Tsumo dzevaAkan Dzinoratidza Tsika Dzinotarisirwa Munzanga
NOMUNYORI WEMUKAI! MUGHANA
TSUMO chii? Rimwe duramazwi rinorondedzera tsumo se“chirevo chipfupi chinowanzodzokororwa nevanhu, chinopa zano kana chinokuudza chimwe chinhu maererano noupenyu.” VaYoruba vokuNigeria vanorondedzera tsumo zvinonakidza, vachiiti ‘ibhiza rinogona kutakura munhu nenguva isipi kuti aone dzimwe pfungwa.”
Kukosha kwetsumo, kana kuti zvirevo, kunoratidzwa netsumo iyi inozivikanwa nevanhu vechiAkan vokuGhana inoti: “Munhu akachenjera anotaurwa naye netsumo, kwete nomutauro unoshandiswa nevanhu vose.” Pfungwa iri kutaurwa apa ndeyokuti munhu akachenjera haadi mashoko akawanda kuti abvume kuita chinhu chakakodzera kuita. Tsumo yakakodzera inoita kuti munhu afunge, inopa nzwisiso, uye inogona kukurudzira munhu kuita zvinofanira kuitwa.
MuGhana, tsumo dzinoshandiswa kwazvo mumhemberero dzemichato uye pamariro uye dzirimo munziyo dzechinyakare. Dzinokoshawo chaizvo muhurukuro dzezvematongerwe enyika. Mutauriri kana kuti mumiririri wenyika anowanzotaura nounyanzvi achishandisa tsumo.
Munzanga yevaAkan, unyanzvi hwokushandisa tsumo chiratidzo chikuru chouchenjeri. Zvinofadza ndezvokuti, muBhaibheri, Mambo Soromoni—murume anozivikanwa nouchenjeri hwake, kudzidza, uye kutonga—akanzi aiziva tsumo dzinosvika 3 000. Chokwadi, zvirevo zviri muBhaibheri zvakafuridzirwa naMwari uye zvinogara zviri zvechokwadi, kusiyana netsumo dzoruzivo rwevanhu uye manzwisisiro avo. Tsumo dzevanhu, pasinei nokuti ndedzouchenjeri sei, hadzifaniri kumbofananidzwa nedzeBhaibheri. Asi ngationgororei dzimwe tsumo dzevaAkan.
Pfungwa yaMwari
MuGhana, tsumo dzinowanzoratidza kubvuma kuti Mwari aripo, uye izvi zvinoratidzwa netsumo dzakawanda dzevaAkan. Pfungwa dzokusadavira kuvapo kwaMwari hadzimo sokuziva kunoita vaAkan. Somuenzaniso, imwe tsumo inoti: “Hakuna anoratidza mwana Mwari.” Kuti Mwari aripo zvinongova pachena kunyange kumwana. Tsumo iyi inowanzoshandisirwa kuchimwe chinhu icho mwana achangodzidza nemirayiridzo mishoma.
Imwe tsumo yevaAkan inoti: “Kana ukatiza Mwari, unenge uchiri pasi pake.” Saka, kuzvinyengera kana mumwe munhu akaramba Mwari. Makarekare, Bhaibheri rakambozvitaura, richiti meso aMwari “ari pose pose; achicherechedza vakaipa navakanaka.” (Zvirevo 15:3) Tose tinozvidavirira kuna Wamasimba Ose.
Mashoko Ane Chokuita Netsika Nemagariro
Sezvakangoitawo tsumo dzedzimwe tsika, tsumo dzevaAkan idura retsika nemagariro. Somuenzaniso, simba remashoko anotaurwa rinonyatsobudiswa nomuenzaniso uyu unoti: “Kutsvedza kworurimi kunokunda kwegumbo.” Rurimi rusingadzorwi chokwadi runogona kukuvadza kwazvo uye chaizvoizvo rungaratidza kusiyana kuripo pakati poupenyu norufu.—Zvirevo 18:21.
Zvisinei, rukadzorwa, chokwadi rurimi runogona kukonzera rugare, sokupupurira kunoita chirevo ichi, “Pane rurimi mazino haabatani.” Pfungwa iripo apa ndeyokuti zvinhu zvinogona kugadziriswa norugare pakati pevanhu vanenge vachipikisana—vakadai somurume nomudzimai wake—nokukurukurirana zvakadzikama. Uye kunyange izvi zvikasashanda, kushandisa rurimi nounyanzvi panenge pane mapitse kunogona kumisa bopoto.
Uchenjeri Hunobatsira
Kukosha kwokunzwisisa uye kufanofunga kunoratidzwa zvakajeka mutsumo dzinoverengeka dzinosimbisa kuva nouchenjeri hunobatsira. Munhu anoita asina kufunga, rombe, uyo anotadza kuona migumisiro yezviito zvake anogona kutora zano mutsumo inoti, “Tanga waona kwokutizira nakwo usati wadenha mhakure.”
Mubereki anoona unhu husina kunaka mumwana angada kuteerera tsumo iyi, “Kana ukaona dzinde rinogona kubaya ziso rako richikura, unoridzura, hauridiridziri.” Chokwadi, unhu hupi nohupi hwakaipa hunofanira kudzurwa—kana kuti kubviswa mudzinde—husati hwakura kuti hukonzere zvinetso.
Kutaura Nezvetsika Dzepasichigare uye Zvinoitwa
Dzimwe nguva zvakakodzera kuti unzwisise tsika kuti uwane pfungwa yetsumo dzayo. Somuenzaniso, pavaAkan zvinoonekwa sokushaya unhu kushandisa ruoko rworuboshwe pakutaura nevamwe, zvikurukuru kuvechikuru. Tsika iyi inoonekwa mutsumo inoti, “Haunongedzeri kumusha kwenyu noruboshwe.” Nemamwe mashoko, munhu anofanira kukoshesa zvaanazvo, kusanganisira kwaakabva.
Tsumo inotaura nezvetsika yokudya mumusha wevaAkan inoti: “Mwana anodzidza kugeza maoko ake anodya nevakuru.” Panguva yokudya, nhengo dzemhuri dzinogara maererano nezera. Zvisinei, mwana anozvibata, zvikurukuru mukushambidzika uye mutsika, angakwidziridzwa kudya nababa vake uye nevamwe vechikuru patafura. Tsumo yacho inosimbisa pfungwa yokuti kuti munhu aremekedzwe zvinonyanya kukonzerwa nounhu hwake pane kuti ava nezera ripi.
Uri kufunga kuroora here? Kana zvakadaro chimbofunga tsumo iyi yevaAkan inoti, “Kuroora haisi waini yomuchindwe inoraidzwa.” Vatengesi vewaini yomuchindwe, chinwiwa chinenge chavira chinobva pamuti womuchindwe, vanowanzotendera vanenge vachida kutenga kuti vamboraidza vasati vasarudza yavanoda kutenga kunyange kutorega. Zvisinei, kuroora, hakugoni kuraidzwa saizvozvo. Tsumo iyi inosimbisa chisungo chechigarire chomuchato uye kuti michato yemaedzwa haidiwi.
Kunyatsoongorora Zvinhu
Tsumo dzakawanda dzinopupurira nezvokunyatsoongorora kwaiita madzitateguru evaAkan vanhu nemhuka. Somuenzaniso, kunyatsoongorora sheshe nenhiyo dzayo, kwakaita kuti pave netsumo iyi, “Hukwana inodya gumbo remhashu ndeiri pana mai.” Zvichirevei? Kana munhu akazviparadzanisa nevamwe, anokurumidza kukanganwika panogoveranwa zvinhu zvakanaka.
Chero ani zvake anoongorora datya rakafa haambotadzi kunzwisisa chokwadi chemashoko aya, “Kureba chaiko kwedatya kunooneka parinofa.” Tsumo iyi inowanzoshandiswa pamunhu asingakosheswi. Mumamiriro ezvinhu akadai, munhu asingakosheswi anonyaradzwa nechokwadi chokuti kusavapo kwake kunoratidza mukana wokuti vamwe vaone zvizere zvakanaka zvaanoita.
Tsumo “Muchidimbu”
Kunyange zvazvo tsumo dzevaAkan dzakapfuudzwa kubva muchizvarwa chimwe kuenda mune chimwe neshoko romuromo, tsumo dzakawanda dzakachengetedzwa muzvigadzirwa zvine mifananidzo. Mifananidzo yakadaro inooneka muzvivezwa, patsvimbo, midziyo yokuyeresa yendarama, uye micheka yevaAkan uyewo mumicheka yemazuva ano. Vanoshanyira nzvimbo dzine zvigadzirwa izvi zvevaGhana vangaona mifananidzo yomurume anenge achikwira muti uku mumwe achimubatsira. Iwoyo mufananidzo wakafanana nedimikira iri rinoti, “Kana ukakwira muti wakanaka, unogona kubatsirwa.” Zvinorehwa nemashoko acho zviri pachena—kana ukavavarira zvinhu zvinobatsira, ungabatsirwa.
Mariro anopa chaizvo mukana unonzi nomumwe munyori “mutauro wemicheka.” Kuchema kunenge kuripo pachiitiko chacho kunoita kuti vanhu vafungisise nezvoupenyu. Nokudaro, masonerwe emicheka yemariro anobudisa mashoko ane chokuita nokudzama kwakaita upenyu. Somuenzaniso, mucheka unenge une manera kana masitepisi anokwira kumusoro unoyeuchidza dimikira rinoti, “Haasi munhu mumwe chete bedzi anokwira manera orufu.”a Izvi zvinoita kuti vanhu vazvininipise uye kuti vasararame upenyu kunge vasingafi.—Muparidzi 7:2.
Munzanga yevaAkan, nhume kana kuti vatauriri vemadzimambo vane unyanzvi chaizvo hwokushandisa tsumo vachitsetsenura, uye vanotakurawo tsvimbo youmambo inenge yakagadzirwa nenzira inoratidza kukosha kwevanhu vacho. Somuenzaniso, shiri inenge yakabata musoro wenyoka “chidimbu” chetsumo yokuti, “Kana ukabata musoro wenyoka, mutumbi wayo wose unenge wangova tambo zvayo.” Mashoko acho anorevei? Gadzirisa zvinetso zvachose—usingaregi.
Kushandisa Tsumo Zvakakodzera
Somufananidzo upi noupi, kuti tsumo inofanira kushandiswa rini uye sei zvinoenderana nemashoko anenge achitaurwa uye vateereri vacho. Kunaka kwemashoko anenge achitaurwa kunogona kukanganiswa nokushandisa tsumo zvisiri izvo. Uye sezvo mune dzimwe tsika kushandisa tsumo kuchiumba nzira inokosha yokutaura kwakakodzera mutsika, kushandisa tsumo zvisiri izvo kunogona kuita kuti vanhu vaone mukurukuri nenzira isiri iyo.
MuGhana, vakuru vomunzanga vanoonekwa sevatangi uye sevachengetedzi vetsumo. Saka, zvirevo zvinowanzotangwa nokuti, “Vakuru vedu vanoti . . . ” Uye mukurukuri paanenge achitaura kuvateereri vechikuru vakawanda, kuremekedza kutanga tsumo yacho nemashoko okuti, “Ndimi vakuru munoti . . . ” Achiitira kuremekedza, mukurukuri wechiduku anenge asingadi kuonekwa seari kudzidzisa vakuru vake mashoko ouchenjeri anotaurwa netsumo.
Mamwe Mashoko Anokosha
Tsumo dzinogona kutangira kana kuti kuzopedzisira pamashoko anenge achitaurwa. Uyewo, dzinogona kushandiswa nouchenjeri kwazvo mukukurukurirana zvokuti munhu angada nzwisiso kuona kuti chii chiri kutaurwa. Somuenzaniso, nezvomunhu anozvininipisa uye anoda rugare, muAkan angati: “Kudai akanga ari nhingi, mungadai musingariri pfuti mumusha uno.” Izvi zvinoyeuchidza tsumo inoti, “Kudai zvaingosiyirwa hozhwa nekamba, musango maisarira pfuti.” Zvisikwa zvacho zvose zvinoonekwa sezvinyoro uye sezvinozvininipisa uye zvisingadi kurwa. Vanhu vane unhu uhwu vanoda rugare.
Zvisinei, kana uchida kuti mumwe wevaAkan akudonongodzerere tsumo, ungangowana imwe chete bedzi, “Haugoni kurota usina kurara.” Nemamwe mashoko, munhu haagoni kushandisa tsumo pasina pokudzishandisira kungofanana nokuti munhu haagoni kurota akasvinura. Mamiriro ezvinhu ndiwo anotema kushandiswa kwadzo.
[Mashoko Omuzasi]
a Zvakafanira kutaura kuti chitaera ichi chinowanika pamicheka yemavara akasiyana-siyana uye hachingoshandiswi pazvipfeko zvitema chete zvinowanzoshandiswa pamariro.