Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Pane Chakaipa Nokutsiva Here?
“Akandituka.”—Conneel, ane makore 15, ari mujeri nemhosva yokuponda.
Andrew, ane makore 14, akauraya mudzidzisi pamutambo wepachikoro, akati aivenga vadzidzisi nevabereki vake uye kuti anoitira hasha vasikana nokuti vanomuramba.
MAGAZINI inonzi Time inoudana kuti “musambo wakaipa.” Wechiduku akatsamwa anopinza chombo chakaipa muchikoro chake pachivande uye anoridzira pfuti kune vaanodzidza navo uye kuvadzidzisi vake. Zviitiko zvakaipa zvakadaro zvatanga kuva zvakakurumbira zvikuru muUnited States zvokuti imwe nhepfenyuro yenhau yeTV yakatsanangura muitiro wacho so“kuwedzera kwemhirizhonga.”
Zvitori nani kuti pari zvino kuridzirana pfuti muzvikoro kuchakati dererei. Kunyange zvakadaro, mhosva dzichangobva kuparwa dzehasha dzisingadzorwi dzinoratidza kuti zvechokwadi vamwe vechiduku vakatsamwa sei. Chii chinoita sechinokuchidzira kuratidzwa kwehasha kwakadaro? Zvinoratidzika kuti vamwe pakati pevechiduku ava vakatsamwiswa nokumwe kusaruramisirwa kana kubatwa zvisina kufanira nevanhu vane chiremera. Zviri pachena kuti vamwe vakatsamwiswa nokuramba vachinyombwa nevezera ravo. Mumwe mukomana ane makore 12 akapfura waanodzidza naye—akabva azvipfurawo—ainyombwa kuti akanyanya kufuta.
Hazvirambiki kuti vechiduku vakawanda zvichida havambofungi zvakakomba nezvokubatanidzwa mukuita zvinokuvadza zvakanyanyisa kudaro. Kunyange zvakadaro, hazvisi nyore kuedza kukurira kunetseka mupfungwa uye marwadzo zvinovapo kana uchisarurwa nokuda kworudzi rwako, uchidheererwa, kana kunyombwa zvinorwadza. Achiyeuka mazuva aaienda kuchikoro, Ben anowedzera kuti: “Ndakanga ndiri mupfupi nguva dzose kune vamwe vana vezera rangu. Uye nokuti ndaigara ndakagerwa muparavara, vamwe vana vaigara vachindinyomba uye vaindirova mumusoro. Izvozvi zvainditsamwisa zvikuru. Chainyanyoita kuti zvirwadze ndechokuti pandaienda kunokumbira kubatsirwa nevakanga vane chiremera, vaiita sevasinganzwi zvandaivaudza. Zvaitowedzera kutsamwa kwangu!” Ben akati: “Chinhu chaingondiita kuti ndisatora pfuti kuti ndipfure vanhu ava ndechokuti hapana kwandaigona kuiwana.”
Unofanira kuona sei vechiduku vanoda kurwadzisa vanenge vavarwadzisa? Uye iwe pachako ukasabatwa zvakanaka unofanira kuita sei? Pakupindura, funga zvinotaurwa neShoko raMwari.
Kuzvidzora—Chiratidzo Chesimba!
Kusabatwa zvakanaka uye kusaruramisirwa zvinhu zvakabvira kare. Mumwe munyori weBhaibheri akapa zano iri: “Rega kutsamwa, urashe hasha; usava neshungu, zvinongotadzisa munhu.” (Pisarema 37:8) Kakawanda kacho, hasha dzinoitwa nokusazvidzora uye dzinoitwa pasina kufunga kuti zvichaguma sei. Kuzvibvumira ku“va neshungu” kunogona kuita kuti munhu aite hasha dzakanyanya! Zvingazoguma nei?
Funga muenzaniso womuBhaibheri waKaini naAbheri. ‘Kaini akatsamwira kwazvo’ munu’una wake Abheri. Somugumisiro, “vakati vari kusango, Kaini ndokumukira Abheri munun’una wake, akamuuraya.” (Genesi 4:5, 8) Mumwe muenzaniso wehasha dzisingadzorwi ndewaMambo Sauro. Achiitira shanje Dhavhidhi muduku nokukunda muhondo kwaakanga aita, akatokanda mapfumo kwete kuna Dhavhidhi chete asiwo kumwanakomana wake pachake Jonatani!—1 Samueri 18:11; 19:10; 20:30-34.
Ichokwadi kuti pane dzimwe nguva pazvinenge zvakakodzera kuti munhu atsamwe. Asi kunyange ipapo, kutsamwa kwakarurama kunogona kuguma nokuita zvakaipa kana kusingadzorwi. Somuenzaniso, Simeoni naRevhi zvechokwadi vakanga vane kodzero yokutsamwira Shekemi pavakaziva kuti akanga abata chibharo hanzvadzi yavo Dhina. Asi pane kuterama, vakamutsa mhirizhonga nokutsamwa, sezvinoratidzwa mumashoko avakazotaura okuti: “Iye wagoitireiko nehanzvadzi yedu sezvinoitwa nechifeve?” (Genesi 34:31) Uye pavakanga vaguta nehasha “vakatora mumwe nomumwe munondo wake, vakapinda muguta vanhu vasingarindiri, vakauraya varume vose” vaigara mumusha waShekemi. Hasha dzavo dzaitapuriranwa nokuti vamwe “vanakomana vaJakobho” vakabatana navo mukuponda kwacho. (Genesi 34:25-27) Kunyange mumakore akazotevera, baba vaSimeoni naRevhi, Jakobho, vakashora kutsamwa kwavo kusingadzorwi.—Genesi 49:5-7.
Tinodzidza chinhu chinokosha kubva mune zvakaitika izvi: Hasha dzisingadzorwi chiratidzo chokuperevedza kwete chesimba. Zvirevo 16:32 inoti: “Une mwoyo murefu unopfuura une simba; unodzora mweya wake, unopfuura unotapa musha.”
Upenzi Hwokudzorera
Saka Magwaro anopa zano iri: “Musadzorera chakaipa nechakaipa kune munhu upi noupi. . . . Musazvitsivira.” (VaRoma 12:17, 19) Kudzorera—kungava kwokurova kana kutuka—hakudiwi naMwari. Panguva imwe chete, kudzorera kwakadaro hakutomborina nomusoro wose uye hakusi kuchenjera. Nokutika kuita mhirizhonga kunongoita kuti irambe ichiwedzera. (Mateu 26:52) Uye kakawanda kacho kutuka kunoita kuti vanhu varambe vachitukana. Yeukawo kuti kakawanda kacho hapana chikonzero chokumbotsamwa. Somuenzaniso, unonyatsoziva here kuti munhu akugumbura wacho anokuzvonda? Zvingava izvo here kuti munhu wacho anga achingoita zvisina musoro? Uye kunyange kana waitirwa utsinye, zvaitika zvacho zvinonyatsoita kuti kudzorera kuve kwakarurama here?
Funga mashoko eBhaibheri ari pana Muparidzi 7:21, 22 anoti: “Usava nehanya namashoko ose anotaurwa, kuti urege kunzwa muranda wako achikutuka. Nokuti kazhinji mwoyo wako unoziva kuti newewo wakatuka vamwe saizvozvo.” Hungu, hazvifadzi kuti vanhu vataure zvinhu zvakaipa nezvako. Asi Bhaibheri rinobvuma kuti zvinowanika muupenyu. Inhema here kuti zvichida iwe wakambotaura zvimwe zvinhu pamusoro pevamwe zvaungadai waisafanira kutaura? Ko zvino iwe unozogumbuka sei kana mumwe munhu akataura zvimwe zvinhu zvisingafadzi nezvako? Kakawanda kacho, nzira yakanaka yokupedza kunyombwa kungoitawo sousingakunzwi.
Kungofananawo naizvozvi, kunyanyogumbuka kana wanzwa kuti hauna kubatwa zvakanaka kuita kwokusachenjera. Mumwe achiri kuyaruka anonzi David anoyeuka zvakaitika paakatamba basketball nevamwe vaKristu. “Mumwe aiva kune chimwe chikwata akanditema nebhora,” anodaro David. Achikurumidza kuona uku sokuitirwa utsinye, David akadzorera, achikanda bhora racho kumumwe mutambi wacho. “Ndakanga ndazara noukasha,” anobvuma kudaro David. Asi zvisati zvanyanyoipa, David akanyengetera kuna Jehovha. Akazvibvunza kuti, ‘Ko ndiri kuitei, kuda kurwa neimwe hama yechiKristu?’ Gare gare vakakumbirana ruregerero.
Mumamiriro ezvinhu akadaro zvakanaka kuyeuka muenzaniso wakanaka waJesu Kristu. “Paakanga achitukwa, haana kutanga kutukawo. Paakanga achitambura, haana kutanga kutyisidzira.” (1 Petro 2:23) Hungu, kana uchimanikidzika, pane kudzorera, nyengetera kuna Mwari uye mukumbire kuti akubatsire kuramba uchizvidzora. ‘Achapa mudzimu mutsvene kune vanomukumbira.’ (Ruka 11:13) Pane kudzorera kana mumwe munhu akugumbura, zvichida chinhu chaunofanira kuita kuenda kune munhu wacho wotaura nezvazvo. (Mateu 5:23, 24) Kana uri kugara uchinetswa zvakanyanya, zvichida nevanodheerera vamwe kuchikoro, usada kurwisana nevanhu vacho. Pane kudaro, unofanira kuita matanho anoshanda okuzvidzivirira.a
Wechiduku Akarega Hasha
Vechiduku vakawanda vakashandisa nheyo dzeBhaibheri idzi zvichibudirira. Somuenzaniso, Catrina akasiyiwa kuti arerwe naamai vasiri vake paakanga ari muduku zvikuru. Anoti: “Ndaive nechinetso chehasha nokuti ndakanga ndisinganzwisisi kuti nei amai vangu vokundibereka vakandirasa. Saka ndaipedzera shungu pana amai vangu vokurera. Nokupusawo kwangu, ndaifunga kuti kana ndikavarwadzisa, inenge iri imwe nzira yokurwadzisawo amai vangu. Saka ndaingoita zvose—kutuka, kuridza zvitsitsinho, kuita hasha. Kurovera madhoo ndokwandainyanya kufarira. Ndaiwanzoti, ‘Ndinokuvengai!’—ndaiita zvose izvi nokuti ndainge ndatsamwa zvikuru. Ndichifunga nezvenguva idzodzo, handidaviri kuti ndaiita zvinhu izvi.”
Chii chakabatsira Catrina kudzora hasha dzake? Anopindura kuti: “Kuverenga Bhaibheri! Izvi zvinokosha zvikuru nokuti Jehovha anoziva manzwiro atinoita.” Catrina akanyaradzwawo apo iye nevemhuri yake vaiverenga nyaya dzeMukai! dzaitaura nezvemamiriro emhuri yake.b “Tose takagona kukurukurirana uye kunzwisisa manzwiro omumwe,” anoyeuka kudaro.
Iwewo unogona kudzidza kudzora kunzwa hasha. Kana pane vari kukunyomba, kukudheerera, kana kukubata zvisina kufanira, yeuka mashoko eBhaibheri ari pana Pisarema 4:4 anoti “Ityai, murege kutadza.” Mashoko iwayo anogona kukubatsira kurega kuita hasha dzinoparadza.
[Mashoko Omuzasi]
a Kuti uwane mazano anoshanda pakubata nevadzidzisi vasingaruramisiri, vanodheerera vamwe kuchikoro, nevanonetsa vamwe, ona nyaya dzinoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . ” dzinowanikwa mumagazini eMukai! echiRungu aFebruary 8, 1984; August 22, 1985; uye August 8, 1989.
b Ona nyaya dzakatevedzana dzinoti “Kurera Mwana Asiri Wako,” dzinowanikwa mumagazini yeMukai! yaMay 8, 1996.
[Mufananidzo uri papeji 15]
Kakawanda nzira yakanaka yokupedza nayo kunyombwa kungoita sousingazvinzwi