Zvidzidzo Zvinoshanda Munyika Yakapikirwa
NYIKA Yakapikirwa yechinyorwa cheBhaibheri yakanga iri yechienzi zvirokwazvo. Munharaunda iyi duku zvikuru, tinowana mhatsa huru yemativi apasi. Kuchamhembe, kune makomo ane sinou; kumaodzanyemba, nharaunda dzinopisa. Kune mapani anobereka zvibereko, nharaunda dzisina chinhu dzerenje, uye nyika yemakomo yeminda yemichero neyezvipfuyo zvinofura.
Kusiyana muurefu, mumiriro wekunze, uye ivhu kunobvumira mhatsa huru yemiti, makwenzi, uye mimwe miti—kubatanidza mimwe inokura munharaunda dzinotonhora dzamakomo, mimwe inokura murenje rinopisa, uye mimwezve inokura zvakanaka mubani rine jecha kana kuti rwenze rune matombo. Imwe nyanzvi yeupenyu hwemiti inofungidzira kuti mhatsa 2 600 dzemiti inogona kuwanwa munharaunda yacho! VaIsraeri vokutanga vakapasura nyika yacho vakaona ufakazi hunowanika nokukurumidza hwebviro yayo yekubereka. Vakadzoka vachibva kune mumwe mupata werwizi nesumbu remazambiringa rakakura kwazvo zvokuti raifanira kutakurirwa padanda pakati pevarume vaviri! Mupata wacho wakadanwa nenzira yakakodzera kuti Eshkori, kureva kuti “Sumbu [reMazambiringa].”a—Numeri 13:21-24.
Asi zvino ngatinyatsonzverei mamwe emativi apasi eiyi nyika yakareba yechienzi, zvikurukuru echikamu chekumaodzanyemba.
Shefera
Mhenderekedzo yegungwa yekumadokero kweNyika Yakapikirwa imhenderekedzo yegungwa yayo neGungwa reMediterranean. Anenge makiromita 40 kupinda mukati munyika pane Shefera. Shoko rokuti “Shefera” rinoreva “Bani,” asi chaizvoizvo iyi inharaunda ine makomo uye inogona bedzi kunzi yezasi pakuenzaniswa nemakomo eJudha ari kumabvazuva.
Tarira mapu yakabatanidzwa inoratidza zvakaita nyika uye cherekedza kuwirirana kweShefera nenyika dzayo dzakapoteredza. Kumabvazuva kune makomo eJudha; kumadokero, bani remhenderekedzo yegungwa reFiristia. Nokudaro, Shefera yaibatira sechinoparadzanisa, mupingo uyo munguva dzeBhaibheri waiparadzanisa vanhu vaMwari nevavengi vavo vakare. Hondo ipi neipi yaivhozhokera ichibva kumadokero yaifanira kupfuura nomuShefera isati yagona kurwisa Jerusarema, dzimbahwe reIsraeri.
Chiitiko chakadaro chakaitika mukati mezana ramakore rechipfumbamwe B.C.E. Mambo Hazaeri weSiria, Bhaibheri rinoshuma kudaro, “wakaenda kundorwa neGati [sezvingabvira iri pamuganhu weShefera], akarikunda, Hazaeri akarinza chiso chake kuenda Jerusarema.” Mambo Jehoashi akakwanisa kumisa Hazaeri, achimupa fufuro yemhatsa yezvinokosha zvaibva kutembere neimba yamambo. Kunyange zvakadaro, nhoroondo iyi inoratidzira kuti Shefera yakanga ichikosha zvikuru kuchengeteko yeJerusarema.—2 Madzimambo 12:17, 18.
Tingawana chidzidzo chinoshanda muna ikoku. Hazaeri aida kukunda Jerusarema, asi pakutanga aifanira kupfuura nemuShefera. Nenzira yakafanana, Satani Dhiyabhorosi ari ku“tsvaka [ku]paradza” vabatiri vaMwari, asi kazhinji kazhinji anofanira kutanga apinda nemuchinoparadzanisa chakasimba—kunamatira kwavo kunheyo dzeBhaibheri, sedziya dzine chokuita nesonganiro dzakashata nekudisa zvenyika. (1 Petro 5:8; 1 VaKorinte 15:33; 1 Timotio 6:10) Kubvumiranisa nheyo dzeBhaibheri nezvisina kufanira kunowanzova nhanho yokutanga yokuita zvivi zvakakomba. Naizvozvo chengeta chinoparadzanisa ichocho chakachengeteka. Tevera nheyo dzeBhaibheri nhasi, uye hausati uchizoputsa mitemo yaMwari mangwana.
Nyika Yemakomo yaJudha
Kupindazve mukati menyika kubva paShefera pane nyika yemakomo yaJudha. Iyi inharaunda yamakomo iyo inobereka zviyo zvakanaka, mafuta emuorivhi, uye waini. Nemhaka yekukwirira kwayo, Judha yakanga iriwo utiziro hwakaisvonaka. Nokudaro, Mambo Jotami akavaka “nhare neshongwe” imomo. Munguva dzenjodzi, vanhu vaigona kutizira kuna idzodzi nokuda kwechengeteko.—2 Makoronike 27:4.
Jerusarema, raidanwawo kuti Zioni, rakanga riri rutivi rwakatanhamara rwenyika yamakomo yaJudha. Jerusarema rairatidzika kuva rakachengeteka sezvo rakanga rakakomberedzwa kumativi matatu nemipata ine mawere, uye kurutivi rwekuchamhembe, maererano nowezvenhau wemuzana ramakore rokutanga Josephus, rakanga rakadzivirirwa nemasvingo matatu. Asi utiziro hunoda zvinopfuura masvingo nezvombo zvokuchengeta chengeteko yahwo. Hunofanirawo kuva nemvura. Iyoyi inokosha mukati mekukombwa, nokuti pasina mvura, vagari vemo vakavharirwa vangazokurumidza kumanikidzwa kutera.
Jerusarema raiwana mugove wemvura muDziva reSiroami. Zvisinei, mukati mezana ramakore rechisere B.C.E., achikarira kukombwa navaAsiria, Mambo Hezekia akavaka masvingo okunze kuti adzivirire Dziva reSiroami, achirivharira mukati meguta. Akamisawo matsime aiva kunze kweguta, kuti vaAsiria vaikomba vaomerwe nokuzviwanira mvura vamene. (2 Makoronike 32:2-5; Isaya 22:11) Hazvisizvo zvoga. Hezekia akawana nzira yokutsaudzira nayo mugove wekuwedzera wemvura kupinda muJerusarema chaimo!
Mune akanzi mabasa makuru euinjiniya enguva dzakare, Hezekia akachera mugero waibva kutsime reGihoni kusvikira kuDziva reSiroami.b Uine avhareji yemamita 1,8 mukukwirira, mugero uyu wakanga wakareba mamita 533. Chimbokufungidzira—mugero wakadokureba hafu yekiromita, wakacherwa mudombo! Nhasi, makore 2 700 gare gare, vashanyi kuJerusarema vanogona kupfuura nomubasa iri rounyanzvi reuinjiniya, rinowanzozivikanwa semugero waHezekia.—2 Madzimambo 20:20; 2 Makoronike 32:30.
Nhamburiko dzaHezekia dzekudzivirira uye dzekuwedzera mugove wemvura weJerusarema dzinogona kutidzidzisa chidzidzo chinoshanda. Jehovha ndiye “tsime remvura mhenyu.” (Jeremia 2:13) Mifungo yake, iyo iri muBhaibheri, inotsigira upenyu. Ndicho chikonzero nei kufunda Bhaibheri semunhu oga kuchikosha. Asi mukana wekufunda, uye zivo inovapo somugumisiro, hazvisati zvichizongouyawo hazvo kwauri. Ungafanira ku‘chera migero,’ zvakadai sekupfurikidza nerudungwe rwako rwakabatikana rwezuva nezuva, kuti uuwane. (Zvirevo 2:1-5; VaEfeso 5:15, 16) Wangovamba bedzi, namatira kurudungwe rwako, uchipa nzvimbo yokutanga zvikuru kufundo yako yemunhu oga. Ngwarira kuti usabvumire munhu upi neupi kana kuti chinhu chipi nechipi kukubira uyu mugove unokosha wemvura.—VaFiripi 1:9, 10.
Nharaunda Dzemarenje
Kumabvazuva kwemakomo eJudha kune Renje reJudha, rinonziwo Jeshimoni, kureva “Renje.” (1 Samueri 23:19, NW, mashoko omuzasi) PaGungwa Remunyu, iyi nharaunda isina chinhu ine mimanimani ine matombo nemawere asina kuti sandara. Richidzika mamita 1 200 mumakiromita 24 chete, Renje reJudha rakadzivirirwa pamhepo dzinotakura mvura dzinobva kumadokero, uye nokudaro rinogamuchira mvura shomanene. Pasina panikiro ndiro renje raipinzwa mbudzi yeAzazeri paZuva Reyananiso regore negore. Ndiko kwakatizira Dhavhidhi achibva kuna Sauro. Kuno Jesu akazvinyima zvokudya kwemazuva 40 uye pashure pezvo akaedzwa naDhiyabhorosi.—Revhitiko 16:21, 22; Pisarema 63, mashoko anorondedzera; Mateo 4:1-11.
Anenge makiromita 160 kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kweRenje reJudha kune Renje reParani. Nzvimbo zhinji dzemisasa yaIsraeri mukati mekufamba kwavo kwemakore 40 vachibva kuEgipita vachienda kuNyika Yakapikirwa dzakanga dziri muno. (Numeri 33:1-49) Mosesi akanyora nezve“renje guru rinotyisa, makanga mune nyoka dzinopenga nezvinyavada, nevhu rakaoma risina mvura.” (Dheuteronomio 8:15) Kunoshamisa kuti mamiriyoni evaIsraeri aigona kurarama! Bva, Jehovha akavatsigira.
Ikoku ngakubatire sechiyeuchidzo chokuti Jehovha anogona kutitsigirawo, kunyange munyika isina chinhu mumudzimu. Hungu, isuwo tinofamba-famba pakati penyoka nezvinyavada, kunyange zvazvo zvisiri chaizvoizvo. Tingafanira kuonana zuva nezuva nevanhu vasingatyi kutaura zvinokuvadza zvingagona kutapura nyore nyore mafungire edu. (VaEfeso 5:3, 4; 1 Timotio 6:20) Avo vanovavarira kubatira Mwari pasinei zvapo nemhinganidzo idzodzi vanofanira kurumbidzwa. Kutendeka kwavo ufakazi hwakasimba hwekuti Jehovha zvirokwazvo ari kuvatsigira.
Makomo eKarmeri
Zita rokuti Karmeri rinoreva “Munda Wemichero.” Iyi nharaunda yakaorera iri kuchamhembe, yakareba makiromita anenge 50, yakashongedzwa neminda yemizambiringa, miorivhi, uye miti yemichero. Nyika yakakwirira yeurwu rwenze rune makomo inokosha nekunaka kwayo. Isaya 35:2 inotaura nezve“ukomba hweKarmeri” sechiratidzo chembiri chokubereka nyika yakadzorerwa yaIsraeri.
Zviitiko zvinokosha zvinoverengeka zvakaitika muKarmeri. Makanga muri muno umo Eria akadenha vaporofita vaBhaari uye kuti “mwoto waJehovha wakaburuka” mukubvumikisa uchangamire Hwake. Uyewo, pakanga pari pamusoro peKarmeri apo Eria akadanira ngwariro kugore duku iro rakava dzvotsvotsvo guru, nokudaro richigumisa nenzira inoshamisa kusanaya kwemvura yakakwana muna Israeri. (1 Madzimambo 18:17-46) Mutsivi waEria, Erisha, akanga ari paGomo reKarmeri apo mukadzi weShunemi akauya achitsvaka betsero yake nokuda kwemwana wake akanga afa, uyo Erisha akamutsa pashure paikoko.—2 Madzimambo 4:8, 20, 25-37.
Materu eKarmeri achine minda yemichero, miorivhi, uye mizambiringa. Mukati mechirimo, materu iwaya anofukidzwa nemaruva akaisvonaka. “Musoro wako pamusoro pako wakafanana neKarmeri,” akadaro Soromoni kumusikana muShuramiti, zvichida achinongedzera kukunaka kwevhudzi rake kana kuti kunzira iyo musoro wake waikwira nayo zvakaisvonaka kubva pamutsipa wake.—Rwiyo rwaSoromoni 7:5.
Kuisvonaka kwakanga kwaratidzirwa nemakomo eKarmeri kunotiyeuchidza nezvekunaka kwomudzimu uko Jehovha akapa sangano rake romuzuva razvino uno ravanamati. (Isaya 35:1, 2) Zvapupu zvaJehovha zvirokwazvo zvinogara muparadhiso yomudzimu, uye zvinobvumirana nemifungo yaMambo Dhavhidhi, uyo akanyora, kuti: “Rwonzi rwokuyera rwakandiyerera nzvimbo dzakanaka; zvirokwazvo, nhaka yangu yakaisvonaka.”—Pisarema 16:6.
Chokwadi, kune denho dzakaoma idzo rudzi rwaMwari rwomudzimu nhasi rwunofanira kutarisana nadzo, kunyange sezvo vaIsraeri vakare vakasangana nechishoro chinopfuurira chaibva kuvavengi vaMwari. Bva, vaKristu vechokwadi havatongorasikirwi nechiono chezvikomborero izvo Jehovha akagovera—kubatanidza chiedza chinowedzera nguva dzose chezvokwadi yeBhaibheri, uhama hwemunyika yose, uye mukana wokuwana upenyu husingaperi muparadhiso yapasi.—Zvirevo 4:18; Johane 3:16; 13:35.
“Somunda waJehovha”
Nyika Yakapikirwa yakare yakanga ichifadza meso. Yakarondedzerwa zvakanaka se“nyika inoyerera mukaka neuchi.” (Genesi 13:10; Eksodho 3:8) Mosesi akaidana kuti “nyika yakanaka, nyika ine hova dzemvura, namatsime, namadziva akadzika, anobuda pamipata napamakomo; nyika ine zviyo, nebhari, nemizambiringa, nemionde, nemitamba; nyika yemiorivhi ina mafuta, nouchi; nyika kwauchadya chingwa, usingashaiwi, kwausingatongoshaiwi chinhu; nyika ine mabwe emhangura, napamakomo ayo uchachera ndarira.”—Dheuteronomio 8:7-9.
Kana Jehovha aigona kugovera nyika yokumusha yakadaro yakapfuma, yakaisvonaka nokuda kwavanhu vake vakare, zvirokwazvo anogona kupa kuvabatiri vake vemuzuva razvino uno vakatendeka paradhiso ine mbiri yakazadza pasi rose—ine makomo, mipata, nzizi, uye nyanza. Hungu, Nyika Yakapikirwa yakare nemhatsa dzayo dzose dzakanga dziri kufanoravirwa chaiko kweparadhiso yomudzimu iyo Zvapupu zvake zvinofarikanya nhasi uye kweParadhiso yemunguva yemberi yenyika itsva. Imomo chipikirwa chakanyorwa paPisarema 37:29 chichazadzikwa: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.” Apo Jehovha anopa musha iwowo weParadhiso kurudzi rwomunhu runoteerera, vachafara sei kunzvera “kamuri” dzayo dzose ndokufanira kuita saizvozvo nokusingaperi!
[Mashoko Omuzasi]
a Sumbu rimwe remazambiringa anobva munharaunda iyi rakanyorwa serairema makirogiramu 12, uye rimwe, raipfuura makirogiramu 20.
b Tsime reGihoni rakanga riri kunze chaiko kwemuganhu wekumabvazuva kweJerusarema. Rakanga rakavanzwa mubako; nokudaro, vaAsiria sezvingabvira havana kuziva nezvekuvapo kwaro.
[Mepu iri papeji 4]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
GARIREA
Gomo reKarmeri
Gungwa reGarirea
SAMARIA
SHEPHELAH
Makomo eJudha
Gungwa reMunyu
[Kwazvakatorwa]
NASA photo
[Mepu iri papeji 4]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Shefera wakanga uri mupingo waiva pakati pavanhu vaMwari nevavengi vavo
MI 0 5 10
KM 0 8 16
Bani reFiristia
Shefera
Nyika Yemakomo yaJudha
Renje reJudha
Mupata Wekutsemuka Kwapasi
Gungwa reMunyu
Nyika yaAmoni naMoabhi
[Mepu/Mufananidzo uri papeji 5]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Mugero waHezekia: wakareba mamita 533, wakacherwa nepadombo rakasimba
Mupata weTyropoen
Siroami
GUTA RADHAVHIDHI
Mupata weKidroni
Gihoni
[Mifananidzo iri papeji 6]
Murenje reJudha, Dhavhidhi akatsvaka utiziro achibva kuna Sauro. Gare gare Jesu akaedzwa naDhiabhorosi muno
[Kwazvakatorwa]
Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.
[Mifananidzo iri papeji 7]
Gomo reKarmeri, umo Eria akanyadzisa vaprofita vaBhaari
[Kwazvakatorwa]
Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.
[Mifananidzo iri papeji 8]
“Jehovha Mwari wako unokupinza munyika yakanaka, nyika ine hova dzemvura, namatsime, namadziva akadzika, anobuda pamipata napamakomo.”—Dheuteronomio 8:7