“Chengeta Mirayiro Yangu, Urarame”
AIVA muduku, akangwara, “ane muviri wakanaka, akanakawo pachiso.” Mudzimai womushandirwi wake aida kuzvigutsa uye aiva akashinga. Akwezvwa nejaya racho zvisingadzivisiki, akaedza kurinyengedza mazuva ose. “Nenguva iyo akapinda mumba kuti abate basa rake; makanga musina vamwe varume veimba imomo. Ipapo akamubata nguo yake, akati: Vata neni.” Asi Josefa, mwanakomana watateguru Jakobho, akasiya nguo yake ndokutiza mudzimai waPotifari.—Genesi 39:1-12.
Zvechokwadi, haasi munhu wose anotiza mamiriro ezvinhu anoedza. Somuenzaniso, funga nezvenyaya yerimwe jaya rakaonekwa naMambo Soromoni weIsraeri yekare mumugwagwa usiku. Parakangonyengedzwa neimwe nzenza yomukadzi, “pakarepo [r]akamutevera sedhonza riri kuenda kunourayiwa.”—Zvirevo 7:21, 22, New International Version.
VaKristu vanorayirwa kuti “tizai ufeve.” (1 VaKorinde 6:18) Muapostora Pauro akanyorera mudzidzi muduku wechiKristu Timoti kuti: “Tiza kuchiva kwouduku.” (2 Timoti 2:22) Patinotarisana nemamiriro ezvinhu anoratidza ufeve, upombwe, kana kuti zvimwe zvikanganiso zvetsika, isuwo tinofanira kusarudza kutiza sezvakaita Josefa mudzimai waPotifari. Chii chichatibatsira kutsunga kuita kudaro? Muchitsauko chechinomwe chebhuku reBhaibheri raZvirevo 7, Soromoni anotipa rimwe zano rinokosha. Haangotauri chete nezvokudzidzisa kunotidzivirira paunyengeri hwevanhu vane unzenza asi anobudisa pachena nzira yavanoita nayo zvinhu nokurondedzera zvakajeka chiitiko umo rimwe jaya rinonyengedzwa neimwe nzenza yomukadzi.
‘Sungira Mirayiro Yangu Paminwe Yako’
Mambo wacho anotanga nezano rababa achiti: “Mwanakomana wangu, chengeta mashoko angu, viga mirayiro yangu kwauri. Chengeta mirayiro yangu, urarame; nomurau wangu semboni yeziso rako.”—Zvirevo 7:1, 2.
Vabereki, kunyanya vanababa, vane basa ravakapiwa naMwari rokudzidzisa vana vavo zvinodiwa naMwari pane zvakanaka nezvakaipa. Mosesi akakurudzira vanababa kuti: “Mashoko aya andinokurayira nhasi, anofanira kuva mumwoyo mako; unofanira kushingaira kuadzidzisa vana vako, nokuataura kana ugere mumba mako, kana uchifamba munzira, kana uchivata pasi, kana uchimuka.” (Dheuteronomio 6:6, 7) Uye muapostora Pauro akanyora kuti: “Imi, madzibaba, musatsamwisa vana venyu, asi rambai muchivarera mukuranga nomukutungamirira ndangariro kwaJehovha.” (VaEfeso 6:4) Saka, mirayiridzo yomubereki inofanira kuchengetwa, kana kuti kukosheswa zvikuru, chaizvoizvo inosanganisira zviyeuchidzo, mirayiro, uye mitemo inowanika muShoko raMwari, Bhaibheri.
Kudzidzisa kwomubereki kungasanganisirawo mimwe mirau—mitemo yemhuri. Izvi zvakanakira nhengo dzemhuri. Chokwadi, zvichienderana nezvinodiwa, mitemo yacho ingasiyana mumhuri nemhuri. Zvisinei, vabereki vane basa rokusarudza zvakanyanya kunakira mhuri yavo pachavo. Uye mitemo yavanoita kakawanda kacho kuratidzwa kworudo rwechokwadi nehanya. Zano kuvaduku nderokuti vateerere mitemo iyi pamwe nokudzidzisa kwomuMagwaro kunogamuchirwa kubva kuvabereki vavo. Hungu, unofanira kubata mirayiridzo yakadaro “semboni yeziso rako”—kuirinda nokungwarira kwazvo. Ndiyo nzira yokudzivisa nayo mugumisiro unourayisa wokuramba zvinodiwa naJehovha uye zvoita kuti “urarame.”
“Isungire [mirayiro yangu] paminwe yako,” anoenderera mberi Soromoni, “inyore pahwendefa romwoyo wako.” (Zvirevo 7:3) Sezvo tichigara tichiona minwe uye ichikosha pakuita zvinangwa zvedu, zvidzidzo zvinodzidzwa pakurovedzwa neMagwaro kana kuwanikwa kwezivo yeBhaibheri zvinofanira kuva chiyeuchidzo chenguva dzose nenhungamiro mune zvose zvatinoita. Tinofanira kuinyora pahwendefa remwoyo wedu, tichiiita humwe hweunhu hwedu.
Asingakanganwi kukosha kwouchenjeri nokunzwisisa, mambo wacho anokurudzira kuti: “Uti kuuchenjeri: Ndiwe hanzvadzi yangu; utumidze [“kunzwisisa,” NW] shamwari yako.” (Zvirevo 7:4) Kuchenjera kukwanisa kushandisa zvakanaka zivo inopiwa naMwari. Tinofanira kuda uchenjeri sezvatinoita hanzvadzi yatinoda zvikuru. Kunzwisisa chii? Kukwanisa kuona zvakaita nyaya ndokuinzwisisa nokuziva kubatana kwakaita mativi ayo nenyaya yacho yose. Kunzwisisa kunofanira kuva pedyo nesu sezvinoita shamwari yepedyo.
Nei tichifanira kuomerera kukurovedza kweMagwaro ndokukudziridza ushamwari nouchenjeri uye kunzwisisa? Kuitira “kuti [tizvi]chengete pamukadzi wokumwe, pamutorwa unobata kumeso namashoko ake.” (Zvirevo 7:5) Hungu, kuita kudaro kuchatidzivirira panzira dzinobata kumeso uye dzokunyengetedza dzowokumwe, kana kuti dzomutorwa—munhu ane unzenza.a
Jaya Rinosangana No‘mukadzi Anonyengera’
Mambo weIsraeri anobva arondedzera chiitiko chaakaona iye pachake: “Ndakatarira pawindo reimba yangu, parutanda rwewindo rangu; ndikatarira pakati pavasina mano, ndikaona pakati pamajaya rimwe jaya rakashayiwa njere; richipfuura nenzira yomumusha pedyo nekona yeimba yomukadzi uyo, richifamba nenzira kuimba yomukadzi; nenguva yorubvunzavaeni, nenguva yamadeko ezuva, pakati pousiku kwasviba.”—Zvirevo 7:6-9.
Windo iro Soromoni anotarira nepariri rine rutanda—zvimwe furemu ine tutanda uye zvichida zvinhu zvakavezwa pairi zvinoshamisira. Sezvo rubvunzavaeni rwunonopera, rima rousiku rinofukidza migwagwa. Anoona rimwe jaya rinonyengerwa nyore nyore. Risina nzwisiso, kana kuti kungwara, rinoshayiwa njere. Zvingadaro kuti, riri kuziva rudzi rwenharaunda yarapinda uye zvingaitika kwariri imomo. Jaya racho rinosvika pedyo “nekona yeimba yomukadzi uyo,” iri munzira inoenda kumba kwake. Mukadzi uyu ndiani? Ari kumirirei ipapa?
Mambo ari kucherechedza anoenderera mberi achiti: “Zvino tarira, mukadzi akasongana naye, wakanga akafuka sechifeve, anokunyengedzera pamwoyo. Anopupira, achiita sezvaanoda; tsoka dzake hadzigari mumba make; imwe nguva uri munzira dzomumusha, imwe nguva pamatare; unorindira pamakona ose.”—Zvirevo 7:10-12.
Mapfekero omukadzi uyu anotaura zvakawanda nezvake. (Genesi 38:14, 15) Akapfeka zvisina mwero, sepfambi. Uyezve, anonyengedzera pamwoyo—pfungwa dzake dzino“nyengera,” vavariro yake ndeye“manomano.” (An American Translation; New International Version) Anopupira achiita sezvaanoda, achitaurisa uye haadzoreki, ane ruzha uye anoita zvaanofunga, ane hasha uye haateereri. Pane kuti agare pamba, anosarudza kufamba-famba munzvimbo dzine vanhu vakawanda, achimira mumakona emigwagwa kuti abate munhu waanoda kunyengera. Ari kumirira mumwe munhu akaita sejaya iri.
‘Kutaura Kuzhinji Kwakanaka’
Saka jaya rinosangana nomukadzi ane unzenza ane zano remanomano. Izvi zvinofanira kuva zvakabata sei pfungwa dzaSoromoni! Anorondedzera kuti: “Iye akamubata, akamusveta; akataura naye nechiso chisina kunyara, akati kwaari: Ndaifanira kuuya nezvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa, nhasi ndaripa mhiko dzangu. Saka ndabuda kuzokuchingamidza, nditsvake chiso chako zvikuru, zvino ndakuwana.”—Zvirevo 7:13-15.
Miromo yomukadzi uyu inotsvedzerera. Nechiso chisinganyari, anotaura mashoko ake nechivimbo. Chinhu chose chaanotaura chakanyatsorongwa kuti anyengedze jaya racho. Nokutaura kuti akanga aita zvibayiro zvake zvokuyananisa zuva iroro chairo ndokuripa mhiko dzake, anoratidza kururama, achipa pfungwa yokuti anonamatawo. Zvibayiro zvokuyananisa patemberi muJerusarema zvaisanganisira nyama, furawa, mafuta, newaini. (Revhitiko 19:5, 6; 22:21; Numeri 15:8-10) Sezvo aipa wacho aigona kutora zvimwe zvechibayiro chokuyananisa nokuda kwake nemhuri yake, saka anotaura kuti kumba kwake kune zvokudya nezvokunwa zvakawanda. Zviri kurehwa zvakajeka: Jaya racho raizova nenguva yakanaka ikoko. Abuda mumba make zvikurukuru kuti aritsvake. Zvinonzwisa urombo sei—kana mumwe munhu angadavira nyaya yakadaro. “Ichokwadi kuti akanga auya kuzotsvaka mumwe munhu,” inodaro imwe nyanzvi yeBhaibheri, “asi akauya chaizvoizvo kuzotsvaka munhu iyeyu zvikurukuru chaiye here? Fuza chete—zvimwe irori—ndiro raizomutenda.”
Azviita kuti ayemurike nemapfekero ake, nokunzwika kwemashoko ake anonyengera, nemambundikire ake anofadza, uye nokupfavirira kwemiromo yake, munyengerikadzi anokwezva nokushandisa zvinonhuwirira. Anoti: “Ndakawarira machira anoukomba pamubhedha wangu, nemicheka ine mavara inobva Ijipiti. Ndakasasa zvinonhuwira pamubhedha wangu, mura, negavakava, nekinamoni.” (Zvirevo 7:16, 17) Agadzira mubhedha wake zvakaisvonaka nemachira ane mavara akanaka anobva Ijipiti ndokuuita kuti unhuwirire nezvinonhuwirira zvakanaka zvemura, gavakava, nekinamoni.
“Uya tigute nokudana kusvikira mangwanani,” anoenderera mberi, “ngatizvifadze nokudana kukuru.” Zviri kukokerwa zvinopfuura zvokudya zvinonaka zvevanhu vaviri. Ari kuvimbisa kuti vachanakidzwa nokurara vose. Kujaya racho, zviri kukumbirwa zvacho zvinhu zvarisingazivi uye zvinonakidza! Achinyengetedzazve, anowedzera kuti: “Nokuti murume haapo pamusha; wakafamba rwendo rukuru; wakaenda nehombodo ine mari; uchadzoka pajena guru.” (Zvirevo 7:18-20) Anorivimbisa kuti, vachave vakachengeteka zvakakwana, nokuti murume akaenda rwendo rwebhizimisi uye haasi kutarisirwa kudzoka kwenguva yakati. Chipo chakadini chaanacho chokunyengedza jaya! “Nokutaura kwake kuzhinji kwakanaka anomutsausa, anomugombedzera nokubata kumeso kwemiromo yake.” (Zvirevo 7:21) Zvaizoda murume ane ungwaru saJosefa kuti adzivise chikumbiro chinonyengera chakadai. (Genesi 39:9, 12) Jaya iri rinozvikwanisa here?
“Senzombe Inoenda Kwainondobayiwa”
“Anomutevera pakarepo,” anotaura kudaro Soromoni, “senzombe inoenda kwainondobayiwa, kana sebenzi rakasungwa rinoenda kundorangwa; kusvikira museve wabaya chiropa chake; seshiri inokurumidzira kurugombe, asingazivi kuti zvinovinga upenyu hwake.—Zvirevo 7:22, 23.
Kujaya racho chikumbiro chacho hachibviri kuramba. Richitadza zvachose kunyatsofunga, rinomutevera “senzombe inoenda kwainondobayiwa.” Sezvo murume akasungwa asingagoni kunzvenga chirango chake, saka jaya racho rinokweverwa muchivi. Haritombooni ngozi yacho kusvikira “museve wabaya chiropa cha[ro],” kureva kuti, kusvikira rava nechironda chingakonzera kufa kwaro. Rufu rwacho rwungava rwokunyama mukuti rinozviisa pangozi yokutapura zvirwere zvinouraya zvinopfuudzwa nokusangana pabonde kwomurume nomukadzi.b Chironda chacho chingakonzerawo kufa kwaro mumudzimu; ‘chinovinga upenyu hwaro.’ Iro pacharo noupenyu hwaro zvinochinjwa zvikuru, uye ratadzira Mwari kwazvo. Nokudaro rinomhanyira mumusungo worufu seshiri inomhanyira kurugombe!
“Usafamba-famba Mumakwara Ake”
Achiratidza chidzidzo pane zvaaona, mambo akachenjera anokurudzira kuti: “Zvino vanakomana vangu, nditeererei, inzwai mashoko omuromo wangu. Mwoyo wako ngaurege kutsaukira kunzira dzake; usafamba-famba mumakwara ake. Nokuti akawisira pasi vazhinji vakakuvadzwa; zvirokwazvo, vakaurawa naye vazhinji kwazvo. Imba yake inzira dzinoenda Sheori, dzinoburukira kudzimba dzorufu.—Zvirevo 7:24-27.
Zviri pachena kuti zano raSoromoni nderokubva panzira dzinouraya dzomunhu ane unzenza kuti “urarame.” (Zvirevo 7:2) Zano iri rinoenderana nenguva sei muzuva redu! Chokwadi tinofanira kudzivisa nzvimbo dzinowanzoendwa nevaya vanovandira kuti vabate vamwe. Unodirei kubatwa nenzira dzavo nokuenda kunzvimbo dzakadaro? Chokwadi, unodirei kuva munhu ano“shayiwa njere” ndokufamba-famba mumakwara omunhu “wokumwe”?
“Mukadzi wokumwe” akaonekwa namambo akanyengedza jaya nechikumbiro chokuti va“zvifadze nokudana kukuru.” Pwere dzakawanda—kunyanya vasikana—hadzina kushandiswa zvisina kunaka munzira yakadarowo here? Asi funga izvi: Apo mumwe munhu anoedza kukukwezvera mumufambiro usina kunaka wokurara naye, rudo rwechokwadi here kana kuti ruchiva rwoudyire? Nei murume anoda mukadzi zvechokwadi angamumanikidza kuti aite zvisingawirirani nokurovedzwa kwaakaitwa somuKristu uye hana yake? “Mwoyo wako ngaurege kutsaukira” kunzira dzakadaro, Soromoni anopa zano achidaro.
Mashoko omunyengeri kazhinji anobata kumeso uye akanyatsorongwa. Kuramba tiine uchenjeri nokunzwisisa kuchatibatsira kunzwisisa zvaakaita. Kusambokanganwa zvakarayirwa naJehovha kuchatidzivirira. Naizvozvo, nguva dzose ngatiedze ku‘chengeta mirayiro yaMwari kuti tirarame,’ kunyange nokusingaperi.—1 Johani 2:17.
[Mashoko Omuzasi]
a Shoko rokuti “wokumwe” rakashandiswa kune vakazviparadzanisa naJehovha nokuramba Mutemo. Saka, munhukadzi ane unzenza, akadai sepfambi, anonzi “mukadzi wokumwe.”
b Zvimwe zvirwere zvinopfuudzwa nokusangana pabonde kwomurume nomukadzi zvinokuvadza chiropa. Somuenzaniso, kana njovhera yakomba utachiona hunozara muchiropa. Uye utachiona hunokonzera gonoriya hungakonzera kuzvimba kwechiropa.
[Mufananidzo uri papeji 29]
Unoona sei mitemo yevabereki?
[Mufananidzo uri papeji 31]
Kuchengeta mirayiro yaMwari kunoreva upenyu