Tine Chikonzero Chokudanidzira Nokuda Kwomufaro
“Vachawana mufaro nomwoyo muchena, kuchema nokusuwa kuchatiza.”—ISAYA 35:10.
1. Ndivanaani nhasi vane chikonzero chaichoicho chokufara?
SEZVINGABVIRA wakacherekedza kuti vanhu vashomanene vane mufaro chaiwoiwo mazuva ano. Bva, savaKristu vechokwadi, Zvapupu zvaJehovha zvine mufaro. Uye kariro yokuwana mufaro mumwe chetewo iri pamberi chaipo pamamiriyoni okuwedzera achigere kubhapatidzwa, vaduku navakuru, avo vanosonganirana neZvapupu. Idi rokuti zvino uri kurava mashoko aya mumagazini ino rinoratidzira kuti mufaro uyu watova wako kana kuti unogona kuuwana.
2. Mufaro womuKristu unosiyana sei nemumiriro zvawo wezvinhu wavanhu vakawanda zvikurusa?
2 Vanhu vakawanda zvikurusa vanonzwa kuti upenyu hwavo hunoshaiwa chimwe chinhu. Zvakadiniko newe? Chokwadi, ungave usina chinhu chokunyama chiri chose chaungagone kushandisa, zvirokwazvo kwete zvose izvo vapfumi navane simba vanhasi vanazvo. Uye ungada kuva nezvakawanda kana toreva nezveutano hwakanaka nesimba. Kunyange zvazvo zvakadaro, kwakanaka kutaura ikoko apo kunouya kumufaro, wakapfuma zvikuru uye une utano zvikuru kupfuura mabhiriyoni mazhinjisa apasi. Zvakadaro sei?
3. Mashoko api ane revo anofanirwa nengwariro yedu, uye nei?
3 Yeuka mashoko aJesu, okuti: “Zvinhu izvozvi ndakazvitaura kwamuri, kuti mufaro wangu ugare mamuri, nomufaro wenyu uzadzike.” (Johane 15:11) “Mufaro wenyu uzadzike.” Irondedzero yakadini! Kusanofundwa kwakadzama kwemararamire echiKristu kungazivisa zvikonzero zvizhinji zvokuti mufaro wedu uve wakazara. Asi iye zvino, cherekedza mashoko ane revo ari pana Isaya 35:10. Iwaya ane revo nemhaka yokuti ane zvakawanda zvokuita nesu nhasi. Tinorava, kuti: “Vakasunungurwa vaJehovha vachadzoka, vachasvika Zioni vachiimba; mufaro [kusvikira kunguva isingazivikanwi, NW] uchava pamisoro yavo; vachawana mufaro nomwoyo muchena, kuchema nokusuwa kuchatiza.”
4. Rudzii rwomufaro runodudzwa pana Isaya 35:10, uye nei tichifanira kupa ngwariro kuna irworwu?
4 “Mufaro [kusvikira kunguva isingazivikanwi, NW].” Chitsama chamashoko chokuti “[kusvikira kunguva isingazivikanwi, NW]” kushandurwa kwakarurama kweizvo Isaya akanyora muchiHebheru. Asi, sezvinotsigirwa namamwe magwaro, revo iri mundima ino ndi“nokusingaperi.” (Pisarema 45:6; 90:2; Isaya 40:28) Naizvozvo kufara kwacho kuchava kusingagumi, mumamiriro ezvinhu achabvumidza—hungu, acharuramisa—kufara kusingaperi. Ikoko hakunzwiki kuva kunofadza here? Zvichida, kunyange zvakadaro, ndima iyoyo inokuorora setsinhiro pamumiriro wezvinhu wokurondedzera, ichikusiya uchinzwa, kuti: ‘Ikoko hakubatanidze ini chaizvoizvo mupfungwa iyo zvinetso zvangu zvezuva nezuva neitiro hanya zvinoita.’ Asi maidi anobvumikisa zvakasiyana. Chipikirwa chouporofita chiri pana Isaya 35:10 chine revo nokuda kwako nhasi. Kuti uwane kuti sei, ngatinzverei ganhuro iyi yakaisvonaka, pana Isaya 35, tichicherekedza rutivi rumwe norumwe mumashoko akapoteredza. Iva nechokwadi chokuti uchafarikanya zvatinowana.
Vanhu Vaida Kufara
5. Uporofita huri muna Isaya ganhuro 35 hunowanwa mumhoteredzoi?
5 Seyamuro, ngatitarirei mamiriro ezvinhu ekare, mamiriro ezvinhu enhau, nokuda kwouhwu uporofita hunoshamisa. Muporofita wechiHebheru Isaya akahunyora pane imwe nguva munenge muna 732 B.C.E. Iwayo akanga ari makumi amakore hondo dzeBhabhironi dzisati dzaparadza Jerusarema. Sezvinoratidzira Isaya 34:1, 2, Mwari akanga afanotaura kuti akanga achizoratidzira matsive pamarudzi, akadai seEdhomi, anodudzwa pana Isaya 34:6. Sezviri pachena akashandisa vaBhabhironi vakare kuita ikoko. Nenzira yakafanana, Mwari akaita kuti vaBhabhironi vaite Judha dongo nemhaka yokuti vaJudha vakanga vasina kutendeka. Mugumisiro wacho? Vanhu vaMwari vakapinzwa muutapwa, uye nyika yokumusha kwavo yakanga iri dongo kwamakore 70.—2 Makoronike 36:15-21.
6. Musiyanoi uripo pakati pezvaizowira vaEdhomi neizvo zvaizowira vaJudha?
6 Zvisinei, pane musiyano unokosha pakati pavaEdhomi navaJudha. Matsive oumwari pavaEdhomi akanga asingatongogumi; pakupedzisira vakatsakatika serudzi. Hungu, unogona kungoshanyira matongo asina chinhu munzvimbo iyo vaEdhomi vaichimborarama vari, akadai sezvisaririra zvakakurumbira munyika yose zvePetra. Asi nhasi, hakuna rudzi kana kuti vanhu vanogona kuzivikanwa sa‘vaEdhomi.’ Pane rumwe rutivi, kuita Judha dongo kweBhabhironi kwakanga kuchizova kwokusingaperi, kuchisiya nyika isingafari nokusingagumi here?
7. VaJudha vakanga vari muutapwa muBhabhironi vangava vakapindura sei Isaya ganhuro 35?
7 Pano uporofita hunoshamisa huri muna Isaya ganhuro 35 hune revo inofadza. Hungagona kunzi uporofita hwokudzorerwa, nokuti hwakava nezadziko yahwo yokutanga apo vaJudha vakadzokera kunyika yokumusha kwavo muna 537 B.C.E. VaIsraeri vakanga vave vari nhapwa muBhabhironi vakapiwa rusununguko rwokudzokera kunyika yokumusha kwavo. (Ezra 1:1-11) Bva, kusvikira ikoko kwaitika vaJudha vakanga vari nhapwa muBhabhironi avo vakarangarira uhwu uporofita hwoumwari vangava vakashamisika kuti rudzii rwamamiriro ezvinhu rwavaizowana munyika yokumusha kwavo yorudzi, Judha. Uye ivo vamene vaizova vari mumamiriro ezvinhu akadini? Mhinduro dzacho dzinotsigira zvakananga chikonzero nei tine chikonzero chokudanidzira nokuda kwomufaro. Ngationei.
8. Mamiriroi ezvinhu ayo vaJudha vaizowana pakudzokera vachibva kuBhabhironi? (Enzanisa naEzekieri 19:3-6; Hosea 13:8.)
8 Mamiriro ezvinhu zvirokwazvo aisazoratidzika kuva anokurudzira kuvaJudha kunyange apo vakanzwa kuti vaigona kudzokera kunyika yokumusha kwavo. Nyika yavo yakanga yava dongo kwamakumi manomwe amakore, nduramo yose. Chii chakanga chaitika kunyika yacho? Minda ipi neipi yakarimwa, minda yemizambiringa, kana kuti minda yemichero ingave yakanga yava renje. Minda kana kuti nzvimbo dzaidiridzwa dzingava dzakanga dzaderera kuva nzvimbo dzisina chinhu dzinopisa kana kuti gwenga. (Isaya 24:1, 4; 33:9; Ezekieri 6:14) Fungawo nezvemhuka dzesango dzakawanda. Idzodzi dzaizobatanidza dzinodya nyama, dzakadai seshumba nembada. (1 Madzimambo 13:24-28; 2 Madzimambo 17:25, 26; Rwiyo rwaSoromoni 4:8) Vaisagonawo kufuratira mapere, ayo aiva nesimba rokuparadza murume, mukadzi, kana kuti mwana. (1 Samueri 17:34-37; 2 Madzimambo 2:24; Zvirevo 17:12) Uye hatitongodudzi mvumbi nedzimwe nyoka dzine uturu, kana kuti marize. (Genesi 49:17; Dheuteronomio 32:33; Jobho 20:16; Pisarema 58:4; 140:3; Ruka 10:19) Kudai wakanga una vaJudha vaidzokera vachibva kuBhabhironi muna 537 B.C.E., sezvinobvira waizodai wakazengurira kufamba-famba munharaunda yakadaro. Yakanga isiri paradhiso apo vakasvika.
9. Vadzoki vaiva nechikonzeroi chehwaro hwetariro nechivimbo?
9 Zvisinei, Jehovha amene akanga atungamirira vanamati vake kumusha, uye ane simba rokuchinja mumiriro wezvinhu wokuva dongo. Haudaviri ikoku nezveMusiki here? (Jobho 42:2; Jeremia 32:17, 21, 27, 37, 41) Naizvozvo chii chaaizoita—chii chaakaita—nokuda kwavaJudha vaidzoka uye nokuda kwenyika yavo? Ikoko kune tapuroi pavanhu vaMwari munguva dzazvino uno uye pamamiriro ako ezvinhu—azvino uye eramangwana? Kutanga ngationei chakaitika shure panguva iyoyo.
Kufarira Mamiriro Ezvinhu Akachinjwa
10. Ichinjoi iyo Isaya 35:1, 2 akafanotaura?
10 Chii chaizoitika apo Koreshi akabvumira vaJudha kudzokera kunyika iyoyo yaityisa? Rava uporofita hunofadza huri pana Isaya 35:1, 2: “Renje nenyika yakaoma zvichafara; sango richafara kwazvo, richatumbuka seruva. Richatumbuka zvizhinji, nokufara kwazvo nomufaro nokuimba; richapiwa kunaka kukuru kweRebhanoni, noukomba hweKarmeri neSharoni; vachaona kunaka kukuru kwaJehovha, ihwo ukomba hwaMwari wedu.”
11. Isaya akashandisa zivoi yenyika yacho?
11 Munguva dzeBhaibheri, Rebhanoni, Karmeri, uye Sharoni dzaizivikanwa nokuda kwokunaka kwadzo kwakasvibira. (1 Makoronike 5:16; 27:29; 2 Makoronike 26:10; Rwiyo rwaSoromoni 2:1; 4:15; Hosea 14:5-7) Isaya akashandisa mienzaniso iyoyo kuti arondedzere zvaizova zvakaita nyika yakashandurwa, nebetsero yaMwari. Asi iyi yakanga ichizova tapuro pavhuwo zvaro here? Zvirokwazvo kwete!
12. Nei tichigona kutaura kuti uporofita huri muna Isaya ganhuro 35 hunoreva vanhu?
12 Isaya 35:2 inotaura nezvenyika ichiva “nokufara kwazvo nomufaro nokuimba.” Tinoziva kuti ivhu nemiti zvakanga zvisinga“far[i] kwazvo nomufaro” chaizvoizvo. Bva, kushandurwa kwazvo kuva zvakaorera uye zvinobereka kwaigona kuparira vanhu kunzwa nenzira iyoyo. (Revhitiko 23:37-40; Dheuteronomio 16:15; Pisarema 126:5, 6; Isaya 16:10; Jeremia 25:30; 48:33) Chinjo chaidzoidzo munyika yacho imene dzaizowirirana nechinjo muvanhu, nokuti vanhu ndivo vairehwa nouporofita uhwu. Nokudaro, tine chikonzero chokunzwisisa mashoko ebhuku raIsaya seari kunangidzira ngwariro zvikurukuru pachinjo muvadzoki vechiJudha, zvikurukuru kufara kwavo.
13, 14. Ichinjoi muvanhu iyo Isaya 35:3, 4 akafanotaura?
13 Nenzira inowirirana, ngatinzverei zvikuru nezveuporofita uhwu hunonyandura kuti tione kuti hwakazadzika sei pashure pokusunungurwa kwavaJudha nokudzokera vachibva kuBhabhironi. Mundima 3 ne4, Isaya anotaura nezvedzimwe chinjo muvadzoki ivavo: “Simbisai maoko asina simba, mutsigire mabvi anodedera. Itiyi kuna vane mwoyo inotya: Simbai, musatya! Tarirai, Mwari wenyu uchauya nokutsiva, nokuripira kwaMwari; uchauya achikuponesai.”
14 Hakusimbise here kufunga kuti Mwari wedu, uyo aigona kuchinja mumiriro wezvinhu wokuva dongo wepasi, anofarira kwazvo vanamati vake? Aisada kuti vaJudha vakanga vakatapwa vanzwe vasina simba, vaodzwa mwoyo, kana kuti vachifunganya pamusoro peramangwana. (VaHebheru 12:12) Funga nezvemamiriro ezvinhu enhapwa idzodzo dzechiJudha. Kunze kwetariro yavaigona kuwana muuporofita hwaMwari pamusoro peramangwana ravo, kungadai kwakavaomera kuva vane tariro. Kwakanga kwakaita sokunge kuti vakanga vari mutorongo rapasi rine rima, vasina kusununguka kufamba-famba uye kuva vanoshingaira mukubatira Jehovha. Kungavawo kwakasanoratidzika kwavari sokunge kuti kwakanga kusina chiedza kumberi kwavo.—Enzanisa naDheuteronomio 28:29; Isaya 59:10.
15, 16. (a) Chii chatingagumisa icho Jehovha akaitira vadzoki? (b) Nei vadzoki vaizove vasina kuve vakakarira kuporeswa mumuviri kunoshamisa, asi Mwari akaitei maererano naIsaya 35:5, 6?
15 Ikoko kwakachinja sei, kunyange zvazvo zvakadaro, apo Jehovha akaita kuti Koreshi avasunungure kuti vadzokere kumusha! Hapana ufakazi hwomuBhaibheri hwokuti Mwari nenzira inoshamisa akazarura maziso api naapi asingaoni avaJudha vaidzokera, kuti akadziura nzeve dzematsi dzipi nedzipi, kana kuti kurapa zvirema zvipi nezvipi kana kuti mitezo yomuviri yakanga isipo. Zvisinei, akaita chaizvoizvo chimwe chinhu chakaisvonaka zvikuru. Akavadzorera kuchiedza nerusununguko zvenyika yavo yaidiwa.
16 Hapana chinoratidza kuti vadzoki vaikarira Jehovha kurapa kwokunyama kwakadaro kunoshamisa. Vanofanira kuva vakaziva kuti Mwari akanga asina kuita saizvozvo naIsaka, Samsoni, kana kuti Eri. (Genesi 27:1; Vatongi 16:21, 26-30; 1 Samueri 3:2-8; 4:15) Asi kudai vaikarira kuchinjwa kwoumwari kwomumiriro wavo wezvinhu nenzira yokufananidzira, havana kuodzwa mwoyo. Zvirokwazvo mupfungwa yokufananidzira, ndima 5 ne6 dzakazadzikwa chaizvoizvo. Isaya nenzira yakarurama akafanotaura, kuti: “Ipapo meso amapofu achasvinudzwa, nenzeve dzematsi dzichadziurwa. Ipapo unokamhina uchakwakuka senondo, rurimi rwembeveve ruchaimba.”
Kuita Kuti Nyika Ifanane neParadhiso
17. Ichinjoi dzinooneka idzo Jehovha sezviri pachena akaparira?
17 Vadzoki ivavo vaizofanira zvirokwazvo kuva vakava nechikonzero chokudanidzira nokuda kwomufaro pamusoro pemamiriro ezvinhu akadai seayo Isaya akapfuurira kurondedzera: “Nokuti mvura zhinji ichadzutuka murenje, nehova dzemvura musango. Jecha, rinopisa, richashanduka dziva, nevhu, rine nyota, zvitubu zvemvura; paugaro hwamakava, paaivata, pachava nouswa, netsanga nenhokwe.” (Isaya 35:6b, 7) Kunyange zvazvo tingasakuona munharaunda yose iyoyo nhasi, ufakazi hunokarakadza kuti nharaunda yaiva Judha yaichimbova “paradhiso yemafuro.”a
18. Vadzoki vechiJudha sezvingabvira vaizova vakaita sei kuzvikomborero zvaMwari?
18 Nezvezvisakiso zvomufaro, funga nezvenzira iyo vakasarira vechiJudha vanofanira kuva vakanzwa nayo apo vakadzoserwa kuNyika Yakapikirwa! Vaikwanisa kutora nyika yakanga isina chinhu, yaigarwa namakava nedzimwe mhuka dzakadaro, uye kuishandura. Ungadai usina kuwana mufaro mukuita basa iroro rokudzorera here, zvikurukuru kudai wakanga uchiziva kuti Mwari akanga achikomborera nhamburiko dzako?
19. Mupfungwai umo kudzokera kubva muutapwa hweBhabhironi kwaitsamira pamamiriro ezvinhu?
19 Kwakanga kusina kudaro, zvisinei, kuti nhapwa ipi neipi yechiJudha iri yose zvayo yaiva muBhabhironi yaigona kana kuti yakadzokera kuti igoverane mukushandura ikoko kwaifadza. Mwari akaisa mipimo. Hakuna munhu akanga akashatiswa nemiitiro yorudzidziso yeBhabhironi, yavaHedheni aiva nekodzero yokudzokera. (Dhanieri 5:1, 4, 22, 23; Isaya 52:11) Hakunawo upi noupi aigona kudzokera akanga akazvipira nenzira youfuza kunzira isiri yokuchenjera. Vanhu vose vakadaro vakaitwa kuti vasakwanirise. Pane rumwe rutivi, avo vaisvitsa zvinodikanwa zvaMwari, avo airangarira savatsvene mupfungwa isina kukwana, vaigona kudzokera kuJudha. Vaigona kufamba sokunge kuti vaiva muNzira Youtsvene. Isaya akajekesa ikoko mundima 8, kuti: “Pachava nomugwagwa, nenzira, ichanzi, Nzira youtsvene; une tsvina haangafambi nayo, asi ichava yavo; vanofamba nayo, kunyange ari mapenzi, havangarashiki.”
20. Chii chaisafanira kutya vaJudha sezvavakadzokera, kuchiguma nechii?
20 VaJudha vaidzokera vaisafanira kutya denho ipi neipi yaibva kuvanhu vakaita semhuka kana kuti mapoka amakororo. Nei? Nemhaka yokuti Jehovha aisazobvumira vakadaro kuva muNzira navanhu vakadzikinurwa. Naizvozvo vaigona kufamba netariro inofadza, nekariro dzinofadza. Cherekedza nzira iyo Isaya akarondedzera nayo ikoko mukugumisa uporofita uhwu: “Hapangavi neshumba, kunyange nechikara hachingafambipo; hazvingawanikwipo, asi vakadzikinurwa ndivo vachafambapo; vakasunungurwa vaJehovha vachadzoka, vachasvika Zioni vachiimba; mufaro usingaperi uchava pamisoro yavo; vachawana mufaro nomwoyo muchena, kuchema nokusuwa kuchatiza.”—Isaya 35:9, 10.
21. Nhasi tinofanira kutarira sei kuzadzikwa kwaIsaya ganhuro 35 uko kwakatoitika?
21 Mufananidzo wakadini wouporofita watinawo pano! Hatifaniri, kunyange zvazvo zvakadaro, kurangarira iwoyu sounobata nenhauwo zvayo yomunguva yakapfuura, sokunge kuti ingano yakaisvonaka ine zvishoma zvokuita nemamiriro edu ezvinhu kana kuti ramangwana redu. Idi nderekuti uporofita uhwu hunozadzika zvinoshamisa nhasi pakati pavanhu vaMwari, naizvozvo hunobatanidza zvirokwazvo mumwe nomumwe wedu. Unotigovera chikonzero chakanaka chokudanidzira nokuda kwomufaro. Mativi aya anobatanidza upenyu hwako zvino uye mune ramangwana anobatwa munyaya inotevera.
[Mashoko Omuzasi]
a Mukufunda kwake nharaunda yacho, anonzvera zvirimwa Walter C. Lowdermilk (achimirira U.N. Food and Agriculture Organization) akagumisa, kuti: “Nyika iyi yaichimbova paradhiso yamafuro.” Akaratidzirawo kuti mamiriro okunze ikoko haana kuchinja zvikuru “kubva panguva dzeRoma,” uye “‘renje’ rakatsiva nyika yaichimbova yakapfuma rakanga riri basa romunhu, kwete chisiko.”
Unoyeuka Here?
◻ Isaya ganhuro 35 rakazadzika kekutanga rini?
◻ Itapuroi iyo zadziko yokutanga youporofita hwacho yaizoparira?
◻ Jehovha akazadzika sei Isaya 35:5, 6?
◻ Ichinjoi munyika uye mumamiriro avo ezvinhu idzo vadzoki vechiJudha vakawana?
[Mufananidzo uri papeji 9]
Matongo ePetra, munharaunda yaichimborarama vaEdhomi
[Kwazvakatorwa]
Garo Nalbandian
[Mifananidzo iri papeji 10]
VaJudha vari muutapwa, ruzhinji rweJudha rwakava serenje, rakazara nezvikara zvinotyisa zvakadai semapere neshumba
[Kwazvakatorwa]
Garo Nalbandian
Bere neShumba: Safari-Zoo of Ramat-Gan, Tel Aviv