RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Zvirevo 27
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raZvirevo

    • ZVIREVO ZVASOROMONI ZVAKANYORWA NEVARUME VAMAMBO HEZEKIYA (25:1–29:27)

        • Kutsiurwa neshamwari kunobatsira (5, 6)

        • Mwanakomana wangu, fadza mwoyo wangu (11)

        • Simbi inorodza imwe simbi (17)

        • Ziva makwai ako (23)

        • Pfuma haigari nekusingaperi (24)

Zvirevo 27:1

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “richazvara.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ru 12:19, 20; Jak 4:13, 14

Zvirevo 27:2

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “nemutorwa.”

  • *

    ChiHeb., “newekune imwe nyika.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 25:27; Jer 9:23; 2VaK 10:18

Zvirevo 27:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 25:25

Zvirevo 27:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 37:9-11; Zvi 14:30; Mab 17:5

Zvirevo 27:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 19:17; Mt 18:15

Zvirevo 27:6

Mashoko Emuzasi

  • *

    Dzimwe shanduro dzinoti, “zvekunyepera; zvekumanikidzwa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 12:7, 9; Pis 141:5; Zva 3:19

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Bhaibheri Rinotii Nezveushamwari?

    ijwbq nyaya 183

    Mawaniro Aungaita Shamwari

    w00 12/1 p. 21

    Revo Yechirevo

    w90 9/15 p. 28

Zvirevo 27:7

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “anotsika-tsika.”

  • *

    Kana kuti “kumweya une.”

Zvirevo 27:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 23:16; Zvi 15:23; 16:24

Zvirevo 27:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 17:17; 18:24

Zvirevo 27:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 10:1; 23:15; 2Jo 4
  • +Job 1:8, 9

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Jehovha ndiMwari Akaita Sei?

    lff chidzidzo 7 pfungwa 2

    Tingaratidza Sei Kuti Tinoda Jehovha?

    lff chidzidzo 34

    Zvinotaurwa neBhaibheri Nezveramangwana

    wp18 nha. 1 p. 15

    Kuva Munhu Munyoro—Kunoratidza Uchenjeri

    w16.12 p. 30

    Jesu Akaratidza Muenzaniso Wokuzvininipisa

    w12 11/15 p. 13 ndim. 10

    Kuperera Kwako Kuna Jehovha Kunofadza Mwoyo Wake

    w09 4/15 pp. 7-11

    “Makanzwa Nezvokutsungirira kwaJobho”

    w06 8/15 p. 26 ndim. 5-6

    Vechiduku Vanofadza Mwoyo waJehovha

    w03 4/15 pp. 14-15

    Nzira Yokufadza Nayo Mwari

    lr chits. 40

    Zvatinodzidza Mukubvumira kwaMwari Uipi

    wt chits. 7

    Mufaro

    w95 2/15 p. 31

Zvirevo 27:12

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “orangwa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 18:10; Isa 26:20; VaH 11:7

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Zvaungaita Kuti Ugutsikane Kana Zvinhu Zvakaoma Panyaya Dzemari

    w26.11 pp. 27-28

    Kuzvidya Mwoyo Nekuti Upenyu Hunenge Huri Pangozi

    w15 7/1 pp. 8-9

Zvirevo 27:13

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mutorwa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 20:16

Zvirevo 27:15

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “anonetsa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 21:9, 19

Zvirevo 27:17

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “chiso cheshamwari yake.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 23:16; VaH 10:24, 25

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Sarudza Shamwari Nekuchenjera

    lff chidzidzo 48 pfungwa 5

    Bhaibheri Rinotii Nezveushamwari?

    ijwbq nyaya 183

    Bhaibheri Rinogona Kubatsira Varume Vanozvidya Mwoyo

    mrt nyaya 14 ndim. 8-10

    Chikonzero Nei Zvichifanira Kukurukurwa

    g99 3/8 p. 4

    Unogona Kufambira Mberi Mumudzimu

    w98 5/15 p. 27

    Tinoda Shamwari Dzechokwadi

    w96 3/15 p. 3

    Rava Shoko raMwari Ndokumubatira Muzvokwadi

    w96 5/15 p. 17 ndim. 9

    Ndinogona Sei Kugonana Nedzvinyiriro Yevezera Rangu?

    yp-CA chits. 9

Zvirevo 27:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 13:4
  • +Ge 39:2; Zvi 17:2

Zvirevo 27:20

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Sheori neAbhadhoni.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 30:15, 16

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nei Ndisingagoni Kuwana Zvinhu Zvandinoda?

    g99 4/8 p. 20

Zvirevo 27:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 17:3

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Zuva Raitarisira Mamishinari Kuudzwa Nyika Dzavaizonoshandira

    w11 8/1 p. 29

    Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raZvirevo

    w06 9/15 p. 19 ndim. 12

    Kurumbidza Kana Kuti Kubata Kumeso Here?

    w98 2/1 p. 31

Zvirevo 27:23

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Isa mwoyo wako pamakwai; Isa pfungwa dzako pamakwai.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaK 3:23

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    ‘Vafudzi Vachafudza Makwai Angu Nemazvo’

    w26.11 pp. 8-13

    Mazano Ako ‘Anofadza Mwoyo’ Here?

    w22.02 p. 17 ndim. 15

    “Vafudzi Vanofadza Mwoyo Wangu”

    jr chits. 11 ndim. 6

    Unofinhwa Nebasa Rako Here?

    g98 1/8 p. 11

    Mibvunzo Inobva Kuvaravi

    w91 8/1 p. 30

Zvirevo 27:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 23:4, 5; 1Ti 6:17

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Unofinhwa Nebasa Rako Here?

    g98 1/8 p. 11

    Mibvunzo Inobva Kuvaravi

    w91 8/1 p. 30

Zvirevo 27:25

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Mibvunzo Inobva Kuvaravi

    w91 8/1 p. 30

Zvirevo 27:26

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Mibvunzo Inobva Kuvaravi

    w91 8/1 p. 30

Zvirevo 27:27

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Mibvunzo Inobva Kuvaravi

    w91 8/1 p. 30

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Zvir. 27:1Ru 12:19, 20; Jak 4:13, 14
Zvir. 27:2Zvi 25:27; Jer 9:23; 2VaK 10:18
Zvir. 27:31Sa 25:25
Zvir. 27:4Ge 37:9-11; Zvi 14:30; Mab 17:5
Zvir. 27:5Re 19:17; Mt 18:15
Zvir. 27:62Sa 12:7, 9; Pis 141:5; Zva 3:19
Zvir. 27:91Sa 23:16; Zvi 15:23; 16:24
Zvir. 27:10Zvi 17:17; 18:24
Zvir. 27:11Zvi 10:1; 23:15; 2Jo 4
Zvir. 27:11Job 1:8, 9
Zvir. 27:12Zvi 18:10; Isa 26:20; VaH 11:7
Zvir. 27:13Zvi 20:16
Zvir. 27:15Zvi 21:9, 19
Zvir. 27:171Sa 23:16; VaH 10:24, 25
Zvir. 27:18Zvi 13:4
Zvir. 27:18Ge 39:2; Zvi 17:2
Zvir. 27:20Zvi 30:15, 16
Zvir. 27:21Zvi 17:3
Zvir. 27:23VaK 3:23
Zvir. 27:24Zvi 23:4, 5; 1Ti 6:17
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Zvirevo 27:1-27

Zvirevo

27 Usazvikudza nezvezuva ramangwana,

Nekuti hauzivi kuti zuva rinotevera richaunza* chii.+

 2 Rumbidzwa nemumwe munhu,* kwete nemuromo wako;

Rumbidzwa nevamwe,* kwete nemiromo yako.+

 3 Dombo rinorema uye jecha rinoremawo,

Asi kunetseka kunokonzerwa nebenzi kunorema kupfuura zvese zviri zviviri.+

 4 Hasha dzine utsinye uye kushatirwa kwakaita semafashamo,

Asi ndiani angamisidzana negodo?+

 5 Kutsiurwa pachena kuri nani pane rudo runovanzwa.+

 6 Maronda anokonzerwa neshamwari akatendeka,+

Asi muvengi anotsvoda kakawanda.*

 7 Munhu akaguta anoramba* uchi hwemumazinga,

Asi kumunhu ane* nzara, kunyange zvinhu zvinovava zvinenge zvichitapira.

 8 Munhu anotiza achibva pamba pake

Akafanana neshiri inotiza dendere rayo.

 9 Mafuta nerusenzi zvinofadza mwoyo;

Ndizvo zvinoitawo ushamwari hwakanaka hunobva pakupiwa zano nemwoyo wese.+

10 Usarasa shamwari yako kana shamwari yababa vako,

Uye usapinda mumba mehama yako pazuva raunenge uine dambudziko;

Muvakidzani ari pedyo ari nani pane hama iri kure.+

11 Mwanakomana wangu, iva akachenjera ufadze mwoyo wangu,+

Kuti ndigone kupindura anondishora.+

12 Munhu akangwara anoona njodzi ohwanda,+

Asi asina ruzivo anoramba achienda ozosangana nedambudziko.*

13 Tora chipfeko chemunhu kana akaita kuti munhu waasingazivi atore chikwereti muzita rake;

Mutorere chekusara wakabata kana akazviitira mukadzi wekune imwe nyika.*+

14 Kana munhu akafumira kukomborera mumwe wake nenzwi riri pamusoro,

Achanzi amutuka.

15 Mukadzi anogara achipopota* akafanana nedenga remba rinodonha kana kuchinaya.+

16 Munhu anokwanisa kumudzora anokwanisa kudzora mhepo

Uye kupfumbata mafuta muruoko rwake rwerudyi.

17 Simbi inorodza simbi,

Saizvozvo munhu anorodzawo shamwari yake.*+

18 Anochengeta muonde achadya michero yawo,+

Uye anochengeta tenzi wake achakudzwa.+

19 Sekuoneka kunoita chiso mumvura,

Mwoyo wemunhu unoratidzawo zvakaita mwoyo wemumwe munhu.

20 Guva nenzvimbo yekuparadzwa* hazvimboguti,+

Uye maziso emunhu haamboguti.

21 Sezvo sirivha ichinatsirwa muhari yekunatsira uye goridhe richinatsirwa muchoto chekunatsira,+

Munhu anoedzwa nekurumbidzwa kwaanoitwa.

22 Kunyange ukadzvura benzi nemutswi

Sezviyo zvakadzvurwa muduri,

Upenzi hwaro hahumbobvi pariri.

23 Unofanira kunyatsoziva kuti zvipfuwo zvako zvakamira sei.

Nyatsobata zvakanaka makwai* ako,+

24 Nekuti upfumi haugari nekusingaperi,+

Uye korona yamambo haigari kwezvizvarwa zvese.

25 Uswa hwakasvibirira hunopera, humwe uswa hwotanga kumera,

Uye zvinomera mumakomo zvinounganidzwa.

26 Makondohwe madiki anokuwanisa zvipfeko,

Uye nhongo ndidzo dzinoshandiswa pakutenga munda.

27 Uye uchava nemukaka wembudzi unokukwanira,

Unokwanira imba yako uye unokwana varandasikana vako.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe