Waizviziva Here?
Ichokwadi here kuti masvosve anogadzirira zvokudya zvawo muzhizha, ozviunganidza munguva yokukohwa?
▪ Zvirevo 6:6-8 inoti, “Iwe simbe, enda kusvosve; ona nzira dzaro uve akachenjera. Kunyange zvazvo risina mutungamiriri, mutariri kana mutongi, rinogadzirira zvokudya zvaro muzhizha; rakaunganidza zvokudya zvaro munguva yokukohwa.”
Ichokwadi kuti dzimwe mhando dzakawanda dzemasvosve dzinounganidza zvokudya. Zvimwe mhando yakataurwa naSoromoni uye inozivikanwa chaizvo munyika yeIsrael mazuva ano isvosve rinounganidza zvokudya rinonzi Messor semirufus.
Rimwe bhuku rinoti, ‘masvose aya anobuda mumwena yawo mamiriro ekunze paanenge akanaka . . . ounganidza mhodzi mumwedzi yegore inenge ichidziya.’ Anogona kutora mhodzi dzacho kubva pazvikwenzi kana kuti kutora dzinenge dzakawira pasi. Masvosve anoita mwena yawo muvhu pedyo neminda, matura nepanopurirwa zviyo paanokwanisa kuwana zvokudya.
Mumwena iyoyo, masvosve anogadzira tunzira tunoenda kuzvidzimba zvinenge zvirimo kuitira kuti achengetere zvokudya zvawo muzvidzimba izvozvo. Maanochengetera zvokudya macho mungangova makafara masendimita 12 uye sendimita imwe chete kuenda mudenga. Saka zvinonzi mapoka anenge aine masvosve akati wandei anounganidza zvokudya anogona kurarama “mwedzi mina asingabudi kunze kunotora zvokudya kana mvura.”
Kuva mudiri wamambo kwaisanganisirei?
▪ Nehemiya akanga ari mudiri waMambo wePezhiya ainzi Atashasta. (Nehemiya 1:11) Mumuzinda wemadzimambo okuMiddle East, mudiri wamambo akanga asingori mushandiwo zvake aiita mabasa akaderera. Asi munhu aitova nechinzvimbo chepamusoro. Mabhuku ekare nemifananidzo yekare yakawanda yevadiri inotibatsira kuti tigume tava kuziva basa raiitwa naNehemiya mumuzinda wePezhiya.
Mudiri airavira waini yamambo kuitira kuti aone kana isina muchetura. Saka mudiri aivimbwa naye chaizvo namambo. Nyanzvi inonzi Edwin M. Yamauchi inoti: “Kazhinji zvaiitika mumuzinda wePezhiya ndizvo zvaiita kuti padiwe vashandi vakatendeseka.” Kunenge kuti mudiri aifanira kunge ari munhu aishanda mumuzinda aifarirwa uye aiteererwa chaizvo namambo. Kushanda kwaaiita pedyo namambo zuva nezuva kungadaro kwaiita kuti akwanise kusarudza kuti ndiani aigona kuonana namambo.
Kuva nechinzvimbo ichi kunogona kuri iko kwakaita kuti Nehemiya abvumirwe chikumbiro chake chokuda kudzokera kuJerusarema kunovakazve masvingo aro. Kunenge kuti Nehemiya aidiwa chaizvo namambo. The Anchor Bible Dictionary rinoti: “Mubvunzo wakangobvunzwa namambo ndewokuti, ‘Uchadzoka rini?’”—Nehemiya 2:1-6.
[Dhiagramu/Mufananidzo uri papeji 9]
Mufananidzo wemuzinda wePezhiya muguta rePersepolis
[Dhiagramu/Mufananidzo uri papeji 9]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Mudiri
Ahashivheroshi mwana wamambo
Dhariyasi Mukuru
[Kwazvakatorwa]
© The Bridgeman Art Library International