RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Jehovha ndiMwari Akaita Sei?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
    • 2. Jehovha ndiMwari akaita sei?

      Kunyange zvazvo Jehovha asingaoneki, tinogona kumuziva uye kumuda sezvatinoita munhu chaiye watinoona. Bhaibheri rinoti: “Jehovha anoda kutonga zvakarurama, uye haazosiyi vanhu vake vakavimbika.” (Pisarema 37:28) “Ane tsitsi huru uye ane ngoni,” zvikurukuru kune vaya vanenge vachitambura. (Jakobho 5:11) “Jehovha ari pedyo nevaya vakaora mwoyo; anoponesa vaya vakasuruvara.” (Pisarema 34:18) Waizviziva here kuti zvatinoita zvinogona kuita kuti afare kana kuti asuwe? Munhu anoita zvakaipa anorwadzisa Jehovha. (Pisarema 78:40, 41) Asi munhu anoita zvakanaka anomufadza.—Verengai Zvirevo 27:11.

  • Tingaratidza Sei Kuti Tinoda Jehovha?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
    • Tingaratidza Sei Kuti Tinoda Jehovha?

      Uri kunzwa uri pedyo naMwari here kubva pawakatanga kudzidza Bhaibheri? Ungada kuramba uchisimbisa ushamwari hwako naye here? Kana zvakadaro, yeuka kuti paunowedzera kuda Jehovha, iye anozviona, uye anobva awedzerawo kukuda uye kukuchengeta. Ungamuratidza sei kuti unomuda?

      1. Tingaratidza sei kuti tinoda Jehovha?

      Tinoratidza kuti tinoda Jehovha nekumuteerera. (Verengai 1 Johani 5:3.) Hapana waanomanikidza kuti amuteerere. Anopa munhu wese mukana wekusarudza kana achida kumuteerera kana kusamuteerera. Anozviitirei? Jehovha anoda kuti tive “vanhu vanoteerera zvichibva pamwoyo.” (VaRoma 6:17) Izvi zvinoreva kuti anoda kuti timuteerere nekuti tinomuda, kwete kungomuteerera nekuti ndiye Mwari. Chikamu 3 ne4 chebhuku rino chichakubatsira kuti uratidze kuda kwaunoita Jehovha nekuita zvinhu zvinomufadza uye kurega zvinhu zvinomugumbura.

      2. Sei dzimwe nguva zvichioma kuti tiratidze kuti tinoda Jehovha?

      “Matambudziko emunhu akarurama mazhinji.” (Pisarema 34:19) Tese tinorwisana nenyama yedu ine chivi. Uye tinogona kunge tiine matambudziko akadai sekushaya mari, kubatwa zvisina kunaka, kana mamwewo matambudziko. Kana tiri munguva yakaoma zvinogona kutiomera kuita zvatinotarisirwa naJehovha kuti tiite. Zvinodaro nekuti dzimwe nguva kuita zvisina kunaka ndiko kuri nyore. Asi paunoita zvaunonzi naJehovha uite kunyange zvakakuomera, unenge uchiratidza kuti unomuda kupfuura zvese. Unenge uchiratidzawo kuti wakavimbika kwaari. Iyewo achabva ava akavimbika kwauri. Haazombofi akakusiya.—Verengai Pisarema 4:3.

      WEDZERA KUONGORORA

      Ongorora kuti nei zvichikosha kuna Jehovha kuti unoteerera here kana kuti kwete, uye dzidza zvaunogona kuita kuti urambe wakavimbika kwaari.

      3. Nyaya yaunofanira kuratidza paumire

      Bhuku reBhaibheri raJobho rinoratidza kuti Satani ane zvaakapomera murume ainzi Jobho, uye ndizvo zvaanopomerawo vanhu vese vanoda kushumira Jehovha. Verengai Jobho 1:1,  6–2:10, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:

      • Satani akati Jobho aishumira Jehovha nechikonzero chei?—Ona Jobho 1:9-11.

      • Satani anotii nezvevanhu vese, kusanganisira iwe?—Ona Jobho 2:4.

      Verengai Jobho 27:5b, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:

      • Jobho akaratidza sei kuti ainyatsoda Jehovha?

      Satani achishora Jehovha. Ari kupomera Jobho uyo akazara nemaronda neimwe hanzvadzi inoshumira Jehovha.

      Jobho akaratidza kuti aida Jehovha nekuramba akavimbika kwaari

      Tinoratidza kuti tinoda Jehovha kana tikaramba takavimbika kwaari

      4. Fadza mwoyo waJehovha

      Verengai Zvirevo 27:11, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:

      • Jehovha anonzwa sei kana ukaratidza kuti wakachenjera womuteerera? Nei wadaro?

      5. Unogona kuramba wakavimbika kuna Jehovha

      Kuda kwatinoita Jehovha kunoita kuti tiudze vamwe nezvake. Kuvimbika kwedu kwaari kunotipa simba rekuita izvi kunyange pazvinenge zvakaoma. Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mibvunzo inotevera:

      VHIDHIYO: Tsigira Kutenda Kwako Kunyange Paunoshorwa (5:09)

      • Unomboomerwa nekuudza vamwe nezvaJehovha here?

      • Muvhidhiyo iyi, chii chakabatsira Grayson kuti akurire kutya kwaaimboita?

      Zvinoita nyore kuti tirambe takavimbika kuna Jehovha kana tichida zvaanoda uye tichivenga zvaanovenga. Verengai Pisarema 97:10, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:

      • Ndezvipi zvimwe zvinhu zvawakadzidza zvinodiwa naJehovha? Ko ndezvipi zvaanovenga?

      • Ungadzidza sei kuda zvakanaka uye kuvenga zvakaipa?

      6. Kuteerera Jehovha kunotibatsira

      Kuteerera Jehovha kwagara kwakatinakira. Verengai Isaya 48:17, 18, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:

      • Unofunga kuti Jehovha anoziva zvakatinakira nguva dzese here? Nei uchidaro?

      • Kusvika pawava iye zvino, kudzidza Bhaibheri uye kudzidza nezvaMwari wechokwadi Jehovha kwakubatsira sei?

      VAMWE VANOTI: “Mwari haarwadziwi nezvandinoita uye haazvione kana ndikaita zvakanaka.”

      • Rugwaro rwupi rwaungashandisa kuti uratidze munhu akadaro kuti zvatinoita zvinogona kufadza kana kurwadzisa Jehovha?

      PFUPISO

      Unogona kuratidza kuti unoda Jehovha nekumuteerera uye kuramba wakavimbika kwaari kunyange pazvinenge zvakaoma.

      Kudzokorora

      • Wadzidzei kubva pane zvakaitika kuna Jobho?

      • Ucharatidza sei kuti unoda Jehovha?

      • Chii chichakubatsira kuti urambe wakavimbika kuna Jehovha?

      Edza Izvi

      WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

      Dzidza zvaungaita kuti urambe wakavimbika kuna Jehovha uye kuungano.

      “Muchava Akavimbika Kune Akavimbika” (16:49)

      Verenga unzwe zvakawanda nezvenhema dzinotaurwa naSatani achipomera vanhu.

      “Jobho Anoramba Akaperera” (Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei? chikamu 6)

      Ona kuti vana vangaratidza sei kuti vanoda Jehovha.

      Fadza Jehovha (8:16)

      Vechidiki vangaramba sei vakavimbika kuna Jehovha pavanenge vachifurirwa nevamwe?

      Ramba Kufurirwa! (3:59)

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe