Isaya
29 “Arieri* ine nhamo, iyo Arieri, guta rakadzikwa musasa naDhavhidhi!+
Rambai muchidaro gore negore;
Mitambo yenyu yese ngairambe+ ichiitwa.
2 Asi ndichaunza dambudziko muArieri,+
Uye pachava nekuchema nemariro,+
Uye ichava sechoto cheatari yaMwari kwandiri.+
3 Ndichakudzikira musasa kumativi ese,
Uye ndichakukomba nematanda
Ndokuvakira masvingo ekuti ndikurwise.+
Inzwi rako richanzwika richibva muvhu+
Seinzwi resvikiro,
Uye mashoko ako achaita sekuzevezera kuri kubva muguruva.
5 Boka revavengi vako* richaita seupfu hwakatsetseka,+
Boka revadzvinyiriri sehundi iri kupeperetswa.+
Zvichangoerekana zvaitika, pakarepo.+
6 Jehovha wemauto achafunga nezvako
Nemabhanan’ana, nekudengenyeka kwenyika, neruzha rukuru,
Nedutu nemvura ine simba nemarimi emoto unoparadza.”+
7 Vanhu vazhinji vemarudzi ese avo vari kurwa neArieri,+
Ivo vese vari kurwa nayo,
Shongwe dzekushandisa pakuirwisa,
Nevaya vari kuita kuti itambudzike,
Vachabva vaita sechiroto, chiratidzo cheusiku.
8 Chokwadi zvichaita sepanorota munhu ane nzara achidya,
Asi anomuka aine nzara,*
Uye sepanorota munhu ane nyota achinwa,
Asi anomuka akaneta uye aine nyota.*
Ndizvo zvichaitawo boka remarudzi ese
Ari kurwa neGomo reZiyoni.+
Vadhakwa, asi kwete newaini;
Vari kudzedzereka, asi kwete nedoro.
10 Nekuti Jehovha aita kuti mubatwe nehope huru;+
Avhara maziso enyu, imi vaprofita,+
Uye afukidza misoro yenyu, imi vaoni.+
11 Kwamuri, chiratidzo chese chinova semashoko ebhuku rakanamwa.+ Pavanoripa mumwe munhu anogona kuverenga vachiti: “Tinokumbira kuti uriverenge zvinonzwika,” iye achati: “Handikwanisi, nekuti rakanamwa.” 12 Uye pavanopa bhuku racho kune mumwe munhu asingagoni kuverenga, vachati: “Tinokumbira kuti uriverenge zvinonzwika,” iye achati: “Handitombogoni kuverenga.”
13 Jehovha anoti: “Vanhu ava vanouya kwandiri nemiromo yavo,
Uye vanondikudza nemiromo yavo,+
Asi mwoyo yavo iri kure chaizvo neni;
Uye kunditya kwavo kunobva pamirayiro yevanhu yavakadzidziswa.+
14 Saka ndini ndichaitazve zvinhu zvinoshamisa nevanhu ava,+
Nechishamiso pamusoro pechishamiso;
Uye uchenjeri hwevanhu vavo vakachenjera huchaparara,
Uye kunzwisisa kwevanhu vavo vakangwara kuchavigwa.”+
15 Vane nhamo vaya vanoshanda nesimba kuti vavanzire Jehovha zvavanoronga.*+
Mabasa avo anoitirwa munzvimbo ine rima,
Vachiti: “Ndiani anotiona?
Ndiani anoziva nezvedu?”+
16 Chokwadi munomonyorora zvinhu!*
Muumbi anofanira kuonekwa seivhu here?+
Chinhu chakagadzirwa chingati here pamusoro peakachigadzira:
“Haana kundigadzira”?+
Uye chinhu chakaumbwa chingati here nezvemuumbi wacho:
“Haanzwisisi”?+
17 Munguva pfupi iri kuuya, Rebhanoni richashandurwa kuva munda wemichero,+
Uye munda wemichero uchaonekwa sesango.+
18 Zuva iroro matsi dzichanzwa mashoko ebhuku racho,
Uye maziso emapofu achaona ari pakasviba uye ari murima.+
19 Vanyoro vachafara kwazvo muna Jehovha,
Uye varombo vari pakati pevanhu vachafarira Mutsvene waIsraeri.+
20 Nekuti mudzvinyiriri achange asisipo,
Anozvirumbidza achasvika pamagumo ake,
Uye vese vanogara vakateya kuita zvakaipa vachaparadzwa,+
21 Ivo vaya vanoita kuti vamwe vave nemhosva neshoko ravo renhema,
Vaya vanoisira zviteyeso anorwira vanhu* pagedhi reguta,+
Uye vaya vanoramba kuitira munhu akarurama zvinhu zvakarurama, vachipa zvikonzero zvisina musoro.+
22 Saka Jehovha, uyo akadzikinura Abrahamu+ ari kuti kuimba yaJakobho:
23 Nekuti paanoona vana vake,
Iro basa remaoko angu, pakati pake,+
Vachatsvenesa zita rangu;
Chokwadi vachatsvenesa Mutsvene waJakobho,
Uye vacharemekedza Mwari waIsraeri zvikuru.+
24 Vaya vakatsauka vachanzwisisa,
Uye vaya vanonyunyuta vachabvuma kurayiridzwa.”