Kirasi Yechi 84 yeGilead—Kuita Mukuwirirana Nekariro!
ZVIREVO 10:28 (NW) inoti: “Kariro yavakarurama mufaro.” Kwakanga kwakadaro pamangwanani aMarch 6, 1988. Kwakanga kuri pachena kumucherechedzi upi noupi kuti kariro dzakanga dzichikwira pakati pavane 4 360 vakaungana paJersey City Assembly Hall yeZvapupu zvaJehovha.
Idi rokuti inodokuva mhuri yose yeBheteri yeBrooklyn neWatchtower Farms yakakwanisa kuva pamwe chete mumugariro wakadaro wakaisvonaka rakanga riri mariri rimene chisakiso chomufaro mukuru namanyemwe! Zvisinei, avo vaivapo vakanga vauya vachikarira kunopfuura kubatanidzwazve kwemhuri kwapamwero mukuru. Chikurusa mundangariro dzavo chaiva icho ivo vaiziva kuti chaizova chinoitika chinokosha: kupedza kufunda kwekirasi yechi 84 yeWatchtower Bible School of Gilead.
Zvairi zvino padzimbahwe renyika reZvapupu zvaJehovha muBrooklyn, New York, Gilead yakatangwa muna 1943 kufambisira mberi basa rakapiwa naMwari ro‘kuita vadzidzi.’ (Mateo 28:19, 20) Pashure pokupedza kosi yemwedzi mishanu yedzidzo yeBhaibheri, vakapedza kufunda veGilead vanotumwa, kwete kuti vapinde mumabasa anobhadhara, asi kuti vapinde mumunda wenyika yose savafundisi. (Mateo 13:38) Nenzira inonzwisisika, ipapoka, kariro huru dzine munhu upi noupi akava neropafadzo yokupinda Gilead.—Enzanisa naRuka 12:48.
Purogiramu yokupedza kufunda yakajekesa nesimba kwazvo idzi kariro. Iyo yakatanga nomunyengetero wakakomba wakapiwa naGeorge Gangas, mumwe Mutezo woMutumbi Unodzora. C. W. Barber, uyowo woMutumbi Unodzora, akabatira sasachigaro zuva iroro. ‘Tiri kubatikana munhimbe yedzidzo hurusa munhau,’ akadaro Barber. Achishandisa Isaya ganhuro 6, iye akatsanganura kuti tinofanira kazhinji kazhinji kuparidzira mumigariro yakaipa. Uye somuzuva raIsaya, “chegumi” bedzi chokufananidzira, kana kuti “vakasarira,” vangagamuchira shoko redu. (Isaya 6:13; VaRoma 9:27.) Kunyanguvezvo, hatitongofaniri kunzwa kuti nhamburiko dzedu dzokuparidzira hadzina maturo!
Idzi tsinhiro dzinokurudzira dzakanyandura kariro dzechakanga chichizotevera: nhevedzano yehurukuro pfupi, asi dzine simba, dzakanangidzirwa kuvakapedza kufunda. Calvin Chyke weDare reFekitari akavamba nokubvunza mubvunzo unoti, ‘Ko imi muchabvumikisa kuva chikomborero kuvamwe here?’ Ivo vakanga vagamuchira zvikomborero zvakawanda paGilead. Zvino vanofanira kupa zvikomborero, kupa ‘zvipo zvomudzimu’ kuvamwe. (VaRoma 1:11, 12) Kunyange apo migariro inotambudza, zvakadai semari shoma, inomuka, vanofanira kupfuurira ku“shandisa kupa” mumudzimu. (Ruka 6:38) Ipapo mashoko ePisarema 84:6 (NW) achazadzikwa pavari, anoti: “Muraidzi anozvifukidza amene kunyange nezvikomborero.”
David Olson weDare reBato reBasa akatevera kuyeuchidza vafundisi nezvouhama hwedu hwenyika yose. Kwemwedzi mishanu ivo vakanga vafarikanya rudo netsigiro zvovomukirasi biyavo—ndokuzongoparadzirwa bedzi zvino mupasi rose. Olson akavavimbisa kuti vaizofarikanya zadziko yaMarko 10:29, 30, iyo yakavapikira shamwari itsva ne‘mhuri.’
Daniel Sydlik woMutumbi Unodzora akasimbisa kudikanwa kwokuti vakapedza kufunda va‘Sakurire Kariro Huru Nedzakaisvonaka.’ Jehovha akatisika nesimba rokuva nekariro, tariro, uye zviroto. Ko, ipapoka, vafundisi havafaniri kuva nekariro dzakakwirira nokuda kwavo vamene here? ‘Gadzai nharidzano, zvirairei mumene!’ akapa zano Sydlik. ‘Zivai mutauro wenyika yamunogoverwa kwairi. Vambiranai nezvinyorwa zveNharireyomurindi naMukai! zvomumutauro wenyu kuti muchengete umudzimu hwenyu. Pakudzidzisa vamwe,’ akapfuurira Sydlik, ‘vaisireiwo kariro dzakakwirira. Itai kuti vazive kuti kunokarirwa kuti ivo vapinde misangano nokugadzirira zvifundo pachine nguva mberi.’
Vakurukuri vakatevera vakapfuurira neiyi nzira. Lyman Swingle, uyowo woMutumbi Unodzora, akayeuchidza vadzidzi, kuti: ‘Jesu Kristu ndiye ari kukutumai. Uye iye amene ndiye akatumwa mumunda wokumwe pano pasi pano.’ Kufanana naJesu, vafundisi vanofanira kukoshesa mugove wavo. Zvisinei, havafaniri kuzvikoshesa vamene. ‘Ivai nemano okuzviseka mumene pamunoita chimwe chinhu choupenzi,’ akadaro Swingle. ‘Muparidzi 3:4 inotiyeuchidza kuti kune “nguva yokuseka.”’
Varaidzi vakuru vaviri vechikoro zvino vakava nebanza rokupa vadzidzi vavo pangiro yokupedzisira. Musoro waJack Redford wakanga uri ‘Usatongokanganwa Mugove Wako!’ Vakuru vechiKristudhomu vakarasa pfungwa yavo yebasa, vazhinji vachiva vanobatanidzwa mumatongerwe enyika enyika. Jesu Kristu, zvisinei, akaita basa rake rokuparidzira, asingatongotsauswi neizvo nyika yaSatani yaiva nazvo zvokupa. Vafundisi vanofanira naizvozvo nguva dzose kuyeuka chikonzero nei vakatumwa—kundodyisa mumudzimu rudzi rwomunhu rwuri kuziya nenzara. (Enzanisa naMateo 9:36.) Ivo vanofanira naizvozvo kudzivisa misungo yakadai sokudisa zvenyika noutere. Kupfurikidza nokunangidzira ngwariro pabasa ravo rokuparidzira, vane kariro yokufarikanya zvinoitika zvakawanda zvakaisvonaka mumunda!
U. V. Glass akatevera nomuenzaniso unobatanidza girazi remvura netambo yamaparera. Munyika dzakawanda kuchena kwegirazi remvura kunopanikirwa. Hunopanikirwa zvakaenzana hungava uchokwadi hwetambo yamaparera. ‘Zvakadiniko nezvokuvimbika kwenyu?’ akabvunza Glass. ‘Kushaikwa kwokuvimbika kwakanzi “muparadzi akanyarara woukama.”’ Vakapedza kufunda vanogona sei kutanga kuvimbika kwavo? ‘Taurai zvokwadi,’ akadaro Glass, ‘kwete kuishatsa kana kuti kuitsveyamisa. Perero ndiyo nheyo yokuvimbika.’—VaEfeso 4:25.
Pfundo guru ramangwanani yakanga iri hurukuro yokupedzisira yakakurukurwa napurezidhendi ane makore 94 okukura weWatch Tower Society, F. W. Franz. Muinzwi richiri rakatsiga nerakasimba, Franz akahwirudzura nhau yeGilead. Mukati mehondo yenyika yechipiri, Mutumbi Unodzora wakasvika pakunzwisisa kuti ‘Hondo yeNyika II haisati yaizotungamirira kuArmagedhoni. Yaizoguma uye nhambo yorugare yaizotevera.’ Gilead yakatangwa kuti ishandise zvakazara iyi nhambo yapakati—uye yave ichisimba chibviro chenguva iyoyo! ‘Tiri kurarama munguva dzakanaka zvikurusa!’ akadaro purezidhendi weSosaiti. Vateereri vakaratidzira kuonga kwavo pangiro youyu mubatiri wenguva refu waJehovha nokuombera maoko kukuru!
Makatani akavhurwa zvino, kuchiratidzira vadzidzi 24 vekirasi yechi 84 vakagara pachikuva. Kunyange zvazvo vachiita avhareji yamakore 31,6 ezera, ivo havasati vachitongova vaparidziri vatsva. Chokwadi, ivo vanoita avhareji yamakore 11,3 okuparidzira evhangeri munguva yakazara! Uye ivo iboka ramarudzi ose zvikuru, vanobva kuNetherlands, Australia, Finland, Sweden, Germany, uye United States. Nebetsero yaA. D. Schroeder, mumwe wavaraidzi veGilead vapakutanga, C. W. Barber akavagamuchidza magwaro avo. Vateereri vakafadzwa kuziva kuti vakapedza kufunda vaizotumirwa kunyika pfumbamwe: Philippines, Sierra Leone, Western Samoa, Taiwan, Tanzania, Papua New Guinea, Bolivia, Guam, uye Colombia! Ipapo tsamba yakaisvonaka yokuonga yakaraviwa nomumwe wavadzidzi nokuda kwekirasi.
Pashure pokutindika kupfupi kwokudya kwamasikati, vateereri vakaunganazve nokuda kweFundo yeNharireyomurindi yakapfupikiswa, yakaitiswa naRobert Wallen weDare reBheteri. Pakupera kwefundo, magetsi akapenya zvishoma. Sachigaro wepurogiramu akakurudzira vateereri kuti ‘Sunungukai ndokufarikanya chipo chavadzidzi kwamuri, purogiramu yavadzidzi vekirasi yechi 84 ino musoro unoti “Kurumbidza Ushumiri Hwedu.”’
Kupfurikidza nenziyo, zvinoitika, uye nemitambo mipfupi, vadzidzi zvino vakapa nzwisiso kumudzidzi noupenyu hwoufundisi. Kwakaratidzwa, somuenzaniso, kuti ndima yokuparidzira yakasiana-siana yeNew York City inoshandiswa sei senzvimbo yokurovedza vafundisi. Mumwe mutambo unosetsa, wakavakirwa pazvinoitika chaizvoizvo zvavadzidzi veGilead, wakaratidza kuti vadzidzi vanodzidza sei kupa uchapupu hunobudirira hwamasanga munzira dzapasi dzeguta. Zvakaratidzirwawo munzira inofadza, asi yechokwadi, zvakanga zviri zviono zvavafundisi vanoita dzinowanzova gadziridzo dzinonetsa kushambidziko yokumwe netsika.
Mumwe mufundisi anopedza kufunda akapeta purogiramu yacho zvakaisvonaka, achiti: ‘Inzirai iri nani yokurumbidza nayo ushumiri hwedu inopfuura kubetsera vamwe kuisa chivimbo chavo chakazara paShoko raMwari?’ Pasina panikiro vose vaivapo vakasundwa kurangarira kuti vanogona sei kuva negoverano huru yomunhu oga mubasa rokuparidzira. Sechokupedzisa nacho, vadzidzi ipapo vakaratidzira chinoitika chomuzuva razvino uno icho chakasimbisa kudikanwa kwokutitizviise timene pasi paMwari. Imwe nhambo inokosha ipapo yakasvika kumhedziso nomunyengetero wokuonga wakapiwa naJ. E. Barr woMutumbi Unodzora.
Nenzira isingapanikirwi, purogiramu yokupedza kufunda yeGilead yakaita mukuwirirana nekariro. Zvakadiniko, kunyanguvezvo, nezvekirasi inopedza kufunda imene? Tine chivimbo chokuti, kufanana navatangiri vavo, iri boka razvino uno ravafundisi vakapedza kufunda richapfuurira kurarama mukuwirirana nezvinokarirwa, hungu, kurairwa kwavari naJehovha—kuti varumbidze ushumiri hwavo mumigove yavo yokumwe!
[Mufananidzo uri papeji 24]
Kirasi Inopedza Kufunda yechi 84 yeWatchtower Bible School of Gilead
Mundaza iri pasi apa, mitsetse inoverengwa kubva pamberi kuenda shure uye mazita akarongwa kubva kuruboshwe kuenda kurudyi mumutsetse mumwe nomumwe.
(1) Norberg, C.; Holmes, T.; Holland, J.; Vehlen, B.; Rector, D.: Thomas, K. (2) Rajalehto, T.; Rajalehto, T.; Hoefnagels, J.; Moonen, A.; Summers, C.; Wahl, H. (3) Holland, J.; Holmes, F.; Hoefnagels, H.; Koivula, V.; Moonen, M.; Thomas, B. (4) Wahl, M.; Rector, W.; Summers, G.; Keighley, P.; Vehlen, P.; Norberg, O.