Ramba Fungidziro Dzenyika, Ronda Zvinhu Chaizvoizvo zvoUmambo
“Rambai, naizvozvo, muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake, uye zvimwe zvinhu zvose izvozvi zvichawedzerwa kwamuri.”—MATEO 6:33, NW.
1. Inyeveroi inopa Shoko raMwari pamusoro pomwoyo wokufananidzira, uye ndeipi iri imwe yenzira huru yaunotinyengera nayo?
“CHENGETA mwoyo wako kupfuura zvose zvinofanira kurindwa; nokuti mukati mawo ndimo mune zvitubu zvoupenyu.” (Zvirevo 4:23) Neiko kwakanga kuri madikanwa kuti mambo akachenjera Soromoni ape iyi nyevero? Nemhaka yokuti “mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose, wakaora chose.” (Jeremia 17:9) Imwe yenzira hurusa iyo mwoyo wedu wokufananidzira unogona kutinyengera nayo iri kupfurikidza nokutiparira kupinda mufungidziro dzenyika. Asi chii chiri fungidziro? Idzo ifungidziro dzisiri dzechokwadi, kurotomoka, kudzungaira kwendangariro. Apo uku kurotomoka kunova fungidziro dzenyika, hakusati kuchingova zvako kupambadzwa kwenguva asi kunokuvadzawo zvikuru. Nokudaro, tinofanira kudziramba chose chose. Kutaura idi, kana tichivenga kusateerera mutemo sezvakaita Jesu, tichataviridza mwoyo wedu pakupinda mufungidziro dzenyika.—VaHebheru 1:8, 9.
2. Chii chiri fungidziro dzenyika, uye nei tichifanira kudziramba?
2 Asi chii chiri fungidziro dzenyika? Idzo ifungidziro dzinoratidzira nyika ino iri musimba raSatani. Nezvayo, muapostora Johane akanyora, kuti: “Nokuti zvose zviri munyika, zvinoti, kuchiva kwenyama, nokuchiva kwameso, nokuzvikudza kwoupenyu, hazvibvi kuna Baba, asi panyika.” (1 Johane 2:16; 5:19) Neiko maKristu achifanira kuramba fungidziro dzenyika? Nemhaka yokuti fungidziro dzakadaro dzinonyandura zvishuvo zvoudyire mundangariro nomwoyo. Kurotomoka pamusoro pokuita chiri chakaipa kunogona kutaura idi kuva dzokororo mundangariro yeizvo munhu achaita zvomenemene. Mudzidzi Jakobho anotinyevera, kuti: “Asi munhu mumwe nomumwe unoidzwa kana achikwehwa nokuchiva kwake achinyengerwa. Zvino kuchiva, kana kwarema, kunozvara zvivi; nezvivi, kana zvakura, zvinobereka rufu.”—Jakobho 1:14, 15.
Mienzaniso Inonyevera
3. Ndichinoitika chaani chinogovera muenzaniso unonyevera zvikurusa wokukuvadza kwefungidziro dzoudyire?
3 Ngatirangarirei mienzaniso inoratidza chikonzero nei fungidziro dzenyika dzichifanira kurambwa. Chinoitika chaSatani Dhiabhorosi chinogovera muenzaniso mukurusa wekuvadziko inogona kubva mukupinda mufungidziro dzoudyire. Iye akabvumira mirangariro yokuzvikoshesa kukura mumwoyo make kusvikira patambanuko yokuti iye akachiva nzvimbo yechienzi yaJehovha saChangamire weChisiko Chapose pose uye akada kuva anonamatwa. (Ruka 4:5-8) Ifungidziro isiri yechokwadi here? Yakanga iri zvamazvirokwazvo! Ikoko kuchabvumikiswa pasina panikiro yose apo Satani anosungwa kwamakore ane chiuru uye zvikurukuru apo iye anokandirwa mu“dziva romwoto,” rufu rwechipiri.—Zvakazarurwa 20:1-3, 10.
4. Satani akanyengera sei Evha?
4 Tine mumwe muenzaniso unonyevera muchinoitika chomukadzi wokutanga, Evha. Munhamburiko dzaSatani dzokuwana gwinyiro rake, iye akanyengera Evha kupfurikidza nokupa kundangariro yake fungidziro yokuti kana iye akadya muchero wakarambidzwa, haasati aizofa asi aizova akafanana naMwari, achiziva zvakanaka nezvakaipa. Fungidziro iyoyo yakanga isiri yechokwadi, youdyire here? Zvamazvirokwazvo yakanga iri, sezvo tinogona kuona mukushurikidza kwaJehovha Evha nomurume wake, Adhama, pakutonga. Somuuyo, ivo vakarasikirwa namaruramiro okuupenyu muParadhiso nokuda kwavo vamene uye nokuda kwavana vavo vose vasina kukwana.—Genesi 3:1-19; VaRoma 5:12.
5. Chii chakaparira kuwa kwavanakomana vengirozi vakati vaMwari, uye nomuuyoi kwadziri?
5 Tinewo muenzaniso unonyevera wavanakomana vengirozi vakati vaMwari. (Genesi 6:1-4) Panzvimbo pakugutswa nezvikomborero izvo dzaifarikanya munzvimbo yokudenga yaJehovha, dzakafungidzira nezvevakadzi pasi pano uye kuti kwaizova kunofadza sei kuvatana navo. Nemhaka yokuita chinhu paidzi fungidziro, ngirozi dzisingateereri zvino dzakaganhurirwa kurima romudzimu reTartaro, dzichimirira kuparadzwa kwadzo pamugumo woKutonga kwaMakore Ane Chiuru kwaJesu Kristu.—2 Petro 2:4; Judhasi 6; Zvakazarurwa 20:10.
Ramba Fungidziro Dzenyika
6, 7. Neiko fungidziro dzenyika pamusoro pepfuma yokunyama dzichikuvadza uye dzichinyengera?
6 Zvino ngatirangarirei imwe yefungidziro inozivikanwa zvikurusa neine ngozi yakasimudzirwa naSatani. Kupfurikidza nechimiro chiri chose chezvinobudisa nhau, tinoedzwa kupinda mufungidziro dzenyika. Idzodzi dzinowanzoparirwa nokushuva pfuma. Makuri kumene, hapana chinhu chakaipa nokuva nepfuma. Abrahama woumwari, Jobho, uye Mambo Dhavhidhi vakanga vakapfuma zvikuru, asi havana kushuva pfuma yokunyama. Fungidziro dzokudisa zvenyika dzinosunda vanhu kushanda nesimba kwamakore kuti vawane pfuma. Fungidziro dzakadaro dzinovasundawo kupinda mumarudzi ose okubhejera, zvakadai sokubhejera mabhiza nokutenga matikiti erotari. Tisave nenyengedzo dzipi nedzipi pamusoro pepfuma. Kana tichifunga kuti pfuma yokunyama ichagovera chengeteko, rangarira ichi chirevo chechokwadi: “Pfuma haibatsiri chinhu nezuva rokutsamwa; asi kururama kunorwira parufu.” (Zvirevo 11:4) Zvamazvirokwazvo, pfuma yokunyama haisati ichizova yebetsero mukupukunyuka “dambudziko guru.”—Mateo 24:21, NW; Zvakazarurwa 7:9, 14.
7 Pfuma yokunyama inogona kusatana kutinyengera. Ndicho chikonzero nei tichiudzwa, kuti: “Pfuma yomupfumi ndiyo musha wake wakasimba, uye sorusvingo rurefu pakufunga kwake.” (Zvirevo 18:11) Hungu, mu“kufunga kwake” bedzi, nokuti pfuma inopa dziviriro shomanene munguva dzokukwira kwemitengo kusingadzoreki, kupunzika kwomugariro wemari, chinjo yezvamatongerwe enyika, kana kuti chirwere chinouraya. Jesu Kristu akanyevera pamusoro poufuza hwokuisa chivimbo chedu mupfuma yokunyama. (Ruka 12:13-21) Tinewo mashoko anonyevera omuapostora Pauro: “Nokuti kuda mari ndiwo mudzi wezvakaipa zvose; vamwe vakati vachiida zvikuru vakatsauswa pakutenda; vachizvibaya neshungu zhinji.”—1 Timotio 6:10.
8. Fungidziro dzenyika dzorudzi rwevatano dzakapararira sei, uye ingozii dzinopiwa naidzodzi?
8 Dzimwe fungidziro dzine chokuita nevatano isiri yapamutemo. Tambanuko kwairi musikirwo wohunhu wokutadza unoda kufungisisa fungidziro dzevatano inogona kuonwa mukukurumbira kwetsvina inotaurwa inowanikwa kupfurikidza nokuridza nhamba dzakati dzorunhare nokuteerera mashoko outere. MuUnited States, mabasa outere anowanikwa kupfurikidza norunhare ibasa rinowanisa mabhirioni amadhora akawanda. Kana tikarega ndangariro dzedu dzichifungisisa vatano isiri yapamutemo, hatisati taizova vanyengeri here, tichingooneka bedzi kuva maKristu akachena? Uye hakuna here ngozi yokuti fungidziro dzakadaro dzingatungamirira kukwamirano dzoutere? Ikoku kwakaitika uye kwakaguma navamwe vanodzingwa muungano yechiKristu nokuda kwokuita ufeve kana kuti upombwe. Nemhaka yamashoko aJesu ari pana Mateo 5:27, 28, ko avo vose vanopfuurira kupinda mufungidziro dzakadaro havana mhaka here yokuita upombwe mumwoyo yavo?
9. Izanoi rakaisvonaka rine Magwaro rokutinyevera pamusoro pefungidziro dzenyika?
9 Kuti tikunde kombamiro yemwoyo yedu inotadza kupinda mufungidziro dzakadaro, tinofanira kurangarira nyevero yaPauro, inoti: “Hakuna chisikwa chisingaonekwi naye [Mwari], asi zvinhu zvose zvakafukurwa nokuzarurwa pameso aiye watinofanira kuzvidavirira kwaari.” (VaHebheru 4:13) Tinofanira panguva dzose kuda kuva vakafanana naMosesi, uyo “akapfuurira akatsiga saanoona Uyo asingaoneki.” (VaHebheru 11:27, NW) Hungu, tinofanira kuramba tichizvitaurira timene kuti fungidziro dzenyika hadzifadzi kuna Jehovha uye dzinogona bedzi kuguma nekuvadziko kwatiri timene. Tinofanira kuva vanoitira hanya pamusoro pokusakurira zvibereko zvose zvomudzimu waMwari, zvikurukuru kuzvidzora, nokuti hatigoni kunzvenga idi rokuti kana tikadyara nomurangariro wenyama, tichacheka kuora kunobva munyama.—VaGaratia 5:22, 23; 6:7, 8.
Zvinhu Chaizvoizvo zvoUmambo
10, 11. (a) Maidii anobvumikisa kuva chinhu chaichoicho kwoMusiki? (b) Chibvumikisoi chiripo chokuti Bhaibheri chaizvoizvo iShoko raMwari? (c) Ufakazii huripo kwokuva chinhu chaichoicho kwaMambo woUmambo hwaMwari?
10 Nzira yakanakisisa yokuramba nayo fungidziro dzenyika kuramba tichironda zvinhu chaizvoizvo zvoUmambo. Zvinhu chaizvoizvo zvoUmambo zvinoparirwa naMwari zvakasiana zvikuru nefungidziro dzenyika. Ko Mwari chinhu chaichoicho here? Hapana panikiro pamusoro pokuvapo kwake. Chisiko chinooneka chinopupurira idi iroro. (VaRoma 1:20) Tinoyeuchidzwa nezvakataurwa anopfuura makore ane zana rimwe mubhuku raThe Divine Plan of the Ages, rakabudiswa neWatch Tower Society. Iro rakati: “Iye anogona kutarira mudenga neteresikopo, kana kuti kunyange neziso rake romusikirwo roga, uye kuona imomo ukuru hwechisiko, fanano yacho, runako, nhevedzano, tsinhirano nemhatsa, asi anopanikira kuti Musiki weizvi mukuru wake zvikuru mose muri muviri muuchenjeri nesimba, kana kuti anogona kufunga kwechinguvana kuti nhevedzano yakadaro yakavapo nemhanza, pasina Musiki, kusvikira panguva ino akarasa kana kuti akafuratira mano okurangarira zvokurangarirwa nenzira yakafanira izvo Bhaibheri rinomudana, benzi (munhu anofuratira kana kuti anoshaiwa kurangarira).”—Pisarema 14:1.
11 Tinodzidza zvose pamusoro poUmambo muBhaibheri Dzvene. Ko Bhaibheri chaizvoizvo iShoko rakanyorwa raMwari here? Zvamazvirokwazvo ndiro, sezvinogona kuonwa mutsinhirano yaro, ururami hwaro hwesayenzi, uye simba raro rokuchinja upenyu hwavanhu uye zvikurukuru kupfurikidza nezadziko yamauporofita aro.a Zvakadiniko nezvaMambo woUmambo hwaMwari, Jesu Kristu? Aivapo chaizvoizvo here? Nhauro dzeEvhangeri netsamba dzakafuridzirwa nenzira youmwari dzaMagwaro echiGiriki echiKristu dzinopupurira nenzira yakajeka uye zvakanaka kuva wenhau kwaJesu Kristu. Pamusoro pokuva wenhau kwaJesu, kunewo chipupuriro cheTalmud yechiJudha, iyo inonongedzera kwaari somunhu. Ndizvo zvinoitawo vezvenhau vechiJudha neveRoma vezana rokutanga ramakore N.V.
12, 13. Maidii anopupurira kuva chinhu chaichoicho kwoUmambo hwaMwari?
12 Zvakadiniko nezvokuva chinhu chaichoicho kwoUmambo humene? Hunofuratirwa zvikuru nechiKristudhomu, sezvinoratidzwa muiyi nyunyuto yakaitwa nomuPresbyter akatanhamara: “Zvamazvirokwazvo apfuura makore ane makumi matatu chifo chaapo ndakateerera mufundisi achiedza kutsanangura kuvanhu vake kuva chinhu chaichoicho kwoUmambo nokuda kwavo.” Bva, kutsveneswa kwezita raJehovha kupfurikidza noUmambo ndiwo musoro weShoko rake. Mwari amene akaita chipikirwa chokutanga choUmambo, achiti: “Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi uye pakati pembeu yako nembeu yake. Iye achakupwanya mumusoro uye iwe uchamupwanya muchitsitsinho.” (Genesi 3:15, NW) Umambo hwakadeya kufananidzirwa norudzi rwaIsraeri, zvikurukuru mukati mokutonga kwaMambo Soromoni. (Pisarema 72) Uyezve, Umambo wakanga uri musoro wokuparidzira kwaJesu. (Mateo 4:17) Iye akahusimbisa muyakawanda yemienzanisiro yake, zvakadai seiyo iri muna Mateo ganhuro 13. Jesu akatiudza kunyengeterera Umambo nokuramba tichihutsvaka pakutanga. (Mateo 6:9, 10, 33) Kutaura idi, Umambo hwaMwari hunodudzwa kanodokusvika ka 150 muMagwaro echiKristu echiGiriki.
13 Umambo ihurumende chaiyoiyo, ine simba nechiremera, uye huchazadzika kariro dzose dzine maruramiro. Ihwo hune mitemo, inowanwa muBhaibheri. Umambo hwakatoita kuti zvinhu zvakawanda zvive chaizvoizvo. Hune vadzorwi vakavimbika—Zvapupu zvinopfuura 4 000 000 zvaJehovha. Munyika 211 izvo zviri kuparidzira mashoko akanaka oUmambo hwaMwari, muzadziko yaMateo 24:14. Mukati megore razvo rebasa ra 1991, zvakapedza maawa 951 870 021 zvichiparidzira shoko roUmambo. Uyu mubato uri kubereka miuyo inooneka, inogarisa sezvo mapoka achidzidza “mutauro wakachena” wezvokwadi yeBhaibheri.—Zefania 3:9, NW.
Kuronda Zvinhu Chaizvoizvo zvoUmambo
14. Tinogona sei kusimbisa nzwisiso yedu yokuva chinhu chaichoicho kwoUmambo?
14 Ipapoka, tinogona sei kuronda zvinhu chaizvoizvo zvoUmambo? Tariro yedu inofanira kuva yakavakirwa zvakachengeteka pakupwiswa kwakasimba. Nyika itsva yakapikirwa yaMwari inofanira kuva chaiyoiyo kwatiri. (2 Petro 3:13) Uye tinofanira kuva nokutenda muchipikirwa chokuti Mwari “achapukuta musodzi uri wose mumaziso [edu], uye rufu harusati ruchizovapozve, uyewo kuchema kana kuti marwadzo hazvisati zvichizovapozve.” (Zvakazarurwa 21:4, NW) Tinogona sei kuva nechokwadi chokuti iyi haisati iri fungidziro? Ine chokwadi chokuzadzikwa munguva yakafanira yaMwari, nokuti hakubviri kuti areve nhema. (Tito 1:1, 2; VaHebheru 6:18) Tinofanira kufungisisa zvipikirwa izvozvo. Kuzvifananidza timene tiri munyika itsva yaMwari nokufarikanya zvikomborero zvayo hakusati kuri fungidziro isiri yechokwadi asi kunopa ufakazi hwokutenda. Sokukurondedzera kwakaita Pauro, “kutenda ikariro yakapikirwa yezvinhu zvinokarirwa, ratidzirwo iri pachena yezvinhu chaizvoizvo kunyange zvazvo zvisingaonwi.” (VaHebheru 11:1, NW) Ngatisimbisei kutenda kwedu kupfurikidza nokudya nguva dzose paShoko raMwari nezvinyorwa zvechiKristu izvo zvinotibetsera kurinzwisisa ndokurishandisa. Uye kana tikapa nguva yakawanda kukutaurira vamwe pamusoro poUmambo, nenzira yakarongwa uye namasanga, tinosimbisa zvikuru kutenda kwedu ndokujekesa tariro yedu mahuri.
15. Musengwai watinawo pamusoro poushumiri hwechiKristu?
15 Tinofanirawo kushanda mutsinhirano nezvinhu chaizvoizvo zvoUmambo kupfurikidza nokuvandudza kunaka kwoushumiri hwedu. Sezvo kuchine zvakawanda zvinofanira kuitwa, tinogona sei kuita ikoku? (Mateo 9:37, 38) Chirevo ndechechokwadi chokuti munhu haatongovi akanyanyokura zvokusagona kudzidza. Hazvinei hazvo kuti makore mangani atave tichigoverana mubasa rokupupurira, tinogona kuvandudza. Kupfurikidza nokuva vanobudirira zvikuru mukubata Shoko raMwari, tinokwanisa zviri nani kubetsera vamwe kunzwa inzwi raMambo, Jesu Kristu. (Enzanisa naJohane 10:16.) Apo tinorangarira kuti nguva dzemberi dzisingaperi dzavanhu dzinobatanidzwa, tinofanira kuda kufukidza ndima yedu zvakakwana kuti tivape banza rinodzokororwa rokuratidzira pavamire, sa“makwai” kana kuti zvimwe se“mbudzi.” (Mateo 25:31-46) Chokwadika, ikoko kunoreva kuchengeta zvinyorwa zvokungwarira zvaavo vasiri pamusha uye zvikurukuru zvaavo vanofarira shoko roUmambo.
Ramba Uchironda Umambo
16. Ndivanaani vakagadza muenzaniso wakaisvonaka mukuronda zvinhu chaizvoizvo zvoUmambo, uye ivo vari “kubata” Umambo sei?
16 Nhamburiko yapachokwadi inodikanwa kuti tirambe tichironda zvinhu chaizvoizvo zvoUmambo. Hatikurudzirwi here nomuenzaniso wokushingaira wamaKristu akazodzwa asara? Ave achironda zvinhu chaizvoizvo zvoUmambo kwamakumi amakore. Uku kuronda kwakarondedzerwa mumashoko aJesu, anoti: “Kuvambira mumazuva aJohane Mubhapatidzi kusvikira zvino umambo hwamatenga inharidzano iyo vanhu vanovavarira, uye avo vanovavarira vari kuibata.” (Mateo 11:12, NW) Pano mufungo hausati uri uya wavavengi vanobata Umambo. Panzvimbo pezvo, ikoku kune chokuita nomubato waavo vari mumutsara woUmambo. Imwe nyanzvi yeBhaibheri yakati: “Neiyi nzira kuvavarira ikoko kwokudisa, kusingadzivisiki nokuparapatikira Umambo hwosvika hwaMesia kunorondedzerwa.” Vakazodzwa vakaita nhamburiko iri yose mukuita kuti Umambo huve hwavo vamene. Nhamburiko dzesimba dzakafanana dzinodikanwa ku“mamwe makwai” kuti vakwanirise savadzorwi vapasi voUmambo hwokudenga hwaMwari.—Johane 10:16.
17. Ndoupi uchava mugariro waavo vanoronda fungidziro dzenyika?
17 Zvirokwazvo, tiri kurarama munhambo chaiyo yebanza. Avo vanoronda fungidziro dzenyika pane rimwe zuva vachaziva chinhu chaichoicho chakaoma. Mugariro wavo unosanorondedzerwa muaya mashoko: “Zvichafanana nokurota kwomunhu ane nzara, achiti ndinodya; asi unopepuka, ndokuona mweya wake usina chinhu; kana sokurota kwomunhu une nyota, achiti ndinonwa; asi unopepuka, wanei waziya, mweya wake unopanga mvura.” (Isaya 29:8) Zvamazvirokwazvo, fungidziro dzenyika hadzisati dzichizotongoita kuti munhu upi noupi agutswe uye afare.
18. Nemhaka yokuva chinhu chaichoicho kwoUmambo, inzirai yatinofanira kuronda, tichirangarira kariroi?
18 Umambo hwaJehovha chinhu chaichoicho. Huri kutonga nenzira yokushingaira, nepo tsika ino yakaipa yezvinhu yakatarisana noruparadziko rwuri pedyo, rwechigarire. Naizvozvo, fungisisa zano raPauro, rinoti: “Naizvozvo ngatirege kuvata savamwe, asi tirinde, tisvinuke.” (1 VaTesaronika 5:6) Ngatichengetei mwoyo yedu nendangariro zvakanangidzirwa pazvinhu chaizvoizvo zvoUmambo uye nokudaro kufarikanya zvikomborero zvahwo zvisingagumi. Uye ngatinzwe Mambo woUmambo ihwohwo achiti kwatiri: “Uyai, imi makakomborerwa naBaba vangu, mugare nhaka umambo hwakagadzirirwemi kuvambira pakuvambwa kwenyika.”—Mateo 25:34, NW.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona bhuku raThe Bible—God’s Word or Man’s? rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
Waizopindura Sei?
◻ Chii chiri fungidziro dzenyika, uye nei tichifanira kudziramba?
◻ Mienzanisoi inoratidza upenzi hwokupinda mufungidziro dzenyika?
◻ Maidii anobvumikisa kuva chinhu chaichoicho kwoMusiki, Shoko rake rakanyorwa, Jesu Kristu, uye Umambo?
◻ Tinogona sei kusimbisa kutenda kwedu muzvinhu chaizvoizvo zvoUmambo?
[Mufananidzo uri papeji 15]
Fungidziro dzenyika dzinowanzoparirwa kupfurikidza nokushuva pfuma yokunyama
[Mufananidzo uri papeji 16]
Kuparidzira mashoko akanaka inzira imwe yokuronda nayo zvinhu chaizvoizvo zvoUmambo
[Mufananidzo uri papeji 17]
Uri kuronda zvinhu chaizvoizvo zvoUmambo kupfurikidza nokufunda nokushingaira Shoko raMwari here?