Rangarira Musiki Wako mukuru!
“Rangarirawo Musiki wako . . . mazuva akaipa asati asvika.”—MUPARIDZI 12:1.
1. Vechiduku vakazvitsaurira kuna Mwari vanofanira kuda sei kushandisa uduku hwavo uye simba?
JEHOVHA anopa vashumiri vake simba rokuti vaite zvaanoda. (Isaya 40:28-31) Izvi ndezvechokwadi pasinei nezera ravo. Asi vechiduku vakazvitsaurira kuna Mwari vanofanira kunyanya kuda kushandisa uduku hwavo uye simba nouchenjeri. Naizvozvo, vanofungisisa zano re“muparidzi,” Mambo Soromoni wemuIsraeri yekare. Akakurudzira kuti: “Rangarirawo Musiki wako pamazuva oujaya hwako, mazuva akaipa asati asvika, namakore asati avapo, panguva yauchazoti: Handifariri izvozvo.”—Muparidzi 1:1; 12:1.
2. Vana vevaKristu vakazvitsaurira vanofanira kuitei?
2 Zano raSoromoni rokurangarira Musiki Mukuru muuduku rakatanga kutaurirwa majaya nemhandara dzeIsraeri. Vakazvarirwa murudzi rwakatsaurirwa kuna Jehovha. Zvakadini nevana vevaKristu vakazvitsaurira nhasi? Chokwadi, vanofanira kufunga nezveMusiki wavo Mukuru. Kana vakadaro, vachamukudza uye vachazvibatsira.—Isaya 48:17, 18.
Mienzaniso Yakaisvonaka Yomunguva Yakapfuura
3. Mienzanisoi yakaratidzwa naJosefa, Samueri, uye Dhavhidhi?
3 Vechiduku vakawanda vanotaurwa muBhaibheri vakaratidza mienzaniso yakaisvonaka sevaya vairangarira Musiki wavo Mukuru. Kubva achiri muduku, mwanakomana waJakobho Josefa akarangarira Musiki wake. Mudzimai waPotifari paakaedza Josefa kuti arare naye, akaramba zvakasimba ndokutaura kuti: “Ndingaita seiko chinhu ichi chakaipa zvikuru nditadzire Mwari?” (Genesi 39:9) Samueri muRevhi akarangarira Musiki wake kwete chete achiri mwana asi muupenyu hwake hwose. (1 Samueri 1:22-28; 2:18; 3:1-5) Wechiduku Dhavhidhi wokuBheterehema zvechokwadi aigara achifunga Musiki wake. Kuvimba kwake naMwari kwakaoneka paakatarisana nehofori yechiFiristia Goriati ndokuzivisa kuti: “Iwe unouya kwandiri nomunondo, nepfumo, nemharu; asi ini ndinouya kwauri nezita raJehovha wehondo, Mwari wehondo dzavaIsraeri vaunoshora. Nhasi Jehovha uchakuisa muruoko rwangu; ndichakuuraya, ndichakugura musoro wako, . . . kuti nyika yose izive kuti Mwari uripo pakati paIsraeri. Zvino kuti ungano iyo yose izive, kuti Jehovha haaponesi nomunondo kana nepfumo, nokuti kurwa ndokwaJehovha, iye uchakuisa mumaoko edu.” Nenguva isipi, Goriati akanga afa, uye vaFiristia vakabereka tsoka.—1 Samueri 17:45-51.
4. (a) Chii chinoratidza kuti Musiki wedu Mukuru akarangarirwa nomusikana wechiIsraeri akanga akatapwa muSiria uye naMambo muduku Josia? (b) Jesu aiva nemakore 12 akaratidza sei kuti airangarira Musiki wake?
4 Mumwe wechiduku akarangarira Musiki Mukuru aiva musikana wechiIsraeri akanga akatapwa. Akapa uchapupu hwakaisvonaka zvikuru kumudzimai wemukuru wehondo weSiria Naamani zvokuti akaenda kune muprofita waMwari, akarapwa maperembudzi, ndokuva munamati waJehovha. (2 Madzimambo 5:1-19) Mambo muduku Josia akatsigira kunamatwa kwakachena kwaJehovha nokushinga. (2 Madzimambo 22:1–23:25) Asi muenzaniso wakanakisisa wemunhu akarangarira Musiki wake Mukuru achiri wezera duku akanga ari Jesu wekuNazareta. Funga nezvezvakaitika paakanga ane makore 12. Vabereki vake vakaenda naye kuJerusarema kuPaseka. Pavakanga vava kudzoka, vakaona kuti Jesu akanga asipo, nokudaro vakadzoka kunomutsvaka. Pazuva rechitatu, vakamuona achikurukura mibvunzo yomuMagwaro nevadzidzisi patemberi. Achipindura mubvunzo wamai vake wokuda kuziva, Jesu akabvunza kuti: “Nei maifanira kufamba muchinditsvaka? Hamuna kuziva here kuti ndinofanira kuva mumba maBaba vangu?” (Ruka 2:49) Zvaibatsira Jesu kuti awane mashoko anokosha mumudzimu patemberi, ‘imba yaBaba vake.’ Nhasi, Horo yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha inzvimbo yakanakisisa yokuwana zivo yakarurama yeMusiki wedu Mukuru.
Rangarira Jehovha Iye Zvino!
5. Mumashoko ako pachako, ungataura sei zvakataurwa nomuparidzi sezvakanyorwa pana Muparidzi 12:1?
5 Munamati wemwoyo wose waJehovha anoda kuita basa Rake nokukurumidza sezvinobvira uye kushumira Mwari mazuva ake ose. Zvisinei, munhu anopedzera uduku hwake pasina, nemhaka yokusarangarira Musiki ane tarisiro dzei? Achifuridzirwa naMwari muparidzi anoti: “Rangarirawo Musiki wako pamazuva oujaya hwako, mazuva akaipa asati asvika, namakore asati avapo, panguva yauchazoti: Handifariri izvozvo.”—Muparidzi 1:1; 12:1.
6. Uchapupu hupi huripo hwokuti Simiyoni naAna vakanga vachembera vakarangarira Musiki wavo Mukuru?
6 Hapana anofarira “mazuva akaipa” ouchembere. Asi vanhu vachembera vanogara vachifunga nezvaMwari vanofara. Somuenzaniso, Simiyoni akanga achembera akabata mucheche Jesu mumaoko ake patemberi ndokuzivisa nomufaro kuti: “Zvino, Changamire Ishe, mava kurega muranda wenyu achienda akasununguka murugare maererano nokuzivisa kwenyu; nokuti maziso angu aona mutoo wenyu wokuponesa nawo wamakagadzirira pamberi pevanhu vose, chiedza chokubvisa nacho chifukidziro pamarudzi nembiri yevanhu venyu Israeri.” (Ruka 2:25-32) Ana aiva nemakore makumi masere nemana akarangarirawo Musiki wake. Aigara ari patemberi uye aivapo apo mucheche Jesu akaendwa naye ikoko. “Muawa iyoyo chaiyo akaswedera pedyo akatanga kuonga Mwari nokutaura pamusoro pemwana kune vose vaimirira kununurwa kweJerusarema.”—Ruka 2:36-38.
7. Zvinhu zvakamira sei nokuda kwevaya vachemberera mubasa raMwari?
7 Zvapupu zvaJehovha zvomuzuva ranhasi zvachemberera mubasa raMwari zvingatambura kurwadza nokusakwanisa nokuchembera. Asi, zvinofara sei, uye tinokoshesa sei kushumira kwazvo nokutendeka! Zvine “mufaro waJehovha,” nokuti zvinoziva kuti akashandisa simba rake risingakundiki pasi pano uye akagadza Jesu Kristu saMambo wokudenga ane simba. (Nehemia 8:10) Zvino yava nguva yokuti vaduku nevakuru vateerere kukurudzira uku: “Majaya nemhandara; vatana navana; ngavarumbidze zita raJehovha; nokuti zita rake roga rakakurumbira; Umambo hwake huri kumusoro kwapasi nokudenga.”—Pisarema 148:12, 13.
8, 9. (a) “Mazuva akaipa” haana mubayiro kuna vanaani, uye nei zvakadaro? (b) Waizorondedzera sei Muparidzi 12:2?
8 “Mazuva akaipa” ouchembere haapi mubayiro—zvimwe anotambudza zvikuru—kune vaya vasingafungi nezveMusiki wavo Mukuru uye vasinganzwisisi zvinangwa zvake zvine mbiri. Havana kunzwisisa kwemudzimu kunoita kuti miedzo yokuchembera nenhamo dzatambudza vanhu kubva apo Satani akadzingwa kudenga itsungiririke. (Zvakazarurwa 12:7-12) Nokudaro, muparidzi anotikurudzira kurangarira Musiki wedu “zuva nechiedza, nomwedzi, nenyeredzi zvisati zvasvibiswa, makore achidzoka kana mvura yapfuura.” (Muparidzi 12:2) Mashoko aya anorevei?
9 Soromoni anofananidza nguva youduku nechirimo chokuParestina uko zuva, mwedzi, uye nyeredzi zvinopenyesa chiedza chazvo zviri mudenga risina makore. Zvinhu zvinobva zvajeka zvikuru. Zvisinei, pakuchembera, mazuva omunhu akaita semwaka unotonhora, unonaya wemuchando, zvinetso zvichingodungamidzana. (Jobho 14:1) Zvingasuruvarisa sei kuziva nezveMusiki asi ndokutadza kumushumira munguva yechirimo youpenyu! Munguva yechando yokuchembera, zvinhu zvinosviba, kunyanya kune vaya vakarega mikana yokushumira Jehovha muuduku hwavo pamusana pokubatanidzwa mukutsvaka zvinhu zvisina basa. Zvisinei, pasinei nezera redu ngati‘tevere Jehovha zvakakwana,’ sezvakaita Karebhi akanga akatendeka, shamwari yakavimbika yomuprofita Mosesi.—Joshua 14:6-9.
Migumisiro Yokuchembera
10. Chii chinomirirwa ne- (a) “vatariri veimba”? (b) “varume vane simba”?
10 Soromoni anozotaura nezvezvinetso mu“zuva iro, kana vatariri veimba vachidedera, varume vane simba vachikotama, vakuyi vachirega basa ravo, nokuti vava vashoma; navanotarira napamawindi vasvibirwa.” (Muparidzi 12:3) “Imba” yacho inoreva muviri wemunhu. (Mateu 12:43-45; 2 VaKorinde 5:1-8) “Vatariri” vayo maoko nezvanza, zvinodzivirira muviri nokuupa zvaunoda. Pakuchembera anowanzodedera nokushaya simba, kubvunda, uye nhetemwa. “Varume vane simba”—makumbo—haasisiri mbiru dzakatsiga asi aneta uye ava namateya zvokuti tsoka dzinongoita zvokudhonzwa. Asi, haufari here kuona vaunonamata navo vachembera vari pamisangano yechiKristu?
11. Kutaura nokufananidza, “vakuyi” uye “vanotarira napamawindi” chii?
11 ‘Vakuyi varega basa ravo nokuti vava vashoma’—asi sei? Mazino angave aora kana kuti akabva, kwasara mashoma kana pane achirimo. Kutsenga zvokudya zvakaoma kunonetsa kana kuti hakuchabviri zvachose. “Vanotarira napamawindi”—maziso pamwe nemano epfungwa atinoona nawo—anoonera madzerere, kana kuti kusatoona zvachose.
12. (a) ‘Mikova inobudira munzira dzomumusha yavharwa’ pakudii? (b) Unofungei nezvevazivisi voUmambo vachembera?
12 Muparidzi anoenderera mberi achiti, “mikova ichizarirwa inobudira kunzira dzomumusha, nenzwi rokukuya richiderera; kana achimuka nenzwi reshiri, navaimbi vose vasinganzwiki zvakanaka.” (Muparidzi 12:4) Mikova miviri yemukanwa—miromo—haichavhuriki zvakanyanya kana kuti zvachose kuti itaure zviri ‘mumba,’ kana kuti muviri, wevaya vachembera vasingashumiri Mwari. Hapana chinotaurwa mu“nzira” dzoupenyu hwevanhu. Asi, zvakadini nevazivisi voUmambo vanoshingaira vachembera? (Jobho 41:14) Vangafamba zvishoma nezvishoma paimba neimba uye vamwe vanganetseka kutaura, asi chokwadi vanorumbidza Jah!—Pisarema 113:1.
13. Muparidzi anorondedzera sei zvimwe zvinetso zvevanhu vachembera, asi chii chinoitwa nevaKristu vakura?
13 Inzwi rokukuya rinoderera sezvo zvokudya zvinotsengwa nemavende. Munhu achembera haarari zvakanaka pamubhedha wake. Kunyange kurira kweshiri kunomuvhiringidza. Nziyo dzaanoimba ishoma, uye kuimba kwake nziyo ipi neipi kwakaneta-neta. “Vaimbi vose”—mashoko enziyo—haacha“nzwiki zvakanaka.” Munhu wachembera haachanyatsonzwi mimhanzi nenziyo dzinoimbwa nevamwe. Zvisinei, vakazodzwa vachembera neshamwari dzavo, dzimwe dzachowo hadzisi duku zvikuru, vanoramba vachisimudza manzwi avo munziyo dzokurumbidza Mwari pamisangano yechiKristu. Tinofara sei kuva navo parutivi rwedu, vachirumbidza Jehovha muungano!—Pisarema 149:1.
14. Vanhu vachembera vanotambura nokutyei?
14 Zvinosuruvarisa sei nokuda kwevakawanda vachembera, kunyanya vaya vakaramba Musiki! Muparidzi anoti: “Zvirokwazvo vachatya zvakakwirira, nezvinotyisa zvichanzi zviri panzira; muamanda uchatumbuka maruva, nemhashu ichazvikwekweredza, uye [“kapa bheri rinobamuka,” NW] nokuti munhu unoenda kumusha wake usingaperi, vachemi vachafamba-famba panzira dzomumusha.” (Muparidzi 12:5) Pamusoro pechivako chine masitepisi, vakawanda vevachembera vanotya kudonha. Kunyange kutarira chimwe chinhu chakakwirira kungavaita kuti vanzwe dzungu. Pavanofanira kupinda munzira dzine vanhu vakawanda, vanganzwa vachitya kukuvadzwa kana kuti kurohwa nematsotsi.
15. “Muamanda uchatumbuka maruva” pakudii, uye ‘mhashu inozvikwekweredza’ sei?
15 Kana ari munhu achembera, “muamanda uchatumbuka maruva,” pamwe kuratidza kuti bvudzi rake richachenuruka, rozoti mbembe sechando. Bvudzi rachena rinodonha semaruva machena emuamanda. Sezva‘anozvikwekweredza,’ zvimwe akaita zvekukotamira, maoko akarembera kana kuti zvanza zvakabata muchiuno nemagokora akakokonyara, anofanana nemhashu. Zvisinei, kana pane vamwe vedu vanotaridzika zvakadaro zvishoma, vamwe ngavazive kuti tiri muuto raJehovha remhashu dzine simba, dzinomhanya zvikuru!—Ona Nharireyomurindi yaMay 1, 1998, mapeji 8-13.
16. (a) Chii chingangodaro chichiratidzwa ne‘kubamuka kwekapa bheri’? (b) “Musha usingaperi” wemunhu chii, uye zviratidzoi zvorufu rwunoswedera zvinoonekwa?
16 Munhu achembera anenge asingachanyatsofariri zvokudya, kunyange kana zvokudya zvacho zvichinaka sekapa bheri. Mabheri aya ave achishandiswa kwenguva yakareba sezvinhu zvinonyautsa mukanwa. ‘Kubamuka kwekapa bheri’ kunoratidza kuti apo kuda kudya kwemunhu achembera kunoderera, kunyange muchero uyu unotadza kusvosva havi yake yekuda zvokudya. Zvinhu zvakadai zvinoratidza kuti ari kuswedera pedyo ne“musha wake usingaperi,” guva. Uchava musha wake nokusingaperi kana akatadza kufunga nezveMusiki wake uye akatevera nzira yakaipa zvokuti Mwari haamuyeuki murumuko. Zviratidzo zvorufu rwunoswedera zvinoonekwa muinzwi rokuchema-chema nokugomera zvinobuda pamikova yemukanwa momunhu wacho achembera.
17. “Rwonzi rwesirivheri” rwunodamburwa sei, uye “mbiya yendarama” ingamirirei?
17 Tinokurudzirwa kurangarira Musiki wedu “rwonzi rwesirivheri rusati rwadamburwa, mbiya yendarama isati yaputswa, chirongo chisati chaputswa patsime, nechichereso chinomonerwa chisati chavhunikira pachitubu.” (Muparidzi 12:6) “Rwonzi rwesirivheri” ungava muzongoza. Rufu rwunenge rwava nechokwadi chokuitika kana nzira iyi inoshamisa inofambisa mashoko achienda kuuropi yakuvadzika zvokusagadzirisika “Mbiya yendarama” ingareva uropi, huri mudehenya rakaita sembiya, kunonobatirira muzongoza. Pfungwa, dziri kunzi ndarama kuratidza kukosha, padzinorega kushanda zvinoguma nokufa.
18. “Chirongo” chokufananidzira chiri “patsime” chii, uye chii chinoitika pachinenge chaputsika?
18 “Chirongo . . . patsime” ndiwo mwoyo, unotambira ropa woritumirazve kuti ritenderere mumuviri. Parufu, mwoyo unoita sechirongo chaputsika, chapwanyika patsime nokuti hauchagoni kutambira, kuchengeta, uye kupomba ropa rinokosha nokuda kwokudyiswa kwemuviri nokuzorodzwa. ‘Chichereso chepachitubu chinomonerwa chakavhunika’ chinorega kutenderera, zvichigumisa kutenderera kweropa rinotsigira upenyu. Saka Jehovha akazivisa Soromoni kutenderera kweropa kare chiremba wemuzana remakore rechi17 William Harvey asati aenzanisira kuti rinotenderera.
19. Mashoko aMuparidzi 12:7 anoshanda sei parufu?
19 Muparidzi akawedzera kuti: “Ipapo guruva rinodzokera kuvhu sezvarakanga rakaita chaizvo uye mudzimu pachawo unodzokera kuna Mwari wechokwadi wakaupa.” (Muparidzi 12:7, NW) “Chichereso chinomonerwa” zvachinenge chavhunika, muviri wemunhu, wakagadzirwa neguruva rinobva muvhu, unodzokera kuguruva. (Genesi 2:7; 3:19) Mweya unofa nokuti mudzimu, kana kuti simba roupenyu, rinopiwa naMwari unodzokera uye unogara neMusiki wedu.—Ezekieri 18:4, 20; Jakobho 2:26.
Vanorangarira Vane Nguva Yemberi Yakadini?
20. Mosesi aikumbirei paakanyengetera sezvakanyorwa pana Pisarema 90:12?
20 Soromoni akaratidza zvinoshanda zvikuru kuti kurangarira Musiki wedu Mukuru kunokosha zvakadini. Chokwadi, upenyu hupfupi zvikuru hune zvinetso hahusi ihwo hwoga huripo nokuda kwevaya vanogara vachifunga nezvaJehovha vachiita zvaanoda nomwoyo wose. Vangava vaduku kana vakuru, vane mafungiro akafanana neaMosesi, akanyengetera kuti: “Tidzidzisei kunatsoverenga mazuva edu, kuti tizviwanire mwoyo wakachenjera.” Muprofita waMwari aizvininipisa akakumbira zvechokwadi kuti Jehovha amuratidze, kana kumudzidzisa, iye nevanhu veIsraeri kushandisa uchenjeri pakukoshesa ‘mazuva emakore avo’ uye kuashandisa munzira inotenderwa naMwari.—Pisarema 90:10, 12.
21. Kana tichizoverenga mazuva edu zvinoita kuti Jehovha apiwe mbiri, tinofanira kuitei?
21 VaKristu vechiduku vanofanira kunyanya kutsunga kuteerera zano roMuparidzi rokufunga nezveMusiki. Vane mikana yakaisvonaka zvakadini yokuitira Mwari basa dzvene! Zvisinei, pasinei nezera redu, kana tikadzidza kuverenga mazuva edu zvinoita kuti Jehovha apiwe mbiri mu“nguva yokupedzisira” ino, tingakwanisa kuzoramba tichiaverenga nokusingaperi. (Dhanieri 12:4; Johani 17:3) Chokwadi, kuti tiite kudaro, tinofanira kurangarira Musiki wedu Mukuru. Tinofanirawo kuita zvose zvatinofanira kuitira Mwari.
Ungapindura Sei?
◻ Nei vechiduku vachikurudzirwa kurangarira Musiki wavo?
◻ Ndeipi mimwe mienzaniso yemuMagwaro yevaya vakarangarira Musiki wavo Mukuru?
◻ Ndeipi mimwe migumisiro yokuchembera yakarondedzerwa naSoromoni?
◻ Inguva yemberi yakadini iripo nokuda kwevaya vanofunga nezvaJehovha?
[Mifananidzo iri papeji 15]
Dhavhidhi, musikana wechiIsraeri akanga akatapwa, Ana, naSimiyoni vakarangarira Jehovha
[Mifananidzo iri papeji 16]
Zvapupu zvaJehovha zvachembera zvinoita basa dzvene kuMusiki wedu Mukuru zvichifara