panhau Dzesangano
6. (a) Kubva pachimiro chenzvimbo dzechiremera chakatekeshera muchiKristudhomu, inheyoi yakagamuchirwa? (b) Pakupedzisira chii chakaonekwa pamusoro penzira yakarurama yokuti avo vane mitoro yokutarisira ungano vasarudzwe?
6 Paiva nomubvunzo wokuti ndivanaani vanofanira kubatira savakuru uye vadhikoni muungano. Kuti vadzivise chimiro chenzvimbo dzechiremera chakatekeshera muchiKristudhomu, kwakagumiswa kuti ivavo vanofanira kusarudzwa nokusarudza kwevoruzhinji kupfurikidza nokuvhota kwemitezo yeungano imwe neimwe. Asi chiedza chinowedzera chaiva muNharireyomurindi yechiNgezi yaSeptember 1, neyaOctober 15, 1932, chakaratidza kuti Magwaro haabvumiri vakuru vanosarudzwa. Naizvozvo ivava vakatsiviwa nedare rebasa, uye mutungamiriri webasa aisarudzwa neSosaiti.
7. Kupenya kwechiedza kwakaguma nevandudzikoi munzira iyo vabatiri vari muungano vaigadzwa nayo?
7 Nharireyomurindi yechiNgezi yaJune 1 neyaJune 15, 1938, yaiva nokupenya kwechiedza kwairatidza kuti vabatiri vari muungano vaifanira, kwete kusarudzwa, asi kugadzwa, ndiko kuti, kugadzwa nenzira youbati ushe hwaMwari. Muna 1971 kumwe kupenya kwechiedza kwakaratidza kuti ungano imwe neimwe yaisafanira kutungamirirwa nomubatiri weungano mumwe chete. Panzvimbo pezvo, imwe neimwe inofanira kuva nomutumbi wavakuru, kana kuti vatariri, vakagoverwa neMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha. Naizvozvo nechiedza chinowedzera kwaanopfuura makore 40, kwakava kwakajeka kuti vakuru pamwe chete navadhikoni, avo zvino vanozivikanwa savabatiri vanoshumira, vanofanira kugadzwa ne“muranda wakatendeka, wakangwara,” kupfurikidza neMutumbi wawo Unodzora. (Mateo 24:45-47) Izvi zvakanga zviri maererano nezvakaitika munguva dzavaapostora. Varume vakadai saTimotio naTito vakagadzwa savatariri nomutumbi unodzora womuzana ramakore rokutanga. (1 Timotio 3:1-7; 5:22; Tito 1:5-9) Zvose izvozvi zviri mukuzadzikwa kunoshamisa kwaIsaya 60:17, inoti: “Panzvimbo yendarira ndichauya nendarama, panzvimbo yedare ndichauya nesirvheri, panzvimbo yamatanda safuri, napanzvimbo yamabwe dare. Rugare ndicharugadza ruve madzishe ako, noKururama kuve vabati vako.”
8. (a) Zvokwadi inowedzera yakaunza vandudzikoi munzira iyo Sosaiti yaishanda? (b) Ndeapi ari matare eMutumbi Unodzora, uye ndedzipi dziri nzvimbo dzawo dzakatsaukana dzomubato dzokutarisira?
8 Paivawo nenhau yokushanda kweWatch Tower Society. Kwamakore akawanda Mutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha wakanga wakafanana neboka ravatungamiriri veWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania, uye zvinhu zvaidzorwa zvikurukuru napurezidhendi waro. Sezvakaratidzwa mu 1977 Yearbook of Jehovah’s Witnesses (mapeji 258-9), muna 1976 Mutumbi Unodzora wakavamba kushanda nematare matanhatu, rimwe nerimwe rakagoverwa kutarisira mativi akati ebasa romunyika yose. Dare Ravashandi rinobata nenhau dzavashandi, kubatanidza fariro dzaavo vose vanobatira mumhuri yeBheteri yomunyika yose. Dare Rokubudisa rinotarisira nhau dzose dzenyika nedzomutemo, dzakadai senzvimbo nokudhinda. Dare Rebasa rinozvibatikanisa rimene nebasa rokupupura uye rinotarisira vatariri vanofambira, mapiyona, uye mibato yevaparidzi veungano. Dare Rokudzidzisa rine mutoro nokuda kwemisangano yeungano, mazuva egungano chaiwo, magungano edunhu, uye kokorodzano dzeruwa nedzamarudzi ose pamwe chete nezvikoro zvakasiyana-siyana nokuda kwedzidzo yomudzimu yavanhu vaMwari. Dare Rokunyora rinotarisira kugadzirirwa nokushandurwa kwezvinyorwa muzvimiro zvose, richiva nechokwadi chokuti chinhu chiri chose chinotsinhirana naMagwaro. Dare Rasachigaro rinotarisira nhau dzinoda betsero yokukurumidza uye dzimwe dzekurumidziro.b Uyewo muma 1970 mahofisi ebazu eWatch Tower Society akavamba kutungamirirwa nedare panzvimbo pemutariri.
Chiedza Chine Chokuita Nomufambiro wechiKristu
9. Chiedza chezvokwadi chakatapura sei ukama hwevaKristu nehurumende dzenyika?
9 Kupenya kwakawanda kwechiedza kwakava nechokuita nomufambiro wechiKristu. Somuenzaniso, rangarira nhau yokusatora rutivi. Kupenya kukuru kwakajeka kwechiedza kwakajekesa iyi nhau munyaya yaiti “Kusatora Rutivi” yaiva muNharireyomurindi yechiNgezi yaNovember 1, 1939. Yakanga yakakodzera nguva sei, ichiuya nokukurumidza pashure peHondo yeNyika II! Nyaya yacho yakarondedzera kusatora rutivi uye yakaratidza kuti vaKristu havafaniri kubatanidzwa munhau dzezvamatongerwe enyika kana kuti rwisano pakati pamarudzi. (Mika 4:3, 5; Johane 17:14, 16) Ichi chisakiso chokuvengwa kwavo namarudzi ose. (Mateo 24:9) Hondo dzaIsraeri wekare hadzigoveri muenzaniso kuvaKristu, seizvo Jesu anojekesa pana Mateo 26:52. Uyezve, hapana kunyange rudzi rumwe rwezvamatongerwe enyika nhasi rwuri ubati ushe hwaMwari, runotongwa naMwari, sezvakanga zvakaita Israeri wekare.
10. Kupenya kwechiedza kwakazivisei pamusoro penzira iyo vaKristu vanofanira kurangarira nayo ropa?
10 Chiedza chakapenyawo pautsvene hweropa. Vamwe Vadzidzi veBhaibheri vaifunga kuti kurambidzwa kwokudya ropa, kuri pana Mabasa 15:28, 29 kwakanga kwakaganhurirwa kuvaKristu vechiJudha. Zvisinei, Mabasa 21:25 inoratidza kuti munguva dzavaapostora uyu murayiro wakashandiswawo kuna avo vamarudzi vakava vadaviri. Naizvozvo utsvene hweropa hunoshanda kuvaKristu vose, sezvakaratidzwa muNharireyomurindi yechiNgezi yaJuly 1, 1945. Ikoko kunoreva kwete kungoramba kudya ropa remhuka chete, semusochisi dzine ropa, asiwo kurega ropa remunhu, semuchinoitika chokuisirwa ropa.
11. Chii chakaonekwa pamusoro pemurangariro womuKristu wokushandiswa kwefodya?
11 Somugumisiro wechiedza chakawedzerwa, tsika pakutanga dzaisangotenderwawo hadzo gare gare dzakabatwa noukombi hwakakodzera. Muenzaniso waikoku wakanga uri pamusoro pakushandiswa kwefodya. MuZion’s Watch Tower yaAugust 1, 1895, Hama Russell vakanangidzira ngwariro kuna 1 VaKorinte 10:31 na 2 VaKorinte 7:1 ndokunyora, kuti: “Handigoni kuona kuti kwaizova kurumbidzwo yaMwari sei, kana kuti kukubetserwa kwake amene, kuti muKristu upi noupi ashandise fodya muchimiro chipi nechipi.” Kuvambira muna 1973 kwakanzwisiswa zvakajeka kuti hapana mushandisi wefodya anogona kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Muna 1976 kwakajekeswa kuti hapana Chapupu chaigona kushanda munzvimbo yokubhejera ndokuramba chiri muungano.
Kumwe Kunatswa
12. (a) Kupenya kwechiedza kwakazivisei pamusoro penhamba yekiyi dzoUmambo dzakaronzeswa Petro? (b) Ndeapi akanga ari mamiriro ezvinhu apo Petro akashandisa kiyi imwe neimwe?
12 Kwakavawo nechiedza chakawedzerwa panhamba yekiyi dzokufananidzira idzo Jesu akapa Petro. Vadzidzi veBhaibheri vaidavira kuti Petro akagamuchira kiyi mbiri dzakazarurira vanhu nzira yokuva vadyi nhaka voUmambo—imwe yavaJudha, yakashandiswa paPentekosta ya 33 C.E., uye imwe nokuda kwavaMarudzi, yakashandiswa kutanga muna 36 C.E. apo Petro akaparidzira Kornerio. (Mabasa 2:14-41; 10:34-48) Pashure penguva yakati, kwakaonekwa kuti kwaiva neboka rechitatu raibatanidzwa—vaSamaria. Petro akashandisa kiyi yechipiri pakuzarura mukana woUmambo kwavari. (Mabasa 8:14-17) Nokudaro, kiyi yechitatu yakashandiswa apo Petro akaparidzira Kornerio.—Nharireyomurindi yechiNgezi, April 1, 1980, mapeji 16-22, 26.
13. Kupenya kwechiedza kwakazivisei pamusoro pematanga emakwai anodudzwa muna Johane ganhuro 10?
13 Mukumwe kupenya kwechiedza, kwakaonekwa kuti Jesu akanongedzera kwete kumatanga amakwai maviri chete asi matatu. (Johane, ganhuro 10) Iwaya aiva (1) danga ramakwai rechiJudha iro Johane muBhapatidzi aiva muchengeti womukova, (2) danga ravadyi nhaka voUmambo vakazodzwa, uye (3) danga ra“mamwe makwai,” vane tariro yapasi.—Johane 10:2, 3, 15, 16; Nharireyomurindi, August 1, 1984, mapeji 10-20.
14. Chiedza chakawedzerwa chakajekesa sei nhau pamusoro pokutanga kweJubheri rokufananidzira?
14 Kunzwisiswa kweJubheri rokufananidzira kwakagamuchirawo kujekeswa kwakati. Mumutemo, gore rimwe nerimwe rechi 50 rakanga riri Jubheri guru, mariri zvinhu zvaidzorerwa kuvaridzi vazvo vapakuvamba. (Revhitiko 25:10) Kwakanga kwanguve kuchinzwisiswa kuti ikoku kwaifanofananidzira Kutonga Kwamakore Ane Chiuru kwaKristu. Munguva dzichangobva kupfuura zvikuru, zvisinei, kwakaonekwa kuti Jubheri rokufananidzira chaizvoizvo rakavamba paPentekosta ya 33 C.E., apo avo vaigamuchira mudzimu mutsvene wakadururwa vakasunungurwa muuranda kusungano yoMutemo waMosesi.—Nharireyomurindi, January 1, 1987, peji 21-32.
Chiedza Chakawedzerwa Pamashoko
15. Kujekeswai kwakaitwa pakushandiswa kweshoko rokuti “rongedzero”?
15 “Muparidzi wakatsvaka kuti awane mashoko anofadza, uye zvakanyorwa nomwoyo wakarurama, ari mashoko ezvokwadi.” (Muparidzi 12:10) Aya mashoko angasanoshandisirwa kunhau yedu yazvino, nokuti chiedza chakapenya kwete bedzi panhau dzinokosha dzakadai sedzidziso nomufambiro asiwo pamashoko echiKristu nerevo yawo yakarurama. Somuenzaniso, pakati peVadzidzi veBhaibheri, rimwe ramabhuku aidiwa zvikurusa rakanga riri vhoriyamu yokutanga yeStudies in the Scriptures, ine musoro unoti The Divine Plan of the Ages. Zvisinei, pashure penguva yakati, kwakazivikanwa kuti Shoko raMwari rinotaura nezvavanhu bedzi sevanoita rongedzero. (Zvirevo 19:21) Magwaro haatongotauri nezvaJehovha seanoronga. Haafaniri kuronga. Zvose zvaanoita chinangwa zvine chokwadi chokubudirira nemhaka youchenjeri hwake husingagumi nesimba, sezvatinotorava pana VaEfeso 1:9, 10, kuti: “Akatizivisa zvakavanzika zvokuda kwake, sezvaakafadzwa pakufunga kwake maari; kuti afambise kuzara kwenguva.” Naizvozvo kwakaonekwa zvishoma nezvishoma kuti shoko rokuti “chinangwa” ndiro rakakodzera zvikuru pakunongedzera kuna Jehovha.
16. Chii chakaonekwa zvishoma nezvishoma kuva nzwisiso yakarurama yaRuka 2:14?
16 Ipapo kwaiva nenhau yokuwana nzwisiso yakajeka zvikuru yaRuka 2:14. Maererano neKing James Version, inorava, kuti: “Mbiri kuna Mwari ari kumusoro-soro, uye rugare papasi, kufarira kuvanhu.” Kwakaonekwa kuti ikoku hakuna kutaura mufungo wakarurama, nokuti kufarira kwaMwari hakuratidzwi kuna vakaipa. Zvapupu naizvozvo zvakarangarira ikoku senhau yerugare kuna vanhu vaifarira Mwari. Naizvozvo zvakaramba zvichinongedzera kuna avo vanofarira Bhaibheri savanhu vanofarira. Asi ipapo kwakanzwisiswa kuti chaibatanidzwa chakanga chiri kufarira, kwete kwavanhu, asi kwaMwari. Nokudaro, mashoko omuzasi eNew World Translation pana Ruka 2:14 anotaura nezve“vanhu avo iye [Mwari] anotendera.” VaKristu vose vari kurarama mutsinhirano nemhiko yavo yetsauriro vanofarirwa naMwari.
17, 18. Jehovha acharevererei, uye achatsvenesei?
17 Nenzira yakafanana, kwenguva refu, Zvapupu zvaitaura nezvekurevererwa kwezita raJehovha. Asi Satani akanga apokana zita raJehovha here? Pamusoro paikoko, vamiriri vapi navapi vaSatani vakanga vaita ikoko here, sokunge kuti Jehovha aisava namaruramiro ezita iroro? Aiwa, nyangwe. Rakanga risiri zita raJehovha rakadenhwa uye raifanira kurevererwa. Ndicho chikonzero nei zvinyorwa zveWatch Tower Society zvazvino uno zvisingatauri nezvezita raJehovha seriri kurevererwa. Zvinotaura nezveuchangamire hwaJehovha sohuri kurevererwa uye nezvezita rake seriri kutsveneswa. Ikoku kuri mukuwirirana neizvo Jesu akatiudza kunyengeterera, kuti: “Zita renyu ngaritsveneswe.” (Mateo 6:9, NW) Nguva nenguva, Jehovha akataura kuti akanga achizotsvenesa zita rake, iro vaIsraeri vakanga vasina kudenha asi vakanga vamhura.—Ezekieri 20:9, 14, 22; 36:23.
18 Nenzira inofadza, muna 1971, bhuku rinonzi “The Nations Shall Know That I Am Jehovah”—How? rakaita uku kutsauranisa: “Jesu Kristu anorwira . . . kurevererwa kwoUchangamire hwaJehovha hwechisiko chose uye kurumbidzwa kwezita raJehovha.” (Mapeji 364-5) Muna 1973, God’s Kingdom of a Thousand Years Has Approached rakati: “‘Dambudziko guru’ riri kuuya inguva yokuti Mwari Wamasimba ose Jehovha areverere uchangamire hwake hwechisiko chose uye kuti atsvenese zita rake rinokosha.” (Peji 409) Ipapo, muna 1975, Man’s Salvation Out Of World Distress at Hand! rakati: “Chiitiko chikurusa chenhau yechisiko chose ipapo chichava chapedzwa, kurevererwa kwouchangamire hwechisiko chose hwaJehovha uye kutsveneswa kwezita rake rinoyera.”—Peji 281.
19, 20. Tinogona sei kuratidza kuonga kwedu kupenya kwechiedza chomudzimu?
19 Vanhu vaJehovha vakakomborerwa sei kuzambira chiedza ichi chose chemudzimu! Mukupesana kukuru, kunoratidzira rima romudzimu umo vatungamiriri vorudzidziso vechiKristudhomu vanozviwana vamene vari mukutaura uku kwakaitwa nomumwe mufundisi: “Neiko pane chivi? Neiko pane kutambura? Neiko pana dhiyabhorosi? Iyi mibvunzo yandinoda kubvunza Ishe apo ndinosvika kudenga.” Asi Zvapupu zvaJehovha zvinogona kumuudza chikonzero nei: Nemhaka yenhau yoururami hwouchangamire hwaJehovha uye mubvunzo pamusoro pokuti zvisikwa zvavanhu zvingagona kuchengeta kuperera kuna Mwari here pasinei zvapo nokushora kwaDhiyabhorosi.
20 Mumakore ose akapfuura, kupenya kwechiedza kwose kuri kuviri kukuru nokuduku kwave kuchivhenekera gwara ravabatiri vaJehovha vakazvitsaurira. Ikoku kwave kuri mukuzadzikwa kwamagwaro akadai sePisarema 97:11 naZvirevo 4:18. Asi ngatirege kutongokanganwa kuti kufamba muchiedza kunoreva kunzwisisa chiedza chakawedzerwa uye kurarama mutsinhirano nacho. Sezvataona, ichi chiedza chakawedzerwa, chinobatanidza zvose zviri zviviri mufambiro wedu nebasa redu rokuparidza.
[Mashoko Omuzasi]
a Mukudavidza kuuyu murangariro, The Watch Tower yaJune 1 naJune 15, 1929, yakadudzira “masimba makuru” seari Jehovha Mwari naJesu Kristu. Chakanga chiri zvikurukuru ichi chimiro chakaruramiswa muna 1962.
b Nharireyomurindi yaApril 15, 1992, yakazivisa kuti hama dzakasarudzwa zvikurukuru dze“mamwe makwai” dzakanga dzichigoverwa kubetsera matare eMutumbi Unodzora, zvichiwirirana navaNetinimi vomuzuva raEzra.—Johane 10:16; Ezra 2:58.
Unoyeuka Here?
◻ Kujekeswai kwakaitwa pakuzviisa pasi pe“masimba makuru”?
◻ Kupenya kwechiedza kwakaguma nokufambira mberi kwakadini kwesangano?
◻ Chiedza chakawedzerwa chakatapura sei mufambiro wechiKristu?
◻ Chiedza chomudzimu chakaparira kunatswai mukunzwisisa kwedu mapfundo apaMagwaro akati?
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 25]
Keys on page 24: Drawing based on photo taken in Cooper-Hewitt, National Design Museum, Smithsonian Institution