“Zvakafanira Vanhu Vose”
“Itya Mwari, uchengete mirayiro yake; nokuti ndizvo zvakafanira vanhu vose.”—MUPARIDZI 12:13.
1, 2. Nei kwakafanira kurangarira musengwa wedu kuna Mwari?
“CHINOTSVAKWA naJehovha kwauri chinyiko?” Muporofita wakare akabvunza mubvunzo iwoyo. Ipapo akataura zvakananga icho Jehovha aida—kushandisa ruramisiro, kuda mutsa, uye kufamba nokuzvininipisa naMwari.—Mika 6:8.
2 Muzuva rino ramazvakemazvake nokuzvimirira, vakawanda vanonzwa vasina kugadzikana nepfungwa yokuti Mwari anoda chimwe chinhu kwavari. Havadi kuva nemusengwa. Asi zvakadiniko nemhedziso iyo Soromoni akasvika muna Muparidzi? “Zvino shoko guru pazvose zvatanzwa, heri: Itya Mwari, uchengete mirayiro yake; nokuti ndizvo zvakafanira vanhu vose.”—Muparidzi 12:13.
3. Nei tichifanira kufunga zvakakomba bhuku raMuparidzi?
3 Api kana api ari mamiriro edu ezvinhu uye murangariro paupenyu, tinogona kubetserwa zvikuru kana tikarangarira mamiriro ezvinhu ekare emhedziso iyoyo. Mambo Soromoni, munyori weiri bhuku rakafuridzirwa, akarangarira zvimwe zvezvinhu zvimene izvo zviri rutivi rwoupenyu hwedu hwezuva nezuva. Vamwe vangagumisa nokukurumidza kuti nzvero yake haifadzi zvikuru. Bva yakafuridzirwa noumwari uye inogona kutibetsera kuyera mibato yedu nezvokutanga, nomufaro wakawedzerwa somugumisiro.
Kugonana Neitiro Hanya Huru Dzoupenyu
4. Soromoni akanzverei ndokuchikurukura muna Muparidzi?
4 Soromoni akanzvera zvikuru ‘basa ravanakomana vorudzi rwomunhu.’ “Ndikarwadza mwoyo wangu kutsvaka nokunzvera nouchenjeri zvose zvinoitwa pasi pedenga.” Kupfurikidza nokuti “basa” Soromoni haana hake kureva mushando, kana kuti basa, asi panzvimbo pezvo mubato wose weizvo varume navakadzi vanobatikana nazvo muupenyu hwavo hwose. (Muparidzi 1:13) Ngatirangarirei dzimwe itiro hanya huru, kana kuti mabasa, uye ipapo kuenzanisa mibato yedu timene nezvokutanga.
5. Nderipi riri rimwe ramabasa makuru avanhu?
5 Zvirokwazvo mari iri pakati peitiro hanya dzakawanda dzavanhu nemibato. Hapana munhu anogona kutaura nenzira yakarurama kuti Soromoni akanga ane murangariro wokusakendenga wemari uyo vamwe vanhu vakapfuma vanawo. Iye akabvuma nyore nyore dikanwo yemari; kuva nemari yakakwana kuri nani kupfuura kufanira kurarama uchizvinyima kana kuti muurombo. (Muparidzi 7:11, 12) Asi unofanira kuva wakaona kuti mari, nezvinhu zvainotenga, zvinogona kuva nharidzano huru muupenyu—nokuda kwavarombo pamwe chete navapfumi.
6. Tinogona kudzidzei pamusoro pemari mune mumwe wemienzaniso yaJesu uye muruzivo rwokuzviwanira rwaSoromoni amene?
6 Yeuka muenzaniso waJesu womupfumi uyo, asingatongogutswi, akashanda kuti awane zvakawanda. Mwari akamurangarira seasina mufungo. Nei? Nemhaka yokuti ‘upenyu [hwedu] hahubvi muzvinhu zvatinazvo.’ (Ruka 12:15-21) Ruzivo rwokuzviwanira rwaSoromoni—zvimwe rwakakura zvikuru kupfuura rwedu—rwunosimbisa mashoko aJesu. Rava rondedzero iri pana Muparidzi 2:4-9. Kwenguva yakati Soromoni akazvishandisa amene kuti awane pfuma. Akavaka misha nemapindu zvakaisvonaka. Aigona kukwanisa uye kuwana shamwari dzechikadzi dzakaisvonaka. Upfumi nezvahwakamugonesa zvakaunza gutsikano huru, pfungwa yebudiriro yechokwadi, uye revo muupenyu hwake here? Akapindura nenzira yakajeka kuti: “Zvino ndakacherekedza mabasa ose akanga aitwa namaoko angu, nokubata kwose kwandakatambura kubata—tarira zvose zvakanga zvisina maturo, kwaiva kudzingana nemhepo bedzi, kwakanga kusina chinhu chinobatsira pasi pezuva.”—Muparidzi 2:11; 4:8.
7. (a) Ruzivo rwokuzviwanira rwunobvumikisei pamusoro poukoshi hwemari? (b) Wakaonei somunhu oga zvinobvumikisa mhedziso yaSoromoni?
7 Ikoko ndokwechokwadi, chokwadi chinotsigirwa muupenyu hwakawanda. Tinofanira kubvuma kuti kuva nemari yakawanda hakupedzi chaizvo zvinetso zvose. Kungagona kupedza zvimwe, zvakadai sokuita kuti kuwanwa kwezvokudya nezvokupfeka kuve nyore zvikuru. Asi munhu anogona kupfeka chipfeko chimwe bedzi panguva ndokufarikanya chitsama chakati bedzi chezvokudya nezvokunwa. Uye wakarava nezvevapfumi vane upenyu hunonetswa nokurambana, kushandiswa zvisina kufanira kwezvinodhaka kana kuti mirimo, uye kurwisana nharo nehama dzokunyama. Imwe shoroma J. P. Getty yakati: “Mari haina hayo batano ipi neipi nomufarwa. Zvimwe nokusafara.” Nokuda kwechikonzero chakanaka, Soromoni akaronga kuda sirivha nokusava namaturo. Siyanisa idi iroro nokutaura kwaSoromoni: “Hope dzomunhu, unobata, dzakanaka, kana achidya zvishoma kana zvizhinji; asi kuguta kwomupfumi hakumutenderi kuvata.”—Muparidzi 5:10-12.
8. Chikonzeroi chiripo chokuti tisakatutsira ukoshi hwemari?
8 Mari nezvinhu hazviunziwo pfungwa yegutsikano pamusoro penguva yemberi. Kudai une mari yakawanda nezvinhu, sezvingabvira ungadai une funganyo yakawedzerwa pamusoro pokuzvidzivirira, uye ungadai uchiri asingazivi chichaunza mangwana. Ungarasikirwa nazvo zvose, pamwe chete noupenyu hwako here? (Muparidzi 5:13-17; 9:11, 12) Ikoku zvakwakadaro, hakufaniri kuva kwakaoma kuona chikonzero nei upenyu hwedu, kana kuti basa, richifanira kuva nerevo yakakura, inogara zvikuru kupfuura mari nezvinhu.
Mhuri, Mukurumbira, uye Simba
9. Nei upenyu hwemhuri nenzira yakarurama huchiuya munzvero yaSoromoni?
9 Kunzvera kwaSoromoni upenyu kwaibatanidza nhau yokubatikana nemhuri. Bhaibheri rinosimbisa upenyu hwemhuri, kubatanidza mufaro wokuva nokurera vana. (Genesi 2:22-24; Pisarema 127:3-5; Zvirevo 5:15, 18-20; 6:20; Marko 10:6-9; VaEfeso 5:22-33) Ndirwo here, kunyange zvakadaro, rutivi rwunokosha rwoupenyu? Kunoratidzika kuti vakawanda vanofunga kudaro, vachirangarira simbiso mutsika dzakati pamusoro peroorano, vana, uye batano dzemhuri. Bva Muparidzi 6:3 inoratidza kuti kunyange kuva navana zana hakusi chinokosha kugutsikano muupenyu. Fungidzira kuti vabereki vangani vakarega zvimwe zvinhu nokuda kwavana vavo kuti vavape kutanga kwakanaka ndokuita kuti upenyu hwavo huve nyore zvikuru. Kunyange zvazvo ikoko kwakaisvonaka, zvirokwazvo Musiki wedu haana kureva kuti chinhu chikuru chokuvapo kwedu ndechokungopfuudzira upenyu kuchizvarwa chinotevera, seizvo mhuka dzinoita nenzira yomuzvarirwo kuti dzipfuudzire marudzi.
10. Nei kunangidzira ngwariro kusina kufanira pamhuri kungabvumikisa kuva kusina maturo?
10 Soromoni nenzira yokunzwisisa akataura zvimwe zviitiko chaizvoizvo zvoupenyu hwemhuri. Somuenzaniso, murume anganangidzira ngwariro pakuita gadziriro yavana vake navazukuru. Asi vachabvumikisa kuva vakachenjera here? Kana kuti vachava mapenzi nezvaakavavarira kuvaunganidzira? Kana zvapashure zvikaitika, kungava “kusina maturo nenhamo huru” zvakadini!—Muparidzi 2:18-21; 1 Madzimambo 12:8; 2 Makoronike 12:1-4, 9.
11, 12. (a) Vamwe vakapa ngwariro pazvirondwai muupenyu? (b) Nei kuchigona kutaurwa kuti kutsvaka utanhamari “kudzingana nemhepo bedzi”?
11 Pano rumwe rutivi, vakawanda vakarerutsa upenyu hwemhuri hwenguva dzose nemhaka yokutsunga kwavo kuwana mukurumbira kana kuti simba pana vamwe. Ichochi chingava chikanganiso chinozivikanwa navose zvikuru pakati pavanhurume. Wakaona ikoku muvokuchikoro biyako, vashandi biyako, kana kuti vavakidzani here? Vakawanda vanorwisa zvikuru kuti vacherekedzwe, kuti vave munhu anokosha, kana kuti kuti vashandise chiremera pana vamwe. Asi ikoku kune revo zvirokwazvo sei?
12 Funga kuti vamwe vanorwisa sei kuti vave vane mukurumbira, pangava pamwero muduku kana kuti mukuru. Tinozviona muchikoro, munharaunda yedu, uye mumapoka akasiyana-siyana omunzanga. Isimbawo rinosunda muna avo vanoda kuzivikanwa muunyanzvi, varaidzo, uye zvematongerwe enyika. Haisi, kunyange zvakadaro, zvikurukuru nhamburiko pasina here? Soromoni nenzira yakarurama akaidana kuti “kudzingana nemhepo bedzi.” (Muparidzi 4:4) Kunyange kana pwere ikava yakatanhamara muboka, mukirabhu, mutimu yemitambo, kana kuti muboka rokuimba—kana kuti mumwe murume kana kuti mudzimai akawana mukurumbira mukambani kana kuti nzanga—vangani vanoziva chaizvoizvo nezvazvo? Vanhu vakawanda zvikurusa pane rumwe rutivi rwenyika (kana kuti kunyange venyika imwe cheteyo) vanoziva here kuti munhu wacho aripo? Kana kuti vanongopfuurira chete muupenyu vasingazivi zvizere pamusoro pomukurumbira muduku waanawo here? Uye zvimwe chetezvo zvinogona kutaurwa nezvesimba ripi neripi kana kuti chiremera icho munhu anowana pabasa, mutaundi, kana kuti pakati peboka.
13. (a) Nei bhuku raMuparidzi 9:4, 5 richifanira kutibetsera kuva nomurangariro wakafanira wokutsvaka utanhamari kana kuti simba? (b) Maidii atinofanira kutarisana nawo kana upenyu huno hurihwo bedzi huriko? (Ona mashoko omuzasi.)
13 Utanhamari hwakadaro kana kuti chiremera zvinosvika kupi pakupedzisira? Sezvo chimwe chizvarwa chichienda uye chimwe chichiuya, vanhu vakatanhamara kana kuti vane simba vanopfuura uye vanokanganwika. Ikoko ndokwechokwadi nezvavavaki, vaimbi uye dzimwe nyanzvi, vachinji venzanga, uye zvichingunodaro, sezvakuri chokwadi nezvevematongerwe enyika vazhinjisa navatungamiriri vamauto. Pamabasa iwayo, vanhu vangani chaivoivo vaunoziva nezvavo vakararama pakati pamakore 1700 ne1800? Soromoni akayera nomazvo zvinhu zvacho, achiti: “Imbwa mhenyu inopfuura shumba yakafa. Nokuti vapenyu vanoziva kuti vachazofa, asi vakafa havana chavanoziva, . . . havacharangarirwi.” (Muparidzi 9:4, 5) Uye kana upenyu huno huri ihwo bedzi huripo, ipapo kuvavarira utanhamari kana kuti simba hazvina maturo chaizvoizvo.a
Ngwariro Yedu Nomusengwa
14. Nei bhuku raMuparidzi richitibetsera somunhu oga?
14 Soromoni haana kutsinhira pamusoro pemibato yakawanda, nharidzano, uye mifarwa apo vanhu vanonangidzira upenyu hwavo. Bva, zvaakanyora zvakakwana. Kurangarira kwedu bhuku racho hakufaniri kuratidzika kuva kusingafadzi kana kuti kwakaipa, nokuti tahwirudzura chaizvoizvo bhuku reBhaibheri iro Jehovha Mwari akafuridzira nemaune nokuda kwebetserwo yedu. Rinogona kubetsera mumwe nomumwe wedu kururamisa murangariro wedu paupenyu uye zvatinonangidzira ngwariro pazviri. (Muparidzi 7:2; 2 Timotio 3:16, 17) Ikoko kwakadaro zvikurukuru mukurangarira migumisiro iyo Jehovha akabetsera Soromoni kusvika.
15, 16. (a) Ndoupi wakanga uri murangariro waSoromoni wokufarikanya upenyu? (b) Soromoni akaisa chikwanirisoi chakafanira pakufarikanya upenyu?
15 Rimwe pfundo iro Soromoni akamutsa amutsazve rakanga riri rokuti vabatiri vaMwari wechokwadi vanofanira kuwana mufaro mumibato yavo pamberi Pake. “Hakuna chinhu chinopfuura ichi, kuti munhu adye, anwe, afadze mweya wake nezvakanaka pakati pokubata kwake. Ndakaona kuti naizvozvi zvinobva kuruoko rwaMwari.” (Muparidzi 2:24; 3:12, 13; 5:18; 8:15) Cherekedza kuti Soromoni akanga asiri kukurudzira kufara kwakaipa; uyewo haana kutsigira chimiro chendangariro chokuti ‘Ngatidye, ngatinwe, uye ngatifare, nokuti mangwana tinofa.’ (1 VaKorinte 15:14, 32-34) Aireva kuti tinofanira kuwana mufaro mumifarwa yenguva dzose, yakadai sokudya uye kunwa, sezvatino‘ita zvakanaka mukati moupenyu hwedu.’ Ikoko nenzira isina mubvunzo kunonangidzira upenyu hwedu pakuda kwoMusiki, uyo anosarudza zvakanaka zvirokwazvo.—Pisarema 25:8; Muparidzi 9:1; Marko 10:17, 18; VaRoma 12:2.
16 Soromoni akanyora kuti: “Enda zvako, udye zvokudya zvako nomufaro, unwe waini yako nomwoyo wakafara; nokuti Mwari watofadzwa namabasa ako.” (Muparidzi 9:7-9) Hungu, murume kana kuti mukadzi uyo chaizvoizvo ane upenyu hwakapfuma uye hunogutsa anoshingaira mumabasa ayo Jehovha anofarira. Ikoko kunoda kuti timurangarire nguva dzose. Uyu murangariro wakasiyana sei nouyo woruzhinji rwavanhu, vanosvika upenyu hwakavakirwa pakurangarira kwavanhu!
17, 18. (a) Vanhu vakawanda vanoita sei zvinhu chaizvoizvo zvoupenyu? (b) Mugumisiroi watinofanira kurangarira nguva dzose?
17 Kunyange zvazvo mamwe marudzidziso achidzidzisa pamusoro poupenyu pashure porufu, vanhu vakawanda vanodavira kuti upenyu huno ndihwo chaizvoizvo bedzi hwavanogona kuva nechokwadi nezvahwo. Ungave wakavaona vachiita seizvo Soromoni akarondedzera: “Kutongwa zvakusingakurumidzi kuuya pamusoro pebasa rakaipa, mwoyo yavanakomana vavanhu inotsungirira kuita zvakaipa.” (Muparidzi 8:11) Kunyange avo vasinganyuri muzviito zvakaipa vanoratidza kuti vanoitira hanya zvikuru nguva ino. Ndicho chimwe chikonzero nei mari, zvinhu, mukurumbira, chiremera pana vamwe, mhuri, kana kuti dzimwe fariro dzakadaro dzichiva noukoshi hwakawedzerwa kwadziri. Soromoni haana kusiyira mufungo wacho ipapo, zvisinei. Akawedzera kuti: “Kunyange mutadzi akaita zvakaipa rune zana, akava namazuva mazhinji, kunyange zvakadaro ndinoziva zvirokwazvo kuti vanotya Mwari, vanotya pamberi pake, vachagara zvakanaka; asi wakaipa haangagari zvakanaka, haangavi namazuva mazhinji, zvaakafanana nomumvuri; nokuti haatyi pamberi paMwari.” (Muparidzi 8:12, 13) Nenzira yakajeka, Soromoni akapwiswa kuti zvichaguma zvakanaka nokuda kwedu kana tichi‘tya Mwari wechokwadi.’ Zvakanaka sei? Tinogona kuwana mhinduro mumusiyano waakaita. Jehovha anogona ku‘rebesa mazuva edu.’
18 Avo vachiri vaduku zvikuru vanofanira zvikurukuru kurangarira idi rakavimbika chose chose rokuti zvichavanakira kana vakatya Mwari. Sezvaungave wakaona somunhu oga, mumhanyi anomhanya zvikurusa angagumburwa ndokurasikirwa nenhangemutange yacho. Uto rine simba ringakurirwa. Muzvinabhizimisi akangwara angazviwana amene ari muurombo. Uye zvimwe zvisina chokwadi zvakawanda zvinoita kuti upenyu huve husingafanotaurwi zvikuru. Asi unogona kuva nechokwadi chose chose nezveizvi: Nzira yokuchenjera zvikurusa uye yechokwadi zvikurusa ndeyokufarikanya upenyu paunenge uchiita zvakanaka mukati memitemo yaMwari yetsika uye maererano nokuda kwake. (Muparidzi 9:11) Ikoku kunobatanidza kudzidza muBhaibheri chiri kuda kwaMwari, kutsaurira upenyu hwako kwaari, uye kuva muKristu akabhabhatidzwa.—Mateo 28:19, 20.
19. Pwere dzinogona sei kushandisa upenyu hwadzo, asi ndoupi uri mutoo wokuchenjera?
19 Musiki haasati achizomanikidza pwere kana kuti vamwe kuti vatevere nhungamiro yake. Vanogona kuzvibatikanisa vamene mudzidzo, zvichida kunyange kuva vadzidzi voupenyu hwose vemabhuku edzidzo yavanhu asingaverengeki. Ikoko pakupedzisira kuchabvumikisa kuva kunonetesa nyama. Kana kuti dzinogona kufamba munzira dzomwoyo wadzo wavanhu usina kukwana kana kuti kutevera zvinofadza meso. Ikoko zvirokwazvo kuchaunza nhamo, uye upenyu hunoshandiswa saizvozvo pashure penguva yakati huchabvumikisa kuva husina hahwo maturo. (Muparidzi 11:9–12:12; 1 Johane 2:15-17) Naizvozvo Soromoni anokumbira pwere—chikumbiro chatinofanira kurangarira zvakakomba, ripi kana ripi riri zera redu: “Rangarirawo Musiki wako pamazuva oujaya hwako, mazuva akaipa asati asvika, namakore asati avapo, panguva yauchazoti: Handifariri izvozvo.”—Muparidzi 12:1.
20. Ndoupi uri murangariro wakadzikama weshoko riri muna Muparidzi?
20 Tichagumisei, ipapoka? Eya, zvakadiniko nemhedziso iyo Soromoni akasvika? Akaona, kana kuti akanzvera, “mabasa ose anoitwa pasi pezuva; tarirai, zvose hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo bedzi.” (Muparidzi 1:14) Hatiwani mubhuku raMuparidzi mashoko omunhu anowanira vamwe mhaka kana kuti asingagutsikani. Rutivi rweShoko raMwari rakafuridzirwa uye akafanirwa nokurangarirwa nesu.
21, 22. (a) Soromoni akarangarira mativii oupenyu? (b) Mugumisiroi wokuchenjera waakasvika? (c) Kunzvera zviri muna Muparidzi kwakutapura sei?
21 Soromoni akanzvera kushanda zvakaoma kwavanhu, kutambudzika, uye zvishuvo. Akarangarira pamusoro pokuti zvinhu zvinoguma sei mumuitiro wenguva dzose wezvinhu, mugumisiro unokangaidza uye usina maturo uyo vanhu vakawanda kwazvo vanowana. Akawana uchokwadi hwokusakwana kwavanhu uye rufu runovapo somugumo. Uye akarangarira zivo inopiwa naMwari yomugariro wavakafa uye kariro dzoupenyu hupi nohupi hwenguva yemberi. Ikoku kose kwakayerwa nomunhu akanga ane uchenjeri hwakawedzerwa naMwari, hungu, mumwe wavanhu vakachenjera zvikurusa ati amborarama. Ipapo mhedziso yaakasvika yakabatanidzwa muMagwaro Matsvene nokuda kwebetserwo yavose vanoda upenyu hune revo zvirokwazvo. Hatifaniri kubvuma here?
22 “Zvino shoko guru pazvose zvatanzwa, heri: Itya Mwari, uchengete mirayiro yake; nokuti ndizvo zvakafanira vanhu vose. Nokuti Mwari uchatonga basa rimwe nerimwe, pamwe chete nezvose zvakavanzika, kunyange zvakanaka, kunyange zvakaipa.”—Muparidzi 12:13, 14.
[Mashoko Omuzasi]
a Nharireyomurindi yakamboita iyi tsinhiro ine nzwisiso: “Hatifaniri kupambadzira upenyu huno pazvinhu zvisina maturo . . . Kana upenyu huno huri ihwo bedzi huripo, hapana chinhu chinokosha. Upenyu huno hwakafanana nebhora rinokandirwa mumhepo iro rinokurumidza kuwira pasi zvakare. Mumvuri unopfuura, ruva rinosvava, ruswa rwunofanira kuchekwa ndokusvava nokukurumidza. . . . Pazviyero zvisingagumi nduramo yedu chinhu chisingakoshi. Mukufamba kwenguva haisi kunyange donhwe guru. Zvirokwazvo [Soromoni] akarurama apo anohwirudzura itiro hanya dzakawanda dzavanhu dzoupenyu nemibato ndokuzvitaura kuva zvisina maturo. Tinokurumidza kufa kwazvo sokunge hatina kutongoberekwa, mumwe wamabhiriyoni anouya achienda, vashomanene kwazvo vachiziva kuti taitongovapo. Uyu murangariro hausi kurangarira zvakaipa pamusoro pavamwe kana kuti haukwezvi kana kuti haufadzi. Ichokwadi, idi rokutarisana naro, murangariro unoshanda, kana upenyu huno hurihwo bedzi huriko.”—August 1, 1957, yechiNgezi, peji 472.
Unoyeuka Here?
◻ Ndokupi kuri kuyerwa kwokuchenjera kwenzvimbo yezvinhu muupenyu hwako?
◻ Nei tisingafaniri kuisa simbiso isina kufanira pamhuri, pamukurumbira, kana kuti pachiremera pana vamwe?
◻ Soromoni akakurudzira chimiroi chendangariro chaMwari kukufarikanya?
◻ Wabetserwa nokurangarira bhuku raMuparidzi here?
[Mifananidzo iri papeji 15]
Mari nezvinhu hazvivimbisi gutsikano
[Mufananidzo uri papeji 17]
Vanhu vaduku vanogona kuvimbiswa kuti zvichavanakira kana vakatya Mwari